Kumutungamiri wokuimba nomuimbiro wa “Maruva amahapa esungano.” Pisarema raAsafi. 1 Tinzwei, imi Mufudzi weIsraeri, imi makatungamirira Josefa seboka ramakwai; iyemi munogara pachigaro choushe pakati pamakerubhi, penyai 2 pamberi peEfuremu, Bhenjamini naManase. Mutsai simba renyu; uyai mutiponese. 3 Tidzorei, imi Mwari, penyesai chiso chenyu pamusoro pedu, kuti tiponeswe. 4 Haiwa Jehovha Mwari Wamasimba Ose, kutsamwa kwenyu […]
Author Archives: admin
Mapisarema 81
Kumutungamiri wokuimba. namaimbirwo egititi. Pisarema raAsafi. 1 Imbirai Mwari nomufaro iye simba redu; danidzirai kuna Mwari waJakobho! 2 Vambai rwiyo, muridze tambureni, ridzai mbira dzinonakidza nomutengeranwa. 3 Ridzai runyanga rwehwai paKugara kwoMwedzi, uye pakuchena kwomwedzi, pazuva roMutambo wedu; 4 ichi ndicho chirevo chaIsraeri, chakatarwa naMwari waJakobho. 5 Akachisimbisa somutemo wakanyorwa waJosefa panguva yaakandorwa neIjipiti, uko […]
Mapisarema 82
Pisarema raAsafi. 1 Mwari anogara paungano huru; anotonga pakati pa“vamwari” achiti, 2 “Muchasvika riniko muchirwira vasakarurama uye muchisanangura vanhu vakaipa?Sera 3 Tongai mhaka dzavasina simba nenherera; chengetedzai kodzero dzavarombo navakadzvinyirirwa. 4 Nunurai vasina simba navanoshayiwa; varwirei paruoko rwowakaipa. 5 “Havana chavanoziva, havana chavanonzwisisa. Vanongofamba-famba murima; nheyo dzose dzenyika dzinozungunuswa. 6 “Ndakati, ‘Muri vamwari; imi mose […]
Mapisarema 83
Rwiyo. Pisarema raAsafi. 1 Haiwa Mwari, regai kunyarara; musanyarara, imi Mwari, musati mwiro. 2 Tarirai kumutswa kwaitwa vavengi venyu, namasimudziro avaita misoro yavo. 3 Vakarangana nounyengeri pamusoro pavanhu venyu; vanorangana pamusoro paavo vomunochengeta zvakanaka. 4 Ivo vanoti, “Uyai, ngativaparadzei sorudzi, kuti zita raIsraeri rirove.” 5 Vanorangana pamwe chete nomwoyo mumwe chete; vanoita sungano yokuzorwa nemi, […]
Mapisarema 84
Kumutungamiri wokuimba namaimbirwo egititi. Pisarema ravanakomana vaKora. 1 Ugaro hwenyu hwakanaka sei, imi Jehovha Wamasimba Ose! 2 Mweya wangu unopanga, kunyange kuziya chaiko, nokuda kwevanze dzaJehovha; mwoyo wangu nenyama yangu zvinodana kuna Mwari mupenyu. 3 Kunyange shiri diki yakazviwanira imba, nenyenganyenga yakazviwanirawo dendere kwaingachochonyera vana vayo, iyo nzvimbo iri pedyo nearitari yenyu, imi Jehovha Wamasimba […]
Mapisarema 85
Kumutungamiri wokuimba waVanakomana vaKora. Pisarema. 1 Makanzwira nyasha nyika yenyu, imi Jehovha; makadzosera Jakobho nhaka yake. 2 Makakanganwira kutadza kwavanhu venyu, uye mukafukidza zvivi zvavo zvose.Sera 3 Makaisa parutivi hasha dzenyu dzose, mukadzoka pakutsamwa kwenyu kunotyisa. 4 Tidzoreizve, imi Mwari Muponesi wedu, mugoisa kure nemi kusafara kwenyu pamusoro pedu. 5 Mucharamba makatitsamwira nokusingaperi here? Mucharega […]
Mapisarema 86
Munyengetero waDhavhidhi. 1 Inzwai, imi Jehovha, uye mundipindure, nokuti ndiri murombo nomushayiwi. 2 Chengetai upenyu hwangu, nokuti ndakazvipa kwamuri. Muri Mwari wangu; ponesai muranda wenyu anovimba nemi. 3 Ndinzwirei ngoni, imi Ishe, nokuti ndinodana kwamuri zuva rose. 4 Vigirai muranda wenyu mufaro, nokuti kwamuri, imi Ishe, ndinosimudzira mweya wangu. 5 Imi munokanganwira uye makanaka, imi […]
Mapisarema 87
Zvavanakomana vaKora. Pisarema. Rwiyo. 1 Akateya nheyo dzake pagomo dzvene; 2 Jehovha anoda masuo eZioni kupfuura pose panogara Jakobho. 3 Zvinhu zvakaisvonaka zvinotaurwa pamusoro pako, iwe guta raMwari:Sera 4 “Ndichanyora nezvaRahabhi neBhabhironi pakati pavanondiziva, neFiristiawo neTire, pamwe chete neEtiopia, uye vachati, “Uyu akaberekerwa muZioni.” 5 Zvirokwazvo, pamusoro peZioni vachati, “Uyu nowoyo vakaberekerwamo, uye Wokumusoro-soro pachake […]
Mapisarema 88
Rwiyo. Pisarema ravanakomana vaKora. Kumutungamiri wokuimba namaimbiro emaharati reanoti. Masikiri raHemani muEzrahi. 1 Haiwa Jehovha, Mwari anondiponesa, ndakachema masikati nousiku pamberi penyu. 2 Munyengetero wangu ngausvike pamberi penyu; rerekerai nzeve yenyu kukuchema kwangu. 3 Nokuti mweya wangu uzere nokutambudzika, uye upenyu hwangu hwaswedera pedyo neguva. 4 Ndinoverengwa pakati paavo vakaburukira kugomba; ndava somunhu asina simba. […]
Mapisarema 89
Masikiri raEtani muErahi. 1 Ndichaimba nezvorudo rukuru rwaJehovha nokusingaperi; ndichazivisa kutendeka kwenyu nomuromo wangu kumarudzi namarudzi. 2 Ndichaparidza kuti rudo rwenyu runomira rwakasimba nokusingaperi, uye kuti muchasimbisa kutendeka kwenyu kudenga chaiko. 3 Imi makati, “Ndakaita sungano nomusanangurwa wangu, ndakapika kuna Dhavhidhi muranda wangu, ndichiti, 4 ‘Ndichasimbisa imba yako nokusingaperi, uye ndichasimbisa chigaro chako choushe kumarudzi […]