Zefania 1

1 Shoko raJehovha rakasvika kuna Zefania, mwanakomana waKushi, mwanakomana waGedhara, mwanakomana waAmaria, mwanakomana waHezekia, pamazuva okutonga kwaJosia mwanakomana waAmoni mambo weJudha richiti,

Yambiro yokuuya kwokuparadzwa

2 “Ndichatsvaira zvose kubva pamusoro penyika,” ndizvo zvinotaura Jehovha.

3 “Ndichatsvaira zvose vanhu nemhuka; ndichatsvaira shiri dzedenga nehove dzegungwa. Vakaipa vachasara nemirwi yamarara chete, kana ndabvisa munhu pamusoro penyika,” ndizvo zvinotaura Jehovha.

Kurwiswa kweJudha

4 Ndichatambanudza ruoko rwangu kuti ndirwise Judha uye ndicharwisa vose vanogara muJerusarema. Ndichaparadza kubva panzvimbo ino vose vakasara vaBhaari, mazita avaprista vechihedheni vanonamata zvifananidzo,

5 vaya vanopfugama pamusoro pedzimba kuti vanamate nyeredzi dzedenga, vaya vanopfugama vachipika naJehovha uye vanopikawo naMoreki,

6 vaya vanotsauka kubva pakutevera Jehovha uye vasingatsvaki Jehovha kana kubvunza kwaari.

7 Nyararai pamberi paIshe Jehovha, nokuti zuva raJehovha rava pedyo. Jehovha agadzirira chibayiro; akavaita vatsvene, vaya vaakakoka.

8 Pazuva rechibayiro chaJehovha, ndicharova machinda navanakomana vamambo, navaya vose vakapfeka nguo dzavatorwa.

9 Pazuva iro ndicharova vose vanonyenyeredza kuti vasatsika paburiro, vanozadza temberi yavamwari vavo nechisimba nounyengeri.

10 “Pazuva iro,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “kuchema kuchanzwika kubva kuSuo reHove, kuungudza kubva kuRutivi Rutsva rweguta, nokukoromoka kukuru kubva kuzvikomo.

11 Ungudzai imi munogara munharaunda yomusika, vashambadzi venyu vose vachaparadzwa, vose vanotengesa nesirivha vachaparadzwa.

12 Panguva iyoyo ndichanzvera Jerusarema nomwenje; uye ndicharanga vaya vagere zvavo, vakaita sewaini yakasiyiwa mumasese ayo, vanofunga kuti, ‘Jehovha hapana zvaangaita, zvakanaka kana zvakaipa.’

13 Upfumi hwavo huchapambwa, dzimba dzavo dzichaputswa, vachavaka dzimba, asi havangagari madziri; vachasima minda yemizambiringa, asi havanganwi waini yacho.

Zuva Guru raJehovha

14 “Zuva guru raJehvha rava pedyo pedyo, uye riri kuuya nokukurumidza. Teererai! Kuchema pazuva raJehovha kucharwadza, kuchema kwemhere ipapo.

15 Zuva iro richava rokutsamwa, zuva rokudzungaira nokumanikidzwa, zuva rokutambudzika nokuparadzwa, zuva rerima nokusuwa, zuva ramakore nezarima.

16 Zuva rehwamanda nemhere yehondo yokurwisa maguta akakomberedzwa namasvingo, nokurwisa shongwe dzomumakona.

17 Ndichauyisa kudzungaira pavanhu uye vachafamba samapofu, nokuti vakatadzira Jehovha. Ropa ravo richadururwa seguruva, uye nyama yavo sendove.

18 Sirivha yavo kana goridhe ravo hazvingagoni kuvaponesa, pazuva rokutsamwa kwaJehovha. Mumoto wegodo rake nyika yose ichaparadzwa, nokuti achauyisa magumo pakarepo kuna vose vanogara panyika.”

Zefania 2

1 Unganai, unganai, imi rudzi runonyadzisa,

2 nguva dzakatarwa dzisati dzasvika uye zuva iroro risati rapfuura sehundi, kutsamwa kukuru kwaJehovha kusati kwauya pamusoro penyu, zuva rehasha dzaJehovha risati rauya pamusoro penyu.

3 Tsvakai Jehovha, imi mose vanyoro vapanyika, imi mose munoita zvaakarayira. Tsvakai kururama, tsvakai unyoro; zvimwe mungadzivirirwa pazuva rokutsamwa kwaJehovha.

