Mako 15

Jesu pamberi paPirato 1 Mangwanani-ngwanani, vaprista vakuru navakuru, vadzidzisi vomurayiro uye neDare Guru rose, vakapa mutongo. Vakasunga Jesu, vakaenda naye vakandomuisa mumaoko aPirato. 2 Pirato akamubvunza akati, “Ndiwe mambo wavaJudha here?” Jesu akapindura akati, “Hongu, ndizvo sokutaura kwamaita.” 3 Vaprista vakuru vakamupomera zvinhu zvizhinji kwazvo. 4 Saka Pirato akabvunzazve akati, “Ko, haupinduri here? Tarira kuwanda […]

Mako 16

Kumuka 1 Sabata rakati rapfuura, Maria Magadharena, Maria mai vaJakobho, naSarome vakatenga zvinonhuwira kuti vagondozodza mutumbi waJesu. 2 Mangwanani-ngwanani pazuva rokutanga revhiki, zuva risati rabuda, vakanga vapinda munzira, 3 uye vakabvunzana vachiti, “Ndianiko achatikungurutsira ibwe pamukova weguva?” 4 Asi vakati vatarira, vakaona kuti ibwe rakanga rakungurutswa. 5 Pavakapinda muguva, vakaona jaya rakapfeka nguo chena rakagara […]

Mateo 1

Nhoroondo yaMadzitateguru aJesu 1 Iyi ndiyo nhoroondo yamadzitateguru aJesu Kristu mwanakomana waDhavhidhi, mwanakomana waAbhurahama: 2 Abhurahama aiva baba vaIsaka, Isaka baba vaJakobho, Jakhobho baba vaJudha namadzikoma ake, navanun’una vake, 3 Judha baba vaPerezi naZera, mai vake vaiva Tamari, Perezi baba vaHezironi, Hezironi baba vaRamu, 4 Ramu baba vaAminadhabhu, Aminadhabhu baba vaNashoni, Nashoni baba vaSarimoni, 5 […]

Mateo 2

Kushanya kwaVachenjeri 1 Mushure mokuberekwa kwaJesu muBheterehema reJudhea munguva yaMambo Herodhi, vachenjeri vaibva kumabvazuva vakasvika muJerusarema, 2 uye vakabvunza vakati, “Aripiko uyo achangoberekwa anova mambo wavaJudha? Takaona nyeredzi yake kumabvazuva, uye tauya kuzomunamata.” 3 Mambo Herodhi akati achinzwa izvi, akatambudzika kwazvo pamwe chete neJerusarema rose. 4 Kuzoti akakokera pamwe chete vaprista navadzidzisi vomutemo, akavabvunza kwaizoberekerwa […]

Mateo 3

Johani Mubhabhatidzi anogadzira nzira 1 Mumazuva iwayo Johani Mubhabhatidzi akauya achiparidza murenje reJudhea, 2 achiti, “Tendeukai, nokuti umambo hwokudenga hwava pedyo.” 3 Uyu ndiye akataurwa kubudikidza nomuprofita Isaya zvichinzi: “Inzwi rounodanidzira murenje richiti, ‘Gadzirai nzira yaShe, ruramisai migwagwa yake.’ ” 4 Nguo dzaJohani dzakanga dzakagadzirwa nemvere dzengamera uye akanga akasunga bhanhire redehwe muchiuno chake. Zvokudya […]

Mateo 4

Kuedzwa kwaJesu 1 Ipapo Jesu akatungamirirwa naMweya Mutsvene kurenje kuti andoedzwa nadhiabhori. 2 Mushure mokunge atsanya kwamazuva makumi mana nousiku huna namakumi mana, akanzwa nzara. 3 Muedzi akauya kwaari akasvikoti, “Kana uri Mwanakomana waMwari, rayira mabwe aya kuti ave chingwa.” 4 Jesu akapindura akati, “Kwakanyorwa kuchinzi, ‘Munhu haararame nechingwa bedzi, asi neshoko rimwe nerimwe rinobva […]

Mateo 5

Mharidzo yaJesu paGomo 1 Zvino akati aona vanhu vazhinji, akakwira mugomo uye akagara pasi. Vadzidzi vake vakauya kwaari, 2 uye akatanga kuvadzidzisa achiti: 3 “Vakaropafadzwa varombo pamweya, nokuti umambo hwokudenga ndohwavo. 4 Vakaropafadzwa vanochema nokuti vachanyaradzwa. 5 Vakaropafadzwa vanyoro nokuti vachagara nhaka yenyika. 6 Vakaropafadzwa avo vane nzara nenyota yokuita zvakarurama nokuti vachagutswa kwazvo. 7 […]

Mateo 6

Kupa kuVarombo 1 “Chenjerai kuti murege kuita ‘mabasa enyu okururama’ pamberi pavanhu kuti muonekwe navo. Kana mukaita saizvozvo, hamuzovi nomubayiro kuna Baba venyu vari kudenga. 2 “Saka kana mopa kuna vanoshaya, musaridza hwamanda sezvinoitwa navanyengeri mumasinagoge nomumigwagwa kuti vakudzwe navanhu. Ndinokuudzai chokwadi kuti vatowana mubayiro wavo wakazara. 3 Asi kana wopa kuna vanoshaya ruoko rwako […]

Mateo 7

Kutonga vamwe 1 “Usatonga kuti newewo urege kutongwa. 2 Nokuti nzira yaunotonga nayo vamwe ndiyo yauchatongwa nayo, uye chiero chaunoshandisa ndicho chichashandiswa kwauri. 3 “Unotarisirei kabanzu kari muziso rehama yako, asi usina hanya nepuranga riri muziso rako? 4 Ungati sei kuhama yako, ‘Rega ndibvise kabanzu kari muziso rako,’ asi iwe nguva dzose uine puranga riri […]

Mateo 8

Murume aiva namaperembudzi 1 Akati aburuka kubva mugomo, vanhu vazhinji vakamutevera. 2 Mumwe murume aiva namaperembudzi akauya akasvikopfugama paari akati, “Ishe, kana muchida, munogona kundinatsa.” 3 Jesu akatambanudza ruoko rwake akabata murume uya akati, “Ndinoda. Chinatswa!” Pakarepo akabva aporeswa maperembudzi ake. 4 Ipapo Jesu akati kwaari, “Ona kuti hapana waunotaurira uye ugopa chipo chakarayirwa naMozisi […]