Ezekieri 42

Makamuri aVaprista 1 Ipapo munhu uya akanditungamirira nechokumusoro nechomukati moruvazhe rwokunze ndokundiendesa kumakamuri akanga akatarisana noruvazhe rwetemberi uye pakatarisana namadziro okunze kurutivi rwokumusoro. 2 Imba yakanga ino mukova wakatarisa kumusoro yakanga yakareba makubhiti zanaa uye makubhiti makumi mashanu paupamhi. 3 Pakatarisana namakubhiti makumi maviri oruvazhe rwomukati, uye pakatarisana nenzira yakanga yakavakirwa yoruvazhe rwokunze kwakanga kuna […]

Ezekieri 43

Kubwinya kunodzokera muTemberi 1 Ipapo munhu uya akandiuyisa kusuo rakatarisa kumabvazuva, 2 uye ndakaona kubwinya kwaMwari waIsraeri kuchibva kumabvazuva. Inzwi rake rakanga rakaita somubvumo wemvura zhinji, uye pasi pakapenya nokubwinya kwake. 3 Chiratidzo chandakaona chakanga chakaita sechiratidzo chandakanga ndamboona paakauya kuzoparadza guta uye nechiratidzo chandakaona paRwizi rweKebhari, ndikawira pasi nechiso changu. 4 Kubwinya kwaJehovha kwakapinda […]

Ezekieri 44

Muchinda, vaRevhi, naVaprista 1 Ipapo murume uyu akandidzosera kusuo rokunze renzvimbo tsvene rakanga rakatarisa kumabvazuva, uye rakanga rakapfigwa. 2 Jehovha akati kwandiri, “Suo iri rinofanira kugara rakapfigwa. Harifaniri kuzarurwa; hakuna munhu angapinda naro. Rinofanira kugara rakapfigwa nokuti Jehovha, Mwari waIsraeri, akapinda napariri: 3 Muchinda pachake ndiye chete angagara mukati mesuo kuti adye ari pamberi paJehovha. […]

Ezekieri 45

Kuganhurwa kweNyika 1 “ ‘Pamunogovera nyika senhaka, munofanira kutsaurira Jehovha mugove wenyika sedunhu dzvene, rakareba makubhiti zviuru makumi maviri nezvishanu rine upamhi hwezviuru makumi maviri amakubhiti; nzvimbo yose iyoyo ichava tsvene. 2 Panzvimbo iyoyi, chikamu chinosvika makubhiti mazana mashanu paupamhi uye panofanira kuva neimwe nzvimbo yakaipoteredza inosvika makubhiti makumi mashanu paupamhi uye panofanira kuva neimwe […]

Ezekieri 46

1 “ ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Suo roruvazhe rwomukati rakatarisa kumabvazuva rinofanira kugara rakapfigwa mazuva matanhatu anobatwa nawo basa, asi pazuva reSabata uye pazuva roKugara kwoMwedzi rinofanira kuzariwa. 2 Muchinda anobva kunze anofanira kupinda napabiravira rapasuo agomira pambiru dzapasuo. Vaprista vanofanira kubayira chipiriso chake chinopiswa nechipiriso chake chokuwadzana. Anofanira kunamata ari pachikumbaridzo chepasuo ipapo agobuda kunze, […]

Ezekieri 47

Rwizi runobva paTemberi 1 Murume uyu akandidzosa pamukova wetemberi, ndikaona mvura yaibuda napasi pechikumbaridzo chetemberi kwakatarisa kumabvazuva, nokuti temberi yakanga yakatarira kumabvazuva. Mvura yakanga ichiyerera napasi nechezasi kwetemberi, nyasi kwearitari. 2 Ipapo akandibudisa nokusuo rokumusoro akanditungamirira pakupoterera nechokunze kwesuo rokunze rakatarisana nokumabvazuva, uye mvura yaiyerera ichibva kurutivi rwezasi. 3 Murume uyu akati achifamba akananga kurutivi […]

Ezekieri 48

Kuganhurwa kweNyika 1 “Aya ndiwo marudzi akanyorwa, namazita awo: kurutivi rwokumuganhu wokumusoro, Dhani achava nomugove mumwe chete; uchange uchitevedza mugwagwa weHetironi kusvika kuRebho Hamati; Hazari Enani nomuganhu wokumusoro kweDhamasiko, pedyo neHamati, zvichava chikamu chomuganhu wavo unobva kurutivi rwokumabvazuva kusvikira kurutivi rwokumavirira. 2 “Asheri achava nomugove mumwe chete; uchaganhurana nenyika yaDhani kubva kumabvazuva kusvikira kumavirira. 3 […]

Kuungudza kwaJeremia 1

1 Ko, muguta zvamusisina vanhu, iro rakanga rizere navanhu! Zvarangova sechirikadzi, iro rakanga riri guru pakati pamarudzi! Iro rakanga riri mambokadzi pakati penyika, zvino rava nhapwa. 2 Rinochema zvikuru usiku, misodzi iri pamatama aro. Pakati pavadiwa varo vose hakuna anorivaraidza. Shamwari dzaro dzose dzarimukira; dzava vavengi varo. 3 Shure kwokutambudzika nokushanda zvakaomarara, Judha akaenda kuutapwa. […]

Kuungudza kwaJeremia 2

1 Ishe akafukidza sei Mwanasikana weZioni negore rokutsamwa kwake! Akapotsera pasi kubwinya kweIsraeri, kubva kudenga kusvika panyika; haana kurangarira chitsiko chetsoka dzake pazuva rokutsamwa kwake. 2 Ishe akamedza ugaro hwose hwaJakobho akasavanzwira tsitsi; pakutsamwa kwake akakoromorera pasi nhare dzoMwanasikana weJudha. Akawisira pasi umambo hwake namachinda ahwo mukunyadziswa. 3 Mukutsamwa kwake kunotyisa akagura nyanga dzose dzaIsraeri. […]

Kuungudza kwaJeremia 3

1 Ndini munhu akaona kutambudzika neshamhu yehasha dzake. 2 Akandidzingira kure akaita kuti ndifambe murima panzvimbo yomuchiedza; 3 zvirokwazvo, akashandura ruoko rwake kuti rundirwise nguva nenguva, zuva rose. 4 Akasakadza ganda rangu nenyama yangu uye akavhuna mapfupa angu. 5 Akandikomba akandipoteredza neshungu nokurwadziswa. 6 Akandigarisa murima savanhu vakanguri vafa. 7 Akandipfigira kuti ndisapunyuka, akandiremedza nengetani. […]