Ruka 19

Zakeo, Muteresi

1 Jesu akapinda muJeriko uye akanga achipfuura nomo.

2 Maiva nomurume ainzi Zakeo; akanga ari mukuru wavateresi uye akanga akapfuma kwazvo.

3 Akauya achida kuona Jesu kuti ndiani, asi nokuda kwokuti akanga ari munhu mupfupi, akatadza kuona nokuda kwavanhu vazhinji.

4 Nokudaro akamhanyira mberi akandokwira mumuti womuonde kuti amuone, sezvo Jesu akanga achienda naipapo.

5 Jesu akati asvika panzvimbo iyoyo, akatarisa kumusoro ndokuti kwaari, “Zakeo, buruka nokukurumidza. Ndinofanira kundogara mumba mako nhasi.”

6 Saka akakurumidza kuburuka akamugamuchira nomufaro.

7 Vanhu vose vakaona izvi vakatanga kugunun’una vachiti, “Aenda kundova mueni wo‘mutadzi.’ ”

8 Asi Zakeo akasimuka akamira pamberi paShe akati, “Tarirai, Ishe! Pano, uye iye zvino, ndinopa hafu yepfuma yangu kuvarombo, uye kana ndakanyengera ani zvake pachinhu chipi zvacho, ndichadzosera zvava zvina.”

9 Jesu akati kwaari, “Nhasi ruponeso rwasvika mumba muno, nokuti murume uyu mwanakomanawo waAbhurahama.

10 Nokuti Mwanakomana woMunhu akauya kuzotsvaka nokuponesa chakarasika.”

Mufananidzo weZviuru Gumi zvaMadhora

11 Pavakanga vachiri kuteerera izvozvo, akaenderera mberi achivaudza mufananidzo, nokuti akanga ava pedyo neJerusarema uye vanhu vakafunga kuti umambo hwaMwari hwaizokurumidza kuonekwa pakarepo.

12 Akati, “Mumwe murume weimba huru, akaenda kunyika iri kure kuti andogadzwa kuti ave mambo uye agodzoka.

13 Saka akadana varanda vake gumi akavapa zviuru gumi zvamadhora. Akati, ‘Shandisai mari iyi kusvikira ndadzoka.’

14 “Asi varanda vake vaimuvenga vakatuma nhume dzikamutevera kuti dzindoti, ‘Munhu uyu hatidi kuti ave mambo wedu.’

15 “Akandogadzwa kuti ave mambo, kunyange zvakadaro, akadzoka kumusha. Ipapo akatuma shoko kuvaranda vaakanga apa mari, achida kuziva zvavakanga vawana nayo.

16 “Wokutanga akasvika akati, ‘Ishe chiuru chenyu chamadhora chakabereka zvimwe zviuru gumi.’

17 “Tenzi wake akati, ‘Zvakanaka, muranda wangu akanaka! Nokuti wanga wakatendeka pazvinhu zviduku duku, uchatonga pamusoro pamaguta gumi.’

18 “Wechipiri akasvika akati, ‘Ishe, chiuru chenyu chamadhora chakabereka zvimwe zviuru zvishanu.’

19 “Tenzi wake akapindura akati, ‘Iwe uchatonga pamusoro pamaguta mashanu.’

20 “Ipapo mumwe muranda akasvika akati, ‘Ishe, hechino chiuru chenyu chamadhora; ndakachichengeta ndakachisungirira mumucheka.

21 Ndakanga ndichikutyai, nokuti muri munhu ano mwoyo wakaoma. Munotora zvamusina kuisapo nokukohwa zvamusina kudyara.’

22 “Tenzi wake akapindura akati, ‘Ndichakutonga namashoko ako pachako, iwe muranda akaipa! Waiziva kuti ndiri munhu ane mwoyo wakaoma, ndinotora zvandisina kuisapo, nokukohwa zvandisina kudyara?

23 Seiko zvino usina kuisa mari yangu mubhangi, kuitira kuti pakudzoka kwangu ndizoitora yawanda?’

24 “Ipapo akati kuna avo vakanga vamire pedyo, ‘Mutorerei chiuru chake chamadhora muchipe kuno uyo ane zviuru gumi.’

25 “Vakati, ‘Ishe anotova nezviuru gumi zvamadhora nechakare!’

26 “Iye akapindura akati, ‘Ndinoti kwamuri, mumwe nomumwe anazvo, achapiwa zvimwe, asi uyo asina, achatorerwa kunyange nechaanacho.

27 Asi vaya vavengi vangu vakanga vasingadi kuti ndive mambo wavo, uyai navo pano muvauraye pamberi pangu.’ ”

Jesu anogamuchirwa muJerusarema

28 Shure kwokunge Jesu ataura izvi, akapfuurira mberi, akakwira kuJerusarema.

29 Akati asvika kuBhetifage neBhetania paGomo reMiorivhi, akatuma vadzidzi vake vaviri achiti,

30 “Endai kumusha wakatarisana nemi, uye pamunongopindamo, muchawana mwana wembongoro asina kumbotasvwa nomunhu akasungirirwamo. Muisunungure mugouya nayo pano.

31 Kana pane munhu anokubvunzai achiti, ‘Seiko muchiisunungura?’ muvaudze kuti, ‘Ishe anoida.’ ”

32 Vaya vakanga vatumwa mberi vakaenda vakandowana zvakaita sezvaakanga avaudza chaizvo.

33 Pavakanga vachisunungura mwana wembongoro uyu, muridzi wacho akavabvunza akati, “Seiko muchisunungura mwana wembongoro uyu?”

34 Ivo vakamupindura vakati, “Ishe anoida.”

35 Vakauya nayo kuna Jesu, vakaisa nguo dzavo pamusoro pomwana wembongoro ndokubva vakwidza Jesu pairi.

36 Paakanga achifamba, vanhu vakawaridzira nguo dzavo mumigwagwa.

37 Akati asvika pedyo nenzvimbo ine nzira yaitenukira paGomo reMiorivhi, vazhinji vose vavadzidzi vakatanga kupembera vachirumbidza Mwari namanzwi makuru nokuda kwezviratidzo zvose zvavakanga vaona, vachiti:

38 “Akaropafadzwa mambo anouya muzita raShe!”

“Rugare ngaruve kudenga, nembiri kumusoro-soro!”

39 Vamwe vaFarisi vakanga vari pakati pavanhu vazhinji vakati kuna Jesu, “Mudzidzisi, tsiurai vadzidzi venyu!”

40 Akapindura akati, “Ndinokuudzai kuti, kana vakanyarara, matombo achadanidzira.”

41 Akati aswedera kuJerusarema uye achiona guta, akachema pamusoro paro

42 akati, “Dai iwe, kunyange iyewe, waiziva chete pazuva rino zvinhu zvaizokupa rugare, asi zvino zvakavanzwa pameso ako.

43 Mazuva achasvika pamusoro pako ayo vavengi vako vachakuvakira muchinjiziri vagokukomberedza uye vagokumanikidza kumativi ose.

44 Vachakupwanyira pasi, iwe navana vari mukati mamasvingo ako. Havazongosiyi ibwe pamusoro perimwe nokuti hauna kuziva nguva yokushanyirwa kwako naMwari.”

Jesu paTemberi

45 Ipapo akapinda mutemberi akatanga kubudisa vaya vakanga vachitengesa.

46 Akati kwavari, “Kwakanyorwa kuchinzi, ‘Imba yangu ichava yokunyengeterera,’ asi mava kuiita ‘bako ramakororo.’ ”

47 Aidzidzisa zuva rimwe nerimwe mutemberi. Asi vaprista vakuru navadzidzisi vomurayiro uye navatungamiri pakati pavanhu vakanga vachiedza kumuuraya.

48 Asi vakanga vasingawani nzira yokuita izvozvo, nokuti vanhu vose vakanga vakanamatira pamashoko ake.

Ruka 20

Vanobvunza kuti simba raJesu rinobvepi

1 Nerimwe ramazuva paakanga achidzidzisa vanhu mutemberi uye achiparidza vhangeri, vaprista vakuru navadzidzisi vomurayiro, pamwe chete navakuru, vakasvika kwaari.

2 Vakati kwaari, “Tiudzei kuti munoita zvinhu izvi nesimba ripi? Ndiani akakupai simba iri?”

3 Akapindura akati, “Neniwo ndichakubvunzai mubvunzo. Ndiudzei,

4 ‘Rubhabhatidzo rwaJohani rwakabva kudenga here kana kuti kuvanhu?’ ”

5 Vakataurirana pakati pavo vakati, “Kana tikati, ‘Rwakabva kudenga,’ iye achati, ‘Seiko musina kumutenda?’

6 Asi kana tikati, ‘Rwakabva kuvanhu,’ vanhu vose vachatitaka namabwe, nokuti vanotenda kuti Johani akanga ari muprofita.”

