Kuwa kweJerusarema 1 Uku ndiko kutorwa kwakaitwa Jerusarema: Mugore rechipfumbamwe ramambo Zedhekia mambo weJudha, nomwedzi wegumi, Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi akauya kuzorwisa Jerusarema nehondo yake yose ndokurikomba. 2 Zvino negore regumi nerimwe raZedhekia, pazuva repfumbamwe romwedzi wechina, masvingo eguta akakoromorwa. 3 Ipapo machinda ose amambo weBhabhironi akauya ndokugara paSuo Rapakati, vaiti: NerigariSharezeri weSamugari naNebho-Saresekimi mukuru wavaranda […]
Author Archives: admin
Jeremia 40
Jeremia anosunungurwa 1 Shoko rakasvika kuna Jeremia richibva kuna Jehovha mushure mokusunungurwa kwake paRama naNebhuzaradhani mukuru wavarindi. Akanga awana Jeremia akasungwa nengetani ari pakati pavatapwa vose vaibva Jerusarema neJudha avo vakanga vachiendeswa kuutapwa kuBhabhironi. 2 Mukuru wavarindi akati awana Jeremia, akati kwaari, “Jehovha Mwari wako akatenda kuti njodzi iyi iwire nzvimbo ino. 3 Zvino Jehovha […]
Jeremia 41
1 Mumwedzi wechinomwe, Ishumaeri mwanakomana waNetania, mwanakomana waErishama, uyo akanga ari werudzi rwamambo, uye akanga ari mumwe wemachinda amambo, akauya ane varume gumi kuna Gedharia mwanakomana waAhikami, paMizipa. Vachiri kudya pamwe chete ipapo, 2 Ishumaeri mwanakomana waNetania navarume gumi vakanga vanaye vakasimuka vakabaya Gedharia mwanakomana waAhikami, mwanakomana waShafani, nomunondo, vakamuuraya iye akanga agadzwa namambo weBhabhironi […]
Jeremia 42
1 Ipapo vakuru vose vehondo, pamwe chete naJohanani mwanakomana waKarea naJezania mwanakomana waHoshaya, navanhu vose kubva kuvaduku kusvikira kuvakuru vakasvika, 2 kuna Jeremia muprofita vakati kwaari, “Tapota inzwai chikumbiro chedu mutinyengeterere kuna Jehovha Mwari wenyu nokuda kwavose ava vakasara. Nokuti sezvamunoona zvino, kuti kunyange taiva vazhinji, iye zvino kwangosara vashoma chete. 3 Nyengeterai kuti Jehovha […]
Jeremia 43
1 Jeremia akati apedza kuudza vanhu mashoko ose aJehovha Mwari wavo, zvose zvaakanga atumwa naJehovha kuti avaudze, 2 Azaria mwanakomana waHoshaya naJohanani mwanakomana waKarea navarume vose vaizvikudza vakati kuna Jeremia, “Unoreva nhema iwe! Jehovha Mwari wedu haana kukutuma kuti uzoti, ‘Hamufaniri kuenda kuIjipiti kundogara ikoko.’ 3 Asi Bharuki mwanakomana waNeria ndiye anokukusvudzira pamusoro pedu kuti […]
Jeremia 44
Njodzi nokuda kwoKunamata Zvifananidzo 1 Shoko iri rakasvika kuna Jeremia pamusoro pavaJudha vose vakanga vagere zasi kweIjipiti, muMigidhori nomuTapanesi nomuNofi, nokumusoro kweIjipiti, richiti, 2 “Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, Mwari waIsraeri: Makaona njodzi huru yandakauyisa pamusoro peJerusarema nomumaguta ose eJudha. Nhasi uno asiyiwa angova matongo 3 nokuda kwezvakaipa zvavakaita. Vakanditsamwisa nokuda kwokupisira zvinonhuwira uye nokunamata vamwe […]
Jeremia 45
Shoko kuna Bharuki 1 Izvi ndizvo zvakataurwa nomuprofita Jeremia kuna Bharuki mwanakomana waNeria, mugore rechina raJehoyakimi mwanakomana waJosia mambo weJudha, shure kwokunyora kwaBharuki rugwaro rwamashoko aJeremia aakanga achimudaidzira, achiti, 2 “Zvanzi naJehovha, Mwari waIsraeri, kunewe Bharuki: 3 Iwe wakati, ‘Ndine nhamo! Jehovha apamhidzira kusuwa pakurwadziwa kwangu; ndaneta nokugomera uye ndashayiwa zororo.’ ” 4 Jehovha akati, […]
Jeremia 46
Shoko pamusoro peIjipiti 1 Iri ndiro shoko raJehovha rakauya kuna Jeremia muprofita pamusoro pendudzi: 2 Pamusoro peIjipiti: Iri ndiro shoko pamusoro pehondo yaFaro Neko mambo weIjipiti, yakakundwa paKarikemishi, paRwizi Yufuratesi naNebhukadhinezari mambo weBhabhironi mugore rechina raJehoyakimi mwanakomana waJosia mambo weJudha: 3 “Gadzirai nhoo dzenyu, dzose huru neduku, mubude kundorwa! 4 Sungai mabhiza, sungirirai zvigaro! Mirai […]
Jeremia 47
Chirevo pamusoro pavaFiristia 1 Iri ndiro shoko raJehovha rakasvika kumuprofita Jeremia pamusoro pavaFiristia, Faro asati arwisa Gaza: 2 Zvanzi naJehovha, “Onai kukwira kunoita mvura zhinji yokumusoro; ivo vachava rwizi runopa pfuma nesimba. Vachafukidza nyika nezvose zviri mairi, maguta navose vanogaramo. Vanhu vachachema; vose vanogara munyika vachaungudza 3 nokuda kwomutsindo wemahwanda emabhiza, nomutinhiro wengoro dzavavengi, nokurira […]
Jeremia 48
Chirevo pamusoro peMoabhu 1 Pamusoro peMoabhu: Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, Mwari waIsraeri, “Ine nhamo Nebho, nokuti ichaparadzwa. Kiriataimi ichanyadziswa uye ichakundwa; nhare dzichanyadziswa uye dzichaparadzwa. 2 Moabhu haichazorumbidzwizve; muHeshibhoni varume vacharangana nezvokuwa kwaro, vachiti, ‘Uyai, tiparadze rudzi urwo.’ Newewo, iwe Madhimeni uchati mwiro; munondo uchakutevera. 3 Inzwai kuchema kunobva kuHoronaimi, kuchema kwokukoromorwa nokuparadzwa kukuru. 4 […]