Kurwiswa kweFiristia

4 Gaza richasiyiwa uye Ashikeroni richasiyiwa rava dongo. Pamasikati makuru Ashidhodhi richasiyiwa risisina chinhu uye Ekironi radzurwa.

5 Mune nhamo imi munogara pedyo negungwa, imi vanhu veKereti; shoko raJehovha rinokurwisa, iwe Kenani nyika yavaFiristia. “Ndichakuparadza, uye hapana achasara.”

6 Nyika iri pedyo negungwa, panogara vaKereti, ichava nzvimbo yavafudzi namatanga ehwai.

7 Ichava yavakasara veimba yavaJudha; vachawana mafuro ikoko. Mumadekwana vachavata pasi mudzimba dzaAshikeroni. Jehovha Mwari wavo achavachengeta; Achavadzorera pfuma yavo.

Kurwiswa kweMoabhu neAmoni

8 “Ndakanzwa kutuka kwaMoabhu nokuzvidza kwavaAmoni, avo vakatuka vanhu vangu uye vakatyisidzira nyika yavo.

9 Naizvozvo, zvirokwazvo noupenyu hwangu,” ndizvo zvinotaura Wamasimba Ose, Mwari waIsraeri, “zvirokwazvo Moabhu achaita seSodhomu, vaAmoni seGomora, nzvimbo yesora namakomba emunyu, matongo nokusingaperi. Vakasara vavanhu vangu vachavapamba; vachararama vorudzi rwangu vachagara nhaka yenyika yavo.”

10 Izvi zvavachawana nokuda kwokuzvikudza kwavo, nokuti vakatuka uye vakadadira vanhu vaJehovha Wamasimba Ose.

11 Jehovha achava anotyisa kwavari paachaparadza vamwari vose venyika. Ndudzi pamahombekombe ose dzichamunamata, rudzi rumwe norumwe munyika yarwo.

Kurwiswa kweEtiopia

12 “Nemiwo, imi vaEtiopia, muchaparadzwa nomunondo wangu.”

Kurwiswa kweAsiria

13 Achatambanudza ruoko rwake kuti arwise nyika yokumusoro agoparadza Asiria, achasiya Ninevhe rava dongo zvachose uye raoma segwenga.

14 Mapoka amakwai nemombe zvichavata pasi imomo, nezvipuka zvamarudzi ose. Zizi romurenje nezizi romurwizi zvichavata pamusoro pembiru dzavo. Kudana kwazvo kuchaungira nomumawindo, marara achava pamisuo yavo, mapango omusidhari achasiyiwa pachena.

15 Iri ndiro guta risina hanya raigara vakachengetedzeka. Rakati mumwoyo maro, “Ndini, uye hakuna mumwe kunze kwangu.” Razova dongo rakadii, nzvimbo inovata mhuka dzesango! Vose vanopfuura napariri vanoseka Uye vanokunga zvibhakera zvavo.

Zefania 3

Ramangwana reJerusarema

1 Rine nhamo guta ravamanikidzi, rakapanduka uye rikasvibiswa!

2 Harina warinoteerera, harigamuchiri kudzorwa. Harivimbi naJehovha, hariswederi pedyo naMwari waro.

3 Machinda aro ishumba dzinoomba, vatongi varo mapere amadekwana, vasingasiyi chinhu chamangwanani.

4 Vaprofita vavo vanozvikudza; vanhu vanonyengera. Vaprista varo vanozvidza nzvimbo tsvene uye vanoputsa murayiro.

5 Jehovha ari mariri mutsvene; haaiti zvakaipa. Mangwanani oga oga anotonga nokururamirisa kwake, zuva rimwe nerimwe idzva anoriuyisa, asi vasakarurama havanyari.

6 “Ndakaparadza ndudzi; shongwe dzavo dzakaparara. Ndakasiya nzira dzavo dzisisafambwi, hapasisina anopfuura nomo. Maguta avo akaparadzwa; hapana achasiyiwa, kana mumwe zvake.

7 Ndakati kuguta, ‘Zvirokwazvo uchanditya ugogamuchira kudzorwa!’ Ipapo vagari varo havangaparadzwi, kana kuranga kwangu kwose hakungauyi pariri. Asi vakanga vachine shungu dzokuita uori pakuita kwavo kwose.

