Jobho 20

Zofari

1 Ipapo Zofari muNaamati akapindura akati:

2 “Ndangariro dzangu dzokutambudzika dzinondikurumidzisa kuti ndipindure nokuti ndakanganisika kwazvo.

3 Ndiri kunzwa kutsiura kunondizvidza, uye kunzwisisa kwangu kunondikurudzira kuti ndipindure.

4 “Zvirokwazvo unoziva zvazvakanga zvakaita kubva kare, kubvira pakaiswa munhu panyika,

5 kuti kufara kwavakaipa kupfupi, mufaro wavasina Mwari ndowenguva duku.

6 Kunyange kuzvikudza kwake kuchisvika kudenga, uye musoro wake uchindobata makore,

7 achaparara nokusingaperi, sendove yake pachake; vaya vakamuona vachati, ‘Aripiko?’

8 Anobhururuka sokurota, haachawanikwizve, adzingwa sechiratidzo chousiku.

9 Ziso rakamuona harichazomuonizve; nzvimbo yake haichazomutsvakizve.

10 Vana vake vanofanira kutsvaka nyasha kuvarombo; maoko ake chaiwo anofanira kudzorera pfuma yake.

11 Simba roujaya rakazadza mapfupa ake richaumburuka naye muguruva.

12 “Kunyange chakaipa chichitapira mumukanwa, uye achichiviga pasi porurimi rwake,

13 kunyange asingagoni kuchiregedza achichichengeta mumukanwa make,

14 asi chokudya chake chichashanduka chikavava mudumbu make; chichava uturu hwenyika mukati make.

15 Achapfira upfumi hwaakamedza; Mwari achaita kuti dumbu rake rizvirutse.

16 Achasveta uturu hwenyoka; rurimi rwemvumbi ruchamuuraya.

17 Haangafadzwi nehova, idzo nzizi dzinoyerera uchi noruomba.

18 Zvaakatamburira anofanira kuzvidzosazve zvisina kudyiwa; haangafadzwi nezvaakawana pakutengesa kwake.

19 Nokuti akamanikidza varombo akavasiya vava vachena; akatora dzimba dzaasina kuvaka.

20 “Zvirokwazvo haangamiri kubva pahavi yake; haangazviponesi nepfuma yake.

21 Hapana chaakasiyirwa kuti adye; upfumi hwake hahungagari nokusingaperi.

22 Pakati pezvakawanda zvake, nhamo ichamukunda; kuzara kwenjodzi kuchauya pamusoro pake.

23 Paanenge agutsa dumbu rake, Mwari achatuma kutsamwa kwake kunopisa pamusoro pake, uye achanayisa kurova kwake pamusoro pake.

24 Kunyange akatiza chombo chesimbi, museve unopinza wendarira unomubaya.

25 Anoutumbura kubva kumusana kwake, muromo wawo unovaima uchibva pachiropa chake. Kutya kuzhinji kuchauya pamusoro pake;

26 rima guru richavandira pfuma yake. Moto usina kupfutidzwa uchamuparadza uye uchapedza zvakasara mutende rake.

27 Matenga achaisa pachena kuipa kwake; nyika ichamumukira.

28 Mafashamu achakukura imba yake, mvura zhinji inoerera pazuva rehasha dzaMwari.

29 Aya ndiwo magumo anogoverwa vakaipa naMwari, iyo nhaka yavakatemerwa naMwari.”

Jobho 21

Jobho

1 Ipapo Jobho akapindura akati:

2 “Teereresai mashoko angu; uku ngakuve kunyaradza kwamunondipa.

3 Ndiitirei mwoyo murefu ndichitaura hangu, uye kana ndapedza kutaura, murambe muchiseka henyu.

4 “Ko, kunyunyuta kwangu kwakanangana navanhu here? Ndingatadza seiko kuora mwoyo?

