Kuungudza kwaJeremia 4

1 Haiwa, goridhe rasviba sei, goridhe rakaisvonaka harichabwinyi sei! Matombo matsvene aparadzirwa kumusoro kwenzira imwe neimwe.

2 Haiwa vanakomana vanokosha veZioni, kare vaimbokodzera chiero chavo chegoridhe, zvino voonekwa sehari dzevhu, iro basa ramaoko omuumbi wehari!

3 Kunyange makava anopa mazamu awo kuti anwise vana vawo, asi vanhu vangu vava vasina hanya seshiri dzemhou dziri mugwenga.

4 Nokuda kwenyota rurimi rwomwana mucheche runonamira mumukanwa make; vana vanopemha chingwa, asi hakuna anovapa.

5 Avo vaisidya zvinonaka vava vapemhi mumugwagwa. Avo vakarerwa vachifuka nguo dzepepuru zvino vava kuvata pamadurunhuru edota.

6 Kurangwa kwavanhu vangu kukuru kupinda kweSodhomu, rakaparadzwa pakarepo pasina ruoko rwakadzoka kuzoribatsira.

7 Machinda avo aipenya kupfuura chando, uye akanga akachena kupfuura mukaka, miviri yavo yakanga yakatsvuka kupfuura matombo anokosha amarubhi, kuratidzika kwavo kwakaita sokwesafiri.

8 Asi zvino vasviba kupfuura chin’ai; hapana angavaziva mumigwagwa. Ganda ravo ranamira pamapfupa avo; raoma kufanana sedanda.

9 Avo vakaurayiwa nomunondo vari nani pane avo vanourayiwa nenzara; vabayiwa nenzara, vaonda kwazvo nokuda kwokushayiwa zvokudya zvinobva muminda.

10 Namaoko avo vakadzi vaiva nomwoyo munyoro vakabika vana vavo, vakava zvokudya zvavo, pakaparadzwa vanhu vangu.

11 Jehovha akaratidza kutsamwa kwake kwose; akadurura hasha dzake dzinotyisa. Akabatidza moto paZioni akapisa nheyo dzaro.

12 Madzimambo enyika haana kutenda, kunyange navanhu vose vagere panyika, kuti vavengi vangapinda pamasuo eJerusarema.

13 Zvakaitika nokuda kwezvivi zvavaprofita varo uye nokuda kwezvakaipa zvavaprista varo, vakateura ropa ravakarurama mukati maro.

14 Vanodzungaira munzira dzaro samapofu. Vakasvibiswa neropa zvokuti hapana angada kubata nguo dzavo.

15 Vanhu vanodanidzira kwavari vachiti, “Ibvai! Hamuna kuchena! Ibvai! Ibvai! Musatibata!” Panguva yokutiza nokudzungaira kwavo, vanhu pakati pendudzi vanoti, “Havangarambi vachigara pano.”

16 Kutsamwa kwaJehovha kwavaparadzira; haachavachengetedza. Havana kukudza uprista, uye havana kuremekedza vakuru.

17 Meso edu oonera madzerere, tichitarisira rubatsiro rusingauyi; tiri pashongwe dzedu takatarisira rudzi rwaizotiponesa.

18 Vanhu vakatitevera kwose kwatakaenda, zvokuti takatadza kufamba munzira dzedu chaidzo. Magumo edu akanga ava pedyo, mazuva edu apera, nokuti magumo akanga asvika.

19 Vaitidzinganisa vaimhanya kupfuura makondo okudenga; vakatidzinganisa napamusoro pamakomo uye vakatigaririra murenje.

20 Muzodziwa waJehovha, iwo mweya wedu wokufema chaiwo, akanga abatwa mumisungo yavo. Takafunga kuti mumumvuri wake taizorarama pakati pendudzi.

21 Pembera ufare, iwe Mwanasikana weEdhomu, iwe unogara munyika yeUzi. Asi newewo uchapiwa mukombe uyu; uchadhakwa uye uchazvibvisa nguo.

22 Iwe, Mwanasikana weZioni, kurangwa kwako kuchaguma; Asi, iwe Mwanasikana weEdhomu, acharanga chivi chako agoratidza kuipa kwako.

Kuungudza kwaJeremia 5

1 Rangarirai Jehovha, zvakatiwira; tarirai, mugoona kunyadziswa kwedu.

2 Nhaka yedu yakapiwa kuvatorwa, misha yedu kumabvakure.

3 Tava nherera, hatina vabereki, vanamai vedu sechirikadzi.

4 Tinofanira kutenga mvura yatinonwa; huni dzedu dzinongowanikwa chete nomutengo.

5 Avo vanotidzinganisa vari pedyo pedyo; taneta uye hatina zororo.

6 Takazviisa pasi peIjipiti neAsiria, kuti tiwane kudya kwakakwana.

7 Madzibaba edu akatadza uye vakafa, uye tava kurangwa nokuda kwavo.

8 Varanda vanotitonga, uye hapana angatisunungura kubva pamaoko avo.

9 Tinowana zvokudya zvedu nokusvitsa upenyu hwedu panjodzi, nokuda kwomunondo murenje.

10 Ganda redu rava kupisa sechoto, nokuda kwokupisa kwenzara.

11 Vakachinya vakadzi muZioni, mhandara, mumaguta eJudha.

12 Machinda akasungirirwa namaoko avo; vakuru havakudzwi.

13 Majaya anoshanda paguyo; vakomana vanotatarika vakatakura mitoro yehuni.

14 Vakuru vakabva pasuo reguta; majaya akarega kuimba kwavo.

15 Mufaro mumwoyo medu waguma; kutamba kwedu kwapinduka kukava kuchema.

16 Korona yawa kubva pamusoro wedu. Tine nhamo isu, nokuti takatadza!

17 Nokuda kwaizvozvi mwoyo yedu yapera simba, nokuda kwezvinhu izvi meso edu otadza kuona,

18 nokuti Gomo reZioni rava dongo, makava ofambamo.

19 Imi Jehovha, munotonga nokusingaperi; chigaro chenyu choushe chiripo kusvikira kumarudzi namarudzi.

20 Sei muchigara muchitikanganwa? Sei muchitikanganwa kwenguva yakareba kudai?

21 Tidzoserei kwamuri, Jehovha, kuti tigodzoka; vandudzai mazuva edu senguva yekare,

22 kana musina kutiramba zvachose kana kutitsamwira zvikuru kwazvo.

