VaFiripi 4

1 Naizvozvo, hama dzangu, iyemi vandinoda uye vandinoshuva, mufaro wangu nekorona yangu, ndiko kuti mumire nesimba muna She, hama dzinodiwa!

Kurudziro

2 Ndinokumbira zvikuru kuna Yudhia uyewo ndinokumbira zvikuru Sindike kuti vatenderane muna She.

3 Hongu, uye ndinokukumbira iwe wakatendeka musungwa pamwe chete neni pajoko, batsira vakadzi ava vakarwa pamwe chete neni mubasa revhangeri, pamwe chete naKiremendi uye navamwe vose vakabata basa pamwe chete neni, mazita avo ari mubhuku roupenyu.

4 Farai muna She nguva dzose. Ndichapamhidzazve: Farai!

5 Unyoro hwenyu ngahuonekwe kuna vose. Ishe ari pedyo.

6 Musafunganya pamusoro pechimwe chinhu, asi muzvinhu zvose, nomunyengetero uye nomukumbiro, nokuvonga, isai zvikumbiro kuna Mwari.

7 Uye rugare rwaMwari, runopfuura kunzwisisa kwose, rucharinda mwoyo yenyu nemifungo yenyu muna Kristu Jesu.

8 Pakupedzisira hama, zvose zvechokwadi, zvose zvinokudzwa, zvose zvakarurama, zvose zvakachena, zvose zvinodikanwa, zvose zvinoyevedza, kana paine chinhu chakaisvonaka kana chinorumbidzwa, fungai pamusoro pezvinhu izvi zvakadai.

9 Zvipi zvazvo zvamakadzidza kana zvamakagamuchira kana zvamakanzwa kubva kwandiri, kana zvamakaona mandiri, itai izvozvo. Uye Mwari worugare ngaave nemi.

Anovonga Zvipo Zvavo

10 Ndinofara zvikuru muna She kuti pakupedzisira makavandudza hanya yenyu nokuda kwangu. Zvirokwazvo, makanga mune hanya henyu, asi makanga musina mukana wokuti muzviratidze.

11 Handirevi izvi nokuda kwokuti ndinoshayiwa, nokuti ndakadzidza kugutsikana nezvinenge zviripo.

12 Ndinoziva kuti kushayiwa chii, uye ndinoziva kuva nezvakawanda. Ndakadzidza chakavanzika chokugutsikana mune zvipi zvazvo uye mumamiriro ose zvawo, kungava kuguta kana kunzwa nzara, kana kuva nezvakawanda kana kushayiwa.

13 Ndinogona kuita zvinhu zvose kubudikidza naiye anondipa simba.

14 Asi makaita zvakanaka kuti makagovana neni mumatambudziko angu.

15 Pamusoro paizvozvo, sezvamunoziva imi vaFiripi, pamazuva enyu okutanga kundiziva nevhangeri, pandakasimuka kubva kuMasedhonia, hakuna kereke yakagovana neni panyaya yokupa nokugamuchira, kunze kwenyu chete;

16 nokuti kunyange pandakanga ndiri muTesaronika, makanditumira rubatsirozve uye mukapamha pandainge ndiri pakushayiwa.

17 Handirevi kuti ndinotsvaka chipo, asi ndinotsvaka izvo zvamungazopfumiswa nazvo.

18 Ndakagamuchira mubayiro uzere uye kunyange zvizhinji; ndava nezvakakwana, zvino zvandagamuchira kubva kuna Epafrodhito chipo chamakanditumira. Zvakaita sechipiriso chinonhuwira, chibayiro chakafanira, chinofadza Mwari.

19 Uye Mwari wangu achazadzisa zvamunoshayiwa zvose maererano nokubwinya kwepfuma yake muna Kristu Jesu.

20 Mwari naBaba vedu ngaave nokubwinya nokusingaperi-peri. Ameni.

Mashoko Okupedzisira

21 Kwazisai vatsvene vose muna Kristu Jesu. Hama dzandinadzo dzinokukwazisai.

22 Vatsvene vose vanokukwazisai, kunyanya avo veimba yaKesari.

23 Nyasha dzaIshe Jesu Kristu ngadzive nomweya wenyu. Ameni.

Leave a comment

Your email address will not be published. Required fields are marked *

2 + 13 =