Maguta oUtiziro 1 Kana Jehovha Mwari wenyu aparadza ndudzi dzaari kukupai nyika yadzo, uye kana muchinge madzidzinga mukagara mumaguta avo nedzimba dzavo, 2 ipapo muzvitsaurire maguta matatu ari pakati penyika yamuri kupiwa naJehovha Mwari wenyu kuti ive yenyu. 3 Mugadzire migwagwa inoenda kwaari uye mugoganhura, muzvikamu zvitatu nyika yamuri kupiwa naJehovha Mwari wenyu senhaka, kuitira […]
Author Archives: admin
Dhuteronomi 20
Kuenda kundorwa 1 Kana muchienda kundorwa navavengi venyu uye mukaona mabhiza nengoro nehondo huru kupfuura yenyu, musavatya, nokuti Jehovha Mwari, uyo akakubudisai kubva muIjipiti, achava nemi. 2 Kana muchinge mava kuda kurwa, muprista anofanira kuuya kuzotaura kuvarwi. 3 Iye achati, “Inzwai, imi Israeri, nhasi muri kuenda kundorwa navavengi venyu. Mwoyo yenyu ngairege kupera simba kana […]
Dhuteronomi 21
Kuyananisira Munhu Asingazivikanwi akamuuraya 1 Kana munhu akawanikwa akafa, akatandavara musango munyika iyo Jehovha Mwari wako ari kukupai kuti ive yenyu, uye musingazivi kuti ndiani amuuraya, 2 vakuru venyu navatongi vachaenda kundoera chinhambwe kubva pachitunha kusvika kumaguta akakomberedza. 3 Ipapo vakuru veguta riri pedyo nechitunha vanofanira kutora tsiru remombe risina kumboshandiswa uye risina kumbokweva pajoko, […]
Dhuteronomi 22
1 Kana ukaona nzombe yehama yako kana gwai rake rarasika, usarishayira hanya asi uone kuti waridzorera kwaari. 2 Kana hama iyi ichigara kure newe kana kuti usingaizivi kuti ndiani, ritore uende naro kumba undorichengeta kusvikira muridzi waro auya achiritsvaga. Ipapo uridzosere kwaari. 3 Uite zvimwe chetezvo kana uchinge waona mbongoro yehama yako kana nguo yake […]
Dhuteronomi 23
Kudziviswa Kusvika paUngano 1 Hapana murume akakuvadzwa manhu ake kana kubviswa nhengo yake achapinda paungano yaJehovha. 2 Hapana munhu akaberekwa noupombwe, kana vana vake, anofanira kupinda paungano yaJehovha, kusvikira kurudzi rwegumi. 3 Hapana muAmoni kana muMoabhu, kana munhu upi worudzi rwake anofanira kupinda paungano yaJehovha, kusvikira kurudzi rwegumi. 4 Nokuti havana kuuya kuzokuchingamidzai nechingwa nemvura […]
Dhuteronomi 24
1 Kana murume akawana mukadzi akasafadzwa naye nokuti awana chinhu chisina kufanira paari, akamupa rugwaro rwokumuramba, uye akamudzinga kubva mumba make, 2 uye kana mushure mokunge abva mumba make akandowanikwa nomumwe murume, 3 uye murume wake wechipiri akasamufarira, akamupa rugwaro rwokumuramba, uye akamudzinga kubva mumba make, kana kuti murume uyu akafa, 4 ipapo murume wake […]
Dhuteronomi 25
1 Kana vanhu vane gakava, vanofanira kuenda kudare uye vatongi vachatonga nyaya iyi, vachiruramisira asina mhosva nokupa mhosva uyo akatadza. 2 Kana munhu ane mhosva achifanira kurohwa, mutongi anofanira kumuti arare pasi agoita kuti arohwe pamberi pake neshamhu dzakafanira mhosva yake. 3 Asi haafaniri kupiwa shamhu dzinodarika makumi mana. Kana akarohwa zvakapfurikidza mwero, hama yako […]
Dhuteronomi 26
Zvibereko Zvokutanga neZvegumi 1 Kana uchinge wapinda munyika yauri kupiwa naJehovha Mwari wako senhaka uye kana uchinge waitora nokugara mairi, 2 utore zvimwe zvezvibereko zvose zvokutanga zvauchakohwa kubva pavhu renyika yauri kupiwa naJehovha Mwari wako ugozviisa mudengu. Ipapo ugoenda kunzvimbo iyo Jehovha Mwari wako achasarudza kuti Zita rake rigarepo, 3 uye ugoti kumuprista ari kushumira […]
Dhuteronomi 27
Aritari paGomo reEbhari 1 Zvino Mozisi navakuru veIsraeri vakarayira vanhu vachiti, “Chengetai mirayiro iyi yose yandinokupai nhasi. 2 Kana muchinge mayambuka Jorodhani muchipinda munyika yamuri kupiwa naJehovha Mwari wenyu, munofanira kumisa mabwe makuru mugoapenda nesuko. 3 Mugonyora pamusoro pawo mashoko ose nomurayiro uyu kana muchinge mayambuka mhiri kuti mupinde munyika yamuri kupiwa naJehovha Mwari wenyu, […]
Dhuteronomi 28
Maropafadzo oKuteerera 1 Kana muchiteerera zvakanaka Jehovha Mwari wenyu nokuchenjerera kutevera mirayiro yake yose yandinokupai nhasi, Jehovha Mwari wenyu achakuisai pamusoro-soro pendudzi dzose dzapanyika. 2 Maropafadzo aya ose achauya pamusoro penyu uye achava nemi kana muchiteerera Jehovha Mwari: 3 Ucharopafadzwa muguta uye ucharopafadzwa mumunda. 4 Zvibereko zvomuviri wako zvicharopafadzwa, uye zvibereko zvevhu rako nezvibereko zvemombe […]