Jeremia 1

1 Mashoko aJeremia mwanakomana waHirikia, mumwe wavaprista paAnatoti munyika yaBhenjamini.

2 Shoko raJehovha rakauya kwaari mugore regumi namatatu rokutonga kwaJosia mwanakomana waAmoni mambo weJudha,

3 uye nomunguva yokutonga kwaJehoyakimi mwanakomana waJosia mambo weJudha, kusvikira pamwedzi wechishanu wegore regumi nerimwe raZedhekia mwanakomana waJosia mambo weJudha, vanhu veJerusarema pavakazoenda kuutapwa.

Kud

anwa kwaJeremia

4 Shoko raJehovha rakauya kwandiri, richiti,

5 “Ndisati ndakuumba mudumbu ramai vako, ndakakuziva iwe, usati waberekwa, ndakakutsaura; ndakakugadza somuprofita kumarudzi.”

6 Ini ndikati, “Haiwa, Ishe Jehovha, handigoni kutaura; ndinongova mwana hangu.”

7 Asi Jehovha akati kwandiri, “Usati, ‘Ndinongova mwana hangu.’ Unofanira kuenda kuna ani naani wandinokutuma kwaari undotaura zvose zvandinokurayira.

8 Usavatya, nokuti ini ndinewe uye ndichakurwira,” ndizvo zvinotaura Jehovha.

9 Ipapo Jehovha akatambanudza ruoko rwake akabata muromo wangu akati kwandiri, “Zvino ndaisa mashoko angu mumuromo mako.

10 Tarira, nhasi ndakugadza pamusoro pendudzi napamusoro poushe kuti udzure nokubvarura, nokuparadza, nokukoromora, nokuvaka uye nokusima.”

11 Shoko raJehovha rakauya kwandiri richiti, “Jeremia, uri kuonei?” Ndakapindura ndikati, “Ndiri kuona davi romuti womuarimondi.”

12 Jehovha akati kwandiri, “Waona zvakanaka, nokuti ndiri kutarira kuti ndione kuzadziswa kweshoko rangu.”

13 Shoko raJehovha rakauyazve kwandiri richiti, “Uri kuoneiko?” Ndakapindura ndikati, “Ndiri kuona hari iri kuvira, yakarerekera kubva kumusoro.”

14 Jehovha akati kwandiri, “Njodzi ichadururirwa pamusoro pavanhu vagere munyika ichibva nokumusoro.

15 Nokuti iye zvino ndiri kudana vanhu vose voushe hwokumusoro,” ndizvo zvinotaura Jehovha.

“Madzimambo avo achauya achizoisa zvigaro zvavo zvoushe pamasuo eJerusarema; vachauya kuzorwisa masvingo aro ose akarikomberedza uye namaguta ose eJudha.

16 Ndichareva zvandakatonga pamusoro pavanhu vangu nokuda kwezvakaipa zvavo zvavakaita vachindisiya, vachipisira zvinonhuwira kuna vamwe vamwari nokunamata zvakaumbwa namaoko avo.

17 “Iwe chigadzirira! Simuka uvataurire zvose zvandinokurayira. Usavhundutswa navo, kuti ini ndirege kuzokuvhundutsa pamberi pavo.

18 Nhasi ndakuvakira guta rakakomberedzwa nembiru yesimbi namasvingo endarira, kuti urwe nenyika yose, urwe namadzimambo eJudha, namachinda avo, navaprista vavo uye navanhu venyika.

19 Vacharwa newe asi havangakukundi, nokuti ndinewe uye ndichakurwira,” ndizvo zvinotaura Jehovha.

Jeremia 2

Israeri inosiya Mwari

1 Shoko raJehovha rakauya kwandiri richiti,

2 “Enda unoparidza munzeve dzeJerusarema uchiti: ‘Ndinorangarira kunamata kwouduku hwako, kuti somwenga waindida sei nokunditevera nomukati merenje, nomunyika isina kumbodyarwa.

3 Israeri akanga ari mutsvene kuna Jehovha, ari chibereko chokutanga chokukohwa kwake; vose vakanga vachimudya vaipiwa mhosva, uye njodzi yakavawira,’ ”

ndizvo zvinotaura Jehovha.

4 Inzwai shoko raJehovha imi imba yaJakobho, nemi mose vorudzi rweimba yaIsraeri.

5 Zvanzi naJehovha, “Madzibaba enyu akawana mhosva yei kwandiri, zvavakaenda kure neni? Vakatevera zvifananidzo zvisina maturo ivo vakava vasina maturo pachavo.

6 Havana kubvunza kuti, ‘Jehovha aripiko, iye akatibudisa munyika yeIjipiti akatitungamirira nomugwenga risina miti, nomunyika yamarenje namakoronga, iyo nyika yakaoma uye yerima, nyika isina munhu anofambamo uye isina munhu anogaramo?”

7 Ndakakupinzai munyika yakaorera kuti mudye zvibereko zvayo nezvakanaka zvayo. Asi makasvika mukasvibisa nyika yangu, mukaita nhaka yangu kuti ive chinhu chinonyangadza.

8 Vaprista havana kubvunza kuti, ‘Jehovha aripiko?’ Vakanga vachifambisa murayiro havana kundiziva; vatungamiriri vakandimukira. Vaprofita vakaprofita naBhaari, vachitevera zvifananidzo zvisina maturo.

9 “Naizvozvo ndinokupai mhosva zvakare,”

ndizvo zvinotaura Jehovha.

“Ndichapazve mhosva vana vavana venyu.

10 Yambukirai kumiganhu yeKitimi muone, tumai vanhu kuKedhari mugonyatsocherechedza; muone kana pakambova nechimwe chinhu chakadai:

11 Ko, rudzi rwakambotsinhanisa vamwari varwo here? Uye havasi vamwari zvachose. Asi vanhu vangu vakatsinhanhisa kukudzwa kwavo nezvifananidzo zvisina maturo.

12 Haiwa, imi matenga, shamiswai nechinhu ichi, uye mudedere nokutya kukuru,”

ndizvo zvinotaura Jehovha.

13 Vanhu vangu vakaita zvakaipa zviviri: Vakandisiya ini, tsime remvura mhenyu, vakazvicherera zvirongo zvisingachengeti mvura.

14 Ko, Israeri muranda here, kana nhapwa pakuberekwa? Nemhaka yeiko apambwa zvino?

15 Shumba dzakaomba; dzikanguruma kwaari.

16 Uyezve, vanhu veNofi neveTapanesi vakaveura musoro wako.

17 Ko, hauna kuzvivigira izvozvo pachako here pawakasiya Jehovha Mwari wako paakanga achikutungamirira munzira?

18 Zvino, unoendereiko kuIjipiti kundonwa mvura inobva Shihori? Uye unodireiko kuenda kuAsiria kundonwa mvura inobva murwizi?