8 “Naizvozvo ndimirirei,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “zuva randichasimuka kuti ndigopupura. Ndafunga kuunganidza ndudzi, kuunganidza ushe hwose uye nokudurura hasha dzangu pavari, kutsamwa kukuru kwangu kwose. Nyika yose ichaparadzwa nomoto wegodo rokutsamwa kwangu.

9 “Ipapo ndichachenesa miromo yavanhu, kuti vose zvavo vadane kuzita raJehovha uye vamushumire nomwoyo mumwe.

10 Kubva mhiri kwenzizi dzeEtiopia vanamati vangu, vanhu vangu vakapararira, vachandiunzira zvipiriso.

11 Pazuva iro hamungaiswi pakunyadziswa nokuda kwezvakaipa zvamakandiitira, nokuti ndichabvisa kubva muguta rino vaya vanofara mukuzvikudza kwavo. Hamungazovizve namanyawi pagomo rangu dzvene.

12 Asi ndichasiya pakati penyu vanyoro vanozvininipisa, vanovimba nezita raJehovha.

13 Vakasara vaIsraeri havangaiti zvakaipa; havangarevi nhema, uye kunyengera hakuzowanikwi mumiromo yavo. Vachadya uye vagorara pasi, uye hapana angavatyisa.”

14 Imba, iwe Mwanasikana weZioni, danidzira, iwe Israeri! Fara ugofarisisa nomwoyo wako wose, iwe Mwanasikana weJerusarema!

15 Jehovha abvisa kurangwa kwako kwose, adzinga muvengi wako. Jehovha, Mambo waIsraeri, anewe; hauzotyizve kuti ungakuvadzwa nechinhu chipi zvacho.

16 Pazuva iro vachati kuJerusarema, “Usatya, iwe Zioni; usarega maoko ako achishayiwa simba.

17 Jehovha Mwari wako anewe, ndiye ane simba rokuponesa. Achafadzwa zvikuru newe, achakunyaradza norudo rwake, achafara nokuda kwako nokuimba.”

18 “Matambudziko emitambo yakatarwa ndichaabvisa kwauri; iwo mutoro nokuzvidzwa kwauri.

19 Panguva iyoyo ndichatonga vose vakakumanikidza; ndichanunura vakaremara uye ndichaunganidza vaya vakaparadzirwa. Ndichavapa rumbidzo norukudzo munyika dzose dzavakaiswa pakunyadziswa.

20 Panguva iyoyo ndichakuunganidzai; Panguva iyoyo ndichakuuyisai kumusha. Ndichakupai rukudzo nerumbidzo pakati pavanhu vose vapanyika, pandichadzora pfuma yenyu muchizviona nameso enyu,” ndizvo zvinotaura Jehovha.

Habhakuki 1

1 Chirevo chakaratidzwa muprofita Habhakuki.

Kugunun’una kwaHabhakuki

2 Haiwa Jehovha, ndicharamba ndichidanidzira, ndichitsvaka rubatsiro kusvikira riniko, asi musingandinzwi? Kana kudana kwamuri ndichiti, “Ndorwiswa!” asi hamundiponesi?

3 Sei muchiita kuti ndione kusaruramisira? Sei muchirega zvakaipa zvichingoitwa? Kuparadza nokuita nechisimba zviri pamberi pangu; pano kukakavara, uye kurwa kuri kuwanda.

4 Naizvozvo murayiro hauchisina simba, uye kutonga kwakarurama hakuchaonekwi. Vakaipa vanokomba vakarurama, zvokuti kururamisira kunominamiswa.

Mhinduro yaJehovha

5 “Tarisa kumarudzi avanhu, ucherechedze, ugoshamiswa zvirokwazvo. Nokuti ndichaita chimwe chinhu pamazuva ako chawanga usingazobvumi, kunyange dai waichiudzwa.

6 Ndiri kumutsa vaBhabhironi ruya rudzi runo utsinye, rune hasha, runopararira pasi pose kuti rubvute nzvimbo dzokugara dzisiri dzavo.

