Ekisodho 21

1 “Iyi ndiyo mirayiro yaunofanira kumisa pamberi pavo: Varanda vechiHebheru 2 “Kana ukatenga muranda wechiHebheru, anofanira kukushandira kwamakore matanhatu. Asi mugore rechinomwe, anofanira kusunungurwa aende, asina chinhu chaanoripa. 3 Kana akauya ari oga, anofanira kusunungurwa aende ari oga; asi kana ano mukadzi pakuuya kwake, anofanira kuenda nomukadzi wake. 4 Kana tenzi wake akamupa mukadzi uye […]

Ekisodho 22

Kudzivirirwa kweMidziyo kana Pfuma 1 “Kana munhu akaba nzombe kana gwai uye akauraya kana kutengesa anofanira kuripa mombe shanu nokuda kwenzombe uye makwai mana pagwai rimwe chete. 2 “Kana mbavha ikabatwa ichipaza uye ikarohwa ikafa, nyakudzivirira haana mhosva yokuteura ropa; 3 asi kana zvikaitika shure kwokubuda kwezuva, anenge ane mhosva yokuteura ropa. “Mbavha inofanira kudzora […]

Ekisodho 23

Mirayiro yoKururamisira neyoKunzwira Ngoni 1 “Usaparadzira mashoko enhema. Usabatsira munhu akaipa nokuva chapupu chakaipa. 2 “Usatevedzera vanhu vazhinji pakuita zvakaipa. Paunopa umboo mudare redzimhosva, usaminamisa kururamisira uchienda kurutivi rworuzhinji, 3 uye usatsaura munhu murombo pamhaka yake. 4 “Kana ukaona nzombe yomuvengi wako kana mbongoro yake yarasika, ona kuti waidzosera kwaari. 5 Kana ukaona mbongoro yomunhu […]

Ekisodho 24

Sungano inosimbiswa 1 Ipapo Iye akati kuna Mozisi, “Kwira kuna Jehovha, iwe naAroni, Nadhabhu naAbhihu, navakuru vavaIsraeri makumi manomwe. Munamate muri chinhambwe, 2 asi Mozisi oga ndiye anofanira kuswedera kuna Jehovha; vamwe havafaniri kuswedera pedyo. Uye vanhu havangakwiri naye.” 3 Mozisi akati aenda kundoudza vanhu mashoko ose nemirayiro yose yaJehovha, ivo vakati nenzwi rimwe chete, […]

Ekisodho 25

Zvipiriso zveTabhenakeri 1 Uye Jehovha akati kuna Mozisi, 2 “Taurira vaIsraeri kuti vandivigire chipiriso. Unofanira kugamuchira chipiriso changu kubva kumunhu upi noupi anosundwa nomwoyo wake kuti ape. 3 Izvi ndizvo zvipiriso zvaunofanira kugamuchira kubva kwavari: goridhe, sirivha, ndarira; 4 wuru yebhuruu, pepuru netsvuku uye nemicheka yakaisvonaka; makushe embudzi; 5 matehwe amakondohwe akapendwa zvitsvuku namatehwe emombe […]

Ekisodho 26

Tabhenakeri 1 “Uite tabhenakeri namachira gumi omucheka wakarukwa wakaisvonaka, nowebhuruu, pepuru nomutsvuku, namakerubhi akasonerwa mairi nemhizha dzamabasa amaoko. 2 Machira ose anofanira kuva akaenzana, akareba makubhiti makumi maviri namaserea uye makubiti manab paupamhi. 3 Ubatanidze machira mashanu pamwe chete, ugoita zvimwe chetezvo namamwe mashanu. 4 Uite zvishwe zvomucheka webhuruu kurutivi rwokumucheto wejira zvakabatanidzwa pamwe chete, […]

Ekisodho 27

Aritari yeZvipiriso Zvinopiswa 1 “Uvake aritari yamatanda omuakasia, makubhiti matatua pakukwirira kwayo; inofanira kuva namativi mana akaenzana, kureba kwayo makubhiti mashanub uye upamhi hwayo makubhiti mashanu. 2 Uite runyanga pamakona ayo mana, kuti nyanga nearitari zvive chinhu chimwe, uye ufukidze aritari nendarira. 3 Uite midziyo yayo yose nendarira, hari dzayo kuti dzibvise madota, uye foshoro […]

Ekisodho 28

Nguo dzoUprista 1 “Uite kuti Aroni mukoma wako pamwe chete navanakomana vake vanoti Nadhabhu naAbhihu, Ereazari naItamari vauyiswe kwandiri kubva pakati pavaIsraeri kuti vandishumire savaprista. 2 Uitire mukoma wako nguo tsvene, kuti apiwe ruremekedzo uye kukudzwa. 3 Utaurire varume voumhizha vose vandakapa uchenjeri hwokuita zvakadaro kuti vanofanira kusonera Aroni nguo, dzokutsaurwa kwake, kuti agondishumira somuprista. […]

Ekisodho 29

Kunatswa kwaVaprista 1 “Izvi ndizvo zvaunofanira kuita kuti uvanatse, kuti vandishumire savaprista: Utore hando duku namakondohwe maviri asina chaanopomerwa. 2 Uye ubike chingwa noupfu hwakatsetseka hwegorosi, husina mbiriso, uye ubike makeke akavhenganiswa namafuta, nezvingwa zvitete zvakazorwa mafuta. 3 Uzviise mudengu uye ugozvikumikidza zviri imomo, pamwe chete nehando uye makondohwe maviri. 4 Ipapo ugouya naAroni navanakomana […]

Ekisodho 30

Aritari yeZvinonhuwira 1 “Uite aritari yokupirisa zvinonhuwira namatanda omuakasia. 2 Inofanira kuenzana mativi ayo ose ari mana, yakareba kubhiti rimwe chetea uye kubhiti rimwe chete paupamhi, uye kukwirira kwayo makubhiti mavirib, nyanga dzayo dzive chinhu chimwe chete nayo. 3 Ufukidze pamusoro payo namativi ose uye nenyanga dzayo negoridhe rakaisvonaka, 4 uye uite hata mbiri kumativi […]