2 Makoronike 21

1 Ipapo Jehoshafati akazozorora namadzibaba ake akavigwa navo muguta raDhavhidhi uye Jehoramu mwanakomana wake akamutevera paumambo. 2 Vanun’una vaJehoramu vanakomana vaJehoshafati vaiti Azaria, Jehieri, Zekaria, Azariyahu, Mikaeri naShefatia. Vose ava vaiva vanakomana vaJehoshafati mambo weIsraeri. 3 Baba vavo vakanga vavapa zvipo zvakawanda zvesirivha negoridhe nezvinhu zvinokosha pamwe chete namaguta ana masvingo muJudha, asi akanga apa […]

2 Makoronike 22

Ahazia Mambo weJudha 1 Vanhu veJerusarema vakaita Ahazia, mwanakomana waJehoramu mudiki pane vose, mambo panzvimbo yake, nokuti vaipamba vakanga vauya navaArabhu muJudha, vakanga vauraya vamwe vanakomana vake vakuru. Saka Ahazia, mwanakomana waJehoramu mambo weJudha, akatanga kutonga. 2 Ahazia aiva namakore makumi maviri namaviri paakava mambo, uye akatonga muJerusarema kwegore rimwe chete. Mai vake vainzi Ataria, […]

2 Makoronike 23

1 Mugore rechinomwe Jehoyadha akaratidza simba rake. Akaita sungano navatungamiri vamapoka amazana: Azaria mwanakomana waJerohamu, Ishumaeri mwanakomana waJehohanani, Azaria mwanakomana waObhedhi, naErishafati mwanakomana waZikiri. 2 Vakaenda muJudha yose vakandokokorodza vaRevhi navakuru vemhuri dzavaIsraeri kubva kumaguta ose. Pavakauya kuJerusarema, 3 ungano yose yakaita sungano namambo patemberi yaMwari. Jehoyadha akati kwavari, “Mwanakomana wamambo achatonga sokuvimbisa kwakaita Jehovha […]

2 Makoronike 24

Joashi anogadziridza Temberi 1 Joashi akanga ane makore manomwe paakava mambo, uye akatonga muJerusarema kwamakore makumi mana. Mai vake vainzi Zibhiya uye vaibva kuBheerishebha. 2 Joashi akaita zvakanga zvakanaka pamberi paJehovha pamazuva ose aJohayadha muprista. 3 Jehoyadha akamusarudzira vakadzi vaviri uye akava navanakomana navanasikana. 4 Kwapera kanguva Joashi akafunga kuti avandudze temberi yaJehovha. 5 Akaunganidza […]

2 Makoronike 25

Amazia Mambo weJudha 1 Amazia aiva namakore makumi maviri namashanu paakava mambo, akatonga muJerusarema kwamakore makumi maviri namapfumbamwe. Mai vake vainzi Jehoadhini, uye vaibva kuJerusarema. 2 Akaita zvakanga zvakanaka pamberi paJehovha, asi kwete nomwoyo wose. 3 Paakapedza kusimbisa umambo hwake akauraya machinda akanga auraya baba vake. 4 Kunyange zvakadaro haana kuuraya vanakomana vavo asi akaita […]

2 Makoronike 26

Uzia Mambo weJudha 1 Ipapo vanhu vose veJudha vakatora Uzia akanga ane makore gumi namatanhatu, vakamuita mambo panzvimbo yababa vake Amazia. 2 Ndiye akazovakazve Erati akaridzorera kuJudha mushure mokunge Amazia azorora namadzibaba ake. 3 Uzia aiva namakore gumi namatanhatu paakava mambo uye akatonga muJerusarema kwamakore makumi mashanu namaviri. Mai vake vainzi Jekonia uye vaibva kuJerusarema. […]

2 Makoronike 27

Jotamu Mambo weJudha 1 Jotamu aiva namakore makumi maviri namashanu paakava mambo, uye akatonga muJerusarema kwamakore gumi namatanhatu. Amai vake vainzi Jerusha mwanasikana waZadhoki. 2 Akaita zvakanaka pamberi paJehovha sezvakanga zvaitwa nababa vake Uzia, asi iye haana kuzopinda zvake mutemberi yaJehovha. Kunyange zvakadaro, vanhu vakaramba vachiita zvakaipa zvavo. 3 Jotamu akavakazve Suo Rokumusoro retemberi yaJehovha […]

2 Makoronike 28

Ahazi Mambo weJudha 1 Ahazi aiva namakore makumi maviri paakava mambo, uye akatonga muJerusarema kwamakore gumi namatanhatu. Haana kufanana naDhavhidhi baba vake, haana kuita zvakanaka pamberi paJehovha. 2 Akafamba nomunzira dzamadzimambo eIsraeri akagadzirawo zvifananidzo zvokunamatisa vaBhaari. 3 Akapisa zvipiriso zvinopiswa mumupata weBheni Hinomi akabayira vanakomana vake mumoto, achitevedzera nzira dzinonyangadza dzendudzi dzakanga dzadzingwa naJehovha pamberi […]

2 Makoronike 29

Hezekia anonatsa Temberi 1 Hezekia aiva namakore makumi maviri namashanu paakava mambo, akatonga muJerusarema kwamakore makumi maviri namapfumbamwe. Zita ramai vake rainzi Abhija mwanasikana waZekaria. 2 Akaita zvakanaka pamberi paJehovha, sezvakanga zvangoitwa naDhavhidhi baba vake. 3 Mumwedzi wokutanga wegore rokutanga kutonga kwake akazarura masuo etemberi akaagadziridza. 4 Akauyisa vaprista navaRevhi akavaunganidza muchivara chokudivi rokumabvazuva. 5 […]

2 Makoronike 30

Hezekia anopemberera Pasika 1 Hezekia akatuma shoko kuIsraeri yose neJudha yose akanyorera tsamba Efuremu neManase achivakoka kuti vauye kutemberi yaJehovha muJerusarema uye vazopemberera Pasika kuna Jehovha, Mwari weIsraeri. 2 Mambo namakurukota ake neungano yose muJerusarema vakasarudza kupemberera Pasika mumwedzi wechipiri. 3 Vakanga vasina kukwanisa kutamba mutambo uyu panguva yaunositambwa nokuti vaprista vakanga vazvinatsa vakanga vari […]