Jeremia 11

Sungano Yaputswa 1 Iri ndiro shoko rakauya kuna Jeremia richibva kuna Jehovha: 2 “Teererai kumitemo yesungano iyi mugoizivisa kuvanhu veJudha nokuna vanogara muJerusarema. 3 Muvaudze kuti zvanzi naJehovha Mwari waIsraeri, ‘Akatukwa munhu asingateereri mitemo yesungano iyi, 4 mitemo yandakarayira madzitateguru enyu pandakavabudisa muIjipiti kubva muchoto chamatare.’ Ndakati, “Nditeererei mugoita zvose zvandinokurayirai, mugova vanhu vangu, ini […]

Jeremia 12

Kugunun’una kwaJeremia 1 Imi munogara makarurama, iyemi Jehovha, pandinouya pamberi penyu nemhaka. Kunyange zvakadaro ndichataura nemi pamusoro pokururamisira kwenyu, ndichiti: Nemhaka yeiko nzira yavakaipa ichibudirira? Nemhaka yei vasingatendi vachirarama zvakanaka? 2 Makavasima, uye vava nemidzi; vanokura uye vanobereka muchero. Imi munogara muri pamiromo yavo asi muri kure nemwoyo yavo. 3 Asi munondiziva, imi Jehovha; munondiona […]

Jeremia 13

Bhanhire roMucheka 1 Zvakanzi naJehovha kwandiri, “Enda undotenga bhanhire romucheka urisunge muchiuno chako, asi usarege richipinda mvura,” 2 Saka ndakatenga bhanhire, sezvandakarayirwa naJehovha, ndokurisunga muchiuno changu. 3 Ipapo shoko raJehovha rakauya kwandiri kechipiri richiti, 4 “Tora bhanhire rawakatenga uye rawakasunga muchiuno chako uende iye zvino kuPerati undoriviga ikoko mumukaha wamatombo.” 5 Saka ndakaenda ndikandoriviga paPerati […]

Jeremia 14

Kusanaya kweMvura, Nzara, Munondo 1 Iri ndiro shoko raJehovha kuna Jeremia pamusoro pokusanaya kwemvura: 2 “Judha anochema, maguta ake apera simba; vanoungudza nokuda kwenyika, uye kuchema kwokwira kuchibva kuJerusarema. 3 Vanokudzwa vanotuma varanda vavo kundochera mvura; vanoenda kumatsime, asi vanoshayiwa mvura. Vanodzoka nezvirongo zvavo zvisina mvura; vaora mwoyo uye vasisina tariro, vanofukidza misoro yavo. 4 […]

Jeremia 15

1 Ipapo Jehovha akati kwandiri, “Kunyange dai Mozisi naSamueri vaimira pamberi pangu, mwoyo wangu hawaiva nehanya navanhu ava. Vadzingei pamberi pangu! Regai vaende! 2 Zvino kana vakakubvunza vachiti, ‘Tichaendepiko?’ Uvaudze kuti, ‘Zvanzi naJehovha, Vakafanirwa norufu ngavaende kurufu, vakafanirwa nomunondo, kumunondo; vakafanirwa nenzara, kunzara; vakafanirwa noutapwa, kuutapwa.’ 3 “Ndichatumira mhando ina dzavaparadzi pamusoro pavo,” ndizvo zvinotaura […]

Jeremia 16

Zuva reNjodzi 1 Ipapo shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti, 2 “Haufaniri kuwana mukadzi kana kuva navanakomana kana vanasikana panzvimbo ino.” 3 Nokuti zvanzi naJehovha, pamusoro pavanakomana navanasikana vanoberekwa munyika ino napamusoro pavakadzi vanova vanamai vavo navarume vanova madzibaba avo, 4 “Vachafa nehasha dzakaipisisa. Havangazochemwi kana kuvigwa asi vachafanana nomupfudze uri pamusoro penyika. Vachaparara nomunondo nenzara, […]

Jeremia 17

1 “Chivi chaJudha chakanyorwa nechinyoreso chesimbi, chakanyorwa nomuromo webwe rakapinza kwazvo, pahwendefa dzemwoyo yavo nepanyanga dzearitari dzavo. 2 Kunyange vana vavo vanorangarira aritari dzavo namatanda aAshera munyasi memiti yakapfumvutira uye napazvikomo zvakakwirira. 3 Gomo rangu riri munyika uye pfuma yako namatura ako ose ndichazviendesa kuutapwa, pamwe chete nenzvimbo dzako dzakakwirira, nokuda kwechivi chiri munyika yako […]

Jeremia 18

Paimba yoMuumbi weHari 1 Iri ndiro shoko rakauya kuna Jeremia richibva kuna Jehovha richiti, 2 “Buruka uende kuimba yomuumbi wehari, ndigokupa shoko rangu ikoko.” 3 Saka ndakaenda kuimba yomuumbi wehari, ndikamuona achishanda paguyo. 4 Asi hari yaakanga achiumba nevhu yakashatiswa mumaoko ake; saka muumbi akaita imwe hari akaiumba namaumbiro aaiona akanaka. 5 Ipapo shoko raJehovha […]

Jeremia 19

1 Zvanzi naJehovha, “Enda undotenga chirongo chevhu kumuumbi wehari. Uende navamwe vakuru vavanhu navaprista. 2 Muende kuMupata waBheni Hinomi, pedyo napamuromo weSuo reZvaenga. Uparidzepo mashoko andinokuudza, 3 uchiti; ‘Inzwai shoko raJehovha, imi madzimambo navanhu veJerusarema. Zvanzi naJehovha Mwari Wamasimba Ose, Mwari waIsraeri achiti: Teererai! ndiri kuuyisa njodzi panzvimbo ino ichaita kuti nzeve yomumwe nomumwe anonzwa […]

Jeremia 20

Jeremia naPashuri 1 Muprista Pashuri mwanakomana waImeri, mutariri mukuru mutemberi yaJehovha, akati anzwa Jeremia achiprofita zvinhu izvi, 2 akarayira kuti Jeremia muprofita arohwe agoiswa muchitokisi paSuo Rokumusoro raBhenjamini raiva patemberi yaJehovha. 3 Chifumi chamangwana, Pashuri akati amusunungura kubva muchitokisi; Jeremia akati kwaari, “Zita rinopiwa kwauri naJehovha harisi Pashuri, asi MagoriMisabhibhi (zvichireva zvinotyisa kumativi ose). 4 […]