2 Samueri 3

1 Hondo pakati peimba yaSauro neimba yaDhavhidhi yakatora nguva refu isati yapera. Dhavhidhi akaramba achisimba asi imba yaSauro yakaramba ichipererwa nesimba. 2 Dhavhidhi akaberekerwa vanakomana paHebhuroni: Dangwe rake raiva Amunoni mwanakomana waAbhinoami weJezireeri; 3 wechipiri, Kiriabhu mwanakomana waAbhigairi chirikadzi yaNabhari weKarimeri; wechitatu, Abhisaromu mwanakomana waMaaka mwanasikana waTarimai mambo weGeshuri; 4 wechina, Adhoniya mwanakomana waHagiti; wechishanu, […]

2 Samueri 4

Ishi-Bhosheti anourayiwa 1 Zvino Ishi-Bhosheti mwanakomana waSauro paakanzwa kuti Abhineri akanga afa paHebhuroni, akapererwa nesimba, uye Israeri yose yakavhunduka. 2 Zvino mwanakomana waSauro akanga ana varume vaviri vakanga vari vakuru vamapoka avapambi. Mumwe ainzi Bhaana mumwe achinzi Rekabhu; vakanga vari vanakomana vaRimoni muBheeroti aibva kurudzi rwaBhenjamini (Bheeroti rakanga richiverengerwawo kuna Bhenjamini, 3 nokuti vanhu veBheeroti […]

2 Samueri 5

Dhavhidhi anozodzwa kuti ave Mambo weIsraeri 1 Marudzi ose avaIsraeri akauya kuna Dhavhidhi paHebhuroni akati, “Tiri nyama yenyu neropa renyu. 2 Panguva yakapfuura, Sauro paakanga ari mambo wedu, ndimi maitungamirira vaIsraeri kuhondo dzavo. Zvino Jehovha akati kwamuri, ‘Uchafudza vanhu vangu Israeri, uye uchava mutongi wavo.’ ” 3 Vakuru vose veIsraeri vakati vauya kuna Dhavhidhi paHebhuroni, […]

2 Samueri 6

Areka inouyiswa kuJerusarema 1 Dhavhidhi akaunganidza zvakare varume veIsraeri vakanga vasarudzwa, vaisvika makumi matatu ezviuru. 2 Akasimuka akaenda navanhu vose vaakanga anavo kuBhaara reJudha, kundotora areka yaMwari kubva ikoko, iyo inodanwa neZita, iro zita raJehovha Wamasimba Ose, agere pakati pamakerubhi ari pamusoro peareka. 3 Vakaisa areka yaMwari mungoro itsva uye vakauya nayo kubva kumba kwaAbhinadhabhu, […]

2 Samueri 7

Sungano yaMwari naDhavhidhi 1 Zvino mambo akati agara mumuzinda wake uye Jehovha amupa zororo kubva kuvavengi vake vose vaiva vakamupoteredza, 2 akati kuna Natani muprofita, “Tarira ndiri pano ndigere mumuzinda wakavakwa nemisidhari, asi areka yaMwari igere mutende.” 3 Natani akapindura mambo akati, “Endai mberi muite zvose zvamunazvo mupfungwa dzenyu, nokuti Jehovha anemi.” 4 Usiku ihwohwo […]

2 Samueri 8

Kukunda kwaDhavhidhi 1 Nokufamba kwenguva, Dhavhidhi akakunda vaFiristia uye vakava pasi pake, uye akatora Metegi Ama kubva mumaoko avaFiristia. 2 Dhavhidhi akakundawo vaMoabhu. Akavavatisa pasi akavayera netambo. Aiti akaera kaviri netambo vanhu ivavo vourayiwa, asi avo vaipinda pachiero chetatu vaitenderwa kurarama. Naizvozvo vaMoabhu vakaitwa varanda naDhavhidhi uye vakabvisiswa mutero. 3 Pamusoro paizvozvo, Dhavhidhi akarwisa Hadhadhezari […]

2 Samueri 9

Dhavhidhi naMefibhosheti 1 Dhavhidhi akabvunza akati, “Ko, kuchine mumwe akasara here weimba yaSauro wandingaitira tsitsi nokuda kwaJonatani?” 2 Zvino kwakanga kuno muranda weimba yaSauro ainzi Zibha. Vakamudana kuti auye kuna Dhavhidhi, mambo akati kwaari, “Ndiwe Zibha here?” Iye akapindura akati, “Ndini muranda wenyu.” 3 Mambo akabvunza akati, “Hakuna mumwe akasara weimba yaSauro wandingaratidza tsitsi dzaMwari […]

2 Samueri 10

Dhavhidhi anokunda VaAmoni 1 Nokufamba kwenguva mambo wavaAmoni akafa, mwanakomana wake Hanuni akamutevera paumambo. 2 Dhavhidhi akafunga kuti, “Ndichaitira Hanuni mwanakomana waNahashi tsitsi, sokundiitira tsitsi kwakaita baba vake.” Naizvozvo Dhavhidhi akatuma nhume kundobata Hanuni maoko pamusoro pababa vake. Vanhu vaDhavhidhi vakati vasvika kunyika yavaAmoni, 3 machinda avaAmoni akati kuna Hanuni mambo wavo, “Munofunga here imi […]

2 Samueri 11

Dhavhidhi naBhatishebha 1 Munguva yechirimo, madzimambo paanoenda kundorwa, Dhavhidhi akatuma Joabhu navaranda vamambo nehondo yose yeIsraeri. Vakandoparadza vaAmoni uye vakakombawo Rabha. Asi Dhavhidhi akasara muJerusarema. 2 Zvino rimwe zuva madekwana Dhavhidhi akamuka pamubhedha wake akafamba pamusoro pedenga romuzinda. Aripo padenga akaona mukadzi aishamba. Mukadzi uyu akanga akanaka kwazvo, 3 uye Dhavhidhi akatuma munhu kundobvunza nezvomukadzi […]

2 Samueri 12

Natani anotsiura Dhavhidhi 1 Jehovha akatuma Natani kuna Dhavhidhi. Paakasvika kwaari, akataura akati, “Pakanga pana varume vaviri mune rimwe guta, mumwe akanga akapfuma mumwe ari murombo. 2 Mupfumi uyu akanga ana makwai mazhinji kwazvo uye nemombe zhinji, 3 asi murombo akanga asina chinhu kusara kwegwayana rimwe chete raakanga atenga. Akarirera, rikakura naye navana vake. Raidya […]