2 Makoronike 35

Josia anopemberera Pasika 1 Josia akapemberera Pasika kuna Jehovha muJerusarema, uye gwayana rePasika rakaurayiwa pazuva regumi neina romwedzi wokutanga. 2 Akamisa vaprista pamabasa avo akavakurudzira kuti vashumire mutemberi yaJehovha. 3 Akati kuvaRevhi, vaidzidzisa Israeri yose uye vakanga vakatsaurirwa kuna Jehovha, “Isai areka yesungano mutemberi yakavakwa naSoromoni mwanakomana waDhavhidhi, mambo waIsraeri. Haifaniri kutakurwa pamapfudzi enyu. Zvino […]

2 Makoronike 36

1 Uye vanhu vomunyika iyi vakatora Jehoahazi mwanakomana waJosia vakamuita mambo muJerusarema panzvimbo yababa vake. Jehoahazi Mambo weJudha 2 Jehoahazi akanga ana makore makumi maviri namatatu paakava mambo, uye akatonga muJerusarema kwemwedzi mitatu. 3 Mambo weIjipiti akamubvisa paumambo muJerusarema akatemera Judha kuti iripe matarenda zanaa esirivha netarendab regoridhe. 4 Mambo weIjipiti akaita Eriakimu mukoma waJehoahazi, […]

1 Makoronike 1

Zvinyorwa zvenhoroondo kubva kuna Adhamu kusvika kuna Abhurahama Kusvika kuvanakomana vaNoa 1 Adhamu, Seti, Enoshi, 2 Kenani, Maharareri, Jaredhi, 3 Inoki, Metusera, Rameki, Noa. 4 Vanakomana vaNoa vaiva: Shemu, Hamu, naJafeti. VaJafeti 5 Vanakomana vaJafeti vaiva: Gomeri, Magogi, Madhai, Javhani, Tubhari, Mesheki naTirasi. 6 Vanakomana vaGomeri vaiva: Ashikenazi, Rifati naTogama. 7 Vanakomana vaJavhani vaiva: Erisha, […]

1 Makoronike 2

Vanakomana vaIsraeri 1 Ava ndivo vaiva vanakomana vaIsraeri: Rubheni, Simeoni, Revhi, Judha, Isakari, Zebhuruni, 2 Dhani, Josefa, Benjamini, Nafutari, Gadhi naAsheri. Judha Kuvanakomana vaHezironi 3 Vanakomana vaJudha vaiva: Eri, Onani naShera. Vatatu ava akavaberekerwa naShua mudzimai wechiKenani. Eri dangwe raJudha, akanga akaipa pamberi paJehovha. Saka Jehovha akamuuraya. 4 Tamari muroora waJudha akamuberekera Perezi naZera. Judha […]

1 Makoronike 3

Vanakomana vaDhavhidhi 1 Ava ndivo vanakomana vaDhavhidhi vaakaberekerwa ari kuHebhuroni: Dangwe rake rainzi Amunoni mwanakomana waAhinoami weJezireeri. Wechipiri ainzi Dhanieri, mwanakomana waAbhigairi weKarimeri; 2 wechitatu, Abhusaromu mwanakomana waMaaka mwanasikana waTarimai mambo weGeshuri; wechina, Adhoniya mwanakomana waHagiti, 3 wechishanu, Shefatia mwanakomana waAbhitari uye wechitanhatu Itireami nomukadzi wake Egira. 4 Ava vatanhatu vakaberekerwa Dhavhidhi muHebhuroni umo maakatonga […]

1 Makoronike 4

Dzimwe Dzimba dzaJudha 1 Zvizvarwa zvaJudha zvaiva: Perezi, Hezironi, Karimi, Huri naShobhari. 2 Reaya mwanakomana waShobhari aiva baba vaJahati, uye Jahati ari baba vaAhumai naRahadhi. Idzi ndidzo dzaiva dzimba dzavaZorati. 3 Ava ndivo vaiva vanakomana vaEtami: Jezireeri, Ishima naIdhibashi. Hanzvadzi yavo yainzi Hazereriponi. 4 Penueri aiva baba vaGedhori uye Ezeri aiva baba vaHusha. Izvi ndizvo […]

1 Makoronike 5

Rubheni 1 Vanakomana vaRubheni dangwe raIsraeri. (Ndiye aiva dangwe, asi paakasvibisa nhoo yewaniso yababa vake, kodzero dzoudangwe hwake dzakapiwa kuvanakomana vaJosefa mwanakomana waIsraeri; saka haana kuzoverengerwawo munhoroondo dzamadzitateguru ake maererano nekodzero yokuberekwa kwake. 2 Uye kunyange zvazvo Judha aiva akasimba kwazvo kupfuura vana vababa vake vose, uye kunyange zvazvo mutongi akazobuda maari, kodzero youdangwe yaiva […]

1 Makoronike 6

Revhi 1 Vanakomana vaRevhi vaiva Gerishoni, Kohati naMerari. 2 Vanakomana vaKohati vaiva: Amiramu, Izhari, Hebhuroni naUzieri. 3 Vana vaAmiramu vaiva: Aroni, Mozisi naMiriamu. Vanakomana vaAroni vaiva: Nadhabhi, Abhihu, Ereazari naItamari. 4 Ereazari aiva baba vaFinehasi, Finehasi baba vaAbhishua. 5 Abhishua baba vaBhuki, Bhuki baba vaUzi, 6 Uzi baba vaZerahia, Zerahia baba vaMerayoti, 7 Merayoti baba […]

1 Makoronike 7

Isakari 1 Vanakomana vaIsakari vaiva: Tora, Puwa, Jashubhi, naShimironi; vose vaiva vana. 2 Vanakomana vaTora vaiva: Uzi, Refaya, Jerieri, Jamai, Ibhisami naSamueri, vakuru vedzimba dzavo. Pamazuva okutonga kwaDhavhidhi, zvizvarwa zvaTora zvakaverengwa savarwi munhoroondo yavo zvakasvika zviuru zvina makumi maviri nezviviri namazana matanhatu. 3 Mwanakomana waUzi aiva: Izirahia. Vanakomana vaIzirahia vaiva: Mikaeri, Obhadhia, Joere naIshia. Vose […]

1 Makoronike 8

Nhoroondo yaSauro muBhenjamini 1 Benjamini aiva baba vaBhera dangwe rake, Ashibheri mwanakomana wechipiri, Ahara wechitatu, 2 Noha wechina naRafa wechishanu. 3 Vanakomana vaBhera vaiva: Adha, Gera, Abhihudhi, 4 Abhishua, Naamani Ahoa, 5 Gera, Shefufani naHurami. 6 Izvi ndizvo zvaiva zvizvarwa zvaEhudhi vakanga vari vakuru vemhuri yeavo vaigara muGebha vakazodzingwa vakaendeswa kuManahati: 7 Naamani, Ahifa naGera, […]