VaGaratia 2

Pauro anogamuchirwa naVapostori

1 Mushure mamakore gumi namana ndakakwirazve kuJerusarema, panguva iyi ndakanga ndina Bhanabhasi. Ndakaendawo naTito.

2 Ndakaenda nokuda kwokuzarurirwa uye ndikarondedzera pamberi pavo vhangeri randakaparidza pakati pavaHedheni. Asi ndakaita izvi kuna avo vakanga vari vatungamiri vari voga, nokuti ndaitya kuti ndakanga ndichimhanya kana kuti ndatomhanya nhangemutange yangu pasina.

3 Asi kunyange naTito, akanga aneni, haana kumanikidzwa kuti adzingiswe, kunyange zvazvo akanga ari muGiriki.

4 Nyaya iyi yakamutswa nokuda kwedzimwe hama dzenhema dzakanga dzapinda munzvimbo dzedu kuti vazosora rusununguko rwatinarwo muna Kristu Jesu uye kuti vagotiita nhapwa.

5 Hatina kuvapa mukana napaduku, kuitira kuti chokwadi chevhangeri chigare mamuri.

6 Kana vari vaya vanonzi vanoremekedzwa, hazvinei kuti vakanga vakadii kwandiri hazvina mutsauko; Mwari haatongi nezvinoonekwa zvokunze, varume ivavo havana chavakawedzera pashoko rangu.

7 Zvisinei hazvo, vakaona kuti ndakapiwa basa rokuparidza vhangeri kuvaHedheni, sezvakaitwawo Petro kuvaJudha.

8 Nokuti Mwari, iye akanga achishanda muushumiri hwaPetro somupostori kuvaJudha, akanga achishandawo muushumiri hwangu somupostori kuvaHedheni.

9 Jakobho, Petro, naJohani, ivo vainzi mbiru, vakandimbunda ini naBhanabhasi noruoko rworudyi rwokuwadzana pavakaona nyasha dzandakanga ndapiwa. Vakabvuma kuti tinofanira kuenda kuvaHedheni, uye ivo vaende kuvaJudha.

10 Zvavakangokumbira zvakanga zviri zvokuti isu tirambe tichirangarira varombo, chinova ndicho chinhu chandaidisa kuita.

Pauro anotsoropodza Petro

11 Petro akati asvika kuAndioki, ndakamutsoropodza pachena, nokuti akanga akanganisa zviri pachena.

12 Vamwe varume vakabva kuna Jakobho vasati vasvika, akanga achimbodya navaHedheni. Asi pavakasvika, akatanga kusuduruka uye akazvitsaura kubva kuvaHedheni nokuti akanga achitya vaya vakanga vari veboka rokudzingiswa.

13 Vamwe vaJudha vakabatana naye pakunyengera kwake, zvokuti nokunyengera kwavo, naBhanabhasi akanga atsauswawo.

14 Ndakati ndaona kuti vakanga vasingafambi muchokwadi chevhangeri, ndakati kuna Petro pamberi pavo vose, “Iwe uri muJudha, asi unoda kurarama somuHedheni, kwete somuJudha. Seiko, zvino, uchimanikidza vaHedheni kuti vatevere tsika dzechiJudha?

15 “Isu tiri vaJudha pakuzvarwa uye hatisi vatadzi ve‘chiHedheni’

16 uye tinoziva kuti munhu haashayirwi mhosva nokuchengeta murayiro, asi nokutenda muna Jesu Kristu. Saka nesuwo, takaisa kutenda kwedu muna Kristu Jesu kuti tishayirwe mhosva nokutenda muna Kristu, uye kwete nokuchengeta murayiro, nokuti hakuna munhu achashayirwa mhosva nokuchengeta murayiro.

17 “Kana tichitsvaka kuti tishayirwe mhosva muna Kristu, zvikazoonekwa kuti isu pachedu tiri vatadzi, zvinoreva here kuti Kristu anosimudzira chivi? Kwete napaduku!

18 Kana ndikavakazve chandakamboputsa, ndinoratidza kuti ndiri mudariki womurayiro.

19 Nokuti kubudikidza nomurayiro ndakafa kumurayiro kuitira kuti ndiraramire Mwari.

20 Ndakarovererwa pamwe chete naKristu uye handichisiri ini ndinorarama, asi Kristu anorarama mandiri. Kurarama kwandinako munyama, ndinorarama nokutenda muMwanakomana waMwari, akandida uye akazvipa nokuda kwangu.

21 Handikonesi nyasha dzaMwari, nokuti kana kururama kuchigona kuwanikwa nomurayiro, Kristu akafira pasina!”

Leave a comment

Your email address will not be published. Required fields are marked *

1 + 8 =