1 Madzimambo 21

Munda weMizambiringa waNabhoti 1 Kwapera nguva yakati, pane imwe nyaya yakaitika pamusoro pomunda wemizambiringa waNabhoti muJezireeri. Munda wemizambiringa uyu waiva muJezireeri, pedyo nomuzinda waAhabhu mambo weSamaria. 2 Ahabhu akati kuna Nabhoti, “Ndipe munda wako wemizambiringa kuti ndiuite bindu romuriwo, sezvo uri pedyo nomuzinda wangu. Ini ndichatsinhanhisa nokukupa munda wemizambiringa uri nani, kana kuti, kana uchida, […]

1 Madzimambo 22

Mikaya anoprofita pamusoro paAhabhu 1 Kwamakore matatu pakati peAramu neIsraeri pakanga pasina hondo. 2 Asi mugore rechitatu, Jehoshafati mambo weJudha akaburuka zasi kundoona mambo weIsraeri. 3 Mambo weIsraeri akanga ati kuvaranda vake, “Hamuzivi here kuti Ramoti Gireadhi ndeyedu asi hapana chatiri kuita kuti tiitore zvakare kubva kuna mambo weAramu?” 4 Uye akakumbira Jehoshafati akati, “Uchaenda […]