Mateo 11

Jesu naJohani Mubhabhatidzi 1 Jesu akati apedza kurayira vadzidzi vake gumi navaviri, akabvapo akandodzidzisa nokuparidza mumaguta omuGarirea. 2 Zvino Johani ari mutorongo akanga anzwa mabasa aJesu, akabva atuma vadzidzi vake 3 kundobvunza vachiti, “Ko, ndimi iye akanga achinzi anouya here, kana kuti totarisira mumwe?” 4 Jesu akavapindura achiti, “Dzokerai mundoudza Johani zvamuri kunzwa nezvamuri kuona: […]

Mateo 12

Ishe weSabata 1 Panguva iyoyo Jesu akapfuura nomuminda yaiva nezviyo uri musi weSabata. Vadzidzi vake vakanga vava nenzara ndokubva vatanga kupurura hura hwezviyo zviya vachidya. 2 VaFarisi pavakazviona, vakati kwaari, “Tarirai, vadzidzi venyu vari kuita zvisingabvumirwi nomusi weSabata.” 3 Akati kwavari, “Ko, hamuna kuverenga here zvakaitwa naDhavhidhi navamwe vake pavakanga vava nenzara? 4 Akapinda muimba […]

Mateo 13

Mufananidzo woMukushi 1 Musi mumwe chetewo, Jesu akabuda mumba akandogara nechokugungwa. 2 Vanhu vazhinji vakamuunganira zvokuti akapinda mugwa akagaramo, ipapo vanhu vakamira kumahombekombe. 3 Ipapo akavaudza zvinhu zvizhinji nemifananidzo, achiti, “Murimi akabuda kundokusha mbeu dzake. 4 Paakanga achikusha mbeu, dzimwe dzakawira munzira, shiri dzikauya dzikadzidya. 5 Dzimwe dzakawira parukangarahwe, padzakashaya ivhu rakakwana. Dzakamera nokukurumidza nokuti […]

Mateo 14

Johani Mubhabhatidzi anogurwa musoro 1 Panguva iyoyo mambo Herodhi akanzwa nezvaJesu 2 uye akati kuvaranda vake, “Uyu ndiJohani Mubhabhatidzi; amuka kubva kuvakafa! Ndokusaka masimba ezvishamiso achishanda maari.” 3 Zvino Herodhi ainge abata Johani akamusunga achibva amuisa mutorongo nokuda kwaHerodhiasi mudzimai waFiripi, munun’una wake, 4 sezvo Johani ainge ati kwaari, “Hautenderwi kutora mukadzi uyu.” 5 Herodhi […]

Mateo 15

Zvinhu Zvakachena neZvisina Kuchena 1 Ipapo vanyori navaFarisi vakauya kuna Jesu vachibva kuJerusarema uye vakamubvunza vachiti, 2 “Sei vadzidzi venyu vachityora tsika dzavakuru? Havashambi maoko avo vasati vadya!” 3 Jesu akavapindura achiti, “Ko, imi munotyorerei murayiro waMwari nokuda kwetsika dzenyu? 4 Nokuti Mwari akati, ‘Kudza baba vako namai vako’ uye, ‘Ani naani anotuka baba kana […]

Mateo 16

Vanokumbira Chiratidzo 1 VaFarisi navaSadhusi vakauya kuna Jesu vakamuedza nokumukumbira kuti avaratidze chiratidzo chinobva kudenga. 2 Akavapindura achiti, “Panosvika nguva yamadekwana munoti, ‘Mamiriro okunze achange akanaka nokuti denga rakatsvuka.’ 3 Uye mangwanani munoti, ‘Nhasi kuchanaya mvura ine dutu nokuti denga rakatsvuka uye kwakakwidibira.’ Munoziva kududzira zvinoonekwa mudenga, asi hamugoni kududzira zviratidzo zvenguva. 4 Rudzi rwakaipa […]

Mateo 17

Kubwinya kwaJesu paGomo 1 Mushure memazuva matanhatu Jesu akatora Petro naJakhobho naJohani munun’una waJakhobho akakwira navo mugomo refu vari voga. 2 Ipapo akashanduka pamberi pavo. Chiso chake chakapenya sezuva uye nguo dzake dzikachena sechiedza. 3 Pakarepo Mozisi naEria vakangoerekana voonekwa vamire vachitaura naJesu. 4 Petro akati kuna Jesu, “Ishe zvakatinakira kuva pano. Kana muchida ndingavaka […]

Mateo 18

Mukuru muUmambo hwoKudenga 1 Panguva iyoyo vadzidzi vakauya kuna Jesu uye vakamubvunza vachiti, “Ndianiko mukuru pana vose muumambo hwokudenga?” 2 Akadana mwana muduku ndokumumisa pakati pavo. 3 Uye akati, “Ndinokuudzai chokwadi kuti, kana musina kushanduka mukava savana vaduku, hamungatongopindi muumambo hwokudenga. 4 Naizvozvo ani naani anozvininipisa somwana uyu ndiye achava mukuru muumambo hwokudenga. 5 “Uye […]

Mateo 19

Kurambana 1 Jesu akati apedza kutaura zvinhu izvi, akabva kuGarirea akaenda kudunhu reJudhea mhiri kwaJorodhani. 2 Vanhu vazhinji zhinji vakamutevera uye akavaporesa ikoko. 3 Vamwe vaFarisi vakauya kwaari kuzomuedza. Vakamubvunza vachiti, “Zviri pamutemo here kuti murume arambe mukadzi wake nokuda kwechikonzero chipi nechipi zvacho?” 4 Akavapindura achiti, “Hamuna kuverenga here kuti kubva pakutanga Musiki akavaita […]

Mateo 20

Mufananidzo waVashandi muMunda weMizambiringa 1 “Nokuti umambo hwokudenga hwakafanana nomuridzi womunda akabuda mangwananingwanani kundotsvaka vanhu vokuti vazoshanda mumunda wake wemizambiringa. 2 Akabvumirana navo kuti aizovapa dhinari pazuva, ndokubva avaendesa mumunda wake wemizambiringa. 3 “Nenguva inenge yechitatu akabuda ndokuona vamwe vamire pamusika vasina chavaiita. 4 Akati kwavari, ‘Nemiwo endai mundoshanda mumunda wangu wemizambiringa, ndichakupai zvakakodzera.’ 5 […]