Vaprista vanotanga ushumiri hwavo 1 Pazuva rorusere Mozisi akadana Aroni navanakomana vake navakuru veIsraeri. 2 Akati kuna Aroni, “Tora hando diki yechipiriso chako chechivi negondohwe rechipiriso chako chinopiswa zvose zvisina kuremara ugouya nazvo kuna Jehovha. 3 Uti kuvana veIsraeri, ‘Torai nhongo yembudzi yechipiriso chechivi, mhuru negwayana zvose zvine gore uye zvisina kuremara sechipiriso chinopiswa 4 […]
Author Archives: admin
Revhitiko 10
Kufa kwaNadhabhi naAbhihu 1 Zvino Nadhabhi naAbhihu, vanakomana vaAroni vakatora, mumwe nomumwe, hadyana yake yezvinonhuwira, vakaisamo moto, vakaisawo zvinonhuwira, vakaisa moto usingabvumirwi pamberi paJehovha zvaakanga asina kuvarayira. 2 Saka naizvozvo moto wakabuda kubva pamberi paJehovha ukavapisa vose ndokubva vafa pamberi paJehovha. 3 Ipapo Mozisi akati kuna Aroni, “Izvi ndizvo zvakataurwa naJehovha paakati: ‘Pakati peavo vachaswedera […]
Revhitiko 11
Zvokudya zvakachena nezvisina kuchena 1 Jehovha akati kuna Mozisi naAroni, 2 “Taurai kuvaIsraeri muti, ‘Pamhuka dzose dzinofamba panyika, idzi ndidzo dzamunogona kudya: 3 Munogona kudya mhuka ipi zvayo ina mahwanda, akapararana zvachose, uye inozeya zvokudya. 4 “ ‘Asi kune dzimwe dzinongozeya kudya chete, kana kuti dzimwe dzine mahwanda akaparadzana chete, idzi hamufaniri kudzidya. Ngamera, kunyange […]
Revhitiko 12
Kucheneswa mushure mokubereka mwana 1 Jehovha akati kuna Mozisi, 2 “Uti kuvaIsraeri, ‘Mukadzi akava napamuviri akabereka mwanakomana, achava asina kuchena kwamazuva manomwe, sezvaanova asina kuchena paanoenda kumwedzi. 3 Pazuva rorusere mukomana uyo anofanira kudzingiswa. 4 Zvino mukadzi anofanira kumirira mazuva makumi matatu namatatu kuti acheneswe pakubuda ropa kwake. Haafaniri kubata chinhu chipi zvacho chitsvene kana […]
Revhitiko 13
Mirayiro pamusoro pezvirwere zveganda zvinotapukira 1 Jehovha akati kuna Mozisi naAroni, 2 “Kana ani naani akazvimba kana ane tumapundu kana chivara chichena paganda rake chinogona kunge chiri chirwere chinotapukira anofanira kuuyiswa kuna Aroni muprista kana kuno mumwe wavanakomana vake muprista. 3 Muprista achatarisa chironda chiri paganda rake, uye kana bvudzi riri pachironda rachena uye ronda […]
Revhitiko 14
Kucheneswa paChirwere chaMaperembudzi 1 Jehovha akati kuna Mozisi: 2 “Iyi ndiyo mirayiro yomunhu ane chirwere panguva yake yokucheneswa kana auyiswa kumuprista: 3 Muprista anofanira kuenda kunze kwomusasa agomuongorora. Kana munhu aponeswa kubva kumaperembudzi, 4 muprista acharayira kuti shiri mbiri mhenyu dzakachena, nedanda romusidhari, nomucheka mutsvuku, nehisopi zviuyiswe kuti acheneswe. 5 Ipapo muprista acharayirwa kuti imwe […]
Revhitiko 15
Kurasa Zvinhu Zvinosvibisa 1 Jehovha akati kuna Mozisi naAroni, 2 “Taurai navaIsraeri muti kwavari, ‘Kana murume ane zvimwe zvinoerera, zvinobuda pamuviri wake, achava asina kunaka nokuda kwokuerera uku. 3 Kunyange zvikaramba zvichibuda mumuviri wake kana kuti zvikamira zvichamuita kuti ave asina kuchena. Izvi ndizvo zvinoita kuti kuerera uku kumuite kuti ave asina kuchena. 4 “ […]
Revhitiko 16
Zuva roKuyananisira 1 Jehovha akataura naMozisi mushure mokufa kwavanakomana vaAroni vaviri avo vakafa pavakaswedera kuna Jehovha. 2 Jehovha akati kuna Mozisi, “Udza mukoma wako Aroni kuti asangopinda paanodira muNzvimbo Tsvene-tsvene kuseri kwechidzitiro pamberi pechigaro chenyasha paaereka, nokuti angangofa, nokuti ndinozviratidza mugore pamusoro pechigaro chenyasha. 3 “Aya ndiwo mapindiro anofanira kuita Aroni munzvimbo tsvene: apinde nehando […]
Revhitiko 17
Kudya ropa kunorambidzwa 1 Jehovha akati kuna Mozisi, 2 “Taura kuna Aroni navanakomana vake nokuvaIsraeri vose uti kwavari, ‘Izvi ndizvo zvakarayirwa naJehovha: 3 MuIsraeri upi zvake anobayira nzombe, gwayana kana mbudzi mumusasa kana kunze kwawo, 4 panzvimbo yokuuya nayo pamusuo weTende Rokusangana kuti aipe sechipiriso kuna Jehovha pamberi petabhenakeri yaJehovha, murume iyeye achanzi ane mhosva […]
Revhitiko 18
Kusangana kwomurume nomukadzi kusiri pamutemo 1 Jehovha akati kuna Mozisi, 2 “Taura kuvaIsraeri uti kwavari, ‘Ndini Jehovha Mwari wenyu. 3 Hamufaniri kuita sezvavanoita kuIjipiti, kwamaigara uye hamufaniri kuita sezvavanoita kuKenani, kwandiri kukuendesai. Musatevera zviito zvavo. 4 Munofanira kutevera mitemo yangu uye mugochenjerera kuti mutevere mirayiro yangu. Ndini Jehovha Mwari wenyu. 5 Chengetai mirayiro nemitemo yangu […]