Kusunungurwa kwaIsraeri 1 Pazuva iro, Jehovha acharanga nomunondo wake, iwo munondo wake mukuru une simba uye unotyisa, Revhiatani nyoka inokurumidza, Revhiatani nyoka inogonyana; achauraya chikara chomugungwa. 2 Pazuva iro, “Imbai nezvomuzambiringa unobereka: 3 Ini Jehovha ndini ndinouchengeta; ndinoramba ndichiudiridzira. Ndinourinda masikati nousiku kuitira kuti parege kuva neanoukanganisa. 4 Handina kutsamwa Dai paingova nerukato neminzwa zvinorwa […]
Author Archives: admin
Isaya 28
Nhamo kuna Efuremu 1 Ine nhamo korona yokuzvikudza, yezvidhakwa zveEfuremu, neruva rosvava pakubwinya kworunako rwaro, riri pamusoro pemipata yakaorera yaavo vakurirwa newaini! 2 Tarira, Ishe ano mumwe ane simba uye anokurira. Sechimvuramabwe uye nedutu rinoparadza, sedutu remvura zhinji uye samafashamu emvura inonaya, achaiwisira pasi nesimba guru. 3 Iya korona, yokuzvikudza yezvidhakwa zveEfuremu, ichatsikwa-tsikwa pasi petsoka. […]
Isaya 29
Nhamo kuGuta raDhavhidhi 1 Une nhamo iwe Arieri, Arieri, guta raigara Dhavhidhi! Wedzera gore pagore; uye regai nguva dzemitambo yenyu dzirambe dziripo. 2 Kunyange zvakadaro, ndichakomba Arieri; pachava nokuchema nokuungudza, Arieri richafanana nechoto chearitari kwandiri. 3 Ndichakukomba kumativi ose; ndichakukomberedza neshongwe uye ndichavaka nhare dzokurwa newe. 4 Uchadzikisirwa pasi, uchataura uri pasi; kutaura kwako kuchabva […]
Isaya 30
Rune Nhamo Rudzi Rwakasindimara 1 “Vane nhamo vana vakasindimara,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “kuna avo vanoita urongwa husati huri hwangu, vanoita sungano, asi vasingaiti noMweya wangu, vachiunganidza chivi pamusoro pechivi; 2 vanoenda kuIjipiti vasina kundibvunza; vanotsvaka rubatsiro rworudziviriro rwaFaro, vanotsvaka utiziro kumumvuri weIjipiti. 3 Asi kudzivirira kwaFaro kuchava kunyadziswa kwenyu, mumvuri weIjipiti uchakuvigirai kunyadziswa, 4 kunyange […]
Isaya 31
Vane Nhamo Vanovimba neIjipiti 1 Vane nhamo avo vanoburukira kuIjipiti kundotsvaka rubatsiro, vanovimba namabhiza, vanovimba nokuwanda kwengoro dzavo uye nesimba guru ravatasvi vavo vamabhiza, asi vasingatariri kuMutsvene waIsraeri, kana kutsvaka rubatsiro runobva kuna Jehovha. 2 Kunyange zvakadaro naiyewo akachenjera uye anogona kuuyisa nhamo; haangadzosi mashoko ake. Iye achamukira imba yavakaipa, naavo vanobatsira vanoita zvakaipa. 3 […]
Isaya 32
Umambo hwoKururama 1 Tarirai mambo achatonga nokururama, uye vatongi vachatonga nokururamisira. 2 Munhu mumwe nomumwe achafanana noutiziro kubva kumhepo, noutiziro kubva pakunaya kwemvura zhinji, sehova dzemvura mugwenga nomumvuri webwe guru munyika yafa nenyota. 3 Ipapo meso avose vanoona haachazotsinzini, uye nzeve dzavanonzwa dzichateerera. 4 Ndangariro dzavanokurumidzira zvinhu dzichaziva nokunzwisisa, uye vanokakama vachataura zvakanaka uye zvinonzwika. […]
Isaya 33
Kutambudzika noKubatsirwa 1 Une nhamo iwe, muparadzi, iyewe usati wamboparadzwa! Une nhamo iwe, mupanduki, iyewe usati wambopandukirwa! Paunorega kuparadza, iwe uchaparadzwa; paunorega kupandukira, iwe uchapandukirwa. 2 Haiwa Jehovha, tinzwirei tsitsi; tinokupangai imi. Ivai simba redu mangwanani oga oga, noruponeso rwedu panguva yokutambudzika. 3 Pakutinhira kwenzwi renyu, ndudzi dzinotiza; pamunosimuka, marudzi anopararira. 4 Haiwa imi ndudzi, […]
Isaya 34
Kutongwa kweNdudzi 1 Swederai pedyo, imi marudzi avanhu, munzwe. Teererai, imi vanhu! Nyika ngainzwe, nezvose zviri mairi, pasi pose, nezvose zvinobudamo! 2 Jehovha akatsamwira marudzi ose; hasha dzake dziri pamusoro pehondo dzavo dzose. Iye achavaparadza chose, achaita kuti vaurayiwe. 3 Vakaurayiwa vavo vacharasirwa kunze, mitumbi yavo ichanhuhwa; makomo achanyorova neropa ravo. 4 Nyeredzi dzokudenga dzose […]
Isaya 35
Mufaro waVakadzikinurwa 1 Gwenga nenyika yakaoma zvichafara; sango richafara kwazvo uye richatumbuka; seruva, 2 richatumbuka; richafara zvikuru uye richapembera nomufaro. Mbiri yeRebhanoni ichapiwa kwariri, kunaka kweKarimeri neSharoni; vachaona kubwinya kwaJehovha, nokunaka kwaMwari wedu. 3 Simbisai maoko asina simba, tsigirai mabvi anodedera; 4 muti kuna avo vane mwoyo inotya, “Simbai, musatya; Mwari wenyu achauya, achauya nokutsiva, […]
Isaya 36
Senakeribhi anovhundutsira Jerusarema 1 Mugore regumi namana rokutonga kwaMambo Hezekia, Senakeribhi mambo weAsiria akarwisa maguta ose akakomberedzwa aJudha akaapamba. 2 Ipapo mambo weAsiria akatuma mukuru wehondo yake nehondo huru achibva kuRakishi kuna Mambo Hezekia muJerusarema. Mukuru wehondo akati amira pamugero weDziva roKumusoro, pamugwagwa unoenda kuMunda woMusuki, 3 ipapo Eriakimu mwanakomana waHirikia, mufambisi webasa mumuzinda wamambo, […]