Numeri 35

Maguta avaRevhi 1 Pamapani eMoabhu pedyo neJorodhani uchibva mhiri kuJeriko, Jehovha akati kuna Mozisi, 2 “Rayira vaIsraeri kuti vape vaRevhi maguta okuti vagare kubva panhaka ichatorwa navaIsraeri. Uye muvape mafuro akapoteredza maguta avo. 3 Ipapo vachava namaguta okugara uye namafuro emombe dzavo, makwai nezvimwe zvipfuwo zvavo zvose. 4 “Mafuro akapoteredza maguta amunopa vaRevhi achasvitsa makubhiti […]

Numeri 36

Nhaka yaVanasikana vaZerofehadhi 1 Vakuru vemhuri yeimba yaGireadhi mwanakomana waMakiri, mwanakomana waManase, vaibva kudzimba dzezvizvarwa zvaJosefa, vakauya vakataura pamberi paMozisi navatungamiri, ivo vakuru vemhuri dzavaIsraeri. 2 Vakati, “Jehovha paakarayira ishe wangu kuti ape nyika kuvaIsraeri nomujenya ive nhaka yavo, akakurayirai kuti mupe nhaka yehama yedu Zerofehadhi kuvanasikana vake. 3 Zvino ivo kana vakawanikwa navarume vanobva […]

Revhitiko 1

Mirayiro yeZvipiriso Zvinopiswa 1 Jehovha akadana Mozisi akataura naye ari muTende Rokusangana akati, 2 “Taura kuvana vaIsraeri uti kwavari, ‘Kana munhu upi zvake pakati penyu achiuya nechipiriso kuna Jehovha ngaauye nechipiriso chezvipfuwo, zvemombe kana zvamakwai. 3 “ ‘Kana chipiriso chake chiri chinopiswa chinobva mudanga remombe, ngaape chikono chisina kuremara. Ngaachibayire pamusuo weTende Rokusangana kuti chigamuchirwe […]

Revhitiko 2

Chipiriso cheZviyo 1 “ ‘Kana munhu achiuya kuna Jehovha nechipiriso chezviyo, chipiriso chake chinofanira kuva choupfu hwakatsetseka. Anofanira kudira mafuta pachiri agoisa zvinonhuwira pamusoro pacho, 2 agoenda nacho kuvanakomana vaAroni vaprista. Muprista achatora tsama youpfu hwakatsetseka namafuta, pamwe chete nezvinonhuwira, agozvipisa sechikamu chechirangaridzo paaritari. Chipiriso chakagadzirwa nomoto, chinonhuwira zvinofadza kuna Jehovha. 3 Zvimwe zvose zvinosara […]

Revhitiko 3

Zvipiriso zvoKuwadzana 1 “ ‘Kana chipiriso chomumwe chiri chokuwadzana, uye akapa chipfuwo, chemombe chingava chikono kana chikadzi, anofanira kuuyisa pamberi paJehovha chipfuwo chisina kuremara. 2 Anofanira kuisa ruoko rwake pamusoro pechibayiro chake agochibayira pamusuo weTende Rokusangana. Ipapo vanakomana vaAroni vaprista vachasasa ropa kumativi ose earitari. 3 Kubva pachipiriso chokuwadzana anofanira kuuya nechipiriso chinoitwa nomoto kuna […]

Revhitiko 4

Zvipiriso zveZvivi 1 Jehovha akati kuna Mozisi, 2 “Uti kuvana veIsraeri, ‘Kana munhu upi zvake akatadza nokusaziva akaita zvisingabvumirwi pamurayiro upi zvawo waJehovha, 3 kana muprista akazodzwa, akatadza akauyisa mhosva pamusoro pavanhu, anofanira kuuya kuna Jehovha nehando diki isina kuremara sechibayiro chechivi, nokuda kwechivi chaakaita. 4 Anofanira kupa hando diki pamusuo weTende Rokusangana pamberi paJehovha. […]

Revhitiko 5

1 “ ‘Kana munhu akatadza nokuti aramba kupa uchapupu iye achinzi ape uchapupu pamusoro pezvaakaona kana zvaakanzwa, achava nemhosva. 2 “ ‘Kana kuti munhu akabata zvinhu zvipi zvazvo chisina kuchena, zvingava zvitunha zvemhuka dzesango dzisina kuchena, kana mombe isina kuchena, kana zvipuka zvisina kuchena zvinofamba pavhu, kunyange asingazvizivi, atova asina kuchena uye ane mhosva. 3 […]

Revhitiko 6

1 Jehovha akati kuna Mozisi, 2 “Kana mumwe akatadza uye akasavimbika kuna Jehovha nokunyengedza muvakidzani wake pazvinhu zvaakachengeteswa, kana zvaakabatiswa kana zvakabiwa, kana kuti akamubiridzira, 3 kana kuti akawana nhumbi dzakarasika akareva nhema pamusoro padzo, kana kuti akapika nhema kana kuti akaita chivi chipi zvacho chingaitwa navanhu, 4 kana akatadza kudaro akava nemhosva, anofanira kudzosa […]

Revhitiko 7

Chipiriso cheMhosva 1 “ ‘Iyi ndiyo mirayiro yechipiriso chemhosva chitsvene-tsvene. 2 Chipiriso chemhosva chinofanira kubayirwa panzvimbo panobayirwa chipiriso chinopiswa uye ropa racho rinofanira kusaswa paaritari kumativi ose. 3 Mafuta acho ose achapiswa sechipiriso, chimuswe chakakora namafuta akafukidza zvomukati, 4 itsvo mbiri namafuta ari padziri pedyo nechiuno, uye zvakafukidza chiropa, zvinofanira kubviswa pamwe chete neitsvo. 5 […]

Revhitiko 8

Kugadzwa kwaAroni navanakomana vake 1 Jehovha akati kuna Mozisi, 2 “Uya naAroni navanakomana vake, nguo dzavo, mafuta okuzodza nawo, hando yechipiriso chechivi, makondohwe maviri nedengu rine chingwa chisina mbiriso, 3 ugounganidza ungano yose pamusuo weTende Rokusangana.” 4 Mozisi akaita sezvaakaudzwa naJehovha, uye ungano ikaungana pamusuo weTende Rokusangana. 5 Mozisi akati kuungano, “Izvi ndizvo zvarayirwa naJehovha […]