Zvirevo 10

Zvirevo zvaSoromoni

1 Zvirevo zvaSoromoni: Mwanakomana akachenjera anofadza baba vake, asi mwanakomana benzi anosuwisa mai vake.

2 Pfuma yakawanikwa zvakaipa haibatsiri chinhu, asi kururama kunorwira parufu.

3 Jehovha haatenderi akarurama kuti anzwe nzara, asi kupanga kwowakaipa anokusundira kure.

4 Maoko ane usimbe anoita kuti munhu ave murombo, asi maoko anoshingaira anopfumisa.

5 Uyo anounganidza zvirimwa muzhizha, mwanakomana akachenjera, asi uyo anorara munguva yokukohwa, mwanakomana anonyadzisa.

6 Maropafadzo ndiwo korona yomusoro woakarurama, asi kuita nechisimba kuzere mumuromo womunhu akaipa.

7 Kuyeukwa kwowakarurama kuchava chikomborero, asi zita rowakaipa richaora.

8 Akachenjera pamwoyo anogamuchira mirayiro, asi benzi rinotaura zvisina maturo richaparara.

9 Munhu akarurama anofamba akachengetedzeka, asi uyo anofamba nenzira dzakaminama achabatwa.

10 Uyo anochonya neziso roruvengo anouyisa kusuwa, asi benzi rinotaura zvisina maturo richaparara.

11 Muromo womunhu akururama chitubu choupenyu, asi kuita nechisimba kuzere mumuromo womunhu akaipa.

12 Ruvengo runomutsa kupesana, asi rudo runofukidzira zvakaipa zvose.

13 Uchenjeri hunowanikwa pamiromo yavane njere, asi shamhu yakafanira musana wouyo asina njere.

14 Vanhu vakachenjera vanochengeta zivo, asi muromo webenzi unotsvaka kuparara.

15 Upfumi hwavakapfuma ndiro guta ravo rina masvingo, asi urombo ndiko kuparadzwa kwavarombo.

16 Mubayiro wavakarurama ndihwo upenyu, asi zvinowanikwa nowakaipa ndiko kurangwa.

17 Uyo anoteerera kurayira anoratidza nzira youpenyu, asi ani naani anozvidza kudzorwa anotsausa vamwe.

18 Uyo anovanza ruvengo rwake ane miromo inoreva nhema, uye ani naani anoparadzira guhwa ibenzi.

19 Kana mashoko ari mazhinji, chivi hachingashayikwi, asi uyo anodzora rurimi rwake akachenjera.

20 Rurimi rwakarurama isirivha yakaisvonaka, asi mwoyo wowakaipa haubatsiri chinhu.

21 Miromo yemunhu akarurama inosimbisa vazhinji, asi mapenzi anofa nokuda kwokushayiwa zivo.

22 Kuropafadza kwaJehovha kunowanisa upfumi, uye haawedzeri matambudziko kwahuri.

23 Benzi rinofadzwa nokuita zvakaipa, asi munhu anonzwisisa anofarira uchenjeri.

24 Zvinotyiwa nowakaipa ndizvo zvichaitika kwaari; zvinoshuviwa nowakarurama zvichapiwa kwaari.

25 Kana dutu rapfuura napo, vakaipa havazowanikwi, asi vakarurama vachamira vakasimba nokusingaperi.

26 Sevhiniga kumazino noutsi kumaziso, ndizvo zvakaita simbe kuna avo vachamutuma.

27 Kutya Jehovha kunowedzera mazuva kuupenyu, asi makore owakaipa achatapudzwa.

28 Tarisiro yowakarurama mufaro, asi tariro dzowakaipa dzichaparadzwa.

29 Nzira yaJehovha ndiyo utiziro hwavakarurama, asi ndiko kuparadzwa kwaavo vanoita zvakaipa.

30 Akarurama haangatongodzurwi, asi vakaipa havangarambi vari munyika.

31 Muromo womunhu akarurama unobudisa uchenjeri, asi rurimi rwakaipa ruchabviswa.

32 Miromo yomunhu akarurama inoziva zvakafanira, asi muromo womunhu akaipa, zvakaipa chete.

Leave a comment

Your email address will not be published. Required fields are marked *

16 + three =