Jobho 40

1 Jehovha akati kuna Jobho: 2 “Ko, munhu anokakavadzana naWamasimba Ose angamurayira here? Anopomera Mwari mhosva ngaamupindure!” 3 Ipapo Jobho akapindura Jehovha akati: 4 “Ini handina maturo, ndingakupindurai seiko? Ndafumbira muromo wangu. 5 Ndakataura kamwe chete, asi handina mhinduro, kaviri, asi handichapamhidzizve.” 6 Ipapo Jehovha akataura naJobho ari mudutu akati: 7 “Chizvisunga somurume; ini ndichakubvunza, […]

Jobho 41

1 “Ungagona kukweva ngwena nechiredzo, kana kusunga rurimi rwayo netambo here? 2 Ungagona kupinza mukaro mumhino dzayo, kana kuboora rushaya rwayo nechiredzo here? 3 Ko, ingaramba ichikumbira kunzwirwa ngoni newe here? Ko, ingataura kwauri mashoko manyoro here? 4 Ko, ingaita chitenderano newe here kuti iwe uitore senhapwa kwoupenyu hwayo hwose? 5 Ungagona kuipfuwa seshiri here […]

Jobho 42

1 Ipapo Jobho akapindura kuna Jehovha akati: 2 “Ndinoziva kuti imi munogona kuita zvose; hapana urongwa hwenyu hungakoneswa. 3 Mabvunza kuti, ‘Ndianiko uyu anodzikatira zano rangu iye asina zivo?’ Zvirokwazvo ndakataura pamusoro pezvinhu zvandisinganzwisisi, zvinhu zvinoshamisa kwazvo kuti ini ndizvizive. 4 “Mati imi, ‘Chinzwa zvino, uye ini ndichataura; ndichakubvunza iwe, uye iwe uchandipindura.’ 5 Nzeve […]

Esteri 1

1 Izvi ndizvo zvakaitika panguva yaZekisesi, uya Zekisesi akatonga nyika zana namakumi maviri nenomwe kubva kuIndia kusvika kuEtiopia: 2 Panguva iyo mambo Zekisesi akatonga ari pachigaro chake choumambo munhare yeShushani 3 uye mugore rake rechitatu akapa makurukota ake ose navabati vake mabiko. Vakuru vehondo yePezhia neMedhia, machinda namakurukota enyika aivapo. 4 Akaratidza kuwanda kwepfuma youmambo […]

Esteri 2

Esteri anoitwa vaHosi 1 Mushure mezvinhu izvi kutsamwa kwamambo Zekisesi kwapera, akarangarira Vhashiti nezvaakanga aita uye nezvaakanga atema pamusoro pake. 2 Ipapo varanda vamambo vaimushandira vakati, 3 “Mambo ngaatsvakirwe mhandara dzakanaka. Mambo ngaagadze nhume munyika dzose dzoumambo hwake kuti vauye navasikana vakanaka munzvimbo inogara vakadzi panhare yeShushani. Ngavachengetwe naHegai, muranda wamambo anoona nezvamadzimai, uye zvinopa […]

Esteri 3

Hamani anoronga kuparadza vaJudha 1 Shure kwaizvozvo, Mambo Zekisesi akaremekedza Hamani mwanakomana waHamedhata, muAgagi, akamukwidziridza nokumupa chigaro chinokudzwa chakanga chiri pamusorosoro kupfuura zvamamwe makurukota ose. 2 Vabati vose vomuumambo vaimira pamusuo vakamupfugamira vakapa rukudzo kuna Hamani, nokuti mambo akanga arayira kuti aitirwe izvi. Asi Modhekai akanga asingamupfugamiri kana kumukudza. 3 Ipapo vabati vaimira pasuo ramambo […]

Esteri 4

Modhekai anokumbirisa Esteri kuti abatsire 1 Modhekai paakanzwa zvose zvakanga zvaitwa, akabvarura nguo dzake, akapfeka masaga akazvizora madota, uye akapinda muguta achiungudza neshungu kwazvo. 2 Asi akangosvika pasuo ramambo chete, nokuti munhu akapfeka masaga akanga asingabvumirwi kupinda. 3 Munyika ipi neipi makasvika chirevo nomurayiro wamambo, maiva nokuchema kukuru pakati pavaJudha, nokutsanya, kuchema, nokuungudza. Vazhinji vakapfeka […]

Esteri 5

Chikumbiro chaEsteri kuna Mambo 1 Pazuva rechitatu Esteri akapfeka nguo dzake dzouhosi ndokumira muruvazhe rwomukati momuzinda, pamberi peimba yamambo. Mambo akanga akagara pachigaro chake choushe mumba, akatarisana nomukova. 2 Paakaona vaHosi Esteri vakamira muruvanze, akafadzwa naye ndokumutambanudzira tsvimbo yake yegoridhe yaiva muruoko rwake. Naizvozvo Esteri akaswedera ndokubata muromo wetsvimbo. 3 Ipapo mambo akamubvunza achiti, “Uri […]

Esteri 6

Modhekai anoremekedzwa 1 Usiku ihwohwo mambo akashaya hope; saka akarayira kuti mabhuku enhoroondo nezvinyorwa zvokutonga kwake zviuyiswe uye agozviverengerwa. 2 Vakawana zvakanyorwamo kuti Modhekai akaburitsa pachena kuti Bhigitana naTereshi, vabati vaviri vamambo vaichengeta mukova, vakanga varangana kuuraya Mambo Zekisesi. 3 Mambo akabvunza akati, “Modhekai akagamuchira kukudzwa nerumbidzo yei nokuda kwaizvozvi.” Varanda vake vakati, “Hapana chaakaitirwa.” […]

Esteri 7

Hamani anosungirirwa 1 Naizvozvo mambo naHamani vakaenda kundodya navaHosi Esteri, 2 uye pavakanga vachinwa waini pazuva rechipiri, mambo akabvunzazve akati, “VaHosi Esteri, muri kukumbireiko? Muchapiwa. Chikumbiro chenyu ndechei? Kunyange kusvika pahafu youshe, muchazviitirwa.” 3 Ipapo vaHosi Esteri vakapindura vakati, “Kana ndawana nyasha kwamuri, imi Mambo, uye kana zvichifadza mambo, ndinokumbira kuti ndipiwe upenyu hwangu, ndicho […]