Mapisarema 30

Pisarema. Rwiyo rwokukumikidza temberi. Pisarema raDhavhidhi.

1 Ndichakukudzai imi Jehovha, nokuti makandisimudza kubva pakadzika, uye hamuna kutendera vavengi vangu kuti vafare pamusoro pangu.

2 Haiwa Jehovha Mwari wangu, ndakachemera rubatsiro kwamuri uye mukandiporesa.

3 Haiwa Jehovha, makandibudisa muguva; mukandirwira kuti ndirege kupinda mugomba.

4 Imbirai Jehovha imi vatsvene vake; rumbidza zita rake dzvene.

5 Nokuti kutsamwa kwake ndokwenguva duku, asi nyasha dzake ndedzoupenyu hwose; kuchema kungangovapo usiku. Asi mufaro unouya mangwanani.

6 Pandakanzwa kugadzikana, ndakati, “Handingatongozungunuswi.”

7 Haiwa Jehovha, pamakandinzwira tsitsi, makaita kuti gomo rangu rimire rakasimba; asi pamakavanza chiso chenyu, ini ndakavhunduka.

8 Ndakadana kwamuri, imi Jehovha; ndakachemera nyasha kuna Jehovha ndichiti,

9 “Chiiko chinowanikwa pakuparadzwa kwangu, napakupinda kwangu mugomba? Ko, guruva richakurumbidzai here? Richaparidza kutendeka kwenyu here?

10 Inzwai, imi Jehovha, mundinzwire ngoni; imi Jehovha, ivai mubatsiri wangu.”

11 Imi makashandura kuungudza kwangu kukava kutamba; makabvisa nguo dzangu dzamasaga mukandishongedza nomufaro,

12 kuti mwoyo wangu ukuimbirei ugorega kunyarara. Haiwa Jehovha Mwari wangu, ndichakuvongai nokusingaperi.

Mapisarema 31

Kumutungamiri wokuimba. Pisarema raDhavhidhi.

1 Ndinovanda mamuri, imi Jehovha; itai kuti ndisatombonyadziswa; ndirwirei mukururama kwenyu.

2 Rerekerai nzeve yenyu kwandiri, kurumidzai kundinunura; ivai dombo rangu rokuvanda, nhare yakasimba inondiponesa.

3 Sezvo murimi dombo rangu nenhare yangu, nditungamirirei uye mundisesedze nokuda kwezita renyu.

4 Ndisunungurei pamusungo wandakadzikirwa, nokuti imi muri utiziro hwangu.

5 Ndinoisa mweya wangu mumaoko enyu; ndidzikinurei, imi Jehovha, Mwari wechokwadi.

6 Ndinovenga vanonamatira kuzvifananidzo zvisina maturo; ndinovimba naJehovha.

7 Ndichafara nokufarisisa murudo rwenyu, nokuti makaona kutambudzika kwangu mukaziva kurwadziwa kwomwoyo wangu.

8 Hamuna kundiisa kumuvengi, asi makamisa tsoka dzangu panzvimbo yakafarikana.

9 Haiwa Jehovha, ndinzwirei ngoni nokuti ndine nhamo; meso angu aneta nokuchema, mwoyo wangu nomuviri wangu zvarwadziwa.

10 Upenyu hwangu hwopera nokurwadziwa, uye namakore angu nokugomera; simba rangu rapera nokuda kwokutambudzika kwangu, uye mapfupa angu arukutika.

11 Nokuda kwavavengi vangu, ndava chinhu chinovengwa navavakidzani vangu; ndava chinhu chinotyisa kushamwari dzangu; vanondiona munzira dzomumisha vanonditiza.

12 Ndakanganwikwa navo sendakafa; ndafanana nehari yakaputsika,

13 nokuti ndinonzwa guhwa ravazhinji; kumativi ose kune zvinotyisa; vanorangana pamusoro pangu uye vanoronga kundiuraya.

