Nehemia 8

Ezira anoverenga Murayiro

1 Zvino mwedzi wechinomwe wakati wasvika, uye vaIsraeri vagara mumaguta avo, vanhu vose vakaungana vakaita somunhu mumwe pachivara chakatarisana neSuo reMvura. Vakakumbira Ezira munyori kuti auye neBhuku roMurayiro waMozisi, wakanga warayirwa naJehovha kuvaIsraeri.

2 Naizvozvo pazuva rokutanga romwedzi wechinomwe, Ezira muprista akauya noMurayiro pamberi peungano, yaiva yavarume navakadzi navose vaigona kunzwisisa.

3 Akauverenga nenzwi guru kubva mangwanani kusvikira masikati, akatarisa chivara chaiva pamberi peSuo reMvura, pamberi pavarume navakadzi navose vaigona kunzwisisa. Uye vanhu vose vakateerera zvikuru kuBhuku roMurayiro.

4 Ezira munyori akamira panzvimbo yakakwirira yakanga yavakwa namatanda, yavakirwa izvozvo. Kurutivi rwake rworudyi kwaiva kwakamira Matitia, Shema, Anania, Uria, Hirikia naMaaseya; uye kuruboshwe rwake kwaiva naPedhaya, Mishaeri, Mirikia, Hashumi, Hashibhadhana, Zekana naMeshurami.

5 Ezira akazarura bhuku. Vanhu vose vaigona kumuona nokuti akanga akamira pakakwirira; uye paakarizarura, vanhu vose vakasimuka.

6 Ezira akarumbidza Jehovha, Mwari mukuru; uye vanhu vose vakasimudza maoko avo vakapindura vachiti, “Ameni! Ameni!” Ipapo vakakotamira pasi akanamata Jehovha uso hwavo hwakatsikitsira pasi.

7 VaRevhi vaiti: Jeshua, Bhani, Sherebhia, Jamini, Akubhi, Shabhetai, Hodhia, Maaseya, Kerita, Azaria, Jozabhadhi, Hanani naPeraya vakadzidzisa vanhu Murayiro vanhu vamire ipapo.

8 Vakaverenga kubva muBhuku roMurayiro waMwari, vachiisa pachena nokutsanangura zvazvaireva kuitira kuti vanhu vanzwisise zvaiverengwa.

9 Ipapo Nehemia mubati, Ezira, muprista nomunyori, navaRevhi vairayira vanhu vakati kwavari vose, “Zuva iri idzvene kuna Jehovha Mwari wenyu. Musachema kana kuungudza.” Nokuti vanhu vose vainge vachichema pavaiteerera kumashoko omurayiro.

10 Nehemia akati kwavari, “Endai munodya nomufaro zvokudya zvamunoda nezvokunwa zvinotapira, mugotumirawo zvimwe kuna avo vasina chavakagadzirira. Zuva ranhasi idzvene kuna Ishe wedu. Musazvidya mwoyo, nokuti mufaro waJehovha ndiro simba renyu.”

11 VaRevhi vakanyaradza vanhu vose vakati, “Nyararai, nokuti iri izuva dzvene. Musazvidya mwoyo.”

12 Ipapo vanhu vose vakabva vaenda kundodya nokunwa, nokutumira migove yezvokudya vachipembera nomufaro mukuru, nokuti vakanga vanzwisisa zvino mashoko avakanga vaudzwa.

13 Pazuva rechipiri romwedzi, vakuru vemhuri, pamwe chete navaprista navaRevhi, vakaungana vakakomberedza Ezira munyori kuti vateerere kumashoko oMurayiro.

14 Vakawana zvakanga zvakanyorwa muMurayiro, zvakanga zvarayirwa naJehovha kubudikidza naMozisi, zvokuti vaIsraeri vaizogara mumatumba panguva dzomutambo womwedzi wechinomwe.

15 Uye kuti vaifanira kuparidza shoko iri nokuriparadzira mumaguta avo ose nomuJerusarema vachiti: Endai munyika yezvikomo muuye namapazi omuorivhi nemiti yemiorivhi yomusango, neomukonachando, nemichindwe nemiti yemimvuri, kuti muite matumba sezvazvakanyorwa.”

16 Naizvozvo vanhu vakabuda vakanouya namapazi vakazvivakira matumba pamusoro pamatenga avo, nomuminhanga yavo, nomumavazhe eimba yaMwari uye napachivara paSuo reMvura uye napaSuo raEfuremu.