19 Zvakaipa zvako zvichakuranga; kudzokera shure kwako kuchakutuka. Rangarira uye uyeuke zvino kuti zvakaipa sei uye zvinovava sei kwauri, ukange wasiya Jehovha Mwari wako, uye usingandityi,”

ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha, Mwari Wamasimba Ose.

20 “Wakavhuna joko rako kare kare uye wakadambura makashu ako; ukati, ‘Handidi kukushumirai!’ Zvirokwazvo, pamusoro pechikomo chirefu choga choga, uye pasi pomuti woga woga wakapfumvutira, wakarara pasi pawo sechifeve.

21 Ndakanga ndakusima somuzambiringa wakanakisa, uri mbeu kwayo inovimbika. Ko, zvino wakazondishandukira sei ukava muzambiringa webundo wakaora?

22 Kunyange ukazvishambidza nesoda uchishandisa sipo yakawanda, gwapa remhosva yako rinoramba riri mberi kwangu,”

ndizvo zvinotaura Jehovha Mwari.

23 “Unoreva sei, uchiti, ‘Handina kusvibiswa; handina kutevera Bhaari’? Tarisa zvawakaita mumupata; funga zvawakaita. Iwe uri ngamera yehadzi inomhanya apa nepapo,

24 uri mbizi yakarovedzwa mugwenga, inofembedza mhepo mukushuva kwayo; ndiani angaidzora pakupfumvura kwayo? Mukono upi noupi unoitevera haufaniri kuzvinetesa; panguva yokusangana uchaiwana.

25 Usamhanya kusvikira tsoka dzako dzisisina shangu nehuro yako yava nenyota. Asi iwe wakati, ‘Hazvibatsiri! Ndinoda vamwari vokumwe, uye ndinofanira kuvatevera.’

26 “Sokunyadziswa kwembavha yabatwa, saizvozvo imba yaIsraeri yanyadziswa, ivo namadzimambo avo uye namachinda avo, vaprista vavo navaprofita vavo.

27 Vanoti kudanda, ‘Ndiwe baba vangu,’ uye kuibwe, ‘Ndiwe wakandibereka.’ Vakandifuratira ini asi zviso zvavo hazvina, nyamba pavanenge vava munhamo, vanoti kwandiri, ‘Uyai mutiponese!’

28 Ko, zvino vamwari vamakazviitira varipi? Ngavauye kana vachigona kukuponesai pamunenge mava munhamo! Nokuti muna vamwari vakawanda kupfuura maguta amunawo, imi Judha.

29 “Nemhaka yeiko muchindipa mhosva? Imi mose makandimukira,” ndizvo zvinotaura Jehovha.

30 “Ndakaranga vana venyu pasina; havana kuteerera kurangwa. Munondo wenyu wakamedza vaprofita, kufanana neshumba inoparadza.

31 “Haiwa, imi vorudzi urwu, rangarirai Shoko raJehovha rinoti: “Ndanga ndiri renje kuna Israeri here kana nyika yerima guru? Ko, vanhu vangu vanotaurireiko vachiti, ‘Takasununguka kuenda kwatada; hatichazouyizve kwamuri?’

32 Ko, murandakadzi angakanganwa zvishongo zvake here, nomwenga angakanganwa nguo dzake dzomuchato here? Asi vanhu vangu vakandikanganwa ini, mazuva asingaverengeki.

33 Mune ruzivo rwakadii pakutevera rudo! Kunyange vakadzi vakaipisisa vangadzidza kubva panzira dzenyu.

34 Panguo dzako vanhu vanowanapo ropa ravarombo vasina mhaka, kunyange usina kuvabata vachipaza. Asi kunyange zvakadaro

35 unoti, ‘Handina mhosva; uye haana kunditsamwira.’ Asi ndichatema mutongo wangu pauri nokuti unoti, ‘Handina kutadza.’

36 Ko, unofambireiko pose pose zvakadai, uchishandura nzira dzako? Iwe uchagumburwa neIjipiti, sezvawakaitwa neAsiria.

37 Uchabvawo panzvimbo iyoyo wakaisa maoko ako pamusoro pako, nokuti Jehovha akaramba vose vaunovimba navo; iwe hauchazobatsirwi navo.

Jeremia 3

1 “Kana murume akaramba mukadzi wake, iye akamusiya hake akandowanikwa nomumwe murume, murume uyu angadzokerazve kwaari here? Ko, nyika haingasvibiswi here? Asi iwe wakararama sechifeve navadiwa vazhinji, zvino ungadzokera kwandiri here?”

ndizvo zvinotaura Jehovha.

2 “Tarira kunzvimbo dzakakwirira dzisina miti uone. Iripo here nzvimbo yausina kumboitira ufeve? Mujinga menzira wakagaramo wakamirira zvikomba, wakagara kunge vanhu vouragu vari murenje. Wakasvibisa nyika noufeve hwako uye nezvakaipa zvako.

3 Naizvozvo wakanyimwa mvura inopfunha, uye nemvura yomuchirimo haina kunaya.

4 Ko, handiti uchangobva pakundidana here uchiti, “Baba vangu, shamwari yangu kubva pauduku hwangu,

5 muchagara makatsamwa here? Kutsamwa kwenyu kucharamba kuripo nokusingaperi here?’ Aya ndiwo matauriro ako, asi unoita zvakaipa zvose zvaunogona kuita.

Israeri woKusatendeka

6 Panguva yokutonga kwaMambo Josia, Jehovha akati kwandiri, “Waona here zvaitwa naIsraeri wokusatendeka? Ari kuenda pamusoro pezvikomo zvose zvakakwirira nepasi pemiti yose yakapfumvutira achindoita ufevepo.

7 Ndakafunga kuti mushure mokuita kwake izvi zvose, achadzokera kwandiri asi iye haana, uye munun’una wake Judha wokusatendeka akazviona.

8 Ndakapa Israeri wokusatendeka tsamba yokurambana ndikamudzinga nokuda kwoufeve hwake. Kunyange zvakadaro ndakaona kuti Judha munun’una wake wokusatenda haatyi; naiyewo akabuda akandoita ufeve.

9 Nokuti ufeve hwaIsraeri hahuna zvahwakareva kwaari, akasvibisa nyika nokufeva namabwe namatanda.

10 Kunyange izvi zvakadaro, munun’una wake Judha wokusatendeka haana kudzokera kwandiri nomwoyo wake wose, asi kunyengera chete,” ndizvo zvinotaura Jehovha.

11 Jehovha akati kwandiri, “Israeri wokusatenda akarurama kukunda Judha wokusatendeka.

12 Enda undoparidza shoko iri kurutivi rwokumusoro uchiti,

“ ‘Dzokai imi Israeri vokusatenda,’ ndizvo zvinotaura Jehovha, ‘Handichazorambi ndakafinyamisa chiso changu kwamuri, nokuti ndizere nengoni,’ ndizvo zvinotaura Jehovha, ‘handingarambi ndakatsamwa nokusingaperi.