14 Asi ndinovimba nemi, imi Jehovha; ndinoti, “Ndimi Mwari wangu.”

15 Nguva dzangu dziri mumaoko enyu; ndirwirei kuvavengi vangu nokuna avo vanonditeverera.

16 Chiso chenyu ngachipenye pamusoro pomuranda wenyu; ndiponesei norudo rwenyu rusingaperi.

17 Haiwa Jehovha, itai kuti ndisanyadziswa, nokuti ndakadana kwamuri; asi vakaipa ngavanyadziswe uye vavate vakati mwiro muguva.

18 Miromo yavo inoreva nhema ngainyaradzwe, nokuti vanotaura namanyawi nokuzvikudza pamusoro pavakarurama.

19 Haiwa, kunaka kwenyu kukuru sei, kwamakachengetera vaya vanokutyai, kwamunoisa pamberi pavanhu, pamusoro paivo vanovanda mamuri.

20 Mudumba pamberi penyu munovavanza kubva parangano dzavanhu; munovachengeta zvakanaka pamunogara kubva pandimi dzinopomera.

21 Jehovha ngaarumbidzwe, nokuti akaratidza rudo rwake runoshamisa kwandiri pandakanga ndiri muguta rakakombwa.

22 Mukuvhunduka kwangu, ndakati, “Ndabviswa pamberi penyu!” Asi makanzwa kuchemera nyasha kwangu pandakadanidzira kwamuri ndichida rubatsiro.

23 Idai Jehovha, imi vatsvene mose! Jehovha anochengetedza vakatendeka, asi anotsiva zvizere vanozvikudza.

24 Simbai uye mutsunge mwoyo, imi mose munorindira Jehovha.

Mapisarema 32

Pisarema raDhavhidhi neMasikiri.

1 Akaropafadzwa uyo akakanganwirwa kudarika kwake, akafukidzirwa zvivi zvake.

2 Akaropafadzwa munhu asingaverengerwi zvivi zvake naJehovha, uye asina kunyengera mumwoyo make.

3 Pandakanyarara, mapfupa angu akarukutika nokuda kwokugomera kwangu zuva rose.

4 Nokuti masikati nousiku ruoko rwenyu rwakanga ruchirema pamusoro pangu; simba rangu rakasvetwa sezvinoita kupisa kwechirimo.Sera

5 Ipapo ndakazivisa chivi changu kwamuri uye handina kuvanza chakaipa changu. Ndakati, “Ndichareurura kudarika kwangu kuna Jehovha,” uye makandiregerera mhosva yechivi changu.Sera

6 Naizvozvo vose vanoda Mwari ngavanyengetere kwamuri muchiri kuwanikwa; zvirokwazvo mvura zhinji ine simba painokwira, haingasviki kwaari.

7 Ndimi nzvimbo yangu yokuvanda; muchandidzivirira panhamo uye muchandipoteredza nenziyo dzorusununguko.Sera

8 Ndichakurairidza uye ndichakudzidzisa nzira yaunofanira kufamba nayo; ndichakupa zano uye ndichakurinda.

9 Rega kuva sebhiza kana sehesera, zvisinganzwisisi asi zvinofanira kupingudzwa nomukaro kana namatomu, kana kuti hazvingauyi kwauri.