7 Saka ivo vakazoti, “Hatizivi kuti rwakabvepi.”

8 Jesu akati, “Neniwo handichakuudzei simba randinoita naro zvinhu izvi.”

Mufananidzo waVarimi Vakaipa

9 Akaenderera mberi akaudza vanhu mufananidzo uyu akati, Mumwe murume akadyara munda wake wemizambiringa, akaupa kuna vamwe varimi kwechinguva achibva aenda kure kune imwe nyika kwenguva refu.

10 Panguva yokukohwa, akatuma muranda kuvarimi kuti vamupe zvimwe zvezvibereko zvemizambiringa. Asi varimi vakamurova vakamuendesa asina chinhu.

11 Akatumazve mumwe muranda, asi naiyewo vakamurova uye vakamuitira zvinonyadzisa ndokumudzosazve asina chinhu.

12 Akatumazve mumwe wechitatu, uyu vakamukuvadza ndokumukanda kunze.

13 “Ipapo muridzi womunda wemizambiringa akati, ‘Ndichaita seiko? Ndichatuma mwanakomana wangu, iye wandinoda; zvimwe vachamuremekedza.’

14 “Asi varimi vakati vachimuona, vakataurirana pachavo vakati, ‘Uyu ndiye mudyi wenhaka. Ngatimuurayei nhaka igova yedu.’

15 Saka vakamubudisa mumunda wemizambiringa ndokubva vamuuraya.

“Zvino muridzi womunda womuzambiringa achaitei kwavari?

16 Achauya agouraya varimi avo agopa vamwe varimi munda womuzambiringa.” Vanhu vakati vanzwa izvozvo, vakati, “Dai zvakadai zvikasatomboitika!”

17 Jesu akavatarisisa uye akavabvunza akati, “Zvino zvakanyorwa zvinoreveiko zvinoti:

“ ‘Ibwe rakarambwa navavaki ndiro razova musoro wekona’?

18 Mumwe nomumwe anowira padombo iroro achavhunika-vhunika asi uyo warinowira achapwanyiwa.”

19 Vadzidzisi vomurayiro navaprista vakuru vakatsvaka nzira yokumusunga pakarepo, nokuti vaiziva kuti akanga ataura mufananidzo uyu pamusoro pavo. Asi vakanga vachitya vanhu.

Kuripa Mitero kuna Kesari

20 Vakaramba vachimucherechedza, vakatuma vasori, vakanga vachinyepedzera kuva vakatendeka. Vakanga vane tariro yokuti vamubate iye Jesu pachinhu chaanenge ataura kuitira kuti vagomuisa kusimba noutongi hwomubati.

21 Saka vasori vakamubvunza vachiti, “Mudzidzisi, tinoziva kuti munotaura uye munodzidzisa zvakarurama, uye kuti hamusi mutsauri wavanhu asi munodzidzisa nzira yaMwari zviri maererano nezvokwadi.

22 Ko, zvakanaka here kuti tiripe mutero kuna Kesari kana kuti kwete?”

23 Akaona kunyengera kwavo akati kwavari,

24 “Ndiratidzei dhenari. Ko, mufananidzo norunyoro zviripo ndezvaani?”

25 Vakapindura vakati, “NdezvaKesari.”

Iye akati kwavari, “Ipai Kesari zvaKesari uye mugopa Mwari zvaMwari.”

26 Vakanga vasingagoni kumuteya nezvaakanga ataura ipapo pane vanhu. Vakashamiswa nokupindura kwake, vakanyarara.

Kumuka kwaVakafa noKuwanana

27 Vamwe vaSadhusi, vanoti hakuna kumuka kwavakafa, vakauya nomubvunzo kuna Jesu.

28 Vakati, “Mudzidzisi, Mozisi akatinyorera kuti kana mukoma womunhu akafa akasiya mukadzi asina vana, murume anofanira kuwana chirikadzi iyo amutsire mukoma wake vana.

29 Zvino pakanga pane vanakomana vanomwe. Wokutanga akawana mukadzi, akafa asina mwana.

30 Wechipiri akamuwana uye akafa asina mwana.

31 Uye wechitatu akamuwana, uye nenzira imwe cheteyo, vose vari vanomwe vakafa, vachisiya pasina vana.

32 Pakupedzisira, mukadzi akafawo.

33 Zvino mukadzi uyu achava waaniko pakumuka kwavakafa sezvo akanga ari mukadzi kwavari vose vari vanomwe?”

34 Jesu akapindura akati, “Vanhu venyika ino vanowana nokuwanikwa.

35 Asi vaya vanoonekwa kuti vakakodzera kurarama munyika iyo nomukumuka kwavakafa, havazowani kana kuwanikwa,

36 uye havazofizve; nokuti vafanana navatumwa. Vana vaMwari, sezvo vari vana vokumuka kwavakafa.

37 Asi panhoroondo yegwenzi, kunyange naMozisi akaratidza kuti vakafa vanomutswa, nokuti anoti, Ishe ndiye ‘Mwari waAbhurahama, naMwari waIsaka, uye naMwari waJakobho.’

38 Haasi Mwari wavakafa, asi wavapenyu, nokuti kwaari vose vapenyu.”

39 Vamwe vadzidzisi vomurayiro vakati, “Mataura zvakanaka, mudzidzisi!”

40 Uye hakuna akazoda kumubvunzazve mimwe mibvunzo.

Kristu Mwanakomana waani?

41 Ipapo Jesu akati kwavari, “Seiko vachiti Kristu Mwanakomana waDhavhidhi?

42 Dhavhidhi pachake anotaura mubhuku raMapisarema achiti:

“ ‘Ishe akati kuna She wangu:

Gara kuruoko rwangu rworudyi

43 kusvikira ndaita vavengi vako chitsiko chetsoka dzako.’

44 Dhavhidhi anomuti, ‘Ishe.’ Anogova mwanakomana wake seiko?”

45 Vanhu vose vachakateerera, Jesu akati kuvadzidzi vake,

46 “Chenjererai vadzidzisi vomurayiro. Vanoda kufamba-famba vakapfeka nguo refu, uye vachifarira kukwaziswa pamisika, nokuva nezvigaro zvapamusoro-soro mumasinagoge uye nenzvimbo dzinokudzwa pamabiko.

47 Vanoparadza dzimba dzechirikadzi uye kuti vaonekwe, vanoita minyengetero mirefu, Vanhu vakadai vacharangwa zvakaomarara kwazvo.”

Ruka 21

Chipo cheChirikadzi

1 Akati achitarira, Jesu akaona vapfumi vachiisa zvipo zvavo muchivigiro chepfuma chomutemberi.

2 Akaonawo chirikadzi murombo ichiisa tumari tuviri tuduku twendarira.

3 Akati kwavari, “Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, chirikadzi iyi murombo yaisa mari zhinji kupfuura vamwe vose.

4 Vanhu vose ava vapa zvipo zvavo zvichibva papfuma yavo zhinji; asi uyu, nourombo hwake aisa zvose zvaanga achararama nazvo.”

Zviratidzo zvaMazuva Okupedzisira

5 Vamwe vadzidzi vake vakanga vachitaura pamusoro pamashongedzerwo akanga akaitwa temberi namatombo akanaka uye nezvipo zvakanga zvakumikidzwa kuna Mwari. Asi Jesu akati,

6 “Zvamuoona pano izvi, nguva ichasvika yokuti ibwe rimwe haringaregwi riri pamusoro perimwe; rimwe nerimwe rawo richarasirwa pasi.”

7 Vakamubvunza vakati, “Mudzidzisi, zvinhu izvi zvichaitika rinhiko? Uye chiratidzo chichava chipi chokuti izvozvo zvava kuzoitika?”

8 Akapindura akati, “Chenjererai kuti murege kunyengerwa. Nokuti vazhinji vachauya muzita rangu, vachiti ivo, ‘Ndini iye,’ uye ‘Nguva yava pedyo.’ Musavatevera.

9 Kana mukanzwa zvehondo uye nokumukirana, musavhundutswa. Zvinhu izvozvi zvinofanira kutanga kuitika, asi kuguma hakuzosviki pakarepo.”

10 Ipapo akati kwavari, “Rudzi ruchamukira rudzi, uye umambo huchamukira humwe umambo.

11 Kuchava nokudengenyeka kukuru, nzara nehosha kunzvimbo dzakasiyana-siyana, uye zvinhu zvinotyisa nezviratidzo zvikuru zvinobva kudenga.

12 “Asi izvi zvose zvisati zvaitika, vachakubatai vagokutambudzai. Vachakuisai kumasinagoge nokumatorongo uye muchamiswa pamberi pamadzimambo navabati, uye zvose nokuda kwezita rangu.

