Ekisodho 31

Bhezareri naOhoriabhi 1 Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, 2 “Tarira ndasarudza Bhezareri mwanakomana waUri, mwanakomana waHuri, worudzi rwaJudha, 3 uye ndamuzadza noMweya waMwari, nouchenjeri, nokugona nokuziva mhando dzose dzoumhizha, 4 kuita unyanzvi hwebasa regoridhe, sirivha nendarira, 5 kuveza nokuronga mabwe, kushanda pabasa rokuveza matanda, nokubata mumhando dzose dzoumhizha. 6 Pamusoro paizvozvo ndakagadza Ohoriabhi mwanakomana waAhisamaki, […]

Ekisodho 32

Mhuru yegoridhe 1 Vanhu vakati vaona kuti Mozisi akanga anonoka kwazvo kuburuka kubva mugomo, vakaungana pana Aroni uye vakati, “Uya, tiitire vamwari vachatitungamirira. Kana ari munhu uyu Mozisi akatibudisa muIjipiti, hatizivi zvaitika kwaari.” 2 Aroni akavapindura akati, “Bvisai mhete dzegoridhe dzakapfekwa navakadzi venyu, vanakomana venyu navanasikana venyu mugouya nadzo kwandiri.” 3 Saka vanhu vose vakabvisa […]

Ekisodho 33

1 Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, “Ibva panzvimbo ino, iwe navanhu vawakabudisa kubva muIjipiti uye ukwire kunyika yandakavimbisa nemhiko kuna Abhurahama, Isaka naJakobho ndichiti, ‘Ndichaipa kuzvizvarwa zvako.’ 2 Ndichatuma mutumwa pamberi pako agodzinga vaKenani, vaAmori, vaHiti, vaPerezi, vaHivhi navaJebhusi. 3 Kwirai kunyika inoyerera mukaka nouchi. Asi ini handiendi nemi, nokuti muri vanhu vane mitsipa mikukutu […]

Ekisodho 34

Mahwendefa matsva amabwe 1 Jehovha akati kuna Mozisi, “Veza matombo maviri amahwendefa akaita sokutanga, uye ndichanyora paari mashoko akanga ari pamahwendefa okutanga, awakaputsa. 2 Ugadzirire mangwanani, uye ipapo ugouya pamusoro peGomo reSinai. Uzviise kwandiri iwe ipapo pamusoro pegomo. 3 Hapana munhu anofanira kuuya newe kana kuonekwa papi zvapo pamusoro peGomo; kunyange makwai kana mombe zvinopfuura […]

Ekisodho 35

Mirayiro yeSabata 1 Mozisi akaunganidza ungano yose yavaIsraeri akati kwavari, “Izvi ndizvo zvinhu zvamakarayirwa naJehovha kuti muite: 2 Mubate basa, mazuva matanhatu, asi zuva rechinomwe richava zuva dzvene kwamuri, Sabata rokuzorora kuna Jehovha. Ani naani anoita basa ripi zvaro pazuva iro anofanira kuurayiwa. 3 Musabatidze moto panzvimbo ipi zvayo yamugere pazuva reSabata.” Zvinhu zvomuTabhenakeri 4 […]

Ekisodho 36

1 “Saka Bhezareri, Ohoriabhu uye nomunhu wose wounyanzvi apiwa unyanzvi naJehovha uye kugona kuziva maitirwo ebasa rokuvaka imba tsvene ngavaite basa sezvakarayirwa naJehovha.” 2 Ipapo Mozisi akadana Bhezareri naOhoriabhu uye munhu wose wounyanzvi uyo akapiwa kugona naJehovha uye akanga achida hake kuuya kuzoshanda basa. 3 Vakagamuchira kubva kuna Mozisi zvipo zvose zvakanga zvauya navaIsraeri kuti […]

Ekisodho 37

Areka 1 Bhezareri akaita areka yamatanda omuakasia, yakareba makubhiti maviri nehafua, kubhiti rimwe nehafub paupamhi, uye kubhiti rimwe chete nehafu pakukwirira. 2 Akaifukidza negoridhe rakaisvonaka, zvose mukati nokunze, uye akaita hata yegoridhe yakaipoteredza. 3 Akaiumbira mhete dzegoridhe ina akadziisa pamakumbo ayo mana, nemhete mbiri pano rumwe rutivi uye dzimwe mbiri kuno rumwezve rutivi. 4 Ipapo […]

Ekisodho 38

Aritari yeZvipiriso Zvinopiswa 1 Vakavaka aritari yezvipiriso zvinopiswa yamatanda omuakasia, yakakwirira makubhiti matatua; yakanga yakaenzana mativi ayo mana ina makubhiti mashanub pakureba uye namakubhiti mashanu paupamhi hwayo. 2 Vakagadzira runyanga pamakona mana ose zvokuti nyanga nearitari zvakanga zvava chinhu chimwe chete, uye vakafukidza aritari nendarira. 3 Vakaita midziyo yayo yose nendarira, hari dzayo, foshoro dzayo, […]

Ekisodho 39

Nguo dzoUprista 1 Kubva pawuru yebhuruu nepepuru netsvuku, vakaita nguo dzakarukwa dzoushumiri munzvimbo tsvene. Vakaitawo nguo tsvene dzaAroni, sokurayira kwakaita Jehovha kuna Mozisi. Efodhi 2 Vakaita efodhi yegoridhe, uye wuru yebhuruu, pepuru netsvuku, uye nomucheka wakaisvonaka wakarukwa. 3 Vakapambadzira goridhe rikava marata matete uye vakagura tuwaya kuti tupfekerwe muwuru yebhuruu, yepepuru netsvuku uye mumucheka wakaisvonaka, […]

Ekisodho 40

Kudzika Tabhenakeri 1 Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, 2 “Dzika tabhenakeri, Tende Rokusangana, pazuva rokutanga romwedzi wokutanga. 3 Uise areka yeChipupuriro mairi uye ugofukidza areka nechidzitiro. 4 Upinze tafura ugoisa zvinhu zvayo pairi. Ipapo ugopinza chigadziko chomwenje ugomisa mwenje yacho. 5 Uise aritari yezvinonhuwira yegoridhe pamberi peareka yechipupuriro uye ugoisa chidzitiro pamukova wokupinda mutabhenakeri. 6 […]