10 Wakaipa ana matambudziko mazhinji, asi rudo rusingaperi rwaJehovha runopoteredza munhu anovimba naye.

11 Farai muna Jehovha uye mufarisise, imi vakarurama; imbai, imi mose makarurama pamwoyo!

Mapisarema 33

1 Imbirai Jehovha, mufarisise, imi vakarurama; zvakanaka kuti vakarurama vamurumbidze.

2 Rumbidzai Jehovha nembira; muimbirei nziyo nomutengeranwa une hungiso gumi.

3 Muimbirei rwiyo rutsva; muridze zvakanaka, mugopururudza nomufaro.

4 Nokuti shoko raJehovha rakarurama uye nderechokwadi; iye akatendeka pane zvose zvaanoita.

5 Jehovha anoda kururama nokururamisira; nyika izere norudo rwake rusingaperi.

6 Kudenga denga kwakaitwa neshoko raJehovha, hondo dzenyeredzi dzoko, nokufema kwomuromo wake.

7 Anounganidza mvura zhinji yegungwa muzvirongo; anoisa kwakadzika mumatura.

8 Nyika yose ngaitye Jehovha; marudzi ose enyika ngaamuremekedze.

9 Nokuti iye akataura, zvikaitika; akarayira, zvikamira zvakasimba.

10 Jehovha anokonesa urongwa hwendudzi; anopinganidza mifungo yendudzi.

11 Asi urongwa hwaJehovha hunomira hwakasimba nokusingaperi, nendangariro dzomwoyo wake kusvikira kumarudzi namarudzi.

12 Rwakaropafadzwa rudzi rwakaita Jehovha Mwari warwo, vanhu vaakasarudza kuti vave nhaka yake.

13 Jehovha anotarira pasi ari kudenga uye anoona marudzi ose avanhu;

14 ari pachigaro chake anotarira vose vagere panyika,

15 iye akaumba mwoyo yavose, anofungisisa zvose zvavanoita.

16 Hapana mambo anoponeswa nokukura kwehondo yake; hapana murwi anopunyuka nokuda kwesimba rake guru.

17 Bhiza itariro isina maturo pakurwirwa; harigoni kuponesa kunyange rine simba guru.

18 Asi meso aJehovha ari pamusoro paavo vanomutya, napamusoro paavo vakaisa tariro yavo murudo rwake rusingaperi,

19 kuti avarwire parufu nokuvararamisa panzara.

20 Tinomirira Jehovha netariro; ndiye mubatsiri wedu nenhoo yedu.

21 Mwoyo yedu inofara maari, nokuti tinovimba nezita rake dzvene.

22 Rudo rwenyu rusingaperi ngarugare pamusoro pedu, imi Jehovha, kunyange sezvatakaisa tariro yedu mamuri.

Mapisarema 34

Pisarema raDhavhidhi. Paakaita seanopenga pamberi paAbhimereki; uyo akamudzinga, iye akaenda hake.

1 Ndinorumbidza Jehovha nguva dzose; kurumbidzwa kwake kucharamba kuri pamiromo yangu.

2 Mwoyo wangu uchazvirumbidza muna Jehovha; vanotambudzika ngavanzwe vafare.

3 Kudzai Jehovha pamwe chete neni; ngatikudzei zita rake pamwe chete.

4 Ndakachema kuna Jehovha akandipindura; akandisunungura pakutya kwangu kwose.

5 Vanotarira kwaari vanopenya; zviso zvavo hazvingambofukidzwi nenyadzi.

6 Murombo uyu akadana, uye Jehovha akamunzwa; akamuponesa pakutambudzika kwake kwose.

7 Mutumwa waJehovha anokomberedza avo vanomutya, uye anovasunungura.

8 Ravirai henyu muone kuti Jehovha akanaka; akaropafadzwa munhu anovanda maari.

9 Ityai Jehovha, imi vatsvene vake, nokuti vanomutya havana chavanoshayiwa.

10 Shumba dzinopera simba uye dzinofa nenzara, asi avo vanotsvaka Jehovha havashayiwi chinhu chakanaka.

11 Uyai, vana vangu, nditeererei; ndichakudzidzisai kutya Jehovha.

12 Ani naani wenyu anoda upenyu, uye uchida kuona mazuva akawanda,

13 dzora rurimi rwako pane zvakaipa nemiromo yako pakureva nhema.

14 Ibva pane zvakaipa ugoita zvakanaka; tsvaka rugare uye urutevere.

15 Meso aJehovha ari pamusoro pavakarurama uye nzeve dzake dzinonzwa kuchema kwavo;

16 chiso chaJehovha chinovenga avo vanoita zvakaipa, kuti abvise chiyeuchidzo chavo panyika.

17 Vakarurama vanodanidzira, uye Jehovha anovanzwa; anovarwira pakutambudzika kwavo kwose.

18 Jehovha ari pedyo navane mwoyo yakaputsika uye anoponesa avo vakapwanyika pamweya.

19 Akarurama angava namatambudziko mazhinji, asi Jehovha anomurwira paari ose;

20 anochengetedza mapfupa ake ose, hakuna nerimwe rawo richavhunika.

