2 VaKorinde 13

Yambiro Yokupedzisira 1 Uku ndiko kuchava kushanya kwangu kwechitatu kwamuri. Nyaya yose inofanira kusimbiswa nezvapupu zviviri kana zvitatu. 2 Ndakakupai yambiro kare pandakanga ndinemi kechipiri. Zvino ndava kuzvipamhazve ndisipo: Pakuuya kwangu handizorege vaya vakatadza pakutanga kana vamwe vose, 3 sezvo muchitsvaka chiratidzo chokuti Kristu ndiye anotaura kubudikidza neni. Haana utera pakubata kwake pakati penyu, asi […]

1 VaKorinde 1

1 Pauro, akadanwa nokuda kwaMwari, kuti ave mupostori waKristu Jesu, naSositeni hama yedu, 2 Kukereke yaMwari iri muKorinde, kuna vaya vakaitwa vatsvene muna Kristu Jesu uye vakadanwa kuti vave vatsvene pamwe chete navose vari kwose kwose vanodana kuzita raIshe wedu Jesu Kristu, Ishe wavo nowedu: 3 Nyasha norugare ngazvive nemi zvinobva kuna Mwari Baba vedu […]

1 VaKorinde 2

1 Pandakauya kwamuri, hama, handina kuuya nokugona kutaura kana uchenjeri hwapamusoro, pandakaparidza kwamuri uchapupu hwezvaMwari. 2 Nokuti ndakati handidi kuziva chinhu pandakanga ndiri pakati penyu, asi Jesu Kristu, uye akarovererwa pamuchinjikwa. 3 Ndakauya kwamuri muutera nokutya uye nokudedera kukuru. 4 Shoko rangu nokuparidza kwangu zvakanga zvisina mashoko okugombedzera nouchenjeri, asi nokuratidza kwesimba raMweya, 5 kuti […]

1 VaKorinde 3

Pamusoro poKupesana muKereke 1 Hama, ndakanga ndisingagoni kutaura nemi savanhu vomweya asi savanhu venyama, vacheche zvavo muna Kristu. 2 Ndakakupai mukaka, kwete zvokudya zvikukutu, nokuti makanga musingagoni kudya. Zvirokwazvo, hamusati mava kugona kudya nazvino. 3 Nokuti muchiri venyama. Nokuti sezvo pakati penyu pachine godo negakava, ko, hamuzi venyika here? Ko, hamuzi kufamba savanhuwo zvavo here? […]

1 VaKorinde 4

Vapostori vaKristu 1 Saka naizvozvo, vanhu vanofanira kutiona savaranda vaKristu uye savaya vakaitwa vachengeti vezvakavanzika zvaMwari. 2 Zvino zvakafanira kuti vaya vakapiwa utariri vave vakatendeka. 3 Chinhu chiduku duku kwandiri kana ndichitongwa nemi kana dare ripi zvaro romunhu; zvirokwazvo handizvitongi pachangu. 4 Hana yangu yakachena, asi izvi hazviiti kuti ndive munhu akarurama. Ishe ndiye anonditonga. […]

1 VaKorinde 5

Dzingai hama iri kuita upombwe 1 Zvinonzi pakati penyu pane upombwe, uye upombwe hworudzi rusakambonzwikwa kunyange pakati pavahedheni: Munhu anorara nomukadzi wababa vake. 2 Uye munozvikudza! Mungadai musingachemi here uye makatodzinga munhu anoita zvakadai kuti musayanana naye? 3 Kunyange zvangu ndisiri pakati penyu panyama, ndinemi mumweya. Uye ndatotonga kare pamusoro pomunhu akaita izvi, sokunonzi ndiripo. […]

1 VaKorinde 6

Kukwidzana kumatare edzimhosva pakati pavatendi 1 Kana mumwe wenyu ane mhosva nomumwe, angatsunga here kumukwirira kumatare avasakarurama pano kumukwirira kuvatsvene? 2 Hamuzivi here kuti vatsvene vachatonga nyika? Zvino kana muchazotonga nyika, ko, hamungagoni kutonga mhosva duku duku here? 3 Ko, hamuzivi here kuti muchatonga vatumwa? Ko, kuzoti zvinhu zvoupenyu huno! 4 Naizvozvo, kana mukapokana pamusoro […]

1 VaKorinde 7

Waniso 1 Zvino pamusoro pezvinhu zvamakandinyorera, ndinoti: Zvakanaka kuti munhu arege kuwana mukadzi. 2 Asi nokuda kwoupombwe, murume mumwe nomumwe ngaave nomukadzi wake, nomukadzi mumwe nomumwe ngaave nomurume wake. 3 Murume ngaape mukadzi wake zvakafanira, uye nomukadzi adarowo kumurume wake. 4 Muviri womukadzi hauzi wake oga asi kuti ndowomurume wakewo. Zvimwe chetezvo, muviri womurume hauzi […]

1 VaKorinde 8

Zvokudya zvakabayirwa kuzvifananidzo 1 Zvino, pamusoro pezvokudya zvakabayirwa kuzvifananidzo: Tinoziva kuti tose tino ruzivo. Ruzivo runouyisa kuzvikudza, asi rudo runovaka. 2 Munhu anofunga kuti anoziva chinhu achigere kuziva zvaanofanira kuziva. 3 Asi munhu anoda Mwari anozivikanwa naMwari. 4 Saka naizvozvo, pamusoro pokudya zvokudya zvakabayirwa kuzvifananidzo: Tinoziva kuti chifananidzo hachizi chinhu zvachose panyika uye kuti hakuna […]

1 VaKorinde 9

Kodzero dzoMupostori 1 Handina kusununguka here? Handizi mupostori here? Handina kuona Jesu Kristu Ishe wedu here? Imi hamuzi chibereko chebasa rangu muna She here? 2 Kunyange zvangu ndisiri mupostori kuna vamwe, zvirokwazvo ndiri mupostori kwamuri! Nokuti imi ndimi chisimbiso choupostori hwangu muna She. 3 Uku ndiko kuzvidavirira kwangu kuna avo vanondigarira matare. 4 Hatina kodzero […]