7 Vanhu vanotyisa uye vanovhundukwa; vasina murayiro uye vanongozvitsvakira kukudzwa.

8 Mabhiza avo anomhanya kukunda ingwe, anotyisa kukunda mhumhi mumadekwana. Mauto avo amabhiza anomhanya asingadzoki; vatasvi vamabhiza vanobva kure kure. Vanobhururuka segora rinotsvaka kuparadza;

9 vanouya vose kuzoita zvechisimba. Mapoka avo ehondo anouya semhepo inovhuvhuta mugwenga vachiunganidza nhapwa sejecha.

10 Vanozvidza madzimambo uye vanomhura vatongi. Vanoseka maguta ose akasimbiswa; vanovaka zvikomo zvevhu voatapa.

11 Ipapo vanopfuura semhepo, vanopfuura vasingamiri, varume vane mhosva, simba ravo ndiye mwari wavo.”

Habhakuki anogunun’unazve

12 Haiwa Jehovha, ko hamugari nokusingaperi here? Mwari wangu, mutsvene wangu, hatingatongofi. Haiwa Jehovha, makavagadza kuti vatonge; imi Dombo, makavagadza kuti varange.

13 Meso enyu akachena zvokuti haangatarisi zvakaipa; hamungatenderi zvakaipa. Sei zvino muchitendera vanyengeri? Ko, munonyararirei kana vakaipa vachimedza vanovapfuura mukururama?

14 Sei makaita kuti vanhu vave sehove dzegungwa, sezvisikwa zvegungwa zvisina mutongi.

15 Muvengi anovaredza vose nezviredzo, anovabata mumumbure wake, achivakokorodza murutava rwake; naizvozvo anopembera nomufaro.

16 Naizvozvo anopisira zvibayiro kumumbure wake, uye anopisira zvinonhuwira kumumbure wake, nokuti anogarika nokuda kwomumbure wake, anodya zvokudya zvakaisvonaka.

17 Ko, acharamba achingodurura zviri mumumbure wake, achingoparadza ndudzi asina tsitsi here?

Habhakuki 2

1 Ndichandomira panzvimbo yangu yokurinda ndichazviisa panzvimbo yakakwirira; ndichatarisa ndione zvaachareva kwandiri uye zvandingapindura pamusoro pokuchema uku.

Mhinduro yaJehovha

2 Ipapo Jehovha akapindura achiti, “Nyora chiratidzo ichi, uite kuti chionekwe kwazvo pamahwendefa kuti anoverenga agoverenga achimhanya.

3 Nokuti chiratidzo ichi chakamirira nguva yakatarwa; chinotaura nezvamagumo uye hachingarevi nhema. Kunyange dai chikanonoka, chimirire; zvirokwazvo chichauya, hachizononoki.

4 “Tarira, ana manyawi; zvido zvake hazvina kururama, asi akarurama achararama nokutenda kwake.

5 Zvirokwazvo, waini inomupandukira; anozvikudza uye haazombozorori. Nokuti anokara sezvinoita guva (Sheori) uye sorufu haaguti, anozviunganidzira ndudzi dzose uye anotapa marudzi ose avanhu.

Matambudziko aVakaipa

6 “Ko, vakatapwa vose havangazomuseki here nezvirahwe zvokumushora vachiti, “ ‘Ane nhamo anozviunganidzira zvakabiwa achizvipfumisa nepfuma yakapambwa! Zvicharamba zvakadai kusvikira riniko?’

7 Ko, vamakakwereta havangazosimuki pakarepo here? Havangazomuki vakakuvhundutsai here? Ipapo ndimi muchava vakapambwa.

8 Nokuti makapamba ndudzi zhinji, vakasara vachakupambai, nokuda kweropa ravanhu ramakateura; makaparadza nyika namaguta pamwe chete navageremo.

9 “Ane nhamo anovaka umambo hwake nepfuma yakabiwa achivaka dendere rake pakakwirira, kuti apukunyuke panjodzi!

10 Makarangana kuparadza ndudzi dzakawanda, muchinyadzisa imba yenyu, nokuparadza upenyu hwenyu.

11 Mabwe ari murusvingo achadanidzira, ipapo matanda edenga remba achadairira namaungira.

12 “Ane nhamo anovaka guta nokudeura ropa uye anosimbisa guta nezvakaipa.

13 Tarirai, hazvina kubva kuna Jehovha Wamasimba Ose here kuti vanhu vanoshandira zvinoparadzwa nomoto, uye kuti marudzi avanhu anongozvinetsa nezvisina maturo?