21 Zvakaipa zvichauraya vakaipa; vavengi vavakarurama vachapiwa mhosva.

22 Jehovha anodzikinura varanda vake; hapana kana mumwe anovanda maari achapiwa mhosva.

Mapisarema 35

Pisarema raDhavhidhi.

1 Haiwa Jehovha, kakavadzanai navanokakavadzana neni; rwisai avo vanondirwisa.

2 Torai nhoo huru neduku; simukai, uye uyai mundibatsire.

3 Vheyesai pfumo guru nepfumo diki murwise avo vanonditevera. Muti kumweya wangu, “Ndini ruponeso rwako.”

4 Vanotsvaka kundiuraya ngavazvidzwe uye vanyadziswe; vanorangana kuparadzwa kwangu ngavadzoserwe shure vachitya.

5 Ngavaite sehundi pamberi pemhepo, mutumwa waJehovha achivasundira kure;

6 nzira yavo ngaisvibe uye itsvedze, mutumwa waJehovha achivateverera.

7 Sezvo vakandivanzira mimbure yavo ndisina mhosva, uye vakandicherera gomba ndisina mhosva,

8 kuparadzwa ngakuvawire pakarepo, mumbure wavakavanza ngauvapinge ivo, ngavawire mugomba ravo vaparare.

9 Ipapo mweya wangu uchafara muna Jehovha, uye uchafarira ruponeso rwake.

10 Zvandiri zvose zvichadanidzira zvichiti: “Ndianiko akaita semi, Jehovha? Munonunura varombo kubva kuna avo vane simba kupinda ravo.”

11 Zvapupu zvino utsinye zvinouya mberi; zvinondibvunza pamusoro pezvinhu zvandisingazivi.

12 Vanotsiva zvakanaka zvangu nezvakaipa, uye vanosiya mweya wangu uchidzungaira.

13 Asi pavairwara, ndakafuka nguo dzamasaga ndikazvininipisa nokutsanya. Munyengetero wangu pawakadzokera kwandiri usina mhinduro,

14 ndakafamba-famba ndichichema kunge ndinochemera shamwari yangu kana hama yangu. Ndakakotamisa musoro wangu ndichichema, sokunge ndinochema mai vangu.

15 Asi pandakagumburwa, vakaungana vachifara; varwi vakaungana kuzondirwisa ndisingazivi. Vakandireva vasingaregi.

16 Savanhu vasina Mwari vakandiseka muruvengo rwavo; vakandirumanyira meno avo.

17 Haiwa Jehovha, muchasvika riniko makangotarira? nunurai upenyu hwangu kubva pakuparadza kwavo, noupenyu hwangu hunokosha kubva pashumba idzi.

18 Ndichakuvongai paungano huru; ndichakurumbidzai pakati pavanhu vazhinji.

19 Ngavarege kufara pamusoro pangu avo vanondivenga ndisina mhosva; vanondivenga ndisina mhosva ngavarege kuchonyerana meso avo mukundivenga.

20 Havatauri norugare, asi vanofunga kupomera mhosva pamusoro pavanogara norunyararo munyika.

21 Vanondishamira miromo yavo vachiti, “Hekani waro! Hekani waro! Tazviona nameso edu.”

22 Haiwa Jehovha, mazviona izvi; regai kunyarara. Regai kuva kure neni, imi Ishe.

23 Mukai uye simukai mundirwire! Ndirwirei, Mwari wangu naIshe wangu.

24 Ndiruramisirei mukururama kwenyu, imi Jehovha Mwari wangu; musarega vachifara pamusoro pangu.

25 Musarega vachifunga mumwoyo mavo vachiti, “Hekani waro ndizvo zvatanga tichida!” kana kuti vati, “Tamumedza chose.”

26 Vose vanofarira kutambudzika kwangu ngavanyadziswe uye vanyonganiswe; vose vanozvisimudzira pamusoro pangu ngavafukidzwe nenyadzi nokuzvidzwa.