5 Nditarirei mushamiswe; mufumbire muromo wenyu noruoko.

6 Ndinotya, pandinofunga izvi; kudedera kunobata muviri wangu.

7 Nemhaka yeiko vakaipa vachirarama, vachikwegura uye vachiwedzerwa simba?

8 Vanoona vana vavo vachisimbiswa vari pavari, navazukuru vavo pamberi pavo.

9 Misha yavo igere zvakanaka uye haina chainotya; shamhu yaMwari haisi pamusoro pavo.

10 Hando dzavo hadzikonewi kubereka, mhou dzavo dzinobereka mhuru dzisingasvodzi.

11 Vanobudisa vana vavo seboka ramakwai; vapwere vavo vanopembera vachitamba.

12 Vanoimba vachiridzirwa tambureni nembira; vanofarira kurira kwenyere.

13 Vanopedza makore avo mukubudirira uye vanopinda muguva murugare.

14 Kunyange zvakadaro vanoti kuna Mwari, ‘Tisiyei takadaro! Hatina hanya nokuziva nzira dzenyu.

15 Wamasimba Ose ndianiko, kuti timushumire? Tinowaneiko kana tikamunamata?’

16 Asi kubudirira kwavo hakusi mumaoko avo, naizvozvo ndinomira kure nerangano yavakaipa.

17 “Kunyange zvakadaro, kanganiko kanodzimwa mwenje wavakaipa? Vanowirwa nenjodzi kanganiko?

18 Vanofanana namakoto anopepereswa nemhepo runganiko, sehundi inokukurwa nedutu?

19 Zvinonzi, “Mwari anochengetera vana vomunhu kutongwa.” Ngaamutsive iye amene, kuitira kuti agozviziva!

20 Meso ake pachake ngaaone kuparadzwa kwake; iye ngaanwe kutsamwa kwoWamasimba Ose.

21 Nokuti ane hanya yeiko nemhuri yaanosiya shure, mwedzi yaakagoverwa zvoyopera?

22 “Ko, pane munhu angagona kudzidzisa ruzivo kuna Mwari, sezvo iye achitonga kunyange vari pamusoro-soro here?

23 Mumwe munhu anofa achine simba rake rizere, akanyatsogadzikana

24 mapfupa ake azere nomwongo.

25 Mumwe munhu anofa ane shungu dzomwoyo, asina kumbonakidzwa nezvipi zvazvo zvakanaka.

26 Vanovata muguruva pamwe chete, uye honye dzinovafukidza vose.

27 “Ndinoziva chose zvamunofunga, iwo mano amunondikanganisa nawo.

28 Imi munoti, ‘Imba yomunhu mukuru iripiko zvino, iwo matende aigarwa navanhu vakaipa?’

29 Hauna kumbobvunza vafambi vaya here? Hauna kuva nehanya nokuzvidavirira kwavo here,

30 zvokuti munhu akaipa anodarikwa pazuva renjodzi, kuti anorwirwa pazuva rokutsamwa?

31 Ndianiko anotsoropodza mafambiro ake pachena? Ndianiko ano muripira pane zvaakaita?

32 Iye anotakurwa achiendeswa kuguva, uye rinda rake rinorindwa.

33 Ivhu romumupata rinotapira kwaari; vanhu vose vanomutevera, uye anotungamirirwa navazhinji vasingaverengeki.

34 “Saka mungandinyaradza sei nezvisina maturo? Hapana chasara pakupindura kwenyu asi nhema dzoga!”

Jobho 22

Erifazi

1 Ipapo Erifazi muTemani akapindura akati:

2 “Ko, munhu angabatsira Mwari here?

3 Wamasimba Ose angawana mufaro weiko dai iwe wakarurama? Aibatsirwa neiko dai nzira dzako dzaiva dzakarurama?

4 “Imhaka yokumutya kwako here zvaanokutsiura nokukupa mhosva?

