Mateo 9

Jesu anoporesa munhu akanga akafa mitezo 1 Jesu akapinda mugwa akayambuka ndokusvika kuguta rokwake. 2 Vamwe varume vakauya nomunhu akanga akafa mitezo, avete pabonde. Jesu akati aona kutenda kwavo akati kumunhu uya akafa mitezo, “Tsunga mwoyo, mwana, zvivi zvako zvaregererwa.” 3 Vachinzwa izvi, vamwe vadzidzisi vemirayiro vakati mumwoyo yavo, “Munhu uyu ari kumhura Mwari!” 4 […]

Mateo 10

Jesu anotuma vane Gumi Navaviri 1 Akadana vadzidzi vake gumi navaviri akavapa simba rokudzinga mweya yakaipa nokuporesa marudzi ose ezvirwere namarudzi ose ehosha. 2 Zvino aya ndiwo mazita avapostori gumi navaviri: wokutanga ndiSimoni ainzi (Petro) nomunun’una wake Andirea; Jakobho mwanakomana waZebhedhi nomunun’una wake Johani; 3 Firipi naBhatoromeo; Tomasi naMateo muteresi; Jakhobo mwanakomana waArifeo naTadheo; 4 […]

Mateo 11

Jesu naJohani Mubhabhatidzi 1 Jesu akati apedza kurayira vadzidzi vake gumi navaviri, akabvapo akandodzidzisa nokuparidza mumaguta omuGarirea. 2 Zvino Johani ari mutorongo akanga anzwa mabasa aJesu, akabva atuma vadzidzi vake 3 kundobvunza vachiti, “Ko, ndimi iye akanga achinzi anouya here, kana kuti totarisira mumwe?” 4 Jesu akavapindura achiti, “Dzokerai mundoudza Johani zvamuri kunzwa nezvamuri kuona: […]

Mateo 12

Ishe weSabata 1 Panguva iyoyo Jesu akapfuura nomuminda yaiva nezviyo uri musi weSabata. Vadzidzi vake vakanga vava nenzara ndokubva vatanga kupurura hura hwezviyo zviya vachidya. 2 VaFarisi pavakazviona, vakati kwaari, “Tarirai, vadzidzi venyu vari kuita zvisingabvumirwi nomusi weSabata.” 3 Akati kwavari, “Ko, hamuna kuverenga here zvakaitwa naDhavhidhi navamwe vake pavakanga vava nenzara? 4 Akapinda muimba […]

Mateo 13

Mufananidzo woMukushi 1 Musi mumwe chetewo, Jesu akabuda mumba akandogara nechokugungwa. 2 Vanhu vazhinji vakamuunganira zvokuti akapinda mugwa akagaramo, ipapo vanhu vakamira kumahombekombe. 3 Ipapo akavaudza zvinhu zvizhinji nemifananidzo, achiti, “Murimi akabuda kundokusha mbeu dzake. 4 Paakanga achikusha mbeu, dzimwe dzakawira munzira, shiri dzikauya dzikadzidya. 5 Dzimwe dzakawira parukangarahwe, padzakashaya ivhu rakakwana. Dzakamera nokukurumidza nokuti […]

Mateo 14

Johani Mubhabhatidzi anogurwa musoro 1 Panguva iyoyo mambo Herodhi akanzwa nezvaJesu 2 uye akati kuvaranda vake, “Uyu ndiJohani Mubhabhatidzi; amuka kubva kuvakafa! Ndokusaka masimba ezvishamiso achishanda maari.” 3 Zvino Herodhi ainge abata Johani akamusunga achibva amuisa mutorongo nokuda kwaHerodhiasi mudzimai waFiripi, munun’una wake, 4 sezvo Johani ainge ati kwaari, “Hautenderwi kutora mukadzi uyu.” 5 Herodhi […]

Mateo 15

Zvinhu Zvakachena neZvisina Kuchena 1 Ipapo vanyori navaFarisi vakauya kuna Jesu vachibva kuJerusarema uye vakamubvunza vachiti, 2 “Sei vadzidzi venyu vachityora tsika dzavakuru? Havashambi maoko avo vasati vadya!” 3 Jesu akavapindura achiti, “Ko, imi munotyorerei murayiro waMwari nokuda kwetsika dzenyu? 4 Nokuti Mwari akati, ‘Kudza baba vako namai vako’ uye, ‘Ani naani anotuka baba kana […]

Mateo 16

Vanokumbira Chiratidzo 1 VaFarisi navaSadhusi vakauya kuna Jesu vakamuedza nokumukumbira kuti avaratidze chiratidzo chinobva kudenga. 2 Akavapindura achiti, “Panosvika nguva yamadekwana munoti, ‘Mamiriro okunze achange akanaka nokuti denga rakatsvuka.’ 3 Uye mangwanani munoti, ‘Nhasi kuchanaya mvura ine dutu nokuti denga rakatsvuka uye kwakakwidibira.’ Munoziva kududzira zvinoonekwa mudenga, asi hamugoni kududzira zviratidzo zvenguva. 4 Rudzi rwakaipa […]

Mateo 17

Kubwinya kwaJesu paGomo 1 Mushure memazuva matanhatu Jesu akatora Petro naJakhobho naJohani munun’una waJakhobho akakwira navo mugomo refu vari voga. 2 Ipapo akashanduka pamberi pavo. Chiso chake chakapenya sezuva uye nguo dzake dzikachena sechiedza. 3 Pakarepo Mozisi naEria vakangoerekana voonekwa vamire vachitaura naJesu. 4 Petro akati kuna Jesu, “Ishe zvakatinakira kuva pano. Kana muchida ndingavaka […]

Mateo 18

Mukuru muUmambo hwoKudenga 1 Panguva iyoyo vadzidzi vakauya kuna Jesu uye vakamubvunza vachiti, “Ndianiko mukuru pana vose muumambo hwokudenga?” 2 Akadana mwana muduku ndokumumisa pakati pavo. 3 Uye akati, “Ndinokuudzai chokwadi kuti, kana musina kushanduka mukava savana vaduku, hamungatongopindi muumambo hwokudenga. 4 Naizvozvo ani naani anozvininipisa somwana uyu ndiye achava mukuru muumambo hwokudenga. 5 “Uye […]