13 Imi zivai mhosva yenyu chete, kuti makamukira Jehovha Mwari wenyu, mukafadza vamwari vavatorwa muri pasi pomuti mumwe nomumwe wakapfumvutira, uye hamuna kunditeerera,’ ”

ndizvo zvinotaura Jehovha.

14 “Dzokai, imi vanhu vokusatenda,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “nokuti ndini murume wenyu. Ndichakusarudzai, ndichatora mumwe chete kubva kune rimwe guta, uye vaviri kubva kuno rumwe rudzi, ndigokuuyisai kuZioni.

15 Ipapo ndichakupai vafudzi vanofadza mwoyo wangu, ivo vachakutungamirirai noruzivo nokunzwisisa.

16 Mumazuva iwayo, pamunenge mawanda zvikuru munyika,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “vanhu havangazoti, ‘Areka yesungano yaJehovha.’ Hazvingazopindi mundangariro dzavo kana kurangarirwa; havazoishuvi, havangagadziri imwezve.

17 Panguva iyoyo vachatumidza Jerusarema kuti Chigaro choUshe chaJehovha, uye ndudzi dzose dzichaungana muJerusarema kuzokudza zita raJehovha. Havachazoteverizve kusindimara kwemwoyo yavo yakaipa.

18 Mumazuva iwayo imba yaJudha ichabatana neimba yaIsraeri, uye vose pamwe chete vachauya vachibva kunyika yokumusoro vachienda kunyika yandakapa madzibaba enyu kuti ive nhaka.

19 “Ini pachangu ndakati,

“ ‘Ndichafara sei pakukubatai savanakomana vangu uye ndichikupai nyika inoyevedza, iyo nhaka yakaisvonaka yorudzi rupi zvarwo.’ Ndakafunga kuti muchanditi ‘Baba’ mukasazotsauka pakunditevera.

20 Asi sezvinoita mukadzi asina kutendeka kumurume wake, saizvozvo makanga musina kutendeka kwandiri, imi imba yaIsraeri,”

ndizvo zvinotaura Jehovha.

21 Kuchema kunonzwika panzvimbo dzakakwirira dzisina miti, iko kuchema nokuteterera kwavanhu veIsraeri, nokuti vakaminamisa nzira dzavo uye vakakanganwa Jehovha Mwari wavo.

22 “Dzokai, imi vanhu vokusatenda; ndichakurapai pakudzokera kwenyu shure.”

“Hongu, tichauya kwamuri, nokuti imi muri Jehovha Mwari wedu.

23 Zvirokwazvo mheremhere youfeve iri pazvikomo, napamakomo unyengeri; zvirokwazvo muna Jehovha Mwari wedu ndimo mune ruponeso rwaIsraeri.

24 Kubva pauduku hwedu nyadzi dzakadya zvibereko zvamabasa amadzibaba edu, makwai avo, nemombe dzavo, vanakomana navanasikana vavo.

25 Ngativatei pasi munyadzi dzedu, uye kunyara kwedu ngakutifukidze. Takatadzira Jehovha Mwari wedu, isu tose namadzibaba edu; kubva pauduku hwedu kusvikira nhasi hatina kuteerera Jehovha Mwari wedu.”

Jeremia 4

1 “Haiwa Israeri, kana muchida kudzoka, dzokai kwandiri,”

ndizvo zvinotaura Jehovha.

“Kana mukabvisa pamberi pangu zvifananidzo zvenyu zvinonyangadza uye mukasarasikazve,

2 kana mukapika muchokwadi, nokururama uye nenzira yakarurama muchiti: ‘Zvirokwazvo naJehovha mupenyu,’ ipapo ndudzi dzicharopafadzwa naye uye dzichazvirumbidza maari.”

3 Izvi ndizvo zvinotaura Jehovha kuvanhu veJudha neJerusarema:

“Zviundirei gombo idzva murege kudyara pakati peminzwa.

4 Zvidzingisirei kuna Jehovha, dzingisai mwoyo yenyu, imi varume veJudha nemi vanhu veJerusarema, kuti kutsamwa kwangu kurege kukubudirai kukapisa somoto, nokuda kwezvakaipa zvamakaita, iko kupisa kusina angakudzima.

Njodzi inobva nokumusoro

5 “Zivisai munyika yaJudha uye muparidze muJerusarema muchiti, ‘Ridzai hwamanda munyika yose!’ Danidzirai nesimba muchiti:

‘Unganai pamwe chete! Ngatitizirei kumaguta akakomberedzwa!’

6 Simudzai mureza wokuenda kuZioni! Tizai muvande musinganonoki! Nokuti ndiri kuuyisa njodzi inobva kumusoro, iko kuparadza kwakaipisisa.”

7 Shumba yabuda mudenhere rayo; muparadzi wendudzi abuda. Asiya nzvimbo yake kuti aparadze nyika yenyu. Maguta enyu achava matongo pasina achagaramo.

8 Naizvozvo pfekai masaga, chemai muungudze, nokuti kutsamwa kwaJehovha kunotyisa hakuna kubva kwatiri.

9 “Pazuva iro,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “mambo namachinda vachaora mwoyo, vaprista vachatyiwa, uye vaprofita vachanyangadzwa.”

10 Ipapo ndakati, “Haiwa, Ishe Jehovha, makanyengera kwazvo vanhu ava neJerusarema muchiti, ‘Muchava norugare,’ nyamba munondo uri pahuro dzedu.”

11 Panguva iyoyo vanhu ava neJerusarema vachaudzwa kuti, “Mhepo inopisa inobva kunzvimbo dzakakwirira dzisina miti mugwenga inovhuvhuta yakananga vanhu vangu, asi isingasarudzi kana kunatsa;

12 mhepo ine simba kwazvo kudarika iyoyo ichabva kwandiri. Zvino ndiwo wava mutongo wangu pamusoro pavo.”

13 Tarirai! Ari kuuya samakore, ngoro dzake dzinouya sechamupupuri, mabhiza ake anomhanya kupfuura makondo, Tine nhamo! Taparara!

14 Haiwa Jerusarema, shamba zvakaipa zviri mumwoyo mako ugoponeswa. Ucharamba uchingoviga pfungwa dzako dzakaipa kusvikira riini?

15 Inzwi rinodanidzira richibva kuDhani, richizivisa nezvenjodzi inobva kuzvikomo zveEfuremu.

16 “Zivisai izvi kundudzi, zviparidzei kuJerusarema muchiti: ‘Hondo ichakukombai iri kuuya ichibva kunyika iri kure, ichidanidzira zvehondo yokurwisa maguta eJudha.