5 Zvakaipa zvako hazvina kukura here? Handiti zvivi zvako hazviperi?

6 Wakakumbira rubatso kuhama dzako pasina; wakatorera vanhu nguo dzavo, uchivasiya vasina kupfeka.

7 Wakanyima mvura vasina simba uye wakanyima vane nzara zvokudya,

8 kunyange wakanga uri munhu ane simba, ane nyika yake, uri munhu anokudzwa, agere pairi.

9 Wakadzinga chirikadzi dzisina chinhu uye wakavhuna maoko enherera.

10 Ndokusaka misungo yakakukomberedza, sei kutambudzika pakarepo kuchivhundutsa,

11 sei kuine rima usingakwanisi kuona, uye sei mafashamu emvura achikufukidza.

12 “Ko, Mwari haazi kumusoro kwokudenga here? Uye anoona kukurira kwakaita nyeredzi dzokumusoro-soro!

13 Asi imi munoti, “Mwari anoziveiko? Ko, anotonga pakati perima rakadai here?

14 Makore matema anomufukidza, saka haationi sezvaanofamba-famba pakutenderera kwedenga.

15 Ko, iwe ucharambira munzira yakare iya yakatsikwa navanhu vakaipa here?

16 Ivo vakabvutwa nguva yavo isati yasvika, hwaro hwavo hwakakukurwa namafashamu.

17 Vakati kuna Mwari, ‘Tisiyei takadaro! Wamasimba Ose angaiteiko kwatiri?’

18 Asi ndiye akazadza dzimba dzavo nezvinhu zvakanaka, saka ndinomira kure namano avakaipa.

19 “Vakarurama vanoona kuparadzwa kwavo vagofara, vasina mhaka vanovaseka vachiti,

20 ‘Zvirokwazvo vadzivisi vedu vaparadzwa, uye moto unopedza pfuma yavo.’

21 “Zviise pasi paMwari ugova norugare naye, nenzira iyi kubudirira kuchasvika kwauri.

22 Gamuchira kurayira kunobva mumuromo make uye uise mashoko ake pamwoyo wako.

23 Kana ukadzokera kuna Wamasimba Ose, uchavandudzwa: Kana ukabvisa zvakaipa uchizviisa kure netende rako,

24 uye ukaisa goridhe rako paguruva, iro goridhe rako rokuOfiri kumatombo okunzizi,

25 ipapo Wamasimba Ose achava goridhe rako, iyo sirivha yako yakanyatsosanangurwa.

26 Zvirokwazvo ipapo uchawana mufaro muna Wamasimba Ose, uye uchasimudzira chiso chako kuna Mwari.

27 Uchanyengetera kwaari, uye achakunzwa, uye iwe uchazadzisa zvawakapika.

28 Zvaunofunga zvichaitwa, uye chiedza chichavhenekera panzira dzako.

29 Vanhu pavanodzikiswa imi mugoti, ‘Vasimudzei!’ ipapo achaponesa vakaraswa.

30 Iye achadzikinura kunyange iye zvake ane mhosva, iye acharwirwa kubudikidza nokuchena kwamaoko ako.”

Jobho 23

Jobho

1 Ipapo Jobho akapindura akati:

2 “Kunyange nanhasi ndonyunyuta ndine shungu; ruoko rwake runondiremera kunyange ndiri pakugomera kwangu.

3 Dai chete ndaiziva kwandingamuwana; dai chete ndaigona kuenda kwaanogara!

4 Ndaitaura hangu mhaka yangu pamberi pake, uye ndaizadza muromo wangu nenharo.

5 Ndaizoziva hangu zvaaizondipindura, uye ndaizocherechedza zvaaizoreva.

6 Kuti aizondidzivisa nesimba guru here? Kwete, haaizondipomera mhaka.

7 Ipapo munhu akarurama aigona kuzotura mhaka yake pamberi pake, uye ndaizosunungurwa kubva pamutongi wangu nokusingaperi.

8 “Asi kana ndikaenda kumabvazuva, iye haako; kana ndikaenda kumavirira, handimuwani.