14 Nokuti nyika yose ichazadzwa nokuziva kubwinya kwaJehovha, sezvakaita mvura kuzadza kwayakaita gungwa.

15 “Ane nhamo anopa vavakidzani vake zvinodhaka, achizvidurura kubva mumatende ewaini kusvikira vadhakwa, kuti aone kushama kwavo.

16 Muchazadzwa nenyadzi pachinzvimbo chokukudzwa. Nhasi ndimiwo! Chinwai kuti mudzedzereke! Mukombe unobva kuruoko rwaJehovha rworudyi uri kuuya kwamuri, kunyadziswa kuchafukidza kukudzwa kwenyu.

17 Nokuti kuita nechisimba kwamakaitira Rebhanoni kuchakufukidzai, nokuparadza kwamakaita mhuka kuchakutyisai. Nokuti makateura ropa ravanhu; makaparadza nyika namaguta navose vakanga vageremo!

18 “Chifananidzo chakavezwa chinobatsireiko, zvachakangogadzirwa nomuvezi? Kana chifananidzo chakaumbwa, chinodzidzisa nhema? Nokuti uyo anochiita anovimba nechaakazviumbira; anoita zvifananidzo zvisingagoni kutaura.

19 Ane nhamo anoti kudanda, “Rarama!” Kana kubwe risingagoni kutaura, “Muka!” Ko, zvingadzidzisa here? Tarira, chakafukidzwa negoridhe nesirivha; hachina mweya mukati macho napaduku.

20 Asi Jehovha ari mutemberi yake tsvene; nyika yose ngairambe inyerere pamberi pake.”

Habhakuki 3

Munyengetero waHabhakuki

1 Munyengetero wamuprofita Habhakuki unoimbwa neshigionoti.

2 Jehovha, ndakanzwa zvomukurumbira wenyu; haiwa Jehovha, ndinomira ndichitya mabasa enyu. Avandudzei pamazuva edu, panguva yedu ngaaziviswe; pakutsamwa kwenyu rangarirai tsitsi.

3 Mwari akabva kuTemani, iye Mutsvene akabva kuGomo reParani. Sera Umambo hwake hwakazadza matenga uye mbiri yake yakazadza nyika.

4 Kubwinya kwake kwakaita sokubuda kwezuva; bwerazuva hwakapenya huchibva muruoko rwake, makanga makavigwa simba rake.

5 Hosha yakaenda ichibva pamberi pake; denda rakatevera nhambwe dzake.

6 Akamira, akazungunusa nyika; akatarisa, akabvundisa ndudzi dzavanhu. Makomo akare kare akakoromoka uye zvikomo zvakare zvakawira pasi. Nzira dzake dzinogara nokusingaperi.

7 Ndakaona matende eKushani ari panhamo, nzvimbo dzokugara dzeMidhiani dziri pakutambudzika.

8 Ko, makanga matsamwira nzizi here, Makanga matsamwira zvikova here, nhai Jehovha? Makanga matsamwira gungwa here pamakafambisa mabhiza enyu nengoro dzenyu dzokukunda?

9 Makabudisa pachena uta hwenyu, mukadaidzira miseve mizhinji. Sera Makatsemura nyika nenzizi;

10 makomo akakuonai akadedera. Mvura zhinji yakapfuura; kudzika kwakatinhira kukasimudza mafungu pamusoro.

11 Zuva nomwedzi zvakambomira kumatenga zvichiona kuvaima kwemiseve yenyu yaipfuura, zvichiona kupenya kwepfumo renyu rinobwinya.

12 Mukutsamwa kwenyu makapfuura napanyika uye mukushatirwa kwenyu makarasa ndudzi.

13 Makauya kuzonunura vanhu venyu, kuzoponesa muzodziwa wenyu. Makaparadza mutungamiri wenyika yavakaipa, mukamufukura kubva kumusoro kusvika kutsoka. Sera

14 Nepfumo rake chairo makabaya musoro wake, pakauya varwi vake sechamupupuri kuzotiparadzira, vachifara savanoda kuparadza vanotambudzika vakanga vakavanda.

15 Makatsika-tsika gungwa namabhiza enyu, mukabvongodza mvura zhinji.

16 Ndakazvinzwa, hana yangu ikarova, miromo yangu yakadedera pandakanzwa maungira; kuora kwakapinda mumapfupa angu, makumbo angu akadedera. Asi ndichamirira hangu zuva renjodzi kuti riuye pamusoro porudzi ruchatirwisa.