17 Vanorikomba savanhu vakarinda munda, nokuti rakandimukira,’ ”

ndizvo zvinotaura Jehovha.

18 “Tsika dzako namabasa ako ndizvo zvauyisa izvi pamusoro pako. Ichi ndicho chirango chako. Haiwa, zvinovava sei! Haiwa, zvinobaya sei mwoyo!”

19 Maiwe, kurwadziwa kwangu, kurwadziwa kwangu! ndiri kubidirika nokurwadziwa. Haiwa, kurwadza kwomwoyo wangu! Hana yangu inorova mukati mangu, handinganyarari. Nokuti ndanzwa kurira kwehwamanda; ndanzwa mheremhere yehondo.

20 Njodzi inotevera njodzi; nyika yose yava dongo. Kamwe kamwe, matende angu aparadzwa, musha wangu nenguva diki diki,

21 Ndicharamba ndichiona mureza wehondo kusvikira riniko, uye ndichanzwa kurira kwehwamanda kusvikira riniko?

22 “Vanhu vangu mapenzi; havandizivi ini. Vana vasina pfungwa; havanzwisisi. Vakangwarira kuita zvakaipa; havazivi kuita zvakanaka.”

23 Ndakatarira nyika, yakanga isina kugadzirwa, isina chinhu; uye nokumatenga, chiedza chawo chakanga chisisipo.

24 Ndakatarira pamakomo, tarirai, aidengenyeka; zvikomo zvose zvaizeya.

25 Ndakatarira, ipapo pakanga pasina vanhu; shiri dzose dzedenga dzakanga dzabhururuka dzikaenda kure.

26 Ndakatarira, ndokuona nyika yaibereka zvibereko yava gwenga; maguta ayo ose ava matongo pamberi paJehovha, pamberi pehasha dzake dzinotyisa.

27 Zvanzi naJehovha, “Nyika yose ichaparadzwa, kunyange hangu ndisingazoiparadzi zvachose.

28 Naizvozvo nyika ichachema uye matenga kumusoro achava rima nokuti ndini ndazvitaura uye handingaregi kuzviita, ndini ndazvisarudza uye handingadzokeri shure.”

29 Paanonzwa kutinhira kwavatasvi vamabhiza nokwavawemburi vouta, maguta ose anotiza. Vamwe vanopinda mumatenhere; vamwe vanokwira pakati pamatombo. Maguta ose asara asina munhu; hapana anogaramo.

30 Uchaiteiko, iwe wokuparadzwa? Wapfekereiko nguo tsvuku, nokushonga zvishongo zvegoridhe? Wazorereiko meso ako pendi? Unongozvishongedzera pasina. Zvikomba zvako zvinokushora; zvinotsvaka kukuuraya.

31 Ndiri kunzwa kuchema sokwomukadzi anorwadziwa pakusununguka, kugomera sokwomukadzi opona dangwe rake, kuchema kwoMwanasikana weZioni ari kufemedzeka, achitambanudza maoko ake achiti, “Maiwe! Ndoziya; upenyu hwangu hwaiswa kuvaurayi.”

Jeremia 5

Hakuna akarurama

1 “Kwirai nokudzika nemigwagwa yeJerusarema, tarirai pose pose mugofunga, tsvakai muzvivara zvaro muone kana mukawana kana munhu mumwe anoita zvakanaka uye anotsvaka zvokwadi, ipapo ndicharegerera guta iri.

2 Kunyange vachiti havo, ‘NaJehovha mupenyu,’ vanenge vachingopika nhema.”

3 Haiwa Jehovha, meso enyu haatsvaki chokwadi here? Makavarova, asi havana kunzwa kurwadziwa; Makavapwanya, asi vakaramba kurayirwa. Vakaomesa zviso zvavo kupfuura dombo uye vakaramba kutendeuka.

4 Ndakafunga ndikati, “Ava varombo bedzi; mapenzi, nokuti havazivi nzira yaJehovha, nezvinodikanwa naMwari wavo.

5 Naizvozvo ndichaenda kuvatungamiri ndigotaura navo; zvirokwazvo vanoziva nzira yaJehovha, zvinodiwa naMwari wavo.” Asi nomwoyo mumwe, naivowo vakanga vavhuna joko, vakadambura makashu.

6 Saka shumba inobva musango ichavauraya, bere rinobva mugwenga richavabvambura, ingwe ichavavandira pedyo namaguta avo kuti ibvamburanye vose vanobudamo, nokuti kundimukira kwavo kukuru uye kudzokera shure kwavo kwawanda.

7 “Ndingakukanganwirai seiko? Vana venyu vakandisiya, uye vakapika navamwari vasati vari vamwari. Ndakavapa zvose zvavaishayiwa, asi ivo vakaita ufeve vakandoungana kudzimba dzezvifeve.

8 Ivo mabhiza anodya achiguta azere ruchiva, mumwe nomumwe achidokwairira mukadzi womumwe.

9 Ko, handingavarangi nokuda kwaizvozvi here?” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Ko, handingazvitsiviri here parudzi rwakadai?

10 “Endai nomuminda yavo yamazambiringa muiparadze, asi musaiparadza zvachose. Bvisai matavi awo, nokuti vanhu ava havazi vaJehovha.

11 Imba yaIsraeri neimba yaJudha vanga vasina kutendeka kwandiri zvachose,” ndizvo zvinotaura Jehovha.

12 Vakarevera Jehovha nhema, vachiti, “Haana chaachaita! Hakuna chakaipa chichaitika kwatiri; hatichazombooni hondo kana nzara.

13 Vaprofita vangova mhepo, uye shoko harimo mavari. Saka zvavanotaura ngazviitwe kwavari.”

14 Naizvozvo zvanzi naJehovha Mwari Wamasimba Ose: “Nokuti vanhu vakataura mashoko aya, ndichaita kuti mashoko angu ave moto mumuromo mako, uye vanhu ava kuti vave huni dzinopiswa nawo.

15 “Haiwa imi imba yaIsraeri,” ndizvo zvinotaura Jehovha, ndiri kuuyisa rudzi runobva kure kuzokurwisai, rudzi rwakare kare uye rudzi rwakashinga, vanhu vane rurimi rwamusinganzwi, vano mutauro wamusinganzwisisi.

16 Magoba avo akafanana neguva rakashama; vose zvavo varwi vane simba.

17 Vachadya zvamakakohwa nezvokudya zvenyu, vachauraya vanakomana navanasikana venyu; vachadya makwai enyu nemombe dzenyu, vachadya mazambiringa namaonde enyu. Vachaparadza nomunondo, maguta enyu akakomberedzwa iwo amunovimba nawo.