27 Vose vanofarira kururamisirwa kwangu ngavapembere nomufaro nokufarisisa; ngavarambe vachiti, “Jehovha ngaakudzwe, iye anofarira kugara zvakanaka kwavaranda vake.”

28 Rurimi rwangu ruchataura zvokururama kwenyu, uye nezvokurumbidzwa kwenyu zuva rose.

Mapisarema 36

Kumutungamiri wokuimba. Pisarema raDhavhidhi muranda waJehovha.

1 Shoko riri mumwoyo mangu pamusoro pokutadza kwavakaipa rinoti: Hakuna kutya Mwari pamberi pake.

2 Pamaonero ake anozvirumbidza, nokuti anozvibata kumeso kwazvo pakuona kwake, zvokuti anotadza kuona kana kuvenga chivi chake.

3 Mashoko omuromo wake akaipa uye anonyengera; haachisiri munhu akachenjera kana anoita zvakanaka.

4 Kunyange panhoo yake anofunga zvakaipa; anozvifambisa panzira yezvakaipa uye haarambi chakaipa.

5 Rudo rwenyu, imi Jehovha, runosvika kudenga denga, kutendeka kwenyu kunosvika kumakore.

6 Kururama kwenyu kwakaita segomo guru guru, kururamisira kwenyu sepakadzika dzika. Haiwa Jehovha, imi munochengetedza zvose munhu nemhuka.

7 Haiwa rudo rwenyu rusingatongoperi runokosha sei! Vose vakuru navaduku pakati pavanhu vanovanda mumumvuri wamapapiro enyu.

8 Vanogutswa nezvakawanda zvomumba menyu; munovanwisa kubva parwizi rwenyu runofadza.

9 Nokuti kwamuri ndiko kune chitubu choupenyu; muchiedza chenyu tinoona chiedza.

10 Rambai muchiitira rudo kuna avo vanokuzivai, uye kururama kwenyu kuna vane mwoyo yakarurama.

11 Rutsoka rwounozvikudza ngarurege kusvika kwandiri, kunyange ruoko rwowakaipa ngarurege kundidzingira kure.

12 Tarirai vaiti vezvakaipa kuti vawa sei, vakandwa pasi, havagoni kumuka.

Mapisarema 37

Pisarema raDhavhidhi.

1 Usava neshungu nokuda kwavanhu vakaipa, uye usaitira godo avo vanoita zvakaipa;

2 nokuti souswa vachaoma nokukurumidza, somuriwo wakasvibira vachakurumidza kuoma.

3 Vimba naJehovha uite zvakanaka; gara panyika ufarikane pamafuro manyoro.

4 Farikana muna Jehovha, uye iye achakupa zvinodikanwa nomwoyo wako.

5 Isa nzira yako kuna Jehovha; uvimbe naye uye iye achaita izvi;

6 achaita kuti kururama kwako kupenye samambakwedza, nokururamisirwa kwako sezuva ramasikati.

7 Nyarara pamberi paJehovha, umurindire unyerere; usava neshungu kana vanhu vachibudirira panzira dzavo, pavanoita mano avo akaipa avakaronga.

8 Rega kutsamwa, uzvidzore pahasha; usava neshungu zvinokutungamirira mune zvakaipa.

9 Nokuti vasakarurama vachagurwa, asi avo vanomirira Jehovha vachagara nhaka yenyika.

10 Chinguva chidukuduku, vakaipa havachazovapozve; kunyange ukavatsvaka, havazowanikwi.

11 Asi vanyoro vachagara nhaka yenyika, uye vachafarikana norugare rukuru.

12 Vakaipa vanofungira vakarurama mano akaipa, uye vanovarumanyira meno avo.

13 Asi Ishe anoseka vakaipa nokuti anoziva kuti zuva ravo riri kuuya.

14 Vakaipa vanovhomora munondo uye vanowembura uta kuti vawisire pasi varombo navanoshayiwa, kuti vauraye avo vane nzira dzakarurama.

