Vatongi 14

Kuwana kwaSamusoni 1 Samusoni akaburuka akaenda kuTimina akandoona ikoko mukadzi muduku wechiFiristia. 2 Akati adzoka, akasvikoti kuna baba namai vake, “Ndaona mukadzi wechiFiristia muTimina; zvino nditorerei iye ave mukadzi wangu.” 3 Baba namai vake vakapindura vakati, “Hapana here mukadzi akakodzera pakati pehama dzako kana pakati pavanhu vokwedu vose? Ungaenda here kuvaFiristia vasina kudzingiswa kuti undotora […]

Vatongi 15

Kutsiva kwaSamusoni pavaFiristia 1 Mushure mechinguva, panguva yokukohwa gorosi, Samusoni akatora mbudzana akaenda kundoshanyira mukadzi wake. Iye akati, “Ndinoda kupinda mumba nomukadzi wangu.” Asi baba vomukadzi wake havana kumutendera kupinda. 2 Baba vomukadzi wake vakati, “Ndakanga ndine chokwadi chaizvo kuti unomuvenga kwazvo zvokuti ndakamupa kushamwari yako. Ko, munun’una wake haana kunaka kukunda iye here? Chimutora […]

Vatongi 16

Samusoni naDherira 1 Rimwe zuva Samusoni akaenda kuGaza, kwaakandoona chifeve. Akapinda usiku kuti andovata naye. 2 Vanhu veGaza vakaudzwa kuti, “Samusoni ari pano!” Saka vakakomba nzvimbo iyo vakamuvandira usiku pasuo reguta. Havana kumbosuduruka panguva yousiku vachiti, “Tichamuuraya panguva yamambakwedza.” 3 Asi Samusoni akavatamo kusvikira pakati pousiku chete. Ipapo akamuka akabata masasa amasuo eguta, pamwe chete […]

Vatongi 17

Zvifananidzo zvaMika 1 Zvino mumwe murume ainzi Mika aibva kunyika yezvikomo yaEfuremu 2 akati kuna mai vake, “Mashekeri aya esirivha chiuru nezana rimwe chetea akatorwa kwamuri andakanzwa muchituka munhu wacho akatora, sirivha yacho ndini ndinayo; ndini ndakaitora.” Ipapo mai vake vakati, “Jehovha ngaakuropafadze, mwanakomana wangu!” 3 Akati adzorera mashekeri esirivha chiuru nezana rimwe chete, kuna […]

Vatongi 18

VaDhani vanondogara muRaishi 1 Mumazuva iwayo Israeri yakanga isina mambo. Uye mumazuva iwayo vorudzi rwavaDhani vakanga vachitsvaka nzvimbo yavo pachavo yavangagara, nokuti vakanga vasati vapiwa nhaka pakati pamarudzi eIsraeri. 2 Saka vaDhani vakatuma varwi vashanu vaibva kuZora neEshitaori kuti vandoshora nyika nokuitarisisa. Varume ava vakanga vachimirira dzimba dzavo dzose. Vakavaudza kuti, “Endai munotarisisa nyika.” Varume […]

Vatongi 19

MuRevhi noMurongo wake 1 Mumazuva iwayo Israeri yakanga isina mambo. Zvino mumwe muRevhi akanga achigara munyika iri kure yezvikomo yeEfuremu akatora murongo aibva kuBheterehema muJudha. 2 Asi akanga asina kutendeka kwaari. Akamusiya akadzokerazve kumba kwababa vake kuBheterehema, Judha. Mushure mokunge agarako kwemwedzi mina, 3 murume wake akaenda kwaari kundomunyengetedza kuti adzoke. Akanga ane muranda wake […]

Vatongi 20

VaIsraeri vanorwa navaBhenjamini 1 Ipapo vaIsraeri vose kubva kuDhani kusvikira kuBheerishebha uye nokubva munyika yeGireadhi vakabuda somunhu mumwe chete vakaungana pamberi paJehovha muMizipa. 2 Vatungamiriri vavanhu vose vamarudzi eIsraeri vakandomira panzvimbo dzavo paungano yavanhu vaMwari, zviuru zvamazana mana zvavarwi vakapakata minondo. 3 (VaBhenjamini vakanzwa kuti vaIsraeri vakanga vakwira kuMizipa.) Ipapo vakati, “Dotiudzai kuti chinhu chakaipisisa […]

Vatongi 21

Vakadzi vavaBhenjamini 1 Varume veIsraeri vakanga vaita mhiko paMizipa vachiti: “Hapana mumwe wedu acharoodza mwanasikana wake kumuBhenjamini.” 2 Vanhu vakaenda kuBheteri, uko kwavakagara pamberi paMwari kusvikira madekwana, vachisimudza manzwi avo uye vachichema zvikuru. 3 Vakachema vachiti, “Haiwa Jehovha, Mwari waIsraeri, seiko izvi zvakaitika kuIsraeri? Seiko rumwe rudzi rwashayikwa muIsraeri nhasi?” 4 Mangwanani ezuva rakatevera, vanhu […]

Joshua 1

Jehovha anorayira Joshua 1 Zvino shure kwokufa kwaMozisi muranda waJehovha, Jehovha akataura naJoshua mwanakomana waNuni, muranda waMozisi achiti, 2 “Mozisi muranda wangu afa. Zvino iwe navanhu ava chigadzirirai kuyambuka rwizi rweJorodhani mupinde munyika yandava kupa vana vaIsraeri. 3 Ndakupai nzvimbo yose yose yamuchatsika netsoka dzenyu, sezvandakavimbisa Mozisi. 4 Nyika yenyu ichabva kugwenga ichisvika kuRebhanoni, uye […]

Joshua 2

Rahabhi naVashori 1 Zvino Joshua mwanakomana waNuni akatuma vashori vaviri muchivande kubva kuShitimu. Akati, “Endai munotarisa nyika, kunyanya Jeriko.” Naizvozvo vakaenda vakandopinda mumba mechifeve chainzi Rahabhi vakagaramo. 2 Zvino mambo weJeriko akaudzwa kuti, “Tarirai! Kune vamwe vaIsraeri vauya muno manheru anhasi kuzoshora nyika.” 3 Naizvozvo mambo weJeriko akatumira shoko kuna Rahabhi achiti, “Budisa varume vauya […]