Zvirevo 4

Uchenjeri chinhu chikuru

1 Teererai, vanakomana vangu, kurayira kwababa venyu; nyatsoteererai mugowana kunzwisisa.

2 Ndinokupai dzidziso yakanaka, saka regai kurasa dzidziso yangu.

3 Pandakanga ndiri mukomana mumba mababa vangu, ndichiri muduku uye mwana mumwe chete wamai vangu,

4 baba vangu vakandidzidzisa vachiti, “Mwoyo wako ngaubatisise mashoko angu; chengeta mirayiro yangu ugorarama.

5 Wana uchenjeri, wana kunzwisisa; usakanganwa mashoko angu kana kubva paari.

6 Usarasa uchenjeri, ipapo huchakuchengeta; hude, ihwo hugokurinda.

7 Uchenjeri chinhu chikuru; naizvozvo wana uchenjeri. Kunyange huchikutorera zvose zvaunazvo, wana kunzwisisa.

8 Uhukudze; ipapo huchakusimudzira; uhumbundikire, ipapo huchakukudza.

9 Huchakupfekedza chishongo chenyasha mumusoro mako, uye huchakupa korona yokubwinya.”

10 Teerera, mwanakomana wangu, gamuchira zvandinotaura, ipapo makore oupenyu hwako achava mazhinji.

11 Ndinokudzidzisa nzira youchenjeri uye ndiri kukutungamirira panzira dzakarurama.

12 Paunofamba, tsoka dzako hadzingapinganidzwi, paunomhanya, haungagumburwi.

13 Batisisa kurayirwa, usarega kuchienda; nyatsokurinda zvakanaka, nokuti ndihwo upenyu hwako.

14 Usaisa rutsoka panzira dzavakaipa, kana kufamba panzira dzavanhu vakaipa.

15 Udzinzvenge, usafamba padziri; tsauka padziri ugopfuurira mberi.

16 Nokuti havangavati vasati vaita zvakaipa; havangabatwi nehope kusvikira vaita kuti mumwe munhu aputsike.

17 Vanodya zvokudya zvezvakaipa, uye vanonwa waini yezvechisimba.

18 Nzira yavakarurama yakafanana nechiedza chamambakwedza, chinoramba chichiwedzera kubwinya kusvikira pachiedza chamasikati makuru.

19 Asi nzira yavakaipa yakaita serima guru; havazivi zvinoita kuti vagumburwe.

20 Mwanakomana wangu, nyatsoteerera zvandinotaura; teereresa kumashoko angu.

21 Usaite kuti abve pameso ako, achengete pakati pomwoyo wako;

22 nokuti upenyu kuna avo vanoawana uye noutano kumuviri wose womunhu.

23 Pamusoro pazvo zvose, chengetedza mwoyo wako, nokuti ndicho chitubu choupenyu.

24 Bvisa nhema pamuromo wako; kutaura kwakaora ngakuve kure nemiromo yako.

25 Meso ako ngaatarire mberi bedzi, ramba wakatarira mberi kwako.

26 Gadzirira tsoka dzako gwara ugofamba munzira dzakasimba chete.

27 Usatsaukira kurudyi kana kuruboshwe; chengetedza rutsoka rwako kuti rusaende pane zvakaipa.

Leave a comment

Your email address will not be published. Required fields are marked *

5 × one =