15 Asi minondo yavo ichabaya mwoyo yavo pachavo, uye uta hwavo huchavhunika.

16 Zvishoma zvowakarurama zviri nani kupinda pfuma yavakaipa vazhinji;

17 nokuti simba ravakaipa richavhuniwa, asi Jehovha anotsigira vakarurama.

18 Mazuva avakarurama anozivikanwa naJehovha, uye nhaka yavo ichagara nokusingaperi.

19 Panguva yenjodzi, havanganyadziswi; mumazuva enzara ivo vachava nezvakawanda.

20 Asi vakaipa vachaparara: vavengi vaJehovha vachafanana norunako rweminda, vachanyangarika soutsi.

21 Vakaipa vanokwereta uye havadzori, asi vakarurama vanopa zvakawanda;

22 avo vanoropafadzwa naJehovha vachagara nhaka yenyika, asi avo vanotuka vachaparadzwa.

23 Kana Jehovha achifarira nzira yomunhu, anosimbisa mafambiro ake;

24 kunyange akagumburwa, haangawi, nokuti Jehovha anomutsigira noruoko rwake.

25 Ndakanga ndiri muduku uye zvino ndakwegura, asi handina kumboona vakarurama vachisiyiwa, kana vana vavo vachipemha chingwa.

26 Vanogara vachingopa vamwe, uye vachikweretesa pasina muripo; vana vavo vacharopafadzwa.

27 Dzoka pane zvakaipa ugoita zvakanaka; ipapo uchagara panyika nokusingaperi.

28 Nokuti Jehovha anoda vanoruramisira uye haangazosiyi vanhu vake vakatendeka. Vachadzivirirwa nokusingaperi; asi vana vowakaipa vachaparadzwa;

29 vakarurama vachagara nhaka yenyika uye vachagara mairi nokusingaperi.

30 Muromo womunhu akarurama unotaura uchenjeri, uye rurimi rwake runotaura kururamisira.

31 Murayiro waMwari wake uri pamwoyo wake; tsoka dzake hadzitedzemuki.

32 Vakaipa vanovandira vakarurama, vachitsvaka upenyu hwavo chaihwo;

33 asi Jehovha haangavasiyi vari musimba ravo, kana kuvarega vachipomerwa kana vamira pakutongwa.

34 Rindira Jehovha, uye uchengete nzira yake. Achakusimudzira kuti ugare nhaka yenyika; kana vakaipa voparadzwa, iwe uchazviona.

35 Ndakaona munhu akaipa uye ano utsinye achibudirira somuti munyoro pavhu romunyika yawo,

36 asi nokukurumidza akapfuura uye akasazovapozve; kunyange ndakamutsvaka, haana kuzowanikwa.

37 Cherechedza asina mhosva, ongorora akarurama; ane ramangwana rakanaka munhu worugare.

38 Asi vatadzi vose vachaparadzwa; ramangwana rowakaipa richagurwa.

39 Ruponeso rwavakarurama runobva kuna Jehovha; ndiye nhare yavo panguva yamatambudziko.

40 Jehovha anovabatsira uye anovanunura; anovanunura kubva kuna vakaipa uye anovaponesa, nokuti vanovanda maari.

Mapisarema 38

Pisarema raDhavhidhi. Chikumbiro.

