1 Haiwa, dai musoro wangu waiva chitubu chemvura uye meso angu riri tsime remisodzi! Ndingadai ndaichema masikati nousiku nokuda kwavakaurayiwa vavanhu vangu. 2 Haiwa, dai ndaiva nenzvimbo mugwenga yokugara yavafambi, kuitira kuti ndisiye vanhu vangu ndiende kure navo; nokuti vose imhombwe, ungano yavanhu vasina kutendeka. 3 “Vanokunga rurimi rwavo souta, kuti vapfure nhema; havaiti nechokwadi […]
Author Archives: admin
Jeremia 10
Mwari neZvifananidzo 1 Inzwai zvinoreva Jehovha kwamuri, imi imba yaIsraeri. 2 Zvanzi naJehovha, “Regai kudzidza tsika dzendudzi kana kuvhundutswa nezviratidzo zviri kudenga kunyange hazvo ndudzi dzichivhundutswa nazvo. 3 Nokuti tsika dzavanhu hadzina maturo; vanotema muti musango, muvezi ouveza nembezo. 4 Vanoushongedza nesirivha negoridhe; vanourovera nenyundo nezvipikiri kuti urege kuzungunuka. 5 Sedukununu kumucheto womunda wamavise, zvifananidzo […]
Jeremia 11
Sungano Yaputswa 1 Iri ndiro shoko rakauya kuna Jeremia richibva kuna Jehovha: 2 “Teererai kumitemo yesungano iyi mugoizivisa kuvanhu veJudha nokuna vanogara muJerusarema. 3 Muvaudze kuti zvanzi naJehovha Mwari waIsraeri, ‘Akatukwa munhu asingateereri mitemo yesungano iyi, 4 mitemo yandakarayira madzitateguru enyu pandakavabudisa muIjipiti kubva muchoto chamatare.’ Ndakati, “Nditeererei mugoita zvose zvandinokurayirai, mugova vanhu vangu, ini […]
Jeremia 12
Kugunun’una kwaJeremia 1 Imi munogara makarurama, iyemi Jehovha, pandinouya pamberi penyu nemhaka. Kunyange zvakadaro ndichataura nemi pamusoro pokururamisira kwenyu, ndichiti: Nemhaka yeiko nzira yavakaipa ichibudirira? Nemhaka yei vasingatendi vachirarama zvakanaka? 2 Makavasima, uye vava nemidzi; vanokura uye vanobereka muchero. Imi munogara muri pamiromo yavo asi muri kure nemwoyo yavo. 3 Asi munondiziva, imi Jehovha; munondiona […]
Jeremia 13
Bhanhire roMucheka 1 Zvakanzi naJehovha kwandiri, “Enda undotenga bhanhire romucheka urisunge muchiuno chako, asi usarege richipinda mvura,” 2 Saka ndakatenga bhanhire, sezvandakarayirwa naJehovha, ndokurisunga muchiuno changu. 3 Ipapo shoko raJehovha rakauya kwandiri kechipiri richiti, 4 “Tora bhanhire rawakatenga uye rawakasunga muchiuno chako uende iye zvino kuPerati undoriviga ikoko mumukaha wamatombo.” 5 Saka ndakaenda ndikandoriviga paPerati […]
Jeremia 14
Kusanaya kweMvura, Nzara, Munondo 1 Iri ndiro shoko raJehovha kuna Jeremia pamusoro pokusanaya kwemvura: 2 “Judha anochema, maguta ake apera simba; vanoungudza nokuda kwenyika, uye kuchema kwokwira kuchibva kuJerusarema. 3 Vanokudzwa vanotuma varanda vavo kundochera mvura; vanoenda kumatsime, asi vanoshayiwa mvura. Vanodzoka nezvirongo zvavo zvisina mvura; vaora mwoyo uye vasisina tariro, vanofukidza misoro yavo. 4 […]
Jeremia 15
1 Ipapo Jehovha akati kwandiri, “Kunyange dai Mozisi naSamueri vaimira pamberi pangu, mwoyo wangu hawaiva nehanya navanhu ava. Vadzingei pamberi pangu! Regai vaende! 2 Zvino kana vakakubvunza vachiti, ‘Tichaendepiko?’ Uvaudze kuti, ‘Zvanzi naJehovha, Vakafanirwa norufu ngavaende kurufu, vakafanirwa nomunondo, kumunondo; vakafanirwa nenzara, kunzara; vakafanirwa noutapwa, kuutapwa.’ 3 “Ndichatumira mhando ina dzavaparadzi pamusoro pavo,” ndizvo zvinotaura […]
Jeremia 16
Zuva reNjodzi 1 Ipapo shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti, 2 “Haufaniri kuwana mukadzi kana kuva navanakomana kana vanasikana panzvimbo ino.” 3 Nokuti zvanzi naJehovha, pamusoro pavanakomana navanasikana vanoberekwa munyika ino napamusoro pavakadzi vanova vanamai vavo navarume vanova madzibaba avo, 4 “Vachafa nehasha dzakaipisisa. Havangazochemwi kana kuvigwa asi vachafanana nomupfudze uri pamusoro penyika. Vachaparara nomunondo nenzara, […]
Jeremia 17
1 “Chivi chaJudha chakanyorwa nechinyoreso chesimbi, chakanyorwa nomuromo webwe rakapinza kwazvo, pahwendefa dzemwoyo yavo nepanyanga dzearitari dzavo. 2 Kunyange vana vavo vanorangarira aritari dzavo namatanda aAshera munyasi memiti yakapfumvutira uye napazvikomo zvakakwirira. 3 Gomo rangu riri munyika uye pfuma yako namatura ako ose ndichazviendesa kuutapwa, pamwe chete nenzvimbo dzako dzakakwirira, nokuda kwechivi chiri munyika yako […]
Jeremia 18
Paimba yoMuumbi weHari 1 Iri ndiro shoko rakauya kuna Jeremia richibva kuna Jehovha richiti, 2 “Buruka uende kuimba yomuumbi wehari, ndigokupa shoko rangu ikoko.” 3 Saka ndakaenda kuimba yomuumbi wehari, ndikamuona achishanda paguyo. 4 Asi hari yaakanga achiumba nevhu yakashatiswa mumaoko ake; saka muumbi akaita imwe hari akaiumba namaumbiro aaiona akanaka. 5 Ipapo shoko raJehovha […]