VaKorose 4

1 Vatenzi, ipai varanda venyu zvinhu zvakanaka uye zvakaenzana, nokuti munozviziva kuti nemiwo muna vaTenzi kudenga.

Kumwe Kurayira

2 Muzvipire pakunyengetera, makanyatsorinda uye muchivonga.

3 Uye mutinyengetererewo kuti Mwari azarure mukova weshoko redu, kuitira kuti tigoparidza chakavanzika chaKristu, icho chandakasungirwa.

4 Nyengeterai kuti ndigone kuparidza zvakajeka, sezvandinofanira.

5 Muve vakachenjera pamafambiro enyu kuna vari kunze; mungwarire nguva yenyu.

6 Kutaura kwenyu ngakugare kwakazara nenyasha nguva dzose, kwakarungwa nomunyu, kuitira kuti muzive mapinduriro amunoita vanhu vose.

Mashoko Okupedzisira

7 Tikiko achakuudzai mashoko ose pamusoro pangu. Iye ihama inodikanwa kwazvo, mushumiri akatendeka nomushandi pamwe chete neni muna She.

8 Ndiri kumutuma kwamuri nechinangwa ichi kuti muzive zvatiri uye kuti akurudzire mwoyo yenyu.

9 Ari kuuya pamwe chete naOnesimo, hama yedu yakatendeka uye inodikanwa, anova mumwe wenyu. Vachakuudzai zvose zviri kuitika kuno.

10 Musungwa pamwe chete neni Aristakusi anokukwazisai, naMako, hama yaBhanabhasi anokukwazisaiwo. (Makarayirwa zvokuita naye; kana asvika kwamuri, mumugamuchire.)

11 Jesu anonzi Jasitasi, anokukwazisaiwo. Ava ndivo vaJudha bedzi pakati pavamwe vandinoshanda navo muumambo hwaMwari, uye vanondinyaradza.

12 Epafurasi, mumwe wenyu nomuranda waKristu Jesu, anokukwazisai. Anogara achirwa muminyengetero nokuda kwenyu, kuti mumire makasimba mukuda kwose kwaMwari, makura uye muzere nokuziva.

13 Ndinomupupurira kuti anokushandirai nesimba pamwe chete naavo vari paRaodhikea, napaHirapori.

14 Shamwari yedu inodikanwa Ruka, chiremba, naDhemasi vanokukwazisai.

15 Ndikwazisirei hama dziri paRaodhikea, naNimufa nekereke iri mumba make.

16 Mushure mokuverengwa kwetsamba kwamuri, muone kuti yaverengwawo mukereke yeRaodhikea uye kuti nemiwo muverenge tsamba inobva kuRaodhikea.

17 Muudze Akipasi kuti, “Ona kuti wapedza basa rawakagamuchira muna She.”

18 Ini, Pauro ndanyora kwaziso iyi noruoko rwangu pachangu. Rangarirai ngetani dzangu. Nyasha ngadzive nemi.

Leave a comment

Your email address will not be published. Required fields are marked *

three + five =