9 Paanenge ari pabasa nechokumusoro, handimuoni; paanotsaukira zasi, handikwanisi kumuona.

10 Asi iye anoziva nzira yandinofamba nayo;

11 tsoka dzangu dzakanyatsotevera paakatsika; ndakarambira panzira dzake ndisingambotsaukiri parutivi.

12 Handina kumbobva pamirayiro yemiromo yake; ndakachengetedza mashoko omuromo wake kupfuura chingwa changu chamazuva ose.

13 “Asi iye anomira ega, uye ndiani angapikisana naye? Iye anoita zvaanoda.

14 Anoita zvaakatema pamusoro pangu, uye urongwa huzhinji hwakadai achinahwo mudura rake.

15 Ndokusaka ndichitya pamberi pake; pandinofunga nezvose izvi, ndomutya.

16 Mwari akaita kuti mwoyo wangu uziye; Wamasimba Ose akandivhundutsa.

17 Kunyange zvakadaro rima harina kuita kuti ndinyarare, rima guru rakafukidza chiso changu.

Jobho 24

Jobho

1 “Seiko Wamasimba Ose asingatari nguva dzokutonga? Seiko avo vanomuziva vachitarisira mazuva akadai pasina?

2 Vanhu vanobvisa mabwe omuganhu; vanofudza makwai avakaba.

3 Vanotinha mbongoro dzenherera, uye vanotora nzombe yechirikadzi vachiita rubatso.

4 Vanodzinga vanoshayiwa kubva panzira, uye vanomanikidza varombo vose venyika kundovanda.

5 Sezvinoita mbizi murenje, varombo vanobuda vachienda kumabasa avo, okukwara-kwara zvokudya; chirasiro chamarara chinopa vana vavo zvokudya.

6 Vanosunganidza uswa mumasango, uye vanononga mazambiringa muminda yavakaipa.

7 Vanovata usiku hwose vasina zvavakapfeka uye vanoshayiwa zvokufuka muchando.

8 Vanonyorovedzwa nemvura inonaya mumakomo, uye vanombundikira matombo nokuda kwokushayiwa pokugara.

9 Mwana nherera anobvutwa kubva pazamu; mwana mucheche womurombo anotorwa nokuda kwechikwereti.

10 Nokushayiwa zvokufuka, vanongofamba-famba havo vasina kupfeka; vanotakura zvisote, asi vane nzara.

11 Vanopwanya maorivhi pakati pemihoronga; vanotsika zvisviniro zvewaini, asi vanofa nenyota.

12 Kugomera kwavanhu vanofa kunonzwika muguta, uye mweya yavakakuvadzwa inochema kuti ibatsirwe. Asi Mwari haana munhu waanopa mhosva.

13 “Varipo vanomukira chiedza, vasingambozivi nzira dzacho kana kugara mumakwara acho.

14 Panongovira zuva, muurayi anobva amuka, uye anouraya varombo navanoshayiwa; panguva dzousiku anonyahwaira sembavha.

15 Ziso remhombwe rinomirira rubvunza vaeni; anofunga achiti, ‘Hakuna ziso richandiona,’ uye anogara akavanza chiso chake.

16 Vanhu vanopaza dzimba murima, asi masikati vanozvipfigira mukati madzo; havana chokuita nechiedza.

17 Kwavari vose zvavo, rima guru ndiwo mangwanani avo; vanoita ushamwari nokutyisa kwerima.

18 “Nyamba ivo ifuro riri pamusoro pemvura; mugove wavo wenyika wakatukwa, zvokuti hakuna munhu achaenda kuminda yemizambiringa.