13 Izvi zvichaita kuti imi muve zvapupu kwavari.

14 Asi shingai mundangariro dzenyu, musatanga kufunganya kuti muchazvidzivirira sei.

15 Nokuti ndichakupai mashoko nouchenjeri zvokuti hakuna munhu pavavengi venyu achagona kuzviramba kana kuzvipikisa.

16 Muchapandukirwa kunyange navabereki venyu, vanun’una, hama neshamwari, uye vachauraya vamwe venyu.

17 Vanhu vose vachakuvengai nokuda kwangu.

18 Asi hapana bvudzi romusoro wenyu richaparara.

19 Nokutsungirira kwenyu, muchawana upenyu.

20 “Pamunoona Jerusarema rakombwa nehondo, muchaziva kuti kuparadzwa kwaro kwava pedyo.

21 Ipapo vaya vari muJudhea ngavatizire kumakomo, vari muguta ngavabude, uye vari muruwa ngavarege kupinda muguta.

22 Nokuti iyi ndiyo nguva yokurangwa kuti zvose zvakanyorwa zvizadziswe.

23 Haiwa, zvichatyisa seiko mumazuva iwayo kumadzimai ane mimba navanoyamwisa! Kuchava nenhamo huru munyika nokutsamwa pamusoro porudzi urwu.

24 Vachaurayiwa nomunondo uye vachaitwa vasungwa kundudzi dzose. Jerusarema richatsikwa navaHedheni kusvikira nguva dzavaHedheni dzazadziswa.

25 “Kuchava nezviratidzo pazuva, pamwedzi napanyeredzi. Panyika, ndudzi dzichatambudzika uye dzichakanganiswa nokutinhira uye namasaisai egungwa.

26 Vanhu vachapera simba nokutya, nokutarisira zvichawira nyika, nokuti hondo dzokudenga dzichazungunuswa.

27 Panguva iyo vachaona Mwanakomana woMunhu achiuya mugore nesimba nokubwinya kukuru.

28 Panotanga kuitika zvinhu izvi, mumire mugosimudza misoro yenyu, nokuti dzikinuro yenyu yoswedera.”

29 Akavaudza mufananidzo uyu akati, “Tarirai muti womuonde nemiti yose.

30 Painenge ichitungira mashizha, munogona kuona pachenyu nokuziva kuti zhizha rava pedyo.

31 Nokudarowo, pamunoona zvinhu izvi zvichiitika, muzive kuti umambo hwaMwari hwava pedyo.

32 “Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, rudzi urwu harungatongopfuuri kusvikira zvinhu izvi zvaitika.

33 Denga nenyika zvichapfuura, asi mashoko angu haangatongopfuuri.

34 “Chenjerai, kuti mwoyo yenyu irege kuremedzwa nokudyisa, kudhakwa nokufunganya kwoupenyu, kuti zuva iro rirege kukuwirai seriva musina kuzvitarisira.

35 Nokuti richasvika pamusoro pavose vagere pamusoro penyika yose.

36 Garai makagadzirira, uye munyengetere kuti mugogona kupunyuka pazvose izvo zvava kuda kuitika, uye kuti mugogona kumira pamberi poMwanakomana woMunhu.”

37 Zuva rimwe nerimwe Jesu aidzidzisa patemberi, uye madekwana oga oga achindopedza usiku hwose ari muGomo reMiorivhi,

38 uye vanhu vose vaiuya patemberi mangwananingwanani kuti vazomunzwa.

Ruka 22

Judhasi anopandukira Jesu

1 Zvino Mutambo weZvingwa Zvisina Mbiriso, unonzi Pasika, wakanga woswedera,

2 uye vaprista vakuru navadzidzisi vomurayiro vakanga vachitsvaka nzira yavangabata nayo Jesu, nokuti vakanga vachitya vanhu.

3 Ipapo Satani akapinda muna Judhasi, ainzi Iskarioti, mumwe wavane gumi navaviri.

4 Uye Judhasi akaenda kuvaprista vakuru navakuru vavarindi vetemberi akandorangana navo kuti angapandukira Jesu sei.

5 Vakafara uye vakatenderana kuti vaizomupa mari.

6 Akatenda, akatsvaka mukana wokuti aise Jesu kwavari pasina vanhu vazhinji.

Chirariro Chokupedzisira

7 Ipapo zuva reZvingwa Zvisina Mbiriso rakasvika, iro raifanira kubayirwa gwayana rePasika.

8 Jesu akatuma Petro naJohani, achiti, “Endai mundotigadzirira Pasika tidye.”

9 Vakati, “Munoda kuti tikugadzirirei kupiko?”

10 Iye akapindura akati, “Pamunopinda muguta, muchasangana nomurume akatakura chirongo chemvura. Mumutevere iyeye kuimba yaanosvikopinda,

11 mugoti kumuridzi wemba, ‘Mudzidzisi ari kubvunza kuti: Imba yavaeni iripiko, umo mandingadyira Pasika navadzidzi vangu?’

12 Achakuratidzai imba huru yapamusoro, yakarongedzwa zvose. Mugadzire imomo.”

13 Vakaenda vakandowana zvinhu zvakangoita sezvavakanga vaudzwa naJesu. Saka vakagadzira Pasika imomo.

14 Nguva yakati yasvika, Jesu navapostori vake vakagara patafura.

15 Uye akati kwavari, “Ndanga ndichidisa kwazvo kuti ndidye Pasika iyi nemi ndisati ndatambudzika.

16 Nokuti ndinoti kwamuri, handichazoidyizve kusvikira yazadzisika muumambo hwaMwari.”

17 Akati atora mukombe, akavonga akati, “Torai mukombe uyu mugovane pakati penyu.

18 Nokuti ndinoti kwamuri, handichazonwizve chibereko chomuzambiringa kusvikira umambo hwaMwari hwasvika.”

19 Uye akatora chingwa, akavonga akachimedura, uye akavapa, achiti, “Uyu ndiwo muviri wangu wakapiwa kwamuri; itai izvi muchindirangarira.”

20 Saizvozvo, vakati vapedza chirariro akatora mukombe, akati, “Mukombe uyu ndiyo sungano itsva muropa rangu, rinodururirwa imi.

21 Asi ruoko rwaiye achandipandukira runeni patafura.

22 Mwanakomana woMunhu achaenda sezvazvakatemwa, asi ane nhamo munhu uyo anomupandukira.”

23 Vakatanga kubvunzana pakati pavo kuti angava ani pavari angaita chinhu ichi.

24 Uyewo nharo dzakamuka pakati pavo dzokuti ndiani wavo aifungidzirwa kuti angava mukuru wavose.

25 Jesu akati kwavari, “Madzimambo avahedheni ane simba pamusoro pavo; uye vaya vanobata nesimba pamusoro pavo vanozviti vabatsiri.

26 Asi imi hamufaniri kuita saizvozvo. Asi, mukuru pakati penyu mose anofanira kuva somuduku kuna vose, uye uyo anotonga ngaaite souya anoshanda.

27 Nokuti ndianiko mukuru kuno mumwe, uyo agere patafura kana kuti uya anoshanda? Ko, haazi iye agere patafura here? Asi ini ndiri pakati penyu saiye anoshanda.

28 Imi ndimi vaya vakamira neni pamiedzo yangu.

29 Uye ndinokupai umambo, sababa vangu vakandipa umambo,

30 kuitira kuti mugodya nokunwa patafura yangu muumambo hwangu, mugogara pazvigaro zvoushe, muchitonga marudzi gumi navaviri avaIsraeri.

31 “Simoni, Simoni, Satani akumbira kuti akuzungure segorosi.

32 Asi ndakunyengeterera, Simoni, kuti rutendo rwako rurege kupera. Uye paunenge watendeuka, usimbise hama dzako.”

33 Asi iye akapindura akati, “Ishe, ndakagadzirira kuenda nemi mutorongo uye kufa nemi.”

34 Jesu akapindura akati, “Petro, ndinoti kwauri, jongwe risati rarira nhasi, ucharamba iwe katatu, kuti unondiziva.”

35 Ipapo Jesu akabvunza akati, “Pandakakutumai musina chikwama, hombodo kana shangu pane chinhu chamakashayiwa here?”

Ivo vakati, “Hapana.”

36 Akati kwavari, “Asi iye zvino kana une chikwama, chitore, uyewo nehombodo; uye kana usina munondo, tengesa nguo yako ugoutenga.

37 Kwakanyorwa kuchinzi, ‘Iye akaverengwa pamwe chete navadariki’ uye ndinoti kwamuri, izvi zvinofanira kuzadziswa mandiri. Hongu, zvakanyorwa pamusoro pangu zvava kusvika pakuzadziswa.”

38 Vadzidzi vakati, “Tarirai, Ishe, heyi minondo miviri.”

Akapindura akati, “Zvaringana.”

