Mashoko Okupedzisira aDhavhidhi 1 Aya ndiwo mashoko okupedzisira aDhavhidhi: “Chirevo chaDhavhidhi mwanakomana waJese, Chirevo chomurume akasimudzirwa noWokumusoro-soro, murume akazodzwa naMwari waJakhobho, muimbi wenziyo waIsraeri: 2 “Mweya waJehovha wakataura kubudikidza neni; shoko rake rakanga riri parurimi rwangu. 3 Mwari waIsraeri akataura, Dombo raIsraeri akati kwandiri: ‘Kana munhu achitonga vanhu mukururama, kana achitonga mukutya Mwari, 4 akaita […]
Author Archives: admin
2 Samueri 24
Dhavhidhi anoverenga varume vokurwa 1 Kutsamwa kwaMwari kwakava pamusoro pavaIsraeri zvakare, uye akakurudzira Dhavhidhi achiti, “Enda undoverenga vaIsraeri navaJudha.” 2 Saka mambo akati kuna Joabhu navakuru vehondo vaiva naye, “Endai pakati pamarudzi ose avaIsraeri kubva kuDhani kusvikira kuBheerishebha mundonyora varume vokurwa, kuti ndizive kuti vangani varipo.” 3 Asi Joabhu akapindura mambo achiti, “Jehovha Mwari wenyu […]
1 Samueri 1
Kuberekwa kwaSamueri 1 Zvino kwakanga kuno mumwe murume weRamataimu, muZufi, wenyika yamakomo yaEfuremu, ainzi Erikana, mwanakomana waJerohamu, mwanakomana waErihu, mwanakomana waTohu, mwanakomana waZufi muEfuremu. 2 Aiva navakadzi vaviri; mumwe ainzi Hana mumwe achinzi Penina. Penina akanga ana vana asi Hana akanga asina. 3 Gore negore murume uyu aibuda achibva muguta rake kuti andonamata nokubayira zvibayiro […]
1 Samueri 2
Munyengetero waHana 1 Ipapo Hana akanyengetera achiti: “Mwoyo wangu unofara muna Jehovha; muna Jehovha runyanga rwangu rwasimudzirwa kumusoro. Muromo wangu unotaura usingatyi pamusoro pavavengi vangu, nokuti ndinofarira ruponeso rwenyu. 2 “Hakuna mutsvene akaita saJehovha; hakuna mumwe kunze kwenyu; hakuna Dombo rakaita saMwari wedu. 3 “Usaramba uchitaura uchizvikudza uye manyawi ngaarege kubuda mumuromo mako, nokuti Jehovha […]
1 Samueri 3
Jehovha anodana Samueri 1 Mukomana uyu Samueri aishumira pamberi paJehovha ari pasi paEri. Mumazuva iwayo shoko raJehovha rakanga risinganzwiki-nzwiki, kwakanga kusina zviratidzo zvizhinji. 2 Rimwe zuva usiku, Eri akanga akavata panzvimbo yake yamazuva ose, uye meso ake akanga oonera madzerere, asisagoni kuona zvakanaka. 3 Mwenje waMwari wakanga usati wadzimwa, uye Samueri akanga akarara pasi mutemberi […]
1 Samueri 4
VaFiristia vanopamba Areka 1 Uye shoko raSamueri rakasvika kuIsraeri yose. Zvino vaIsraeri vakaenda kundorwa navaFiristia. VaIsraeri vakaungana paEbhenezeri, vaFiristia vakavaka misasa yavo paAfeki. 2 VaFiristia vakagadzirira varwi vavo kuti vandosangana neIsraeri, uye hondo payakanga yava kupararira, Israeri yakakundwa navaFiristia, vakauraya varume zviuru zvina zvavo pavairwira. 3 Varwi pavakadzoka kumusasa, vakuru veIsraeri vakabvunza vakati, “Sei Jehovha […]
1 Samueri 5
Areka muAshidhodhi nomuEkironi 1 Mushure mokunge vaFiristia vapamba areka yaMwari, vakaitora kubva kuEbhenezeri vakaenda nayo kuAshidhodhi. 2 Ipapo vakatakura areka vakapinda nayo mutemberi yaDhagoni vakaiisa parutivi rwaDhagoni. 3 Vanhu veAshidhodhi pavakamuka mangwananingwanani zuva raitevera, wanei hoyo Dhagoni akawira pasi nechiso pamberi peareka yaJehovha! Vakatora Dhagoni vakamudzosera panzvimbo yake. 4 Asi mangwanani aitevera pavakamuka wanei hoyo […]
1 Samueri 6
Areka inodzoserwa kuIsraeri 1 Areka yaJehovha yakati yava nemwedzi minomwe iri munyika yavaFiristia, 2 vaFiristia vakadana vaprista navavuki vakati, “Toitei neareka yaJehovha? Tiudzei kuti toidzosera sei kunzvimbo yayo.” 3 Vakapindura vachiti, “Kana muchidzosera areka yamwari weIsraeri, musaidzosera isina chinhu, asi edzai nepamunogona kumutumira chipiriso chemhosva. Ipapo muchaporeswa, uye muchaziva kuti sei ruoko rwake rusina kubviswa […]
1 Samueri 7
1 Saka varume veKiriati Jearimi vakauya vakatora areka yaJehovha. Vakaiendesa kuimba yaAbhinadhabhi pachikomo uye vakatsaura Ereazari mwanakomana wake kuti achengete areka yaJehovha. Samueri anokurira vaFiristia paMizipa 2 Areka yakaramba iri paKiriati Jearimi kwenguva yakareba kwazvo, makore makumi maviri pamwe chete, uye vanhu vose veIsraeri vakachema uye vakatsvaka Jehovha. 3 Ipapo Samueri akati kuimba yeIsraeri, “Kana […]
1 Samueri 8
VaIsraeri vanokumbira Mambo 1 Samueri akati akwegura, akagadza vanakomana vake kuti vave vatongi veIsraeri. 2 Zita redangwe rake rainzi Joere uye zita rowechipiri rainzi Abhia, uye vaishanda vari paBheerishebha. 3 Asi vanakomana vake vakatsaukira kupfuma yakaipa, vakatambira fufuro, vakasaruramisira pakutonga. 4 Saka vakuru vose veIsraeri vakaungana pamwe chete vakauya kuna Samueri paRama. 5 Vakati kwaari, […]