Mapisarema 90

Munyengetero waMozisi munhu waMwari. 1 Jehovha, imi makanga muri ugaro hwedu kubva kumarudzi namarudzi. 2 Makomo asati azvarwa uye musati mabudisa nyika nepasi rose, kubva pakusingaperi kusvikira pakusingaperi muri Mwari. 3 Munodzosera vanhu kuguruva zvakare, muchiti, “Dzokerai kuguruva, imi vanakomana vavanhu.” 4 Nokuti pamberi penyu makore chiuru akangofanana nezuva richangopfuura, kana senguva yokurinda usiku. 5 […]

Mapisarema 91

1 Uyo anogara panzvimbo yokuvanda yoWokumusoro-soro achazorora mumumvuri woWamasimba Ose. 2 Ndichati pamusoro paJehovha, “Ndiye utiziro hwangu nenhare yangu, Mwari wangu, wandinovimba naye.” 3 Zvirokwazvo achakuponesa parugombe rwomuteyi napadenda rinouraya. 4 Achakufukidza neminhenga yake, uye uchawana utiziro pasi pamapapiro ake; kutendeka kwake kuchava nhoo yako norusvingo rwako. 5 Haungatyiswi nokuvhundusa kwousiku, kana museve unopfurwa masikati, […]

Mapisarema 92

Pisarema. Rwiyo rweSabata. 1 Zvakanaka kurumbidza Jehovha nokuimbira zita renyu nziyo, imi Wokumusoro-soro, 2 kuparidza rudo rwenyu mangwanani nokutendeka kwenyu usiku, 3 nechiridzwa chine hungiso gumi namaririro akanaka embira. 4 Nokuti munondifadza namabasa enyu, imi Jehovha; ndinoimba nomufaro nokuda kwamabasa amaoko enyu. 5 Haiwa Jehovha, mabasa enyu makuru seiko, ndangariro dzenyu dzakadzika sei! 6 Munhu […]

Mapisarema 93

1 Jehovha anobata ushe, akashongedzwa noumambo; Jehovha akashongedzwa noumambo uye akafukidzwa nesimba. Nyika yakateyiwa zvakasimba; haingazungunuswi. 2 Chigaro chenyu choushe chakasimbiswa kare kare; imi muripo nokusingaperi. 3 Haiwa Jehovha, makungwa akasimudza, makungwa akasimudza manzwi awo; makungwa akasimudza mafungu anotinhira. 4 Mukuru kukunda mutinhiro wemvura zhinji, mukuru kukunda mafungu egungwa, Jehovha ari kumusoro ndiye mukuru. 5 […]

Mapisarema 94

1 Haiwa Jehovha, imi Mwari anotsiva, haiwa Mwari iyemi munotsiva, penyai. 2 Simukai, imi Mutongi wenyika; tsivai zvakafanira vanozvikudza. 3 Haiwa Jehovha, vakaipa vachasvika riniko, vachasvika riniko vakaipa vachingofara? 4 Vanodurura mashoko okuzvikudza; vose vanoita zvakaipa vazere nokuzvirumbidza. 5 Vanopwanya vanhu venyu, imi Jehovha, vanodzvinyirira nhaka yenyu. 6 Vanouraya chirikadzi nomweni; vanoponda nherera. 7 Vanoti, […]

Mapisarema 95

1 Uyai, tiimbire Jehovha nomufaro; ngatidanidzirei kuDombo roruponeso rwedu. 2 Ngatisvikei pamberi pake nokuvonga uye timukudze nenziyo. 3 Nokuti Jehovha ndiye Mwari mukuru, Mambo mukuru pamusoro pavamwari vose. 4 Nzvimbo dzakadzika dzapanyika dziri muruoko rwake, uye misoro yamakomo ndeyake. 5 Gungwa nderake, nokuti ndiye akariita, uye maoko ake akaumba nyika yakaoma. 6 Uyai tikotame, tinamate, […]

Mapisarema 96

1 Imbirai Jehovha rwiyo rutsva; imbirai Jehovha, nyika yose. 2 Imbirai Jehovha, rumbidzai zita rake; paridzai ruponeso rwake zuva nezuva. 3 Paridzai kubwinya kwake pakati pendudzi, namabasa ake anoshamisa pakati pamarudzi. 4 Nokuti Jehovha mukuru uye anofanira kurumbidzwa, iye anofanira kutyiwa pamusoro pavamwari vose. 5 Nokuti vamwari vose vendudzi zvifananidzo, asi Jehovha akaita matenga. 6 […]

Mapisarema 97

1 Jehovha anobata ushe, nyika ngaifare; zviwi zviri kure ngazvifare. 2 Makore nerima guru zvakamukomberedza; kururama nokururamisira ndidzo nheyo dzechigaro chake choushe. 3 Moto unoenda mberi kwake uchipisa vavengi vake kumativi ose. 4 Mheni yake inovhenekera pasi; nyika inozviona igodedera. 5 Makomo anonyungudika senamo pamberi paJehovha, pamberi paIshe wenyika yose. 6 Kudenga denga kunoparidza kururama […]

Mapisarema 98

Pisarema. 1 Imbirai Jehovha rwiyo rutsva, nokuti akaita zvinhu zvinoshamisa; ruoko rwake rworudyi nechanza chake chitsvene zvakamukundisa. 2 Jehovha akazivisa ruponeso rwake uye akaratidza kururama kwake kundudzi, 3 Akarangarira rudo rwake nokutendeka kwake kuimba yaIsraeri; migumo yose yenyika yakaona ruponeso rwaMwari wedu. 4 Danidzirai nomufaro kuna Jehovha, imi nyika yose, imbai nziyo mupembere nomufaro; 5 […]

Mapisarema 99

1 Jehovha anobata ushe, ndudzi ngadzidedere; anogara pachigaro choushe chiri pakati pamakerubhi, nyika ngaizungunuke. 2 Jehovha mukuru paZioni; iye akasimudzirwa pamusoro pendudzi dzose. 3 Ngavarumbidze zita renyu guru rinotyisa, iye mutsvene. 4 Mambo mukuru, anoda kururamisira, imi makasimbisa kururama; muna Jakobho makaita kururamisira nokururama. 5 Kudzai Jehovha Mwari wedu nokunamata pachitsiko chetsoka dzake; iye mutsvene. […]