Jesu anonyengetera paGomo reMiorivhi

39 Jesu akabuda sezvaaisiita mazuva ose akaenda kuGomo reMiorivhi, uye vadzidzi vake vakamutevera.

40 Akati asvika panzvimbo iyo, akati kwavari, “Nyengeterai kuti murege kupinda mukuedzwa.”

41 Akabva pavari akaenda mberi kwavo chinhambwe chingasvika dombo rapotserwa, akapfugama ndokunyengetera achiti,

42 “Baba, kana muchida, bvisai mukombe uyu pandiri; asi ngakurege kuva kuda kwangu, asi kuda kwenyu kuitwe.”

43 Mutumwa akabva kudenga akazviratidza kwaari uye akamusimbisa.

44 Uye ari pakutambudzika, akanyengetera zvikuru, uye ziya rake rakanga rakaita samadonhwe eropa anodonhera pasi.

45 Akati achisimuka kubva pakunyengetera, akadzokera kuvadzidzi, akasvikovawana vavata, vaneteswa nokusuwa.

46 Akasvikovabvunza achiti, “Seiko mavata? Mukai munyengetere kuti murege kuwira mukuedzwa.”

Kusungwa kwaJesu

47 Achiri kutaura, vanhu vazhinji vakasvika, uye uya ainzi Judhasi, mumwe wavane gumi navaviri, akanga achivatungamirira. Akaswedera kuna Jesu kuti amutsvode,

48 asi Jesu akamubvunza akati, “Judhasi, uri kupandukira Mwanakomana woMunhu nokutsvoda here?”

49 Vateveri vaJesu vakati vaona zvakanga zvoda kuitika vakati, “Ishe, tivabaye neminondo yedu here?”

50 Uye mumwe wavo akatema muranda womuprista mukuru, akagura nzeve yake yokurudyi.

51 Asi Jesu akapindura achiti, “Zvaringana!” Uye akabata nzeve yomurume uya akamuporesa.

52 Ipapo Jesu akati kuvaprista vakuru navabati vaichengeta temberi, navakuru vakanga vamuvinga, “Ko, ini ndiri mupanduki mukuru here, zvamauya neminondo netsvimbo?

53 Mazuva ose ndakanga ndinemi mutemberi, uye hamuna kundibata. Asi ino ndiyo nguva yenyu, yokutonga kwerima.”

Petro anoramba Jesu

54 Ipapo vakamubata, vakaenda naye vakandomuisa mumba momuprista mukuru. Petro akamutevera ari nechokure.

55 Asi vakati vabatidza moto pakati poruvazhe uye vagara pasi pamwe chete, Petro akagara pakati pavo.

56 Musikana akanga ari mushandi akamuona agerepo muchiedza chomoto. Akamunan’anidza akati, “Murume uyu aivawo naJesu.”

57 Asi iye akaramba izvozvo uye akati, “Iwe mukadzi, handimuzivi ini.”

58 Kwapera chinguvana, mumwezve akamuona akati, “Newewo uri mumwe wavo.”

Petro akapindura akati, “Iwe murume, handizi!”

59 Shure kweawa imwe chete mumwezve akauya akati, “Zvirokwazvo munhu uyu akanga anaye, nokuti muGarirea.”

60 Petro akapindura akati, “Iwe murume, handitombozivi zvauri kutaura nezvazvo!” Achiri kutaura, jongwe rakabva rarira.

61 Ishe akatendeuka akatarisa akanyatsonanga Petro. Ipapo Petro akarangarira shoko rakanga rataurwa kwaari naShe rokuti, “Nhasi jongwe risati rarira, uchandiramba katatu.”

62 Ipapo akabuda kunze akandochema zvikuru.

Varindi vanoseka Jesu

63 Varume vakanga vachirinda Jesu vakatanga kumuseka nokumurova.

64 Vakamusunga kumeso vakati, “Profita! Ndiani akurova?”

65 uye vakataura zvimwe zvinhu zvizhinji kwaari vachimutuka.

Jesu pamberi paPirato naHerodhi

66 Kuzoti kwaedza dare ravakuru vavanhu, vose vaprista vakuru navadzidzisi vomurayiro, vakasangana pamwe chete, uye Jesu akamiswa pamberi pavo.

67 Vakati, “Kana uri Kristu, tiudze.”

Jesu akapindura akati, “Kana ndikakuudzai, hamunganditendi,

68 uye kana ndikakubvunzai, hamungandipinduri.

69 Asi kubva zvino, Mwanakomana woMunhu achagara kuruoko rworudyi rwaMwari ane simba.”

70 Vose vakabvunza vachiti, “Ko, zvino iwe ndiwe Mwanakomana waMwari here?”

Iye akapindura akati, “Mareva zvakanaka, zvamati ndini iye.”

71 Ipapo vakati, “Tichadazve humwe uchapupu here? Tazvinzwa zvabva mumuromo make.”

Ruka 23

1 Ipapo ungano yose yakasimuka ikaenda naye kuna Pirato.

2 Uye vakatanga kumupomera mhosva, vachiti, “Takawana munhu uyu achitsausa rudzi rwedu. Haabvumirani nokuripa mutero kuna Kesari uye anozviti ndiye Kristu, mambo.”

3 Saka Pirato akabvunza Jesu achiti, “Ndiwe mambo wavaJudha here?”

Jesu akapindura akati, “Hongu, ndizvo zvamareva.”

4 Ipapo Pirato akati kuvaprista vakuru navanhu vazhinji, “Handiwani hwaro hwemhosva inopomerwa murume uyu.”

5 Asi ivo vakaramba vachiti, “Anomutsa vanhu nedzidziso yake muJudhea rose. Akatanga kuGarirea uye atosvika kwose kuno uku.”

6 Anzwa izvi, Pirato akabvunza kuti murume uyu akanga ari muGarirea here.

7 Akati anzwa kuti Jesu akanga ari pasi poutongi hwaHerodhi, akabva amutumira kuna Herodhi, uyo aivawo muJerusarema panguva iyoyo.

8 Herodhi akati achiona Jesu, akafara zvikuru, nokuti akanga achishuva kumuona kwenguva refu. Kubva pane zvaakanga ambonzwa nezvake, ainge achitarisira kuti amuone achiita zvishamiso.

9 Akamubvunza mibvunzo mizhinji, asi Jesu haana kumupindura.

10 Vaprista vakuru navadzidzisi vomurayiro vakanga vamire ipapo, vachinyanya kumupomera mhosva.

11 Ipapo Herodhi navarwi vake vakamuzvidza uye vakamuseka. Vakamupfekedza nguo youmambo, vakamudzosera kuna Pirato.

12 Musi uyo, Herodhi naPirato vakava shamwari, kare kwavo, vakanga vachimbovengana.

13 Pirato akaunganidza vaprista vakuru, vatongi, navanhu,

14 akati kwavari, “Mauyisa munhu uyu kwandiri somunhu anomutsa vanhu kuti vamukire hurumende. Ndanyatsomuongorora pamberi penyu uye ndashaya hwaro hwemhosva yamunomupomera.

15 Kunyange naHerodhi, nokuti amudzosa kwatiri; sezvamunoona, haana kuita chinhu chingafanira kutongerwa rufu.

16 Naizvozvo, ndichamurova ndigomuregedza.”

17 (Nokuti aifanira kuvasunungurira mumwe munhu pamutambo.)

18 Vose pamwe chete vakadanidzira vachiti, “Murume uyu ngaafe! Tisunungurirei Bharabhasi!”

19 (Bharabhasi akanga aiswa mujeri nokuda kwebope raakanga amutsa muguta, uye nemhaka yokuuraya.)

20 Sezvaakanga achida kusunungura Jesu, Pirato akataurazve navo.

21 Asi ivo vakaramba vachidanidzira vachiti, “Murovererei! Murovererei!”

22 Akati kwavari kechitatu, “Sei? Murume uyu atadzeiko? Handina kuwana mhosva yokuti atongerwe rufu paari. Naizvozvo, ndichaita kuti arohwe ndigomusunungura.”

23 Asi vakaramba vachidanidzira nenzwi guru vachiti aifanira kurovererwa pamuchinjikwa, uye kudanidzira kwavo kukakunda.

24 Saka Pirato akatonga kuti zvavakakumbira zviitwe.

25 Akasunungura murume akanga aiswa mujeri nokuda kwebope uye nokuuraya, uyo wavakanga vakumbira, ndokubva avapa Jesu kuti vaite zvavanoda naye.

Kurovererwa kwaJesu

26 Vakati voenda naye, vakabata murume ainzi Simoni weKurini, uyo akanga achibva muruwa, vakamutakudza muchinjikwa ari mushure maJesu.

27 Vanhu vazhinji zhinji vakamutevera, pamwe chete navakadzi vakanga vachichema uye vachiungudza.

28 Jesu akatendeuka akati kwavari, “Vanasikana veJerusarema, musandichema ini; zvichemei imi navana venyu.

29 Nokuti nguva ichasvika iyo yamuchati, ‘Vakaropafadzwa vakadzi vasingabereki, izvo zvizvaro zvisina kumbobereka, namazamu asina kumboyamwisa!’