18 “Kunyange mumazuva iwayo,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “handingakuparadzei zvachose.

19 Zvino kana vanhu vakabvunza kuti, ‘Ko, Jehovha Mwari wedu aitirei izvi kwatiri?’ imi muchavaudza kuti, ‘Sezvo makandisiya mukandoshumira vamwari vavatorwa munyika yenyu chaiyo, saizvozvowo zvino muchashandira vatorwa munyika isiri yenyu.’

20 “Zivisai izvi kuimba yaJakobho mugozviparidza maJudha muchiti:

21 Inzwai izvi imi mapenzi navanhu vasina pfungwa, vana meso, asi vasingaoni, vane nzeve, asi vasinganzwi:

22 Ko, hamufaniri kunditya here?” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Ko, hamufaniri kudedera pamberi pangu here? Ndakaita jecha kuti rive muganhu wegungwa, muganhu warisingadariki nokusingaperi. Mafungu angafashama, asi haangakundi; angavirima asi haangaudariki.

23 Asi vanhu ava vane mwoyo yakasindimara uye inondimukira; vakatsauka vakaenda kure.

24 Havati mumwoyo yavo, ‘Ngatityei Jehovha Mwari wedu, anotipa mvura yaMatsutso neyoMunakamwe nenguva yayo, anotitsidzira mavhiki akatarwa okukohwa.

25 Zvakaipa zvenyu zvakadzingira izvi kure; zvivi zvenyu zvakadzivisa kuti zvinhu zvakanaka zviuye kwamuri.

26 Pakati pavanhu vangu pana vanhu vakaipa vanovandira kufanana savanhu vanoteya shiri nougombe. uye savaya vanoisa misungo yokubata vanhu.

27 Sedendere rizere neshiri, dzimba dzavo dzizere nokunyengera; vapfuma uye vava nesimba,

28 uye vafuta uye vobwinya. Zvakaipa zvavo hazvina magumo. havatambi mhaka dzenherera kuti vakunde, havadziviriri kodzero dzavarombo.

29 “Ko, handifaniri kuvaranga pane zvizvi here?” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Ko, handingazvitsiviri here parudzi rwakadai?

30 “Chinhu chinosemesa uye chinovhundutsa chaitika panyika.

31 Vaprofita vanoprofita nhema, vaprista vanotonga nesimba ravo uye vanhu vangu vanofarira izvozvo. Asi muchaiteiko pakupedzisira?

Jeremia 6

Kukombwa kweJerusarema

1 “Tizai kuti murarame, imi vana veBhenjamini! Tizai mubve muJerusarema! Ridzai hwamanda muTekoa! Simudzai chiratidzo pamusoro peBheti-Hakeremu! Nokuti njodzi yava pedyo ichibva kumusoro, iko kuparadza kwakaipisisa.

2 Ndichaparadza mwanasikana weZioni, akanakisa uye anoyevedza.

3 Vafudzi namapoka amakwai avo vachauya kwaari; vachadzika matende avo vakamukomba, mumwe nomumwe achifudza chikamu chake.”

4 Gadzirirai kurwa naye! Simukai, ngatimurwisei masikati! “Asi, yowe-e, zuva rovira, uye mimvuri yamadekwana yoreba.

5 Naizvozvo simukai, ngatimurwisei usiku, uye tiparadze nhare dzake!”

6 Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, “Temerai miti pasi, mugovakira Jerusarema mirwi yokurikomba. Guta iri rinofanira kurangwa; rizere nokumanikidza.

7 Setsime rinoeredza mvura yaro, saizvozvo Jerusarema rinodurura zvakaipa zvaro. Kuita nechisimba nokuparadza zvinonzwika mariri, kurwara kwaro namavanga zvinoramba zviri pamberi pangu.

8 Inzwa yambiro, iwe Jerusarema, kuti ndisakufuratira ndikaita nyika yako dongo, kuti isava nomunhu angagara mairi.”

9 Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, “Ngavatanhe zvakasara zvaIsraeri vatanhe zvachose samazambiringa; utambanudzirezve ruoko rwako kumatavi, sezvinoita munhu anounganidza mazambiringa.”

10 Ndingataura naaniko andingayambira? Ndianiko achandinzwa? Nzeve dzavo dzakadzivirwa kuti varege kunzwa. Shoko raJehovha chigumbuso kwavari; havawani mufaro mariri.

11 Asi ini ndizere nehasha dzaJehovha, uye handichagoni kuzvidzora. “Dzidururire pamusoro pavana vari munzira dzomuguta, napamusoro pamajaya akaungana pamwe chete; vose murume nomukadzi vachabatwa imomo, navatana, vaya vabva zera.

12 Dzimba dzavo dzichapiwa vamwe, vakadzi vavo pamwe chete neminda yavo navakadzi vavo, pandichatambanudza ruoko rwangu pamusoro pavagere panyika,” ndizvo zvinotaura Jehovha.

13 “Kubva kumudiki kusvikira kuvakuru, vose vanokarira pfuma; vaprofita navaprista zvimwe chetezvo, vose vanoita zvokunyengera.

14 Vanosunga ronda ravanhu vangu sokunge vasina kukuvara zvikuru. Vanoti, ‘Rugare, rugare,’ ipo pasina rugare.

15 Ko, vanonyadziswa nokusemesa kwamafambiro avo here? Kwete, havana nyadzi zvachose; havambozivi kuratidza nyadzi. Naizvozvo vachawira pakati pavakawa; vachadzikiswa pandichavaranga,” Ndizvo zvinotaura Jehovha.

16 Zvanzi naJehovha, “Mirai pamharadzano dzenzira muone; mubvunze nzira dzekare, mubvunze kune nzira yakanaka, mugofamba mairi, ipapo muchawana zororo romweya yenyu. Asi imi makati, ‘Hatizofambi mairi.’

17 Ndakagadza nharirire pamusoro penyu ndikati, ‘Teererai inzwi rehwamanda!’ Asi imi makati, ‘Hatizoteereri.’

18 Naizvozvo inzwai, imi Israeri, nemi zvapupu, cherechedzai zvichaitika kwavari.

19 Inzwa, iwe nyika: Ndiri kuuyisa njodzi pamusoro pavanhu ava, icho chibereko chendangariro dzavo, nokuti havana kuteerera mashoko angu, uye vakaramba murayiro wangu.

20 Ndine hanya yeiko nezvinonhuwira zvinobva kuShebha, kana karamisi inotapira inobva kunyika iri kure? Zvipiriso zvenyu zvinopiswa handizvidi; zvibayiro zvenyu hazvindifadzi.”

