1 Madzimambo 11

Vakadzi vaSoromoni 1 Zvisinei, Mambo Soromoni akada vakadzi vazhinji vamamwe marudzi pamwe chete nomwanasikana waFaro, wechiMoabhu, vechiAmoni, vechiEdhomu, vechiSidhoni nevechiHiti. 2 Vaiva vamarudzi ayo akanga anzi naJehovha kuvana vaIsraeri, “Musaroorerane navo nokuti vachapindura mwoyo yenyu ikatevera vamwari vavo.” Zvakadaro, Soromoni akanamatira kwavari murudo. 3 Aiva navakadzi mazana manomwe, vanasikana vamadzimambo, navamwe varongo mazana matatu; vakadzi […]

1 Madzimambo 12

Israeri inopandukira Rehobhoamu 1 Rehobhoamu akaenda kuShekemu, nokuti vaIsraeri vose vakanga vaendako kundomuita mambo. 2 Zvino Jerobhoamu, mwanakomana waNebhati, akati azvinzwa (akanga achiri kuIjipiti, kwaakanga aenda akatiza Mambo Soromoni) akadzoka kubva kuIjipiti. 3 Vakatuma nhume kundodana Jerobhoamu, iye neungano yose yeIsraeri vakaenda kuna Rehobhoamu vakati kwaari, 4 “Baba venyu vakaisa joko rinorema pamusoro pedu, asi […]

1 Madzimambo 13

Munhu waMwari aibva kuJudha 1 Nokuda kweshoko raJehovha munhu waMwari akabva kuJudha akauya kuBheteri, Jerobhoamu paakanga akamira pedyo nearitari ava kupirisa zvinonhuwira. 2 Akadanidzira kuaritari akati, “Iwe aritari, aritari! Zvanzi naJehovha, ‘Mwanakomana anonzi Josia achaberekwa muimba yaDhavhidhi. Vaprista vamatunhu akakwirira vari kupisira zvinonhuwira pano zvino, achavabayira pamusoro pako, uye mapfupa avanhu achapiswa pamusoro pako.’ ” […]

1 Madzimambo 14

Ahija anoprofita nezvokutongwa kwaJerobhoamu 1 Panguva iyoyo Abhija, mwanakomana waJerobhoamu, akarwara, 2 uye Jerobhoamu akati kumukadzi wake, “Enda undozvivanza, kuti urege kuzivikanwa kuti ndiwe mukadzi waJerobhoamu. Ipapo ugoenda kuShiro. Ahija muprofita ariko ikoko, uya akandiudza kuti ndichava mambo wavanhu ava. 3 Tora zvingwa gumi, makeke negaba rouchi ugoenda nazvo kwaari. Achakuudza zvichaitika kumukomana.” 4 Naizvozvo […]

1 Madzimambo 15

Abhija Mambo weJudha 1 Mugore regumi namasere roumambo hwaJerobhoamu mwanakomana waNebhati, Abhija akagadzwa samambo weJudha. 2 Akatonga muJerusarema kwamakore matatu. Zita ramai vake rainzi Maaka mwanasikana waAbhisharomu. 3 Iye akaita zvivi zvose zvakanga zvaitwa nababa vake asati ava mambo; mwoyo wake wakanga usina kuzvipira zvizere kuna Jehovha Mwari wake sezvakanga zvakaita mwoyo watateguru wake Dhavhidhi. […]

1 Madzimambo 16

1 Zvino shoko raJehovha rakasvika kuna Jehu mwanakomana waHanani richipikisana naBhaasha richiti, 2 “Ndakakusimudza kubva muguruva ndikakuita mutungamiri wavanhu vangu Israeri, asi wakafamba munzira dzaJerobhoamu ukaita kuti vanhu vangu Israeri vaite chivi, nokuita kuti nditsamwe nokuda kwezvivi zvavo. 3 Naizvozvo ndava kuda kuparadza Bhaasha neimba yake, uye ndichaita kuti imba yako ifanane neimba yaJerobhoamu mwanakomana […]

1 Madzimambo 17

Eria muTishibhi anopiwa kudya namakunguwo 1 Zvino Eria muTishibhi aigara muGireadhi, akati kuna Ahabhu, “NaJehovha, Mwari waIsraeri mupenyu, wandinoshumira, hakuchazovi nedova kana mvura inonaya mumakore ano kunze kwokutenge ndareva ini.” 2 Ipapo shoko raJehovha rakasvika kuna Eria richiti, 3 “Ibva pano, nanga kumabvazuva undovanda paRukova rweKeriti, kumabvazuva kweJorodhani. 4 Uchanwa mvura yorukova urwu, uye ndarayira […]

1 Madzimambo 18

Eria naObhadhia 1 Zvino mushure menguva huru, mugore rechitatu, shoko raJehovha rakauya kuna Eria richiti, “Enda undozviratidza kuna Ahabhu, uye ini ndichanayisa mvura panyika.” 2 Saka Eria akaenda kundozviratidza kuna Ahabhu. Zvino nzara yakanga yanyanya kwazvo muSamaria, 3 uye Ahabhu akanga adana Obhadhia uyo akanga ari mutariri womuzinda wake. (Obhadhia akanga achitenda kuna Jehovha zvikuru […]

1 Madzimambo 19

Eria anotizira kuHorebhi 1 Zvino Ahabhu akaudza Jezebheri zvose zvakanga zvaitwa naEria nokuuraya kwaakanga aita vaprofita vose nomunondo. 2 Ipapo Jezebheri akatuma nhume kuna Eria kundoti, “Vamwari ngavandirange, vanyanyise kudaro, kana nenguva ino mangwana, ndikasaita kuti upenyu hwako hufanane nehwomumwe wavo.” 3 Eria akatya akatiza kuti aponese upenyu hwake. Paakasvika kuBheerishebha muJudha, akasiya muranda wake […]

1 Madzimambo 20

Bheni-hadhadhi anorwisa Samaria 1 Zvino Bheni-hadhadhi mambo weAramu akaunganidza varwi vake vose. Achibatsirwa namadzimambo makumi matatu namaviri vaine mabhiza avo nengoro, akaenda akakomba Samaria akarirwisa. 2 Akatuma nhume muguta kuna Ahabhu mambo weIsraeri kundoti, “Zvanzi naBheni-hadhadhi, 3 ‘Sirivha yako negoridhe ndezvangu, uye vakadzi vako navana vako vakanyanyisa kunaka ndevangu.’ ” 4 Mambo weIsraeri akapindura akati, […]