30 Ipapo

“vachati kumakomo, ‘Wirai pamusoro pedu!’

nokuzvikomo, ‘Tifukidzei!’

31 Nokuti kana vanhu vachiita zvinhu izvi pamuti munyoro, chiiko chichaitika kune wakaoma?”

32 Vamwezve varume vaviri, vose vakanga vari mbavha, vakatorwawo pamwe chete naye kuti vandourayiwa.

33 Vakati vasvika panzvimbo yainzi Dehenya, vakamuroverera ipapo, pamwe chete nembavha, mumwe kurudyi rwake, mumwe kuruboshwe rwake.

34 Jesu akati, “Baba, varegererei, nokuti havazivi zvavari kuita.” Vakagovana nguo dzake vachikanda mijenya.

35 Vanhu vakamira vakatarira, uye kunyange vatongi vakamuseka. Vakati, “Akaponesa vamwe; ngaazviponese iye pachake kana ari Kristu waMwari, iye Musanangurwa.”

36 Varwi vakasvikawo vakamuseka. Vakamupa waini yevhiniga

37 vakati, “Kana uri mambo wavaJudha, chizviponesa.”

38 Pamusoro pake pakanga pane chiziviso chakanga chakanyorwa kuti: UYU NDIYE MAMBO WAVAJUDHA.

39 Mumwe wembavha dzakanga dzakarembera pamwe chete naye akamutuka achiti, “Ko, ndiwe Kristu here? Zviponese ugoponesa nesuwo!”

40 Asi imwe mbavha yakamutsiura ikati, “Hautyi Mwari here iwe, sezvo uri pakutongwa kumwe cheteko?

41 Isu tiri kutongwa zvakarurama, nokuti tiri kupiwa zvakafanira mabasa edu. Asi munhu uyu haana chakaipa chaakaita.”

42 Ipapo akati, “Jesu, mundirangarirewo pamunenge masvika muumambo hwenyu.”

43 Jesu akamupindura akati, “Zvirokwazvo ndinoti kwauri, nhasi uchava neni muparadhiso.”

Kufa kwaJesu

44 Zvino yakanga yava nguva inenge yechitanhatu, rima rikava pamusoro penyika yose kusvikira panguva yepfumbamwe,

45 nokuti zuva rakamira kuvhenekera. Uye chidzitiro chetemberi chakabvarurwa napakati.

46 Jesu akadanidzira nenzwi guru achiti, “Baba, ndinoisa mweya wangu mumaoko enyu.” Akati ataura izvi, akabudisa mweya wake.

47 Mukuru wezana, akati achiona zvakanga zvaitika, akarumbidza Mwari achiti, “Zvirokwazvo uyu anga ari munhu akarurama.”

48 Vanhu vose vakanga vakaungana kuzopupura chiitiko ichi, vakaona zvakanga zvaitika, vakazvirova zvipfuva zvavo uye vakadzokera.

49 Asi vakanga vachimuziva, pamwe chete navakadzi vakanga vamutevera vachibva kuGarirea, vakamira nechokure, vakatarisa zvinhu zvose izvi.

Kuvigwa kwaJesu

50 Zvino kwakanga kuno mumwe murume ainzi Josefa, nhengo yedare ramakurukota, munhu akanga akanaka uye akarurama,

51 uyo akanga asina kubvumirana navo pakuronga kwavo uye nokuita kwavo. Aibva kuguta ravaJudha reArimatea uye akanga akamirira umambo hwaMwari.

52 Asvika kuna Pirato, akakumbira mutumbi waJesu.

53 Ipapo akauburutsa, akauputira nomucheka akauisa muguva rakanga racherwa paruware, rakanga risina kumbovigwa munhu.

54 Rakanga riri zuva rokugadzirira, uye Sabata rakanga rava kuda kutanga.

55 Vakadzi vaya vakanga vauya naJesu vachibva kuGarirea vakatevera Josefa vakaona guva uye kuti mutumbi wake wakanga waradzikwa sei mariri.

56 Ipapo vakaenda kumba vakandogadzira zvinonhuwira namafuta anonhuwira. Asi vakazorora nomusi weSabata vachiteerera murayiro.

Ruka 24

Kumuka kwaJesu

1 Nomusi wokutanga wevhiki, mambakwedza, vakadzi vaya vakatora zvinonhuwira zvavakanga vagadzira vakaenda kuguva.

2 Vakawana ibwe rakungurutswa kubva paguva,

3 asi vakati vapinda, vakashayiwa mutumbi waIshe Jesu.

4 Pavakanga vachiri kushamisika nazvo, pakarepo varume vaviri vakanga vakapfeka nguo chena dzaipenya semheni vakamira parutivi pavo.

5 Mukutya kwavo, vakadzi vaya vakakotama pasi nezviso zvavo, asi varume ava vakati kwavari, “Seiko muchitsvaka mupenyu pakati pavakafa?

6 Haapo pano; amuka! Rangarirai zvaakakuudzai, paakanga achinemi muGarirea kuti:

7 ‘Mwanakomana woMunhu anofanira kuiswa mumaoko avatadzi, arovererwe pamuchinjikwa agomukazve pazuva rechitatu.’ ”

8 Ipapo vakarangarira mashoko ake.

9 Vakati vadzoka kubva kuguva, vakataurira vane gumi nomumwe zvinhu zvose izvi, uye nokuna vamwe vose.

10 VanaMaria Magadharena, naJohana, Maria mai vaJakobho, uye navamwe vavaiva navo ndivo vakandoudza vapostori izvozvo.

11 Asi havana kutenda vakadzi ava, nokuti mashoko avo ainge upenzi kwavari.

12 Zvisinei hazvo, Petro, akasimuka, akamhanyira kuguva. Akakotama, akaona micheka iri yoga, ndokubva adzokera kumba, achishamisika mumwoyo make nezvakanga zvaitika.

Jesu anosangana naVadzidzi muNzira inoenda kuEmausi

13 Zvino musi mumwe chete iwoyo, varume vaviri vakanga vachienda kumusha wainzi Emausi, makiromita anenge gumi nerimwe chete kubva kuJerusarema.

14 Vakanga vachitaurirana pamusoro pezvinhu zvose zvakanga zvaitika.

15 Vachiri kutaura nokukurukurirana pamusoro pezvinhu izvi, Jesu pachake akabva asvika uye akafamba navo;

16 asi meso avo akabatwa zvokuti havana kumuziva.

17 Akavabvunza akati, “Muri kukurukurirana pamusoro peiko, zvamuri kufamba kudai?”

Vakamira vakanyarara, zviso zvavo zvakasuwa.

18 Mumwe wavo ainzi Kiropasi, akati kwaari, “Ndiwe woga mushanyi muJerusarema asingazivi zvinhu zvakaitikamo mumazuva ano aya here?”

19 Jesu akati, “Zveiko?”

Vakapindura vachiti, “ZvaJesu weNazareta. Aiva muprofita, aiva nesimba mushoko napamabasa pamberi paMwari uye nokuvanhu vose.

20 Vaprista vakuru navatongi vedu vakamuendesa kuti andotongerwa rufu, saka vakamuroverera pamuchinjikwa;

21 asi isu takanga tichitarisira kuti ndiye akanga achizodzikinura vaIsraeri. Pamusoro paizvozvo, ratova zuva rechitatu kubvira pazvakaitika.

22 Uyezve vamwe vakadzi vokwedu vatishamisa. Vaenda kuguva nhasi mambakwedza

23 asi havana kuwana mutumbi wake urimo. Vauya vakatiudza kuti vaona chiratidzo chavatumwa, avo vati iye mupenyu.

24 Ipapo dzimwe shamwari dzedu dzaenda kuguva dzikawana zviri izvo chaizvo zvanga zvataurwa navakadzi vaya, asi iye havana kumuona.”

25 Iye akati kwavari, “Haiwa imi vokusanzwisisa, uye vane mwoyo inononoka kutenda zvose zvakarehwa navaprofita!

26 Ko, Kristu akanga asingafaniri kutambudzika pazvinhu izvi agozopinda mukubwinya kwake here?”

27 Ipapo akatanga naMozisi navaprofita vose, akavatsanangurira zvakanyorwa pamusoro pake mumagwaro.

28 Kuzoti vava kusvika mumusha mavakanga vachienda, Jesu akaita sokunge oda kupfuurira.

29 Asi vakamugombedzera zvikuru vachiti, “Garai nesu, nokuti kwava kudoka; zuva rava kuvira.” Saka akapinda kuti andogara navo.

30 Akati agara navo patafura, akatora chingwa, akavonga, akachimedura akatanga kuvapa.

31 Ipapo meso avo akasvinudzwa vakamuziva, akabva anyangarika pamberi pavo.

32 Vakabvunzana vachiti, “Ko, mwoyo yedu yanga isingapisi neiko mukati medu zvaanga achitaura nesu mumugwagwa uye achitizarurira magwaro?”