1 Haiwa Jehovha, musandirayira mukutsamwa kwenyu kana kundiranga muhasha dzenyu.

2 Nokuti miseve yenyu yandibaya, uye ruoko rwenyu rwawira pamusoro pangu.

3 Mumuviri mangu hamuchina utano nokuda kwehasha dzenyu; mapfupa angu apera simba nokuda kwechivi changu.

4 Mhosva yangu yandiremera somutoro unorema kwazvo kuutakura.

5 Maronda angu aora uye anosemesa nokuda kwoupenzi hwokutadza kwangu.

6 Ndakotamiswa uye ndaderedzwa kwazvo; ndinofamba ndichichema zuva rose.

7 Musana wangu wazara nokupisa kunorwadza; muviri wangu hauchina utano.

8 Ndarukutika uye ndapwanyika chose; ndiri kugomera nokurwadza kwomwoyo.

9 Haiwa Ishe, zvose zvandinoshuva zviri pachena pamberi penyu, kugomera kwangu hakuna kuvanzika kwamuri.

10 Hana yangu inorova, simba rangu rapera; kunyange nechiedza chabva pameso angu.

11 Shamwari dzangu navafambidzani vondinzvenga nokuda kwamaronda angu; vavakidzani vangu vanogara kure neni.

12 Avo vanotsvaka kundiuraya vanonditeya nemisungo yavo, avo vanoda kundikuvadza vanotaura nezvokuparadzwa kwangu; zuva rose vanorangana zvounyengeri.

13 Ini ndafanana nematsi, isinganzwi, sembeveve, isingagoni kushamisa muromo wayo;

14 ndava somunhu asinganzwi, ano muromo usingapinduri.

15 Haiwa Jehovha, ndakakumirirai; muchapindura, imi Ishe Mwari wangu.

16 Nokuti ndakati, “Musavarega vachifarira kutambudzika kwangu kana kuzvisimudzira pamusoro pangu, rutsoka rwangu parunotedzemuka.”

17 Nokuti ndava pedyo nokuwa, uye kurwadziwa kwangu kunogara neni.

18 Ndinoreurura chivi changu; chivi changu chinonditambudza.

19 Vavengi vangu vane simba vazhinji; vanondivenga ndisina mhosva vakawanda.

20 Ivavo vanotsiva zvakanaka zvangu nezvakaipa, vanondireva pandinotevera zvakanaka.

21 Haiwa Jehovha, regai kundisiya; regai kuva kure neni, imi Mwari wangu.

22 Haiwa Ishe Muponesi wangu, kurumidzai kuuya kuzondibatsira.

Mapisarema 39

Kumutungamiri wokuimba kuna Jedhutuni. Pisarema raDhavhidhi.

1 Ndakati, “Ndichangwarira nzira dzangu nokuchengeta rurimi rwangu pachivi; ndichaisa matomu pamuromo wangu kana vakaipa vari pamberi pangu.”

2 Asi pandakanga ndinyerere uye ndakadzikama, ndisingatauri kana chakanaka zvacho, kurwadziwa kwangu kwakawedzerwa.

3 Mwoyo wangu wakapisa mukati mangu, uye pandakafungisisa, moto ukapisa; ipapo ndakataura norurimi rwangu ndikati:

4 “Ndiratidzei, imi Jehovha, magumo oupenyu hwangu nokuwanda kwamazuva angu; ndizivisei kupfuura kwoupenyu hwangu.

5 Makaita mazuva angu soupamhi hwechanza changu; kuwanda kwamakore angu kwakaita sechinhu chisipo pamberi penyu. Upenyu hwomunhu mumwe nomumwe mweya bedzi.

6 Munhu anongori mumvuri zvaanofamba-famba hake: anofamba nomufaro mukuru, asi zvinongova pasina; anounganidza pfuma, asingazivi achazoitora.

7 “Asi zvino, Ishe, ndakamirireiko? Tariro yangu iri mamuri.

8 Ndiponesei pakudarika kwangu kwose; regai kundiita chiseko chamapenzi.

9 Ndakanga ndinyerere; handina kushamisa muromo wangu, nokuti ndimi makaita izvi.

10 Bvisai shamhu yenyu kwandiri; ndakundwa nokurova kworuoko rwenyu.

11 Munorayira uye munoranga vanhu nokuda kwezvivi zvavo, munoparadza pfuma yavo sechipfukuto, munhu mumwe nomumwe mweya zvawo.Sera

12 “Inzwai munyengetero wangu, imi Jehovha, rerekerai nzeve yenyu pandinochemera rubatsiro; regai kuva matsi pakuchema kwangu. Nokuti ndigere nemi somutorwa, somweni, sezvakanga zvakaita madzibaba angu ose.

13 Ringirai kure neni, kuti ndimbofarazve ndisati ndabva uye ndisisipo.”