1 VaIsraeri vose vakanyorwa munhoroondo dzakanyorwa mubhuku ramadzimambo eIsraeri. Vanhu vaigara muJerusarema VaJudha vakatapwa vakaendeswa kuBhabhironi nokuda kwokusatendeka kwavo. 2 Zvino vakatanga kugara panyika yavo mumaguta avo vaiva vamwe vaIsraeri, vaprista, vaRevhi navaranda vomutemberi. 3 Avo vaibva kuJudha, nevaibva kwaBhenjamini nevaibva kwaEfuremu naManase vaigara muJerusarema vaiva: 4 Utai mwanakomana waAmihudhi, mwanakomana waOmiri, mwanakomana waImiri, mwanakomana […]
Author Archives: admin
1 Makoronike 10
Sauro anozviuraya 1 Zvino vaFiristia vakarwisa vaIsraeri; vaIsraeri vakatiza pamberi pavo, vazhinji vakaurayiwa paGomo reGiribhoa. 2 VaFiristia vakatevera Sauro navanakomana vake kwazvo uyezve vakauraya vanakomana vake Jonatani, Abhinadhabhi naMariki-Shua. 3 Hondo yakarwiwa zvinotyisa kumativi ose aSauro uye vapfuri vouta pavakamubata, vakamukuvadza. 4 Sauro akati kumubati wenhumbi dzake dzokurwa, “Vhomora munondo wako undibaye nawo kuti varume […]
1 Makoronike 11
Dhavhidhi anova Mambo weIsraeri 1 VaIsraeri vose vakaungana kuna Dhavhidhi paHebhuroni vakati, “Isu tiri nyama yenyu neropa renyu. 2 Kare kunyange Sauro paaiva mambo ndimi maitungamirira Israeri kundorwa. Uye Jehovha Mwari wenyu akati kwamuri, ‘Uchafudza vanhu vangu vaIsraeri uye uchava mutongi wavo.’ ” 3 Vakuru vose veIsraeri pavakauya kuna mambo Dhavhidhi paHebhuroni iye akaita sungano […]
1 Makoronike 12
Varwi vanobatana naDhavhidhi 1 Ava ndivo varume vakauya kuna Dhavhidhi paZikiragi achakavanda nokuda kwaSauro mwanakomana waKishi; uye ndivo vamwe vavarwi vakamubatsira muhondo. 2 Vakanga vapakata uta uye vaigona kupfura miseve nezvipfuramabwe noruoko rworudyi kana rworuboshwe; vaiva hama dzaSauro dzokurudzi rwaBenjamini. 3 Ahiezeri, mukuru wavo, naJoashi, vanakomana vaShemaya muGibheati; Jezieri naPereti vanakomana vaAzimavheti; Bheraka, Jehu muAnatoti, […]
1 Makoronike 13
Kudzorwa kweAreka 1 Dhavhidhi akataurirana nomumwe nomumwe wavabati vake vose, vatungamiri vezviuru, navatungamiri vamazana. 2 Akati kuungano yose yeIsraeri, “Kana zvichiita sezvakakunakirai uye kana kuri kuda kwaJehovha Mwari wedu, ngatitumirei shoko kwose kwose kuhama dzedu dzakasara munyika yose yeIsraeri, nokuvaprista navaRevhi vavagere navo mumaguta avo nokumafuro avo kuti vauye vazobatana nesu. 3 “Ngatidzorei areka yaMwari […]
1 Makoronike 14
Imba yaDhavhidhi neMhuri Yake 1 Zvino Hiramu mambo weTire akatuma nhume kuna Dhavhidhi namatanda emisidari navavaki, navavezi, kuti vamuvakire imba youmambo. 2 Uye Dhavhidhi akaziva kuti Jehovha akamusimbisa samambo pamusoro peIsraeri uye kuti umambo hwake hwakanga hwakudzwa kwazvo nokuda kwavanhu vake Israeri. 3 MuJerusarema, Dhavhidhi akazvitorerazve vamwe vakadzi akava baba vavanakomana navanasikana vazhinji. 4 Aya […]
1 Makoronike 15
Areka inouyiswa kuJerusarema 1 Dhavhidhi paakapedza kuzvivakira dzimba muguta raDhavhidhi, akagadzira nzvimbo yainogara areka yaMwari uye akaidzikira tende. 2 Ipapo Dhavhidhi akati, “Hakuna munhu kunze kwavaRevhi anofanira kutakura areka yaMwari, nokuti Jehovha akavasarudza kuti vatakure areka yaJehovha uye kuti vashumire pamberi pake nokusingaperi.” 3 Dhavhidhi akaunganidza Israeri yose muJerusarema kuti vatore areka yaJehovha vagoiisa kunzvimbo […]
1 Makoronike 16
1 Vakauya neareka yaMwari vakaiisa mukati metende rayakanga yagadzirirwa naDhavhidhi, vakapa zvipiriso zvinopiswa nezvipiriso zvokuwadzana pamberi paMwari. 2 Dhavhidhi akati apedza kubayira zvipiriso zvinopiswa, akaropafadza vanhu muzita raJehovha. 3 Ipapo akapa mumwe nomumwe womudzimai nomurume wechiIsraeri rofu rechingwa, keke romuchero womuchindwi nekeke ramazambiringa akaoma. 4 Akagadza vamwe vavaRevhi kuti vashumire pamberi peareka yaJehovha, vakumbirire, vavonge […]
1 Makoronike 17
Chivimbiso chaMwari kuna Dhavhidhi 1 Shure kwokunge Dhavhidhi agara mumuzinda wake akati kuna Natani muprofita, “Ndiri pano zvangu ndigere mumuzinda womusidhari, asi areka yesungano yaJehovha iri pasi peTende.” 2 Natani akapindura kuna Dhavhidhi akati, “Zvose zvamunazvo mupfungwa itai nokuti Mwari anemi.” 3 Usiku ihwohwo shoko raMwari rakasvika kuna Natani richiti: 4 “Enda undotaurira muranda wangu […]
1 Makoronike 18
Kukunda kwaDhavhidhi 1 Nokufamba kwenguva, Dhavhidhi akakunda vaFiristia akavaisa pasi pake, uye akavatorera Gati nemisha yakaripoteredza kuti ribve pasi poruoko rwavaFiristia. 2 Dhavhidhi akakundawo vaMoabhu, uye vakava pasi pake, vakamuvigira mutero. 3 Pamusoro pezvo Dhavhidhi akarwisa Hadhadhezeri mambo weZobha kusvikira kuHamati, paakaenda kundosimbisa kutonga kwake achitevedza Rwizi Yufuratesi. 4 Dhavhidhi akapamba chiuru chengoro dzake, vachairi […]