Amazia Mambo weJudha 1 Amazia aiva namakore makumi maviri namashanu paakava mambo, akatonga muJerusarema kwamakore makumi maviri namapfumbamwe. Mai vake vainzi Jehoadhini, uye vaibva kuJerusarema. 2 Akaita zvakanga zvakanaka pamberi paJehovha, asi kwete nomwoyo wose. 3 Paakapedza kusimbisa umambo hwake akauraya machinda akanga auraya baba vake. 4 Kunyange zvakadaro haana kuuraya vanakomana vavo asi akaita […]
Author Archives: admin
2 Makoronike 26
Uzia Mambo weJudha 1 Ipapo vanhu vose veJudha vakatora Uzia akanga ane makore gumi namatanhatu, vakamuita mambo panzvimbo yababa vake Amazia. 2 Ndiye akazovakazve Erati akaridzorera kuJudha mushure mokunge Amazia azorora namadzibaba ake. 3 Uzia aiva namakore gumi namatanhatu paakava mambo uye akatonga muJerusarema kwamakore makumi mashanu namaviri. Mai vake vainzi Jekonia uye vaibva kuJerusarema. […]
2 Makoronike 27
Jotamu Mambo weJudha 1 Jotamu aiva namakore makumi maviri namashanu paakava mambo, uye akatonga muJerusarema kwamakore gumi namatanhatu. Amai vake vainzi Jerusha mwanasikana waZadhoki. 2 Akaita zvakanaka pamberi paJehovha sezvakanga zvaitwa nababa vake Uzia, asi iye haana kuzopinda zvake mutemberi yaJehovha. Kunyange zvakadaro, vanhu vakaramba vachiita zvakaipa zvavo. 3 Jotamu akavakazve Suo Rokumusoro retemberi yaJehovha […]
2 Makoronike 28
Ahazi Mambo weJudha 1 Ahazi aiva namakore makumi maviri paakava mambo, uye akatonga muJerusarema kwamakore gumi namatanhatu. Haana kufanana naDhavhidhi baba vake, haana kuita zvakanaka pamberi paJehovha. 2 Akafamba nomunzira dzamadzimambo eIsraeri akagadzirawo zvifananidzo zvokunamatisa vaBhaari. 3 Akapisa zvipiriso zvinopiswa mumupata weBheni Hinomi akabayira vanakomana vake mumoto, achitevedzera nzira dzinonyangadza dzendudzi dzakanga dzadzingwa naJehovha pamberi […]
2 Makoronike 29
Hezekia anonatsa Temberi 1 Hezekia aiva namakore makumi maviri namashanu paakava mambo, akatonga muJerusarema kwamakore makumi maviri namapfumbamwe. Zita ramai vake rainzi Abhija mwanasikana waZekaria. 2 Akaita zvakanaka pamberi paJehovha, sezvakanga zvangoitwa naDhavhidhi baba vake. 3 Mumwedzi wokutanga wegore rokutanga kutonga kwake akazarura masuo etemberi akaagadziridza. 4 Akauyisa vaprista navaRevhi akavaunganidza muchivara chokudivi rokumabvazuva. 5 […]
2 Makoronike 30
Hezekia anopemberera Pasika 1 Hezekia akatuma shoko kuIsraeri yose neJudha yose akanyorera tsamba Efuremu neManase achivakoka kuti vauye kutemberi yaJehovha muJerusarema uye vazopemberera Pasika kuna Jehovha, Mwari weIsraeri. 2 Mambo namakurukota ake neungano yose muJerusarema vakasarudza kupemberera Pasika mumwedzi wechipiri. 3 Vakanga vasina kukwanisa kutamba mutambo uyu panguva yaunositambwa nokuti vaprista vakanga vazvinatsa vakanga vari […]
2 Makoronike 31
1 Izvi zvose pazvakapera, vaIsraeri vakanga varipo vakabuda vakaenda kumaguta eJudha vakaputsa matombo ose anoera uye vakatema matanda aAshera. Vakaparadza nzvimbo dzakakwirira nearitari muJudha yose neBenjamini nomuEfuremu neManase. Vapedza kuparadza zvose vaIsraeri vakadzokera kumaguta avo nokuzvinhu zvavo. Mabasa oKushumira 2 Hezekia akaisa vaprista navaRevhi mumapoka avo mumwe nomumwe wavo mumabasa avo savaprista kana kuti vaRevhi […]
2 Makoronike 32
Senakeribhi anovhundutsira Jerusarema 1 Mushure mezvose zvakaitwa naHezekia nokutendeka kwakadai, Senakeribhi mambo weAsiria akauya akapamba Judha. Akakomba maguta aiva namasvingo achifunga kuapamba kuti ave ake. 2 Hezekia paakaona kuti Senakeribhi akanga auya uye kuti aida kurwisa Jerusarema, 3 akabvunza machinda ake navatungamiri vehondo nezvekuvharwa kwemvura yaibva muzvitubu zvaiva kunze kweguta uye vakamubatsira. 4 Hondo huru […]
2 Makoronike 33
Manase Mambo weJudha 1 Manase akanga ane makore gumi namaviri paakava mambo, uye akatonga muJerusarema kwamakore makumi mashanu namashanu. 2 Akaita zvakaipa pamberi paJehovha, achitevedzera zvinonyangadza pamberi paJehovha zvaiitwa nendudzi dzakadzingwa naJehovha pamberi pavaIsraeri. 3 Akavakazve nzvimbo dzakakwirira dzakanga dzaparadzwa nababa vake Hezekia. Akavaka aritari dzaBhaari uye akagadzira matanda aAshera. Akakotamira nyeredzi dzose dzokudenga akadzishumira. […]
2 Makoronike 34
Mabasa aJosia 1 Josia aiva namakore masere paakava mambo uye akatonga muJerusarema kwamakore makumi matatu nerimwe chete. 2 Akaita zvakanga zvakanaka pamberi paJehovha akafamba munzira dzababa vake Dhavhidhi, asingatendeukiri kurudyi kana kuruboshwe. 3 Mugore rorusere rokutonga kwake, paakanga achiri mudiki akatanga kutsvaka Mwari wababa vake Dhavhidhi. Mugore regumi namaviri akatanga kunatsa Judha neJerusarema achibvisa nzvimbo […]