Revhitiko 19

Mirayiro yakasiyana-siyana 1 Jehovha akati kuna Mozisi, 2 “Taura kuungano yose yeIsraeri uti kwavari, ‘Ivai vatsvene nokuti ini Jehovha Mwari wenyu ndiri mutsvene. 3 “ ‘Mumwe nomumwe wenyu anofanira kuremekedza mai nababa vake uye munofanira kuchengetedza maSabata angu. Ndini Jehovha Mwari wenyu. 4 “ ‘Musava nehanya nezvifananidzo kana kuzviitira zvimwari zvesimbi dzakanyungudutswa. Ndini Jehovha Mwari […]

Revhitiko 20

Kurangwa nokuda kweZvivi 1 Jehovha akati kuna Mozisi, 2 “Uti kuvaIsraeri, ‘MuIsraeri upi noupi kana mutorwa upi noupi agere muIsraeri achapa vana vake kuna Moreki anofanira kuurayiwa. Vanhu vomunyika yake vanofanira kumutaka namabwe. 3 Ndichanangana nomunhu iyeye uye ndichamubvisa pakati pavanhu vokwake, nokuti, nokuda kwokupa vana vake kuna Moreki, asvibisa nzvimbo yangu tsvene uye amhura […]

Revhitiko 21

Mirayiro yaVaprista 1 Jehovha akati kuna Mozisi, “Taura kuvaprista vanakomana vaAroni uti kwavari: ‘Muprista haafaniri kuzvisvibisa, achiitira kunyange ani zvake pakati pavanhu vake vanofa. 2 Kunze kwehama yepedyo yakaita samai kana baba vake, mwanakomana kana mwanasikana wake, mukoma kana munun’una wake, 3 kana hanzvadzi yake isina kuroorwa yaanochengeta sezvo asina murume nokuda kwaiyeyu angagona kuzvisvibisa. […]

Revhitiko 22

1 Jehovha akati kuna Mozisi, 2 “Udza Aroni navanakomana vake kuti varemekedze zvipiriso zvitsvene zvavaIsraeri zvavanditsaurira kuti varege kusvibisa zita rangu dzvene. Ndini Jehovha. 3 “Uti kwavari, ‘Kumarudzi achatevera, kana mumwe wezvizvarwa zvenyu asina kuchena akaswedera pedyo nezvinhu zvakatsaurirwa Jehovha navaIsraeri, munhu iyeye anofanira kubviswa pamberi pangu. Ndini Jehovha. 4 “ ‘Kana chizvarwa chaAroni chikava […]

Revhitiko 23

1 Jehovha akati kuna Mozisi, 2 “Taura kuvaIsraeri uti kwavari, ‘Iyi ndiyo mitambo yangu yandakatara, mitambo yakatarwa yaJehovha yamunofanira kudaidzira seungano tsvene. Sabata 3 “ ‘Pane mazuva matanhatu amunoshanda asi zuva rechinomwe iSabata rokuzorora, zuva reungano tsvene. Hamufaniri kuita basa ripi zvaro kwose kwamunogara, iSabata kuna Jehovha. Pasika nechingwa chisina mbiriso 4 “ ‘Iyi ndiyo […]

Revhitiko 24

Mafuta nechingwa zvinoiswa pamberi paJehovha 1 Jehovha akati kuna Mozisi, 2 “Rayira vaIsraeri kuti vauye kwauri namafuta akaisvonaka amaorivhi akasvinwa, omwenje, kuitira kuti mwenje irambe ichibvira nguva dzose. 3 Kunze kwechidzitiro cheChipupuriro muTende Rokusangana, Aroni anofanira kuchengetedza mwenje iyi pamberi paJehovha kubva manheru kusvikira kwaedza, nguva dzose. Uyu unofanira kuva murayiro unogara nokusingaperi kumarudzi achauya. […]

Revhitiko 25

Gore reSabata 1 Jehovha akati kuna Mozisi pagomo reSinai, 2 “Taura kuvaIsraeri uti kwavari: ‘Kana mapinda munyika yandichakupai, nyika pachayo inofanira kucherechedza sabata kuna Jehovha. 3 Kwamakore matanhatu dyarai minda yenyu, uye kwamakore matanhatu, dimurirai mizambiringa yenyu mugounganidza michero yayo. 4 Asi mugore rechinomwe, nyika inofanira kuva nesabata rokuzorora, sabata rokuitira Jehovha. Musadyara minda yenyu […]

Revhitiko 26

Mubayiro woKuteerera 1 “ ‘Musaita zvifananidzo kana kumisa chifananidzo kana ibwe rinoyera kwamuri, uye musaisa dombo rakavezwa munyika yenyu kuti mukotamire pamberi paro. Ndini Jehovha Mwari wenyu. 2 “ ‘Chengetai maSabata angu uye muremekedze nzvimbo yangu tsvene. Ndini Jehovha. 3 “ ‘Kana mukatevera mitemo yangu uye mukachenjerera kuti muteerere mirayiro yangu, 4 ndichakutumirai mvura nenguva […]

Revhitiko 27

Kudzikinura zvaJehovha 1 Jehovha akati kuna Mozisi, 2 “Taura navaIsraeri uti kwavari, ‘Kana munhu akaita mhiko yakasarudzika yokuti akumikidze vanhu kuna Jehovha nokupa mutengo wakaenzanirana, 3 utare mutengo womunhurume ane makore ari pakati pamakumi maviri namakumi matanhatu pamashekeri makumi mashanua esirivha, zvichienzaniswa neshekeri rapanzvimbo tsveneb; 4 uye kana ari munhukadzi, utare mutengo wake pamashekeri makumi […]

Ekisodho 1

VaIsraeri vanodzvinyirirwa 1 Aya ndiwo mazita avanakomana vaIsraeri vakaenda naJakobho kuIjipiti, mumwe nomumwe nemhuri yake: 2 Rubheni, Simeoni, Revhi naJudha; 3 Isakari, Zebhuruni naBhenjamini; 4 Dhani naNafutari; Gadhi naAsheri. 5 Zvizvarwa zvose zvaJakobho zvakanga zviri makumi manomwe pakuwanda; Josefa akanga atova muIjipiti. 6 Zvino Josefa nehama dzake dzose navose vezera iroro vakafa, 7 asi vaIsraeri […]