33 Vakasimuka panguva iyoyo vakadzokera kuJerusarema. Ikoko, vakandowana vane gumi nomumwe navamwe vavaiva navo, vakaungana pamwe chete

34 uye vachiti, “Ichokwadi! Ishe amuka uye azviratidza kuna Simoni.”

35 Ipapo vaviri ava vakataura zvakanga zvaitika munzira, uye kuti vakaziva sei Jesu paakamedura chingwa.

Jesu anozviratidza kuVadzidzi

36 Pavakanga vachiri kutaura pamusoro pazvo, Jesu pachake akasvikomira pakati pavo akati, “Rugare ngaruve nemi.”

37 Vakavhunduka uye vakatya, vachifunga kuti vaona mweya.

38 Iye akati kwavari, “Munotambudzika neiko, uye seiko kukahadzika kuchimuka mupfungwa dzenyu?

39 Tarisai maoko angu netsoka dzangu. Ndini iye! Ndibatei muone; mweya hauna nyama namapfupa, sezvamunoona ndinazvo ini.”

40 Akati areva izvi, akavaratidza maoko ake netsoka dzake.

41 Uye pavakanga vachigere kutenda nokuda kwomufaro uye vachishamiswa, akavabvunza akati, “Mune chokudya here pano?”

42 Vakamupa chimedu chehove yakagochwa,

43 uye akatora akaidya pamberi pavo.

44 Akati kwavari, “Izvi ndizvo zvandaikuudzai ndichinemi kuti: Zvinhu zvose zvakanyorwa pamusoro pangu muMurayiro waMozisi, naVaprofita nomuMapisarema zvinofanira kuzadziswa.”

45 Ipapo akazarura ndangariro dzavo kuti vanzwisise Magwaro.

46 Akati kwavari, “Izvi ndizvo zvakanyorwa kuti: Kristu achatambudzika agomuka kuvakafa pazuva rechitatu,

47 uye kuti kutendeuka nokuregererwa kwezvivi kuchaparidzirwa kumarudzi ose muzita rake, kutanga paJerusarema.

48 Imi muri zvapupu zvezvinhu izvi.

49 Ndichakutumirai chipikirwa chakavimbiswa naBaba; asi imi garai muguta kusvikira mafukidzwa nesimba rinobva kumusoro.”

Kukwidzwa kwaJesu kudenga

50 Akati avatungamirira kunze kweguta pedyo neBhetania, akatambanudza maoko ake akavaropafadza.

51 Achiri kuvaropafadza, akabva pavari akatorwa akakwidzwa kudenga.

52 Ipapo vakamunamata ndokubva vadzokera kuJerusarema nomufaro mukuru.

53 Uye vakaramba vari mutemberi, vachirumbidza Mwari nguva dzose.

Mako 1

Johani Mubhabhatidzi anogadzira Nzira

1 Kutanga kwevhangeri raJesu Kristu, Mwanakomana waMwari.

2 Kwakanyorwa muna Isaya muprofita kuchinzi:

“Ndichatuma nhume yangu mberi kwako,

uyo achagadzira nzira yako,”

3 “inzwi rounodana murenje, richiti,

‘Gadzirai nzira yaShe,

ruramisai migwagwa yake.’ ”

4 Uye saizvozvo Johani akauya, achibhabhatidza murenje uye achiparidza rubhabhatidzo rwokutendeuka kuti varegererwe zvivi.

5 Nyika yose yeJudhea navanhu vose veJerusarema vakaenda kwaari. Vachireurura zvivi zvavo, vakabhabhatidzwa naye muRwizi rweJorodhani.

6 Johani aipfeka nguo dzamakushe engamera, nebhanhire reganda muchiuno chake, uye aidya mhashu nouchi hwesango.

7 Uye iyi ndiyo yakanga iri mharidzo yake: “Shure kwangu kuchauya mumwe ane simba kupfuureni wandisina kufanira kusunungura rukanda rweshangu dzake.

8 Ndinokubhabhatidzai nemvura, asi iye achakubhabhatidzai noMweya Mutsvene.”

Kubhabhatidzwa noKuedzwa kwaJesu

9 Panguva iyoyo Jesu akauya achibva kuNazareta muGarirea uye akabhabhatidzwa naJohani muJorodhani.

10 Jesu paakanga ava kubuda mumvura, akaona denga richizarurwa uye Mweya achiburukira pamusoro pake senjiva.

11 Uye inzwi rakauya richibva kudenga richiti, “Ndiwe Mwanakomana wangu, wandinoda, wandinofarira kwazvo.”

12 Pakarepo Mweya akamutumira kurenje,

13 uye akanga ari murenje kwamazuva makumi mana, achiedzwa naSatani. Akanga ari pamwe chete nemhuka dzesango uye vatumwa vakamushandira.

Kudanwa kwaVadzidzi Vokutanga

14 Mushure mokunge Johani aiswa mutorongo, Jesu akaenda kuGarirea, achiparidza vhangeri raMwari.

15 Akati, “Nguva yasvika. Umambo hwaMwari hwaswedera. Tendeukai mutende vhangeri!”

16 Jesu paakanga achifamba pamahombekombe eGungwa reGarirea, akaona Simoni nomunun’una wake Andirea vachikanda usvasvi mugungwa, nokuti vakanga vari vabati vehove.

17 Jesu akati, “Uyai munditevere, uye ndichakuitai vabati vavanhu.”

18 Pakarepo vakasiya usvasvi hwavo vakamutevera.

19 Akati afamba chinhambwe zvishoma, akaona Jakobho mwanakomana waZebhedhi nomunun’una wake Johani vari mugwa, vachigadzira usvasvi hwavo.

20 Haana kunonoka, akavadana, uye vakasiya baba vavo, Zebhedhi mugwa vaine vashandi vavo, vakamutevera.

Jesu anodzinga Mweya Wakaipa

21 Vakaenda kuKapenaume, uye nomusi weSabata, Jesu akapinda musinagoge akatanga kudzidzisa.

22 Vanhu vakashamiswa nokudzidzisa kwake, nokuti akavadzidzisa somunhu ane simba, asingaiti savadzidzisi vomurayiro.

23 Pakarepo mumwe munhu akanga ari musinagoge ravo akanga akabatwa nomweya wakaipa akadanidzira achiti,

24 “Munodeiko kwatiri, imi Jesu weNazareta? Mauya kuzotiparadza here? Ndinoziva kuti ndimi ani– ndimi Mutsvene waMwari!”

25 Jesu akamurayira akati, “Nyarara! Buda maari!”

26 Mweya wakaipa wakamuzunza-zunza ndokubva wabuda maari nenzwi guru.

27 Vanhu vose vakashamiswa kwazvo zvokuti vakabvunzana vachiti, “Chiiko ichi? Idzidziso itsva ine simba! Anorayira kunyange mweya yakaipa, uye ichimuteerera.”

28 Mukurumbira wake wakapararira munyika yose yeGarirea.

Jesu anoporesa vazhinji

29 Vakati vachangobva musinagoge, vakaenda naJakobho naJohani kumba kwaSimoni naAndirea.

30 Ambuya vaSimoni vakanga vavete pamubhedha vachirwara nefivha, uye vakaudza Jesu nezvavo.

31 Saka akaenda kwavari, akabata ruoko rwavo akavabatsira kusimuka. Fivha yakabva mavari vakatanga kuvashandira.

32 Manheru acho iwayo zuva ravira, vanhu vakauya kuna Jesu navose vairwara navakanga vakabatwa namadhimoni.

33 Guta rose rakaungana pamukova,

34 uye Jesu akaporesa vazhinji vakanga vane zvirwere zvakasiyana-siyana. Akadzingawo madhimoni mazhinji, asi akanga asingatenderi madhimoni kuti ataure nokuti akanga achiziva kuti iye ndiani.

Jesu anonyengetera ari oga

35 Mangwanani-ngwanani, kuchakasviba, Jesu akamuka akabuda mumba akaenda kunzvimbo yaakanga ari oga, ikoko akandonyengetera.

36 Simoni navamwe vake vakaenda kundomutsvaka,

37 uye vakati vamuwana, vakati, “Vanhu vose vanokutsvakai!”

38 Jesu akapindura akati, “Ngatiendei kune imwe nzvimbo, kumisha iri pedyo, kuti ndinoparidzawo ikoko. Ndizvo zvandakauyira.”

39 Saka akafamba nomuGarirea yose, achiparidza mumasinagoge avo uye achidzinga madhimoni.

Murume akanga ana maperembudzi

40 Mumwe murume akanga ana maperembudzi akauya kwaari akapfugama, akamukumbira zvikuru achiti, “Kana muchida, munogona kundinatsa.”

