Mateo 21

Jesu anogamuchirwa muJerusarema 1 Vakati voswedera kuJerusarema uye vasvika muBhetifage pagomo reMiorivhi, Jesu akatuma vadzidzi vaviri, 2 achiti kwavari, “Endai kumusha wamakatarisana nawo uye imomo muchaona mbongoro yakasungirirwa pamwe chete nomwana wayo. Mudzisunungure muuye nadzo kwandiri. 3 Kana pano munhu anotaura chinhu kwamuri, mumuudze kuti, Ishe anodzida uye achadzidzosa nokukurumidza.” 4 Izvi zvakaitika kuti zvizadzise […]

Mateo 22

Mufananidzo woMutambo weSvitsa 1 Jesu akataurazve kwavari nemifananidzo achiti, 2 “Umambo hwokudenga hwakafanana namambo akagadzirira mwanakomana wake mutambo wesvitsa. 3 Akatuma varanda vake kuna avo vainge vakakokwa kumutambo kuti vachiuya, asi vakaramba kuuya. 4 “Ipapo akatumazve vamwe varanda achiti, ‘Taurirai vose vakakokwa kuti ndagadzirira mabiko: Ndabaya nzombe nemombe dzakakodzwa uye zvose zvagadzirirwa. Uyai kumutambo wesvitsa.’ […]

Mateo 23

Jesu anotuka Vanyori nevaFarisi 1 Ipapo Jesu akataura kuvanhu vazhinji nokuvadzidzi vake achiti, 2 “Vadzidzisi vomurayiro navaFarisi vagere pachigaro chaMozisi. 3 Saka munofanira kuvateerera muite zvinhu zvose zvavanokuudzai. Asi musaita zvavanoita, nokuti havaiti zvavanoparidza. 4 Vanosunga mitoro inorema voitakudza pamafudzi avanhu, asi ivo pachavo havadi kusimudza munwe kuti vaibvise. 5 Vanoita zvinhu zvose kuti vaonekwe […]

Mateo 24

Zviratidzo zvaMazuva Okupedzisira 1 Jesu akabuda mutemberi, uye paakanga achifamba kudaro, vadzidzi vake vakaswedera kwaari vakamuratidza dzimba dzetemberi. 2 Iye akati kwavari, “Muri kuona zvinhu izvi zvose here? Ndinokuudzai chokwadi kuti hakuna ibwe richasara pano riri pamusoro perimwe; ose achawisirwa pasi.” 3 Jesu akati agara paGomo reMiorivhi, vadzidzi vakauya kwaari vari voga vakati, “Tiudzei kuti […]

Mateo 25

Mufananidzo waVasikana Gumi 1 “Panguva iyoyo umambo hwokudenga huchange hwakafanana navasikana gumi, vakatora mwenje yavo vakabuda kundochingamidza chikomba. 2 Vashanu vavo vakanga vari mapenzi uye vashanu vavo vakanga vakachenjera. 3 Mapenzi vaya vakatora mwenje yavo asi havana kuisa mafuta mairi. 4 Kunyange zvakadaro, vakachenjera vakatora mafuta mumidziyo pamwe chete nemwenje yavo. 5 Chikomba chakanonoka kusvika, […]

Mateo 26

Vanorangana kuuraya Jesu 1 Jesu akati apedza kutaura zvinhu izvi zvose, akati kuvadzidzi vake, 2 “Sezvamunoziva, Pasika yasarirwa namazuva maviri kuti isvike, Mwanakomana woMunhu achaendeswa kuti andorovererwa pamuchinjikwa.” 3 Ipapo vaprista vakuru navakuru vavanhu vakandoungana mumuzinda womuprista mukuru, ainzi Kaifasi, 4 uye vakarangana kuti vasunge Jesu namano vagomuuraya. 5 Vakati, “Asi kwete panguva yoMutambo nokuti […]

Mateo 27

Judhasi anozvisungirira 1 Mangwanani-ngwanani vaprista vose vakuru navakuru vavanhu vakabvumirana kuti Jesu aurayiwe. 2 Vakamusunga, vakaenda naye vakandomuisa kuna Pirato uyo aiva mubati. 3 Judhasi uya akanga amupandukira akati, aona kuti Jesu atongerwa rufu, akazvidemba kwazvo ndokubva adzosera makumi matatu esirivha aya kuvaprista vakuru navakuru. 4 Akasvikoti, “Ndatadza, nokuti ndapandukira ropa risina mhosva.” Vakamupindura vachiti, […]

Mateo 28

Kumuka kwaJesu 1 Mushure meSabata, ava mambakwedza nomusi wokutanga wevhiki, Maria Magadharena nomumwe Maria vakaenda kundoona guva. 2 Pakava nokudengenyeka kwenyika kukuru nokuti mutumwa waShe akabva kudenga akaenda paguva akasvikokungurutsa ibwe riya akagara pamusoro paro. 3 Kuonekwa kwake kwakanga kwakaita semheni uye nguo dzake dzakanga dzakachena sechando. 4 Varindi vakamutya kwazvo zvokuti vakadedera vakaita savanhu […]