17 Kunyange dai muonde ukasatunga maruva, uye mizambiringa ikashayiwa zvibereko, kunyange kubereka kwomuorivhi kukakona, uye minda ikasabereka zvokudya, kunyange dai kukasava namakwai muchirugu uye mombe dzikashayikwa mumatanga.

18 kunyange zvakadaro, ndichafara muna Jehovha, ndichava nomufaro muna Mwari Muponesi wangu.

19 Ishe Jehovha ndiye simba rangu; anoita kuti tsoka dzangu dziite setsoka dzenondo, anondifambisa pamatunhu akakwirira. Kumutungamiri wokuimba, nemitengeranwa yangu.

Nahumi 1

1 Chirevo pamusoro peNinevhe. Bhuku rezvakaonekwa naNahumi muErikoshi.

Kutsamwa kwaJehovha pamusoro peNinevhe

2 Jehovha ane godo uye ndiMwari anotsiva; Jehovha anotsiva uye azere nehasha. Jehovha anotsiva kuvavengi vake uye anochengetera vavengi vake hasha dzake.

3 Jehovha anononoka kutsamwa uye ane simba guru; Jehovha haangasiyi ane mhosva asina kurangwa. Nzira yake iri muchamupupuri nedutu, uye makore ndiwo guruva retsoka dzake.

4 Anotuka gungwa agoriomesa; anoita kuti nzizi dzose dziome. Bhashani neKarimeri zvasvava uye kutumbuka kweRebhanoni kwapera.

5 Makomo anodengenyeka pamberi pake uye zvikomo zvinonyungudika. Nyika inodedera pamberi pake, nyika uye navose vanogara mairi.

6 Ndiani angadzivisa hasha dzake? Ndiani angashingirire pahasha dzake dzinotyisa? Hasha dzake dzadururwa somoto; matombo apwanyika pamberi pake.

7 Jehovha akanaka, utiziro panguva dzokutambudzika. Anochengeta avo vanovimba naye,

8 asi namafashamu ane simba guru, achaparadza Ninevhe; achateverera vavengi vake kusvikira murima.

9 Zvose zvavakaronga pamusoro paJehovha iye achazviparadza; dambudziko haringauyi kechipiri.

10 Vachakorokodzwa pakati peminzwa uye vachadhakwa newaini yavo; vachaparadzwa samashanga akaoma.

11 Kubva mauri, iwe Ninevhe, pane mumwe akabuda anoronga zvakaipa pamusoro paJehovha uye anopa zano rakaipa.

12 Zvanzi naJehovha, “Kunyange vane vabatsiri uye vakawanda, vachaurayiwa vakasazovapozve. Kunyange ndakakutambudza, iwe Judha, handichazokutambudzizve.

13 Zvino ndichavhuna joko ravo kubva pamutsipa wako uye ndichadambura ngetani dzako.”

14 Jehovha arayira shoko pamusoro pako, iwe Ninevhe, rokuti, “Hauchazovi nezvizvarwa zvinopiwa zita rako. Ndichaparadza zvifananidzo zvakavezwa nezvifananidzo zvakaumbwa, zviri mutemberi yavamwari vako. Ndichachera guva rako, nokuti iwe wakaipa kwazvo.”

15 Tarira, pamakomo apo, tsoka dzouyo anouya namashoko akanaka, anoparidza rugare! Pemberera mitambo yako, iwe Judha, uye uzadzise mhiko dzako. Vakaipa havachakurwisazve; vachaparadzwa zvachose.

Nahumi 2

Ninevhe richawa

1 Murwisi anouya kuzokurwisa iwe, Ninevhe; rindai nhare, tarirai kunzira, sungai zviuno zvenyu, unganidzai simba renyu rose!

2 Jehovha achadzosa kurumbidzwa kwaJakobho sokurumbidzwa kwaIsraeri, kunyange vaparadzi vakavaparadza uye vakaparadza mizambiringa yavo.

3 Nhoo dzavarwi vake dzatsvuka; mhare dzokurwa dzapfeka nguo tsvuku. Matare engoro ovaima pazuva rokugadzirirwa kwadzo; mapfumo omupaini anovheyeswa-vheyeswa.