41 Jesu akamunzwira ngoni, akatambanudza ruoko rwake akabata murume uya. Akati, “Ndinoda. Chinatswa!”

42 Pakarepo maperembudzi akabva paari uye akaporeswa.

43 Jesu akamuendesa pakarepo akamuyambira zvikuru achiti,

44 “Chenjera kuti urege kuudza mumwe munhu. Asi enda, undozviratidza kumuprista ugobayira chipiriso chakarayirwa naMozisi chokuporeswa kwako, chive chapupu kwavari.”

45 Asi iye akabuda akatanga kutaura akasununguka, achiparadzira shoko iro. Nokuda kwaizvozvo, Jesu haana kuzogona kupinda muguta zviri pachena asi akagara kunze, kunzvimbo dzakanyarara. Kunyange zvakadaro vanhu vakaramba vachiuya kwaari vachibva kumativi ose.

Mako 2

Jesu anoporesa Munhu Akanga Akafa Mutezo

1 Shure kwamazuva mashoma shoma, Jesu akati apindazve muKapenaume, vanhu vakanzwa kuti akanga auya kumusha.

2 Saka vazhinji vakaungana zvokuti mumba makasara musisina nzvimbo kunyange kunze kwomukova, uye akaparidza shoko kwavari.

3 Vamwe varume vakasvika, vakauya kwaari nomunhu akanga akafa mutezo, akatakurwa navarume vana.

4 Sezvo vakanga vasingagoni kusvika naye kuna Jesu nokuda kwokuwanda kwavanhu, vakazarura denga reimba pamusoro paJesu uye, vakati variputsa, vakaburutsa nhoo pakanga pavete uya munhu akanga akafa mutezo.

5 Jesu akati aona kutenda kwavo, akati kuno uya akanga akafa mutezo, “Mwanakomana, zvivi zvako zvaregererwa.”

6 Zvino vamwe vadzidzisi vomurayiro, vakanga vagere ipapo, vachifunga mumwoyo yavo, vachiti,

7 “Munhu uyu anotaura sei achidaro? Ari kumhura Mwari! Ndianiko anoregerera zvivi asi Mwari oga?”

8 Pakarepo Jesu akazviziva mumweya wake kuti ndizvo zvavakanga vachifunga mumwoyo yavo, uye akati kwavari, “Seiko muchifunga zvinhu izvi?

9 Ndezvipiko zvakareruka: Kuti kuno wakafa mutezo, ‘Zvivi zvako zvaregererwa,’ kana kuti, ‘Simuka, tora nhoo yako ufambe?’

10 Asi kuti muzive kuti Mwanakomana woMunhu ane simba panyika rokuregerera zvivi.” Akati kuna akanga akafa mutezo,

11 “Ndinoti kwauri, simuka, tora nhoo yako uende kumba.”

12 Akasimuka kubva panhoo yake, akatora nhoo yake akafamba akabuda vose vachizviona. Izvi zvakashamisa munhu wose uye vakarumbidza Mwari vachiti, “Hatina kumboona chinhu chakadai!”

Kudanwa kwaRevhi

13 Ipapo Jesu akabudazve akaenda kugungwa. Vanhu vazhinji zhinji vakauya kwaari uye akatanga kuvadzidzisa.

14 Paaifamba achitevedza gungwa, akaona Revhi mwanakomana waArifiasi agere paitererwa mutero. Jesu akati kwaari, “Nditevere,” ipapo Revhi akasimuka akamutevera.

15 Jesu paakanga achidya kudya kwamanheru paimba yaRevhi, vateresi vazhinji na“vatadzi” vakanga vachidya naye, uye navadzidzi vake, nokuti kwaiva navazhinji vaimutevera.

16 Vadzidzisi vomurayiro, ivo vaFarisi vakati vachimuona achidya na“vatadzi” uye navateresi, vakabvunza vadzidzi vake vakati, “Seiko achidya navateresi uye na‘vatadzi’?”

17 Akati achinzwa izvozvo, Jesu akati kwavari, “Vasingarwari havatsvaki chiremba, asi vanorwara. Handina kuuya kuzodana vakarurama, asi vatadzi.”

Vanobvunza Jesu pamusoro poKutsanya

18 Zvino vadzidzi vaJohani navaFarisi vakanga vachitsanya. Vamwe vanhu vakauya vakabvunza Jesu vakati, “Sei vadzidzi vaJohani navadzidzi vavaFarisi vachitsanya, asi venyu vasingatsanyi?”

19 Jesu akapindura akati, “Shamwari dzechikomba dzingatsanya seiko kana iye achinavo? Havangadaro, kana iye achinavo.

20 Asi nguva ichasvika ichabviswa chikomba kwavari, uye pazuva iroro vachatsanya.

21 “Hakuna munhu anoisa chigamba chitsva panguo tsaru. Kana akadaro, chigamba chitsva chichabvarura chitsaru, zvoita kuti buri racho rinyanye kukura.

22 Uye hakuna munhu anodira waini itsva muhombodo dzamatehwe tsaru. Kana akaita izvozvo, waini ichaputitsa matehwe, uye zvose waini nedehwe rewaini zvichaparara. Kwete, anodira waini itsva muhombodo itsva.”

Ishe weSabata

23 Mumwe musi weSabata, Jesu akanga achipfuura nomuminda yezviyo, uye vadzidzi vake vakati vachifamba naye, vakatanga kutanha hura dzezviyo.

24 VaFarisi vakati kwaari, “Tarirai, seiko vachiita zvisingatenderwi nomusi weSabata.”

25 Akapindura akati, “Hamuna kumboverenga here zvakaitwa naDhavhidhi iye navamwe vake pavakanga vashayiwa zvokudya uye vonzwa nzara?

26 Mumazuva aAbhiatari muprista mukuru, akapinda mumba maMwari akadya chingwa chakatsaurwa, chinongotenderwa kudyiwa navaprista chete. Uye akapawo vamwe vaaiva navo.”

27 Ipapo akati kwavari, “Sabata rakaitirwa munhu, munhu haana kuitirwa Sabata.

28 Saka mwanakomana woMunhu ndiye Ishe kunyange weSabata.”

Mako 3

1 Pane imwe nguva akapinda musinagoge, uye imomo makanga mune murume akanga ane ruoko rwakanga rwakakokonyara.

2 Vamwe vavo vakanga vachitsvaka mhosva yavangapomera Jesu, saka vakamutarisisa kuti vaone kana aizomuporesa nomusi weSabata.

3 Jesu akati kumunhu akanga ane ruoko rwakakokonyara, “Simuka umire pamberi pavanhu vose.”

4 Ipapo Jesu akavabvunza akati, “Ndezvipiko zvinotenderwa nomusi weSabata: kuita zvakanaka kana kuita zvakaipa, kuponesa munhu kana kuuraya?” Asi vakaramba vanyerere.

5 Atsamwa, akatarisa vanhu vose vakanga vakamukomberedza, uye ashungurudzwa nokuda kwokusindimara kwemwoyo yavo akati kumunhu, “Tambanudza ruoko rwako.” Akarutambanudza, uye ruoko rwake rukaporeswa.

6 Ipapo vaFarisi vakabuda vakatanga kurangana navaHerodhi kuti vangauraya sei Jesu.

Vazhinji vanotevera Jesu

7 Jesu akabva kugungwa navadzidzi vake, uye vanhu vazhinji vaibva kuGarirea vakamutevera.

8 Vakati vanzwa zvose zvaakanga achiita, vanhu vazhinji vakauya kwaari vachibva kuJudhea, Jerusarema, Idhumea, uye namatunhu ari mhiri kweJorodhani, neakapoteredza Tire neSidhoni.

9 Akaudza vadzidzi vake kuti vamuswededzere igwa duku, kuitira kuti vanhu varege kumutsikirira nokuda kwokuwanda kwavo.

10 Ainge aporesa vazhinji, zvokuti vaya vakanga vane zvirwere vakanga vachisundana vachiuya mberi kuti vamubate.

11 Pose paaionekwa nemweya yakaipa, yaiwira pasi pamberi pake uye yaidanidzira ichiti, “Ndimi Mwanakomana waMwari.”

12 Asi iye akairayira kwazvo kuti irege kutaura kuti iye ndiani.

Kusarudzwa kwaVapostori Gumi naVaviri

13 Jesu akakwira pagomo akadana kwaari vaya vaaida, uye vakauya kwaari.

14 Akasarudza vane gumi navaviri akavati vapostori, kuti vagare naye uye kuti agozovatuma kuti vandoparidza

15 uye kuti vave nesimba rokudzinga madhimoni.

16 Ava ndivo gumi navaviri vaakasarudza: Simoni (uyo waakatumidza zita rokuti Petro);

17 Jakobho mwanakomana waZebhedhi nomunun’una wake Johani (avo vaakatumidza zita rokuti Bhoanerigesi, kureva kuti Vanakomana voKutinhira);

18 Andirea, Firipi, Bhatoromeo, Mateo, Tomasi, Jakobho mwanakomana waArifasi, Tadheo, Simoni muZeroti

19 naJudhasi Iskarioti, uyo akamupandukira.