21 Naizvozvo zvanzi naJehovha, “Ndichaisa zvipinganidzo pamberi pavanhu ava. Madzibaba navanakomana vachagumburwa nazvo pamwe chete, vavakidzani neshamwari vachaparara.”

22 Zvanzi naJehovha, “Tarirai, hondo iri kuuya kubva kunyika yokumusoro; rudzi rukuru rwuri kumutswa kubva kumigumo yenyika.

23 Vakapakata uta nepfumo; vane utsinye uye havana ngoni. Vanonzwikwa somutinhiro wegungwa vakatasva mabhiza avo; vari kuuya savanhu vazvigadzirira kurwa hondo kuti vakurwise, iwe Mwanasikana weZioni.”

24 Takanzwa guhu ravo, uye maoko edu oshayiwa simba. Tabatwa nokurwadziwa, kurwadziwa kwakaita sokwomukadzi ari kusununguka.

25 Regai kuenda kumunda, kana kufamba mumigwagwa, nokuti muvengi ano munondo, uye kumativi ose kune zvinotyisa.

26 Haiwa, vanhu vangu, pfekai masaga mugoumburuka mumadota; chemai nokuchema kukuru kwazvo kunge munochemera mwanakomana mumwe chete, nokuti muparadzi achatiwira pakarepo.

27 “Ndakakuita muedzi wamatare navanhu vangu mhangura, kuti ucherechedze nokuedza nzira dzavo.

28 Vose vamukiri vakaoma mwoyo, vanongofamba-famba vachiita makuhwa. Ivo indarira nesimbi; vose vanoita zvakaora.

29 Mvuto inovhutira zvinotyisa kuti ipise mutobvu nomoto, asi kunatswa kunongova pasina; nokuti vakaipa havangabviswi.

30 Vanonzi sirivha yakarambwa, nokuti Jehovha akavaramba.”

Jeremia 7

Zvitendero zvenhema hazvina maturo

1 Iri ndiro shoko rakauya kuna Jeremia richibva kuna Jehovha:

2 “Mira pasuo reimba yaJehovha, uparidzepo shoko iri rokuti: “ ‘Inzwai shoko raJehovha imi mose vanhu veJudha vanopinda napamasuo aya kuzonamata Jehovha.

3 Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, Mwari waIsraeri: Shandurai nzira dzenyu namaitiro enyu, ndigokugarisai munzvimbo ino.

4 Musavimba namashoko anonyengedza muchiti, “Iyi ndiyo temberi yaJehovha, temberi yaJehovha, temberi yaJehovha!”

5 Kana mukashandura chaizvoizvo nzira dzenyu namaitiro enyu mukaitirana zvakarurama,

6 kana mukasamanikidza vatorwa, nenherera kana chirikadzi uye mukasateura ropa risina mhosva panzvimbo ino, uye kana mukasatevera vamwe vamwari muchizvipinza munjodzi,

7 ipapo ndichakugarisai munzvimbo ino, munyika yandakapa madzitateguru enyu nokusingaperi-peri.

8 Asi tarirai, munovimba namashoko okunyengera asina maturo.

9 “Mungaba nokuuraya, nokuita upombwe nokupika nhema, muchipisira zvinonhuwira kuna Bhaari nokutevera vamwe vamwari vamusina kumboziva,

10 ndokuzouya zvino momira pamberi pangu muimba ino, iyo ine Zita rangu, muchiti, “Takasungunurwa,” makasunungurwa kuti muite izvi zvose zvinonyangadza here?

11 Ko, imba ino, inodanwa neZita rangu, yava bako ramakororo here? Asika, ndanga ndichizviona! ndizvo zvinotaura Jehovha.

12 “ ‘Chiendai zvino kunzvimbo iri muShiro pandakagarisa Zita rangu pakutanga mugoona zvandakuitirai nokuda kwezvakaipa zvavanhu vangu Israeri.

13 Pamakanga muchiita zvinhu zvose izvi, ndizvo zvinotaura Jehovha, ndakataura nemi ndataurazve asi hamuna kuteerera; ndakakudanai asi hamuna kupindura.

14 Naizvozvo, zvandakaitira Shiro ndizvo zvandichaita iye zvino kuimba inodanwa neZita rangu, iyo temberi yamunovimba nayo, nzvimbo yandakakupai imi namadzibaba enyu.

15 Ndichakubvisai pamberi pangu sezvandakaita kuhama dzenyu dzose, ivo vanhu vaEfuremu.’

16 “Naizvozvo iwe chirega kunyengeterera vanhu ava kana kupa chikumbiro chipi zvacho kana kuvareverera; usavakumbirira kwandiri, nokuti handingakunzwi.

17 Hauoni here zvavari kuita mumaguta eJudha nomumigwagwa yeJerusarema?

18 Vana vanounganidza huni, madzibaba ndokubatidza moto, uye madzimai anokanya furawu ndokuitira Mambokadzi woKudenga makeke echingwa.

19 Asi ndini here wavanotsamwisa? ndizvo zvinotaura Jehovha. Ko, hakuzi kuzvikuvadza pachavo here kuti vanyadziswe?

20 “Naizvozvo Ishe Jehovha anoti: Kutsamwa kwangu nehasha dzangu zvichadururirwa pamusoro penzvimbo iyi, pamusoro pavanhu nezvipfuo, napamusoro pemiti yesango napamusoro pezvibereko zvevhu, uye zvichatsva zvikasadzimwa.

21 “ ‘Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, Mwari weIsraeri: Endererai mberi, wedzerai zvipiriso zvenyu zvinopiswa pamusoro pezvimwe zvibayiro mugodya nyama yacho pachenyu!

22 Nokuti pandakabudisa madzitateguru enyu kubva muIjipiti ndikataura navo, handina kungovapa mirayiro pamusoro pezvipiriso zvinopiswa nezvibayiro,

23 asi ndakavapa murayiro uyu wokuti nditeererei, uye ndichava Mwari wenyu nemi muchava vanhu vangu. Mufambe munzira dzose dzandakakurayirai, kuti zvigova zvakanaka kwamuri.

24 Asi havana kuteerera kana kurereka nzeve dzavo; asi vakatevera kutsauka kwoukukutu hwemwoyo yavo yakaipa. Vakadzokera shure vakasaenda mberi.

25 Kubvira panguva yakabuda madzitateguru enyu muIjipiti kusvikira zvino, zuva nezuva, ndakatuma varanda vangu vaprofita ndavatumazve.

26 Asi havana kunditeerera kana kuita hanya. Vaiva nemitsipa mikukutu uye vakaita zvakaipa kupfuura madzitateguru avo.’

27 “Pauchavataurira zvose izvi, havasi kuzokuteerera; pauchavadana, havasi kuzokupindura.

