1 Kurumidzai kundiponesa, imi Mwari; Haiwa Jehovha kurumidzai kuuya mundibatsire. 2 Vanotsvaka upenyu hwangu ngavanyadziswe uye vakanganiswe; vose vanofarira kuparara kwangu ngavadzorwe shure vanyare. 3 Vanoti kwandiri, “Hekani waro! Hekani waro!” ngavadzorerwe shure nokuda kwenyadzi dzavo. 4 Asi vose vanokutsvakai ngavafare nokufarisisa mamuri; vanoda ruponeso rwenyu ngavagare vachiti, “Mwari ngaakudzwe!” 5 Asi ndiri murombo nomushayiwi; […]
Author Archives: admin
Mapisarema 71
1 Ndinovanda mamuri, imi Jehovha; ngandirege kutongonyadziswa. 2 Ndinunurei uye mundirwire mukururama kwenyu; rerekerai nzeve yenyu kwandiri uye mundiponese. 3 Ivai bako rangu rokuvanda kwandingaramba ndichienda; rayirai kuti ndiponeswe, nokuti ndimi dombo rangu nenhare yangu. 4 Haiwa Mwari wangu, ndirwirei, paruoko rwowakaipa, pakubatwa navanhu vakaipa uye vane utsinye. 5 Nokuti muri tariro yangu, imi Ishe […]
Mapisarema 72
Pisarema raSoromoni. 1 Shongedzai Mambo nokururamisira kwenyu, imi Mwari, mwanakomana wamambo nokururama kwenyu. 2 Iye achatonga vanhu venyu nokururama, navanonetswa venyu nokururamisira. 3 Makomo achavigira vanhu kubudirira, nezvikomo, chibereko chokururama. 4 Achadzivirira vanonetswa pakati pavanhu, uye achaponesa vana vavanoshayiwa; achapwanya mudzvinyiriri. 5 Achashinga sokuvapo kwezuva, sokuvapo kwomwedzi, kusvikira kumarudzi ose anotevera, 6 achafanana nemvura inonaya […]
Mapisarema 73
Pisarema raAsafi. 1 Zvirokwazvo Mwari akanaka kuna Israeri, kuna avo vakachena pamwoyo. 2 Asi kana ndirini, tsoka dzangu dzakapotsa dzatsvedza; ndakasara paduku kupunzika. 3 Nokuti ndakaitira shanje vanozvikudza, pandakaona kubudirira kwavakaipa. 4 Havatambudziki; miviri yavo ino utano uye vakasimba. 5 Vakasununguka pamitoro inowanikwa muvanhu; havatambudzwi nezvinotambudza vanhu. 6 Naizvozvo kuzvikudza ndiko ruketani rwemitsipa yavo; vanozvishongedza […]
Mapisarema 74
Masikiri raAsafi. 1 Haiwa Mwari, makatirambireiko nokusingaperi? Kutsamwa kwenyu kwapfungairireiko pamusoro pamakwai anofudzwa nemi? 2 Rangarirai vanhu vamakatenga kare, rudzi rwenhaka yenyu, ivo vamakadzikinura, Gomo reZioni, pamaigara. 3 Dzorai nhambwe dzenyu mutarise matongo asingaperi, kuparadza ikoku kwose kwakauya nomuvengi pamusoro penzvimbo yenyu tsvene. 4 Vavengi venyu vakaomba panzvimbo yamakasangana nesu; vakamisa mireza yavo sechiratidzo. 5 […]
Mapisarema 75
Kumutungamiri wokuimba namaimbiro okuti, “Regai kuparadza.” Pisarema raAsafi. Rwiyo. 1 Tinokuvongai, imi Mwari, tinokuvongai, nokuti Zita renyu riri pedyo; vanhu vanotaura nezvamabasa enyu anoshamisa. 2 Imi munoti, “Ndinosarudza nguva yakatarwa; ndini ndinotonga zvakarurama. 3 Panozununguka nyika yose navanhu vayo, ini ndini ndinobata mbiru dzayo zvakasimba.Sera 4 Kuna vanozvikudza ndinoti, ‘Regai kuzvikudzazve,’ uye kuna vakaipa, ndinoti, […]
Mapisarema 76
Kumutungamiri wokuimba nomutengeranwa une hungiso. Pisarema raAsafi. Rwiyo. 1 Mwari anozivikanwa muJudha; zita rake iguru muIsraeri. 2 Tende rake riri muSaremu, ugaro hwake paZioni. 3 Ndipo paakavhuna miseve inovaima, nhoo neminondo, izvo zvombo zvokurwa.Sera 4 Imi makashongedzwa nechiedza, kupfuura makomo akapfuma nemhuka. 5 Varume vakashinga vakavata pasi vapambwa, vakavata hope dzavo dzokupedzisira; hakuna mumwe wavarwi […]
Mapisarema 77
Kumutungamiri wokuimba zveJedhutuni. Pisarema raAsafi. 1 Ndakadanidzira kuna Mwari kuti andibatsire; ndakadana kuna Mwari kuti andinzwe. 2 Pandakanga ndiri pakutambudzika, ndakatsvaka Ishe; panguva yousiku ndakatambanudza maoko angu asinganeti, uye mweya wangu wakaramba kunyaradzwa. 3 Haiwa Mwari, ndakakurangarirai, uye ndikagomera; ndakafungisisa, mweya wangu ukaziya.Sera 4 Makakonesa meso angu kutsinzina; ndakatambudzika zvokuti ndakatadza kutaura. 5 Ndakarangarira mazuva […]
Mapisarema 78
Masikiri raAsafi. 1 Haiwa vanhu vangu, inzwai kudzidzisa kwangu; teererai mashoko omuromo wangu. 2 Ndichashamisa muromo wangu nditaure nomufananidzo, ndichataura zvinhu zvakavanzika, zvinhu zvakare kare, 3 zvatakanzwa nezvatakaziva, zvatakaudzwa namadzibaba edu. 4 Hatingazozvivanziri vana vavo; tichaudza rudzi runotevera mabasa angarumbidzwa aJehovha, simba rake, nezvishamiso zvaakaita. 5 Akatema zvirevo zvaJakobho akasimbisa murayiro muIsraeri, waakarayira madzitateguru edu […]
Mapisarema 79
Pisarema raAsafi. 1 Haiwa Mwari, ndudzi dzapinda panhaka yenyu; vakasvibisa temberi yenyu tsvene, Jerusarema varideredza rikava marara. 2 Vakapa mitumbi yavaranda venyu sezvokudya zveshiri dzedenga, nyama yavatsvene venyu kuzvikara zvenyika. 3 Vakateura ropa kunge mvura paJerusarema rose, uye hakuna munhu anoviga zvitunha. 4 Tiri chinhu chinoshorwa navatigere navo, chinosekwa nechinozvidzwa kuna avo vakatipoteredza. 5 Haiwa […]