Jesu naBheerizebhubhi

20 Ipapo Jesu akapinda mune imwe imba, uyezve vazhinji vakaungana, zvokuti iye navadzidzi vake vakanga vasingagoni kunyange kudya.

21 Mhuri yake yakati yazvinzwa, vakaenda kundomubata, nokuti vakati, “Ava kupenga.”

22 Uye vadzidzisi vomurayiro vaibva kuJerusarema vakati, “Akabatwa nomweya waBheerizebhubhi! Ari kudzinga madhimoni nomuchinda wamadhimoni.”

23 Saka Jesu akavadana akataura kwavari nomufananidzo achiti, “Ko, Satani angadzinga sei Satani?

24 Kana umambo huchizvipesanisa, umambo ihwohwo hahugoni kumira.

25 Kana imba ichizvipesanisa, imba iyoyo haigoni kumira.

26 Uye kana Satani achizvipikisa pachake uye achizvipesanisa, haangagoni kumira; kuguma kwake kwasvika.

27 Zviripo ndezvokuti, hakuna munhu angapinda mumba momunhu ane simba uye akatakura zvinhu zvake, kana asina kutanga asunga murume wacho ane simba. Ipapo angagona kupamba imba yake.

28 Ndinokuudzai chokwadi kuti zvivi zvose nokumhura kwavanhu kwose zvicharegererwa.

29 Asi ani naani anomhura Mweya Mutsvene haazomboregererwi; ane mhosva yechivi chisingaperi.”

30 Akataura izvozvo nokuti vakanga vachiti, “Ano mweya wakaipa.”

Mai vaJesu naVanun’una Vake

31 Ipapo mai vaJesu navanun’una vake vakauya. Vakatuma munhu kundomudana ivo vamire panze.

32 Vazhinji vakanga vagere vakamukomberedza, uye vakamuudza kuti, “Mai venyu navanun’una venyu vari kukutsvakai panze.”

33 Iye akati, “Vanamai vangu navanun’una vangu ndivanaaniko?”

34 Ipapo akatarisa kuna avo vakanga vagere vakaita denderedzwa vakamupoteredza akati, “Ava ndivo mai vangu navanun’una vangu!

35 Ani naani anoita kuda kwaMwari ndiye munun’una wangu nehanzvadzi, uye namai vangu.”

Mako 4

Mufananidzo woMukushi

1 Jesu akatanga kudzidzisazve ari pagungwa. Vanhu vakanga vakaungana vakamukomberedza vari vazhinji zhinji zvokuti akabva apinda mugwa akagara mariri ari mugungwa, asi vanhu vose vari kumahombekombe.

2 Akavadzidzisa zvinhu zvizhinji nemifananidzo, uye mukudzidzisa kwake akati,

3 “Teererai! Murimi akabuda kundokusha mbeu yake.

4 Paakanga achikusha mbeu, dzimwe dzakawira munzira, uye shiri dzakasvika dzikadzidya.

5 Dzimwe dzakawira murukangarabwe, madzisina kuwana ivhu rakawanda. Dzakakurumidza kumera, nokuti ivhu rakanga riri shoma.

6 Asi zuva rakati rabuda, mbeu dzakapiswa nezuva, uye dzikaoma nokuti dzakanga dzisina midzi.

7 Dzimwe dzakawira pakati peminzwa, minzwa ikakura ikavhunga mbeu, nokudaro hadzina kubereka zvibereko.

8 Uye dzimwe dzakawira pavhu rakanaka. Dzakamera dzikakura uye dzikabereka kakapetwa makumi matatu, makumi matanhatu, kana kunyange zana.”

9 Ipapo Jesu akati, “Ane nzeve dzokunzwa, ngaanzwe.”

10 Paakanga ava oga, vane gumi navaviri uye navamwe vakanga vakamukomberedza vakamubvunza pamusoro pomufananidzo uyu.

11 Akati kwavari, “Chakavanzika choumambo hwaMwari chakapiwa kwamuri. Asi kuna avo vari kunze, zvinhu zvose zvinotaurwa nemifananidzo

12 kuitira kuti,

“ ‘zvimwe vangaramba vachiona,

asi varege kuonesesa;

uye vachinzwa,

asi varege kunzwisisa;

kana kuti vangatendeuka

uye vakaregererwa!’ ”

13 Ipapo Jesu akati kwavari, “Hamunzwisisi mufananidzo uyu here? Munganzwisisa seiko mufananidzo upi zvawo?

14 Murimi anokusha shoko.

15 Vamwe vanhu vakaita setsanga yakawira munzira, munokushwa shoko. Pavanongorinzwa, Satani anouya otora shoko rakushwa mukati mavo.

16 Vamwe vakaita setsanga yakawira parukangarabwe, vanonzwa shoko uye nokukurumidza vorigamuchira nomufaro.

17 Asi sezvo vasina midzi, vanongotsungirira kwenguva pfupi. Panongosvika nhamo kana kutambudzwa nokuda kweshoko, vanokurumidza kuwa.

18 Uye vamwe, setsanga yakawira pakati peminzwa, vanonzwa shoko;

19 asi kufunganya nezvoupenyu huno, kunyengera kwoupfumi uye zvishuwo zvezvimwe zvinhu zvinopinda zvigovhunga shoko, zvichirishayisa zvibereko.

20 Vamwe vakaita setsanga yakawira pavhu rakanaka, vanonzwa shoko, vorigamuchira, uye vobereka zvibereko, kakapetwa makumi matatu, makumi matanhatu kana kunyange zana pane zvinenge zvakushwa.”

Mwenje paChigadziko

21 Akati kwavari, “Munouya nomwenje kuzouisa pasi pedengu here kana pasi pomubhedha? Handiti munouisa pachigadziko chawo here?

22 Nokuti hapana chakavigwa chisingazooneswi, uye hapana chakavanzika chisingazobudi pachena.

23 Munhu ane nzeve dzokunzwa ngaanzwe.”

24 Akaenderera mberi achiti, “Chenjererai kwazvo zvamunonzwa. Nechiyero chamunoshandisa, muchayererwawo uye kunyange zvakawanda.

25 Ani naani anazvo achapiwa zvimwe; ani naani asina, achatorerwa kunyange nezvaanazvo.”

Mufananidzo weTsanga Inomera

26 Akatizve, “Umambo hwaMwari hwakafanana nomunhu anokusha mbeu muvhu.

27 Usiku namasikati, kunyange akavata kana akamuka, mbeu inomera igokura, kunyange zvazvo asingazivi kuti zvinoitika sei.

28 Ivhu riri roga rinobereka zviyo, kutanga chipande, kwozoti hura, kwozoitawo tsanga dzakakora muhura.

29 Panongoibva zviyo, anozvicheka nejeko, nokuti kukohwa kwasvika.”

Mufananidzo weMbeu yeMastadhi

30 Akatizve, “Umambo hwaMwari tingahufananidza neiko kana kuti tingaita mufananidzo upiko kuti tihutsanangure?

31 Hwakafanana netsanga yemastadhi, inova tsanga duku duku yaunodyara muvhu.

32 Asi kana yadyarwa, inokura uye igova muti mukuru kupfuura miti yose yomubindu, una matavi makuru zvokuti shiri dzedenga dzinogona kugara mumumvuri wawo.”

33 Nemimwe mifananidzo yakadai, Jesu akataura shoko kwavari, zvose zvavaigona kunzwisisa.

34 Haana kutaura chinhu chimwe kwavari asingashandisi mufananidzo. Asi paainge ari oga navadzidzi vake, aivatsanangurira zvose.

Jesu anonyaradza Dutu

35 Zuva iroro ava madekwana, akati kuvadzidzi vake, “Ngatiyambukirei kuno rumwe rutivi.”

36 Vakasiya vanhu vazhinji, vakaenda naye mugwa, sezvaakanga ari. Pakanga pane mamwewo magwa aaiva nawo.

37 Dutu rinotyisa rakauya, uye mafungu akarova igwa, zvokuti rakanga rava pedyo nokunyura.

38 Jesu akanga ari mushure megwa, avete pamutsago. Vadzidzi vake vakamumutsa vakati kwaari, “Mudzidzisi, hamuna hanya here kana tikanyura?”

39 Akamuka, akarayira mhepo uye akati kumafungu, “Nyarara! Dzikama!” Ipapo mhepo yakapera uye kukadzikama zvikuru.

40 Akati kuvadzidzi vake, “Munotyireiko zvakadai? Hamusati mava nokutenda here?”

41 Vakatya uye vakabvunzana vachiti, “Ndianiko uyu? Kunyange mhepo namafungu zvinomuteerera!”