Kristu mukuru kuVatumwa
1 Kare, Mwari akataura kumadzitateguru edu kubudikidza navaprofita panguva zhinji, uye nenzira dzakasiyana-siyana,
2 asi mumazuva ano okupedzisira akataura kwatiri nomuMwanakomana wake, waakaita mudyi wenhaka yezvinhu zvose, uye naiyewo waakaita naye nyika.
3 Mwanakomana ndiye chadzera chokubwinya kwaMwari uye ndiye mufananidzo wake chaiwo, anochengeta zvinhu zvose neshoko rake rine simba. Mushure mokunge apedza kunatswa kwezvivi, akagara kurudyi rwamambo kudenga.
4 Saka akava mukuru kupfuura vatumwa sezvo zita raakapiwa nhaka yaro rakanyanya kunaka kupfuura ravo.
5 Nokuti ndoupi pakati pavatumwa,
Mwari waakamboti kwaari:
“Ndiwe Mwanakomana wangu; nhasi ndava baba vako?”
kana kutizve,
“Ndichava Baba vake,
naiye achava Mwanakomana wangu?”
6 Uyezve, Mwari paanouyisa dangwe rake munyika, anoti:
“Vatumwa vose vaMwari ngavamunamate.”
7 Achitaura pamusoro pavatumwa anoti:
“Anoita vatumwa vake mhepo,
varanda vake mirazvo yomoto.”
8 Asi pamusoro poMwanakomana anoti:
“Chigaro chenyu choushe, imi Mwari, chichagara nokusingaperi-peri,
uye kururama kuchava tsvimbo youshe hwenyu.
9 Makada kururama uye mukavenga kusarurama;
naizvozvo Mwari, Mwari wenyu,
akakuisai pamusoro peshamwari dzenyu nokukuzodzai namafuta okufara.”
10 Anotizve:
“Pakutanga, imi Ishe, makateya nheyo dzenyika,
uye matenga ndiwo basa ramaoko enyu.
11 Zvichaparara, asi imi mucharamba muripo;
zvichasakara zvose senguo.
12 Muchazvipeta sejasi;
senguo zvichashandurwa.
Asi imi munoramba makadaro,
uye makore enyu haatongogumi.”
13 Ndoupi pakati pavatumwa Mwari waakamboti kwaari:
“Gara kurudyi rwangu kusvikira ndaita vavengi vako chitsiko chetsoka dzako”?
14 Ko, vatumwa vose havazi mweya inoshumira yakatumwa kuzobatsira vaya vachadya nhaka yoruponeso here?