4 Ngoro dzovirima mumigwagwa, dzinomhanya dzichienda nokudzoka muchivara. Dzinoita samazhenje omoto; dzinomhanya-mhanya semheni.

5 Anodana mauto ake akasarudzwa, asi vanogumburwa panzira yavo. Vanomhanyira kurusvingo rweguta; nhoo yokuzvidzivirira yaiswa panzvimbo payo.

6 Masuo enzizi azarurwa uye muzinda wamambo wakoromoka.

7 Shoko ratemwa rokuti guta ritapwe, uye riendeswe kure. Varandakadzi varo vanochema senjiva uye vanorova zvipfuva zvavo.

8 Ninevhe rakafanana nedziva, uye mvura yaro iri kuerera ichipera. Vanochema vachiti, “Mirai! Mirai!” asi hapana anocheuka.

9 Pambai sirivha! Pambai goridhe! Kuwanda kwazvo hakuperi, ihwo upfumi hunobva pamhando dzose dzepfuma yaro!

10 Rabirwa, rapambwa, ratorerwa zvose! Mwoyo yanyungudika, mabvi odedera, miviri yobvunda, zviso zvose zvacheneruka.

11 Riripiko bako reshumba, nzvimbo yadzaipira vana vadzo zvokudya, kwaienda shumba nehadzi yayo, uye navana, pasina chokutya.

12 Shumba yakauraya zvaikwanira vana vayo uye yakadzipira hadzi yayo nyama, ichizadza mapako ayo nezvayakauraya uye mapako ayo nenyama.

13 “Ndine mhaka newe,” ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose. “Ndichapisa ngoro dzenyu dzive utsi, uye munondo uchaparadza shumba dzenyu duku. Ndichakusiyai musina nyama panyika. Mazwi enhume dzako haangazonzwikizve.”

Nahumi 3

Ninevhe rine nhamo

1 Rine nhamo guta reropa, rizere nenhema, rizere nezvakapambwa, harigari risina varinotambudza!

2 Kurira kwetyava, utsvikitsviki hwamavhiri, mutsindo wamabhiza nomubvumo wokutinhira kwengoro!

3 Kumhanya kwavatasvi vamabhiza, kupenya kweminondo namapfumo anovaima! Vazhinji vakaurayiwa, mirwi yevakafa, mitumbi isingaverengeki, vanhu vachigumburwa nezvitunha.

4 Zvose izvi nokuda kwokuchiva kuzhinji kwechifeve, chinokwezvera, mukuru wouroyi, akatapa ndudzi noufeve hwake namarudzi avanhu nouroyi hwake.

5 “Ndine mhaka newe,” ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose. “Ndicharatidza ndudzi kushama kwako namadzimambo kunyadziswa kwako.

6 Ndichakukandidzira tsvina, ndichakuita akazvidzika uye ndichakuita chiseko.

7 Vose vachakuona vachakutiza uye vachati, ‘Ninevhe raparara, ndiani acharichema?’ Ndingawana kupi munhu angakunyaradza?”

8 Uri nani kupfuura Tebhesi here, rakavakwa paNairi, rakakomberedzwa nemvura? Rwizi ndirwo rwairidzivirira, mvura ruri rusvingo rwaro.

9 Etiopia neIjipiti ndizvo zvaiva simba rayo guru; Puti neRibhiya dzaiva pakati pavabatsiri vayo.

10 Kunyange zvakadaro yakatapwa ikaendeswa muutapwa. Vacheche varo vakaputsanyiwa kumavambo kwemigwagwa yose. Mijenya yakakandwa pamusoro pemachinda avo, uye vakuru vavo vakasungwa nengetani.

11 Newewo uchadhakwa; uchavanda ugotsvaka utiziro kubva kumuvengi wako.

12 Nhare dzako dzose dzafanana nemiti yemionde ine michero yokutanga yaibva; paanozunzwa, maonde anodonhera mumuromo momudyi.

13 Tarira mauto ako, vose vakadzi! Masuo enyika yako akazarurirwa kuvavengi vako; moto waparadza mazariro awo.

14 Cherai mvura kuitira kukombwa simbisai nhare dzenyu! Gadzirai ivhu, kanyai dhaka, mugadzire zvidhina zvenyu!

15 Moto uchakuparadzai imomo; munondo uchakuurayai, uye uchakuparadzai semhashu. Berekanai semhashu, muberekane sehwiza!

16 Makawedzera uwandu hwavatengesi venyu kusvikira vapfuura nyeredzi dzedenga kuwanda. Asi sehwiza, vanoparadza nyika vobhururuka vachienda.

