VaFiripi 2

Kutevedzera Kuzvininipisa kwaKristu

1 Kana muine kurudziro inobva pakubata naKristu, kana paine kunyaradza kunobva parudo rwake, kana pano kuwadzana noMweya, kana paino unyoro netsitsi,

2 ipapo itai kuti mufaro wangu uzare nokuva nomurangariro wakadaro, muine rudo rumwe chete, muri vamwe mumweya nechinangwa.

3 Musaita chinhu nomwoyo wokuchiva kana kuzvikudza, asi mukuzvininipisa muchionawo vamwe kuti vari nani kupfuura imi.

4 Mumwe nomumwe wenyu ngaarege kungotsvaka zvake, asi zvavamwewo.

5 Kufunga kwenyu ngakuve sokwaKristu Jesu:

6 Uyo, kunyange aiva Mwari chaiye,

haana kufunga kuti kuenzana naMwari chinhu chingabatisiswa,

7 asi akazviita chinhu pasina,

akatora chimiro chomuranda chaiye,

akaitwa somunhu.

8 Uye akati awanikwa ane chimiro chomunhu,

akazvininipisa uye akateerera kusvikira pakufa,

kunyange rufu pamuchinjikwa.

9 Naizvozvo Mwari akamukudza panzvimbo yapamusoro-soro,

uye akamupa zita riri pamusoro pamazita ose,

10 kuti muzita raJesu mabvi ose apfugame,

mudenga napanyika uye napasi penyika,

11 uye ndimi dzose dzipupure kuti Jesu Kristu ndiye She,

kuti Mwari Baba vakudzwe.

Kupenya seNyeredzi

12 Naizvozvo, shamwari dzangu dzinodiwa, sezvamunogara muchiteerera, kwete ndiripo bedzi, asi zvino zvikuru ndisipo, rambai muchishandira ruponeso rwenyu nokutya nokudedera,

13 nokuti ndiMwari anoshanda mukati menyu kuti mude uye muite maererano nokuda kwake kwakanaka.

14 Itai zvose musinganyunyuti kana kukakavara,

15 kuitira kuti mugova vasina chavangapomerwa uye vakachena, vana vaMwari vasina mhosva murudzi urwu rwakakombama uye rwakatsauka, rwamunovhenekera senyeredzi munyika

16 sezvamunobatirira pashoko roupenyu, kuitira kuti ndigozvirumbidza pazuva raKristu uye kuti handina kumhanya kana kushanda pasina.

17 Asi kunyange dai ndadururwa hangu sechipiriso chinonwiwa pamusoro pechibayiro noushumiri hunobva pakutenda kwenyu, ndinofara uye ndinofarisisa nemi mose.

18 Saka nemiwo munofanira kufara nokufarisisa neni.

Timoti naEpafrodhito

19 Ndine tariro muna Ishe Jesu kuti nditume Timoti kwamuri nokukurumidza, kuti neniwo ndifare pandichanzwa mashoko pamusoro penyu.

20 Handina mumwe akaita saye, ane hanya kwazvo nokugara kwenyu kwakanaka.

21 Nokuti munhu wose anozvitsvakira zvake, zvisati zviri zvaJesu Kristu.

22 Asi munoziva kuti Timoti akaratidza kutendeka kwake, nokuti somwanakomana ana baba vake akashanda neni mubasa revhangeri.

23 Naizvozvo, ndine tariro yokuti ndimutume nokukurumidza kana ndaona kuti zvinhu zvinondifambira sei.

24 Ndinovimba muna She kuti ini pachangu ndichauya nokukurumidza.

25 Asi ndinofunga kuti zvakafanira kuti nditumirezve kwamuri Epafrodhito, hama yangu, mubati pamwe chete neni uye murwi pamwe chete neni, iye nhume yenyuwo, wamakatuma kuti azoona nezvokushayiwa kwangu.

26 Nokuti anokushuvai mose uye ari kutambudzika nokuti makanzwa kuti akanga achirwara.

27 Zvechokwadi akanga achirwara, uye akapotsa afa. Asi Mwari akava nengoni naye, uye kwete kwaari oga asi kwandiriwo, kuti ndirege kuva nokusuwa pamusoro pokusuwa.

28 Naizvozvo ndinoshinga kwazvo kuti ndimutume, kuti pamunomuonazve mugofara uye ini ndive nokufunganya kushoma.

29 Mugamuchirei muna She nomufaro mukuru, uye mukudze munhu akaita saiyeye,

30 nokuti akapotsa afa nokuda kwebasa raKristu, akaisa upenyu hwake pangozi kuti akwanise kubatsira kwamakanga musingagoni kundiitira imi.

Leave a comment

Your email address will not be published. Required fields are marked *

5 × 2 =