2 Makoronike 11

1 Rehobhoamu paakasvika muJerusarema, akakurudzira imba yaJudha naBenjamini, varume zviuru zana namakumi masere zvavarwi, kuti varwisane neIsraeri vatorezve umambo hwaRehobhoamu. 2 Asi shoko iri raJehovha rakasvika kuna Shemaya munhu waMwari richiti, 3 “Udza Rehobhoamu mwanakomana waSoromoni mambo weJudha navaIsraeri vose vari muJudha neBenjamini, uti, 4 ‘Zvanzi naJehovha: Musaenda kunorwisana nehama dzenyu; endai kumba, mumwe nomumwe […]

2 Makoronike 12

Shishaki anorwisa Jerusarema 1 Mushure mokunge chinzvimbo chaRehobhoamu samambo chasimbiswa, uye paakanga asimba, iye neIsraeri yose pamwe chete vakasiya murayiro waJehovha. 2 Nokuti vakanga vasina kutendeka kuna Jehovha, Shishaki mambo weIjipiti akarwisa Jerusarema mugore rechishanu ramambo Rehobhoamu. 3 Nengoro chiuru namazana maviri navatasvi vamabhiza zviuru makumi matanhatu navarwi vokuRibhiya, Suki neEtiopia vakanga vasingaverengeki vaakauya navo […]

2 Makoronike 13

Abhija Mambo weJudha 1 Mugore gumi norusere rokutonga kwaJerobhoamu, Abhija akava mambo weJudha. 2 Uye akatonga muJerusarema kwamakore matatu. Zita ramai vake rainzi Maaka, mwanasikana waUrieri weGibhea. Pakava nokurwisana pakati paAbhija naJerobhoamu. 3 Abhija akaenda kundorwa nehondo yaive navarume zviuru mazana mana vaigona kurwa, uye Jerobhoamu akamurwisa navarwi zviuru mazana masere vaigona kurwa. 4 Abhija […]

2 Makoronike 14

1 Uye Abhija akazorora namadzibaba ake akavigwa muguta raDhavhidhi. Asa mwanakomana wake akamutevera kuva paumambo, uye mumazuva ake nyika yakava norugare kwamakore gumi. Asa Mambo weJudha 2 Asa akaita zvakanga zvakanaka uye zvakarurama pamberi paJehovha Mwari wake. 3 Akabvisa aritari dzavatorwa nenzvimbo dzakakwirira, akaputsa matombo anoera uye akatema matanda aAshera. 4 Akarayira Judha kuti itsvage […]

2 Makoronike 15

Mabasa aAsa 1 Mweya waMwari wakauya pana Azaria mwanakomana waOdhedhi. 2 Akabuda kundosangana naAsa akati kwaari, “Nditeererei, imi Asa, Judha yose neBhenjamini yose. Jehovha anemi kana imi munaye. Kana mukamutsvaka, achawanikwa nemi, asi kana mukamurasa, iye achakarusai. 3 Kwenguva refu Israeri yakanga isina Mwari wechokwadi, isina muprista kuti avadzidzise uye vasina murayiro. 4 Asi panguva […]

2 Makoronike 16

Makore Okupedzisira aAsa 1 Mugore ramakumi matatu namatanhatu rokutonga kwaAsa Bhaasha mambo weIsraeri akamukira Judha akandovakira Rama masvingo kuti arege kutendera munhu kubuda kana kupinda munyika yaAsa mambo weJudha. 2 Ipapo Asa akatora sirivha negoridhe kubva mumatura epfuma yetemberi yaJehovha nokubva mumuzinda wake akazvitumira kuna BheniHadhadhi mambo weAramu, uyo aitonga kuDhamasiko. 3 Akati, “Ngapave nechibvumirano […]

2 Makoronike 17

Jehoshafati Mambo weJudha 1 Jehoshafati mwanakomana wake akamutevera paumambo uye akazvisimbisa pakurwisana neIsraeri. 2 Akaisa varwi mumaguta akakomberedzwa namasvingo eJudha aya akaisa mapoka avarwi muJudha nomumaguta eEfuremu akanga atapwa nababa vake Asa. 3 Jehovha vaiva naJehoshafati nokuti pamazuva ake okutonga akafamba munzira dzaiteverwa nababa vake Dhavhidhi. Haana kubvunza kuna vana Bhaari. 4 Asi akatsvaka Mwari […]

2 Makoronike 18

Mikaya anoprofita zvinopesana naAhabhu 1 Zvino Jehoshafati akava nepfuma zhinji nokukudzwa kukuru, uye akava noukama naAhabhu nokuda kwokuroorerana. 2 Zvino mamwe makore akati apfuura, iye akaenda kundoshanyira Ahabhu kuSamaria. Ahabhu akamukurudzira kuti arwise Ramoti Gireadhi. 3 Ahabhu mambo weIsraeri akakumbira Jehoshafati mambo weJudha, akati, “Mungandibatsirawo here kundorwisa Ramoti Gireadhi?” Jehoshafati akapindura akati, “Ini ndakaita sewe […]

2 Makoronike 19

Jehoshafati anogadza Vatongi 1 Jehoshafati mambo weJudha paakadzoka zvakanaka kumuzinda wake muJerusarema, 2 Jehu muoni, mwanakomana waHanani, akabuda kundosangana naye akati kuna mambo, “Mungabatsira here vanhu vakaipa uye mugoda avo vanovenga Jehovha? Nokuda kwaizvozvi kutsamwa kwaJehovha kwava pamusoro penyu. 3 Kunyange zvakadaro hazvo, mamuri mune zvakanaka nokuti makabvisa matanda aAshera munyika uye makaisa mwoyo wenyu […]

2 Makoronike 20

Jehoshafati anokunda vaMoabhu navaAmoni 1 Shure kwaizvozvi vaMoabhu navaAmoni navamwe vaMeuni vakauya kuzorwa naJehoshafati. 2 Vamwe varume vakauya vakaudza Jehoshafati kuti, “Hondo huru kwazvo iri kuuya kuzokurwisai kubva kuEdhomu, vachibva mhiri kweGungwa. Yatova muHazazoni Tamari (zvichireva Eni Gedhi). 3 Achitya, Jehoshafati akafunga kundobvunza Jehovha, akadaidzira kuti Judha yose itsanye. 4 Vanhu veJudha vakaungana pamwe chete […]