17 Varindi venyu vakaita sehwiza, machinda enyu segundamusaira rehwiza dzinomhara pamadziro musi wakunotonhora, asi kana zuva rabuda dzinobhururuka dzichienda, uye hapana anoziva kuti kupi.

18 Iwe mambo weAsiria, vafudzi vako vanotsumwaira; machinda ako anorara pasi kuti azorore. Vanhu vako vakapararira pamusoro pamakomo pasina angavaunganidza.

19 Hapana chingarapa ronda rako; kukuvara kwako kwakaipisisa. Mumwe nomumwe anonzwa nezveguhu rako anoombera maoko ake pakuwa kwako, nokuti ndianiko asina kunzwa utsinye hwako husina magumo?

Mika 1

1 Shoko raJehovha rakauya kuna Mika weMoresheti panguva yokutonga kwaJotamu, Ahazi naHezekia, madzimambo aJudha, chiratidzo chaakaona pamusoro peSamaria neJerusarema.

2 Inzwai, imi marudzi avanhu, imi mose, teerera, iwe nyika navose vari mauri, kuti Ishe Jehovha achakupai mhosva, Jehovha ari mutemberi yake tsvene.

Kutongwa kweSamaria neJerusarema

3 Tarirai! Jehovha ari kubuda panzvimbo yake: anoburuka pasi agotsika panzvimbo dzakakwirira dzenyika.

4 Makomo achanyongodeka pasi pake uye mipata ichapamuka, senamo pamoto, semvura inoyerera pamawere.

5 Zvose izvi zvakaitika nokuda kwokudarika kwaJakobho, nokuda kwezvivi zveimba yaIsraeri. Kudarika kwaJakobho ndokweiko? Hakuzi Samaria here? Nzvimbo yakakwirira yaJudha ndeipiko? Haizi Jerusarema here?

6 “Naizvozvo ndichaita Samaria murwi wamabwe, nzvimbo yokusima minda yemizambiringa.

7 Zvose zvifananidzo zvaro zvichaputswa kuita zvimedu; zvose zvipo zvaro zvomutemberi zvichapiswa nomoto; ndichaparadza zvifananidzo zvaro zvose. Sezvo akaunganidza zvipo zvake kubva pamibayiro yezvifeve, semibayiro yezvifeve zvichazoshandiswa zvakare.”

Kuchema noKuun

gudza

8 Nokuda kwaizvozvo ndichachema nokuungudza; ndichafamba ndisina shangu mutsoka uye ndisina kupfeka. Ndichaungudza segava uye ndichachema sezizi.

9 Nokuti ronda rake harirapiki; rasvika kuna Judha. Rasvika pasuo ravanhu vangu chaipo, kunyange kuJerusarema chaiko.

10 Musazvireva paGati; musambochema. MuBheti Ofira umburukai muguruva.

11 Pfuurai muende musina kupfeka mukunyara, imi munogara muShafiri. Avo vanogara muZaanani havangabudi kunze. Bheti Ezeri riri mukuchema; kudzivirirwa kwaro kwabviswa kubva kwariri.

12 Avo vanogara muMaroti mukurwadziwa kukuru vakamirira kudzikinurwa, nokuti njodzi yasvika ichibva kuna Jehovha. kunyange pasuo reJerusarema.

13 Imi vanogara muRakishi, sungai mabhiza enyu pangoro. Ndimi makava mavambo echivi kuMwanasikana weZioni, Nokuti kudarika kwaIsraeri kwakawanikwa mamuri.

14 Naizvozvo uchapa zvipo zvokuonekedzana kuna Moresheti Gati. Guta reAkizibhi richaratidza unyengeri. kumadzimambo aIsraeri.

15 Ndichauyisa mukundi kwauri iwe unogara muMaresha. Iye anova kubwinya kwaIsraeri achauya kuAdhuramu.

16 Veurai misoro yenyu mukuchema nokuda kwavana vamunofarira; zviitei musvuu sowegora, nokuti vachabva kwamuri vachienda kuutapwa.