VaRoma 3

Kutendeka kwaMwari

1 Ko, muJudha anopfuura vamwe pakudii, uye kudzingiswa kunobatsireiko?

2 Zvizhinji nemitowo yose! Pakutanga, ndivo vakapiwa mashoko aMwari chaiwo.

3 Ko, kana vamwe vasina kutenda? Kusatenda kwavo kungakonesa kutendeka kwaMwari here?

4 Kwete, kwete! Mwari ngaave wechokwadi, asi vanhu vose vave venhema. Sezvazvakanyorwa zvichinzi:

“Kuitira kuti munzi makarurama pamunotaura,

uye mukunde pakutonga kwenyu.”

5 Asi kana kusarurama kwedu kuchiratidza kururama kwaMwari zvinonyatsoonekwa, tichatiiko? Kuti Mwari haana kururama here kana achiisa hasha dzake pamusoro pedu? (Ndiri kutaura namatauriro avanhu).

6 Kwete kwete! Dai zvanga zviri izvo, Mwari aizotonga nyika seiko?

7 Mumwe anogona kuti, “zvino kana nhema dzangu dzichiita kuti chokwadi chaMwari chionekwe uye zvichizowedzera kukudzwa kwake, ko, sei ndichizotongwa somutadzi?”

8 Ticharegerereiko kutaura sezvatinopomerwa, uye sezvinoreva vamwe vachiti tinoti, “Ngatiitei zvakaipa kuti zvakanaka zvibudepo”? Kutongwa kwavo kwakavafanira.

Hakuna kana mumwe akarurama

9 Zvino tichatiiko? Tinovapfuura here? Kwete napaduku pose! Nokuti tambopa vose mhosva vaJudha navaHedheni yokuva pasi pechivi.

10 Sezvazvakanyorwa zvichinzi:

“Hakuna akarurama, kunyange nomumwe;

11 hakuna anonzwisisa,

hakuna anotsvaka Mwari.

12 Vose vakatsauka,

vose pamwe chete vakava vasina maturo;

hapana kana mumwe anoita zvakanaka,

kana mumwe zvake.”

13 “Huro dzavo makuva akashama;

ndimi dzavo dzinotaura unyengeri.”

“Uturu hwenyoka huri pamiromo yavo.”

14 “Miromo yavo izere nokutuka nokuvava.”

15 “Tsoka dzavo dzinokurumidza kuteura ropa;

16 kuparadza nenhamo zviri panzira dzavo,

17 Uye nzira yorugare havaizivi.”

18 “Kutya Mwari hakupo pamberi pavo.”

19 Zvino tinoziva kuti zvose zvinorehwa nomurayiro, unozvitaura kuna avo vari pasi pomurayiro, kuitira kuti miromo yose ishayiswe chokutaura uye kuti nyika yose ive nemhosva pamberi paMwari.

20 Naizvozvo hapana achanzi akarurama pamberi pake nokuda kwokuchengeta murayiro; asi kuti, kubudikidza nomurayiro tichaziviswa chivi.

Kururama kubudikidza nokutenda

21 Asi zvino kururama kwaMwari, kwakaratidzwa kunze kwomurayiro, kuchipupurirwa nomurayiro navaprofita.

22 Kururama uku kunobva kuna Mwari kunouya kubudikidza nokutenda muna Jesu Kristu kuna vose vanotenda. Hapana musiyano,

23 nokuti vose vakatadza uye vakasasvika pakubwinya kwaMwari,

24 uye vanoshayirwa mhosva nenyasha dzake kubudikidza nokudzikinura kuri muna Kristu Jesu.

25 Mwari akamupa iye sechibayiro chokuyananisa kubudikidza nokutenda muropa rake. Akaita izvi kuti aratidze kururamisira kwake, nokuti mukuita mwoyo murefu kwake akaregerera hake zvivi zvakaitwa kare.

26 Akazviita kuti aratidze kururamisira kwake panguva ino, kuitira kuti ave akarurama uye anoshayira mhosva vaya vanotenda muna Jesu.

27 Zvino kuzvikudza kuripiko? Kwabviswa. Nomurayiro upiko? Wokuchengetedza murayiro here? Kwete, asi nomurayiro wokutenda.

28 Naizvozvo tinomira pakuti munhu anoshayirwa mhosva nokutenda kwete nokuchengeta murayiro.

29 Ko, Mwari ndiMwari wavaJudha voga here? Ko, haazi Mwari wavaHedheniwo here? Hongu ndowavaHedheniwo,

30 sezvo kuna Mwari mumwe chete uyo acharuramisira vakadzingiswa nokutenda uye vasina kudzingiswa kubudikidza nokutenda kumwe cheteko.

31 Zvino tinobvisa murayiro nokutenda uku here? Kwete napaduku! Asi, tinosimbisa murayiro.

Leave a comment

Your email address will not be published. Required fields are marked *

13 − 9 =