28 Naizvozvo iwe uti kwavari, ‘Urwu ndirwo rudzi rusina kuteerera Jehovha Mwari warwo kana kubvuma kurayirwa. Chokwadi chakaparara, hachisisipo pamiromo yavo.

29 Veurai bvudzi renyu mugorirasira kure; chemai muri pazvikomo zvisina miti, nokuti Jehovha akaramba uye akasiya rudzi urwu rwaakatsamwira.

Mupata woKuurayiwa kwaVanhu

30 “ ‘Vanhu veJudha vakaita zvakaipa pamberi pangu, ndizvo zvinotaura Jehovha. Vakamisa zvifananidzo zvavo zvinonyangadza mumba yakapiwa Zita rangu vakaisvibisa.

31 Vakavaka nzvimbo dzakakwirira dzeTofeti muMupata waBheni Hinomi kuti vapise vanakomana navasikana vavo mumoto, chinhu chandisina kuvarayira, chisina kumbopinda mupfungwa dzangu.

32 Saka chenjerai, mazuva anouya, ndizvo zvinotaura Jehovha, apo vanhu vasingazopadaidzi kuti Tofeti kana Mupata waBheni Hinomi, asi Mupata woKuurayiwa kwaVanhu, nokuti vachaviga vakafa muTofeti kusvikira pasisina nzvimbo.

33 Ipapo mitumbi yavanhu ava ichava zvokudya zveshiri dzedenga nemhuka dzenyika, uye hapazovi nomunhu angazvivhundutsira kuti zvibve.

34 Ndichaita kuti inzwi rokupembera nomufaro uye namanzwi avamwenga nechikomba mumaguta eJudha nomumigwagwa yeJerusarema zvigume nokuti nyika ichava dongo.

Jeremia 8

1 “ ‘Panguva iyoyo, ndizvo zvinotaura Jehovha, mapfupa amadzimambo namachinda eJudha, namapfupa avaprista navaprofita, uye mapfupa avanhu veJerusarema, achabviswa kubva mumakuva avo.

2 Achava pamhene agorohwa pazuva uye achavhenekwa nomwedzi nenyeredzi dzose dzedenga, zvavakada vakazvishumira vakazvitevera uye vakabvunza kwazviri, uye vakazvinamata. Haangaunganidzwi kana kuvigwa, asi achafanana nomupfudze uri panyika.

3 Kwose zvako kwandichavadzingira, vakasara vose vorudzi urwu rwakaipa, vachademba rufu pachinzvimbo choupenyu, ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose.’

Chivi noKurangwa

4 “Uti kwavari, ‘Zvanzi naJehovha: Vanhu pavanowira pasi, havamukizve here? Munhu akange ambotsauka, haadzokizve here?

5 Zvino nemhaka yei ava vadzokera shure? Nemhaka yei Jerusarema richingogara richitsauka? Vanobatirira pakunyengera, vanoramba kudzoka.

6 Ndakanyatsoteereresa, asi ivo havambotauri zvakarurama. Hakuna anotendeuka pane zvakaipa zvake achiti, “Ndaiteiko?” Mumwe nomumwe anongoteedza nzira yake sebhiza rinomhanyira kurwa hondo.

7 Kunyange shohori riri mudenga rinoziva nguva dzaro dzakatarwa, uye njiva, nenyenganyenga nekondo zvinocherechedza nguva yazvo yokutama. Asi vanhu vangu havazivi zvinodikanwa naJehovha.

8 “ ‘Munoreva seiko muchiti, “Takachenjera, nokuti tino murayiro waJehovha,” asi zvirokwazvo chinyoreso chenhema chavanyori chakanyora nhema?

9 Vakachenjera vachanyadziswa, vachavhunduka uye vachabatwa. Sezvo vakaramba shoko raJehovha, kuchenjera kwavanako kwakadiniko?

10 Naizvozvo ndichapa vakadzi vavo kuna vamwe varume, neminda yavo kuvaridzi vatsva. Kubva kumuduku kusvikira kumukuru vose vanokarira pfuma; vaprofita navaprista saizvozvo, vose vanoita nokunyengera.

11 Vanosunga vanga ravanhu vangu sokunge duku duku. Vanoti, “Rugare, rugare,” ipo pasina rugare.

12 Ko, vanonyadziswa netsika dzavo dzinonyangadza here? Kwete, havana kana nyadzi zvachose havambozivi kuti zvinonyadzisa sei. Saka vachawa pakati pavakawa; vachaderedzwa pavacharangwa, ndizvo zvinotaura Jehovha.

13 “ ‘Ndichavatorera zvavakakohwa, ndizvo zvinotaura Jehovha Hapangazovi namazambiringa pamuzambiringa. Hakungazovi namaonde pamuti womuonde, uye mashizha azvo achaoma. Zvandakavapa vachazvitorerwa.’ ”

14 “Ko, takagarireiko pano? Unganai pamwe chete! Ngatitizirei kumaguta akakomberedzwa tindofira ikoko! Nokuti Jehovha Mwari wedu atitongera kufa, nokuti akatipa mvura ino muchetura kuti tinwe, nokuti takamutadzira.

15 Takanga takatarisira rugare asi hakuna chakanaka chakauya, takatarisira kuporeswa asi paingova nokuvhundutswa.

16 Kufemedzeka kwamabhiza omuvengi kunonzwika kuchibva kuDhani; panorira makono awo nyika yose inodedera. Auya kuzoparadza nyika nezvose zviri mairi, guta navose vanogara imomo.”

17 “Tarirai ndichatumira nyoka dzino uturu pakati penyu, mvumbi dzicharamba kuimbirwa, uye dzichakurumai,” ndizvo zvinotaura Jehovha.

18 Haiwa, Munyaradzi wangu, pakuchema kwangu, mwoyo wangu woziya mukati mangu.

19 Inzwai kuchema kwavanhu vangu kunobva kunyika iri kure kure: “Ko, Jehovha haazi muZioni here? Mambo waro haachimo here?” “Vakanditsamwisireiko nezvifananidzo zvavo, nezvifananidzo zvavo zvavatorwa zvisingabatsiri?”

20 “Kucheka kwapfuura, zhizha rapera, asi tigere kuponeswa.”

21 Sezvo vanhu vangu vapwanyiwa, neniwo ndapwanyiwa; ndiri kuchema, uye ndiri kutya zvikuru.

22 Ko, muGireadhi hamuna muti webharisamu here? Hakuna murapi ikoko here? Seiko zvino ronda ravanhu vangu risina kurapwa?