19 Kupisa nokuoma sezvakunobvisa chando chanyauka, saizvozvo guva rinobvuta vaya vakatadza.

20 Chizvaro chinovakanganwa, honye inovadya; vanhu vakaipa havacharangarirwizve asi vakavhunwa somuti.

21 Ivo vanodya nyama yomukadzi asingabereki, uye havaitiri chirikadzi tsitsi.

22 Asi Mwari anokwekweredza vane simba nesimba rake; kunyange vakasimbiswa, havana chokwadi noupenyu hwavo.

23 Angavarega zvavo vakazorora vachifungidzira kuti vakachengetedzwa; asi meso ake ari panzira dzavo.

24 Vanokudzwa kwechinguva chiduku, gare gare vaenda; vanodukupiswa ndokuunganidzwa savamwe vose, vanochekwa sehura dzezviyo.

25 Kana zvisina kudaro, ndiani anganditi ndinoreva nhema, agoshayisa mashoko angu simba?”

Jobho 25

Bhiridhadhi

1 Ipapo Bhiridhadhi muShuhi akapindura akati:

2 “Kubata ushe nokutyiwa ndezvaMwari; uye anosimbisa rugare kumusorosoro kudenga.

3 Mauto ake angaverengwa here? Ndianiko asingavhenekerwi nechiedza chake?

4 Zvino munhu angava akarurama seiko pamberi paMwari? Ko, munhu akazvarwa nomukadzi angava akachena sei?

5 Kunyange dai mwedzi ukasachena, uye nyeredzi dzikasava dzakachena pamberi pake,

6 ndoda munhu zvake, iro gonye zvaro, iye mwanakomana womunhu, anongova gonye zvaro!”

Jobho 26

Jobho

1 Ipapo Jobho akapindura akati:

2 “Iwe wakavabatsira sei vasina simba! Wakaponesa sei ruoko rwakarukutika!

3 Izanoiko rawakapa asina uchenjeri! Uye wakaratidza njere dzakakura sei!

4 Ndianiko akakubatsira kutaura mashoko aya? Uye mweya waaniko wakataura kubva pamuromo wako?

5 “Vakafa vari pakurwadziwa kukuru, ivo vari pasi pemvura zhinji navose vanogara mairi.

6 Rufu rwakashama pamberi paMwari; kuparadza hakuna kufukidza.

7 Anotambanudza matenga nechokumusoro panzvimbo isina chinhu; anorembedza nyika pasina chinhu.

8 Anoputira mvura zhinji mumakore ake; asi makore acho haabvaruki nokuda kwokuremerwa.

9 Anofukidza chiso chomwedzi uzere, achiwarira makore ake pamusoro pawo.

10 Anotara muganhu pamberi pemvura zhinji, kuti ugova muganhu pakati pechiedza nerima.

11 Mbiri dzokudenga dzinodengenyeka, dzichivhunduswa nokutuka kwake.

12 Akabvongodza gungwa nesimba rake; akagura-gura Rahabhi nenjere dzake.

13 Matenga akashongedzwa nokufema kwake; ruoko rwake rwakabaya nyoka inobhururuka.

14 Uye izvi ndiwo macheto oga ebasa rake; haiwa tinonzwa kuzevezera kwake seiko! Zvino ndianiko anganzwisisa kutinhira kwesimba rake?”

Jobho 27

1 Zvino Jobho akapfuurira mberi nokutaura achiti:

2 “Zvirokwazvo naMwari mupenyu, iye akaramba kundiruramisira, iye Wamasimba Ose, akaita kuti ndinzwe shungu pamwoyo wangu,

3 sezvo ndichine upenyu mandiri, iko kufema kwaMwari mumhino dzangu,

4 miromo yangu haingatauri zvakashata, uye rurimi rwangu harungatauri nokunyengera.

5 Handingambobvumi kuti muri kutaura chokwadi; kusvikira ndafa, handizorambi kururama kwangu.

6 Ndichachengetedza kururama kwangu uye handingakuregedzi; hana yangu haingandipi mhosva ndichiri mupenyu.

7 “Vavengi vangu ngavaite savakaipa, navadzivisi vangu savasakarurama!

8 Ko, munhu asina Mwari ane tariro yeiko kana afa, Mwari paanotora upenyu hwake?

9 Ko, Mwari anoteerera kuchema kwake paanowirwa nenhamo here?

10 Iye angawana mufaro muna Wamasimba Ose here? Ko, achadana kuna Mwari panguva dzose here?

11 “Ndichakudzidzisai nezvesimba raMwari; nzira dzaWamasimba Ose handingadzivanzi.

12 Imi mose makazviona izvi pachenyu. Zvino munotaurireiko zvisina maturo?

13 “Haano magumo anogoverwa vakaipa naMwari, iyo nhaka inogamuchirwa navanhu vano utsinye, kubva kuna Wamasimba Ose.

14 Hazvinei kuti vana vake vakawanda sei, magumo avo munondo; vazukuru vake havazombowani zvokudya zvinovaringana.

15 Denda richaviga vaya vanenge vasara, uye chirikadzi dzavo hadzingavachemi.

16 Kunyange akaunganidza sirivha seguruva, uye zvokufuka zvikaita somurwi wevhu,

17 zvaanowana zvichafukwa navakarurama, uye vasina mhaka vachigovana sirivha yake.

18 Imba yaanovaka yakaita sedende rechipfukuto, sechirindo chakaitwa nomurindi.

19 Anovata pasi akapfuma, asi haachazvipamhizve; paanosvinura meso ake, wanei zvose zvaenda.

20 Zvinotyisa zvinomubata kufanana namafashamu; dutu rinomubvutira kure panguva yousiku.

21 Mhepo yokumabvazuva inomutakura ichimuendesa kure, zvino aenda hake. Inomukukura kubva panzvimbo yake.

22 Inovhuvhuta paari isingamunzwiri ngoni, paanenge achitiza akati tande achitiza simba rayo.

23 Inomuomberera maoko ichimuseka, ichishinyira ichiita kuti abve panzvimbo yake.

Jobho 28

1 “Mugodhi wesirivha uripo, nenzvimbo inonatswa goridhe.

2 Simbi inocherwa pasi, uye ndarira inonyautswa ichibva pamhangura.

3 Munhu anoita kuti rima ripere; anotsvakisisa kusvikira kumucheto chaiko, mhangura iri murima rakasviba kwazvo.

4 Anovhura mugodhi kure nokunogara vanhu, kunzvimbo dzakakanganikwa norutsoka rwomunhu; kure navanhu anorezuka ndokuzeya uku nokuku.

5 Iyo nyika, zvokudya zvichibva mairi, inoshandurwa nechapasi seinoshandurwa,

6 safiri inobva mumatombo ayo, uye guruva rayo rine upfu hwegoridhe,

7 Hakuna gondo rinoziva nzira iyo yakavanzika, hakuna ziso rorukodzi rakaiona.

8 Mhuka dzinozvikudza hadziisi rutsokapo, uye hakuna shumba inofambapo.

9 Ruoko rwomunhu runorova dombo romusarasara nokuisa midzi yamakomo pachena.

10 Anochera mugero nomumatombo; meso ake anoona pfuma yawo yose.

11 Anotsvakisisa panotangira nzizi nokubudisa zvinhu zvakavanzika pachena.

12 “Asi uchenjeri hungawanikwepiko? Kunzwisisa kunogarepiko?

13 Munhu haanzwisisi kukosha kwahwo; hahungawanikwi munyika yavapenyu.

14 Pakadzika panoti, ‘Hahuzi mandiri.’ gungwa rinoti, ‘Hahuzi pandiri.’

15 Hahungatengwi negoridhe yakaisvonaka, uye mutengo wahwo haungayerwi nesirivha.

16 Hahungatengwi negoridhe reOfiri, namatombo anokosha eonikisi kana esafire.

17 Hahungaenzaniswi negoridhe kana kristari, uye hahungatsinhaniswi nezvishongo zvegoridhe.

18 Korari nejasipa hazvingatongorehwi; mutengo wouchenjeri unokunda maparera.

19 Topazi yeEtiopia haingaenzaniswi nahwo; hahungatongotengwi negoridhe rakaisvonaka.

20 Zvino uchenjeri hunobvepiko? Kunzwisisa kunogarepiko?

21 Kwakavanzirwa meso ezvipenyu zvose, zvakavigwa kunyange kushiri dzedenga.

22 Kuparadza noRufu zvinoti, ‘Runyerekupe rwahwo chete ndirwo rwakasvika munzeve dzedu.’

23 Mwari oga ndiye anonzwisisa nzira inoenda kwahuri, uye ndiye oga anoziva kwahunogara,

24 nokuti anoona magumo enyika, uye anoona zvinhu zvose zviri pasi pamatenga.

25 Paanosimbisa simba remhepo uye nokuyera mvura,

26 paanoita chirevo chemvura negwara romutinhiro wemheni,

27 ipapo akatarira kuuchenjeri akahunzvera; akahusimbisa uye akahuedza.

28 Zvino akati kumunhu, ‘Kutya Ishe, ndihwo uchenjeri, uye kusiya zvakaipa ndiko kunzwisisa.’ ”

Jobho 29

1 Jobho akapfuurira mberi nokutaura kwake achiti:

2 “Haiwa ndinoshuva sei mwedzi yakapfuura, iwo mazuva andairindira naMwari,

3 mwenje wake pawaivhenekera pamusoro pangu uye ndaivhenekerwa nechiedza chake ndichifamba murima!

4 Haiwa, iwo mazuva andakanga ndichine simba, ushamwari hwaMwari chaihwo huchiropafadza imba yangu,

5 Wamasimba Ose paakanga achineni uye vana vangu pavakanga vakandipoteredza,

6 painyorovedzwa nzira yangu noruomba, uye dombo richindidururira hova dzamafuta omuorivhi.

7 “Pandakaenda kusuo reguta ndikandogara muchivara,

8 majaya akandiona akatsaukira parutivi uye vatana vakasimuka;

9 makurukota akaramba kutaura akafumbira miromo yavo namaoko avo;

10 manzwi amakurukota akanyararidzwa, uye ndimi dzavo dzikanamira kumusoro kwemiromo yavo.

11 Vose vakandinzwa vakataura zvakanaka pamusoro pangu, uye vose vakandiona vakandirumbidza,

12 nokuti ndakarwira varombo vaichemera rubatsiro, uye nherera dzakanga dzisina anobatsira.

13 Munhu akanga afa akandiropafadza; ndakaita kuti mwoyo wechirikadzi uimbe.

14 Ndakafuka kururama sechipfeko changu; kururamisira kwaiva nguo yangu nenguwani yangu.

15 Ndakanga ndiri meso kumapofu namakumbo kuzvirema.

16 Ndakanga ndiri baba kuna vanoshayiwa; ndaitamba mhaka yomutorwa.

17 Ndakavhuna meno avakaipa, uye ndakabata chaakanga abata pamazino ake.

18 Ndakafunga kuti, ‘Ndichafira mumba mangu, mazuva angu awanda sejecha.

19 Midzi yangu ichasvika kumvura, uye dova richava pamatavi angu usiku hwose.’

20 Kukudzwa kwangu kucharamba kuri kutsva mandiri, uta hucharamba huri hutsva muruoko rwangu.”

21 “Vanhu vakanditeerera vachitarisira kwazvo, vanyerere vakamirira kurayira kwangu.

22 Shure kwokutaura kwangu, ivo havana kuzotaurazve; mashoko angu akawira panzeve dzavo zvinyoronyoro.

23 Vakandimirira kunge vakamirira mvura yomupfunhambuya, uye vakanwa mashoko angu kunge mvura yechirimo.

24 Pandakanyemwerera kwavari havana kuzvitenda; chiedza chechiso changu chaikosha kwavari.

25 Ndakavasarudzira nzira ini ndokugara saishe wavo; ndakagara samambo pakati pamauto ake; ndakanga ndakaita somunhu anonyaradza vanochema.