17 Ungano yose yakanga yadzoka kuutapwa yakavaka matumba ikagaramo. Kubva pamazuva aJoshua mwanakomana waNuni kusvikira pazuva iroro, vaIsraeri havana kumbopemberera saizvozvi. Uye mufaro wavo waiva mukuru kwazvo.

18 Zuva rimwe nerimwe, kubva pazuva rokutanga kusvikira pane rokupedzisira, Ezira akaverenga kubva muBhuku roMurayiro waMwari. Vakapemberera mutambo kwamazuva manomwe, uye pazuva rorusere, maererano nezvakanga zvarayirwa, pakava neungano ipapo.

Nehemia 9

VaIsraeri vanoreurura Zvivi Zvavo

1 Pazuva ramakumi maviri namana romwedzi iwoyo, vaIsraeri vakaungana pamwe chete, vachizvinyima zvokudya vakapfeka masaga uye vaine guruva pamisoro yavo.

2 Avo vaiva zvizvarwa zvavaIsraeri vakazvitsaura kubva pakati pavatorwa vose. Vakamira panzvimbo dzavo vakareurura zvivi zvavo nezvitadzo zvavo.

3 Vakamira pavakanga vari ndokuverenga kubva muBhuku roMurayiro waJehovha Mwari wavo kwechikamu chimwe chete muzvina chezuva, ndokupedzazve chimwe chikamu chimwe chete muzvina chezuva, vachireurura nokunamata Jehovha Mwari wavo.

4 VaRevhi vaiti, Jeshua, Bhani, naKadhimieri, naShebhania, naBhuni, naSherebhia naBhani uye Kenani, vakamira pakakwirira vakadana nenzwi guru kuna Jehovha Mwari wavo.

5 Ipapo vaRevhi vaiti: Jeshua, Kadhimieri, Bhani, Hashabhineya, Sherebhia, Hodhia, Shebhania naPetahia vakati, “Simukai murumbidze Jehovha Mwari wenyu, anogara nokusingaperi-peri.” “Zita renyu rinobwinya ngariropafadzwe pamusoro pamakomborero nerumbidzo dzose.

6 Imi moga ndimi Jehovha. Makaita moga matenga, kunyange nokudenga denga, uye nenyeredzi zhinji dzose, nyika nezvose zviri pamusoro payo, makungwa nezvose zviri mairi. Munopa upenyu kuzvinhu zvose, uye zvose zvokudenga zvinokunamatai.

7 “Ndimi Jehovha Mwari, makasarudza Abhurahama mukamubudisa munyika yeUri yavaKaradhea mukamutumidza kuti Abhurahama.

8 Makawana mwoyo wake wakatendeka kwamuri, uye makaita sungano naye kuti mupe kuzvizvarwa zvake nyika yavaKenani, vaHiti, vaAmori, vaPerezi, vaJebhusi navaGirigashi. Makachengeta vimbiso yenyu nokuti makarurama.

9 “Makaona kutambudzika kwamadzitateguru edu muIjipiti; mukanzwa kuchema kwavo pagungwa dzvuku.

10 Makatuma zviratidzo nezvishamiso kuna Faro, navabati vake uye navanhu vose venyika yake, nokuti maiziva kuti vaIjipita vaizvikudza sei pamabatiro avakavaita. Makaitira zita renyu mukurumbira uripo nanhasi.

11 Makapamura gungwa pamberi pavo, naizvozvo vakayambuka napasi pakaoma, asi makamedza vaivatevera kwakadzika, sedombo mumvura ine simba.

12 Makavatungamirira neshongwe yegore masikati mukavatungamirira usiku neshongwe yomoto kuti vavhenekerwe munzira yavaizofamba nayo.

13 “Makaburuka paGomo reSinai, mukataura navo kubva kudenga. Makavapa mitemo nemirayiro yakarurama neyakanaka, uye mitemo nezvakarayirwa zvakanaka.

14 Makavazivisa Sabata renyu dzvene mukavapa zvamakarayira, mitemo nemirayiro kubudikidza nomuranda wenyu Mozisi.

15 Vari pakati penzara makavapa chingwa chaibva kudenga, uye pavakafa nenyota makavapa mvura yakabva padombo; makavaudza kuti vapinde kundotora nyika yamakanga mapika noruoko rwakasimudzwa kuti muvape.

16 “Asi ivo madzitateguru edu, vakava namanyawi uye nemitsipa mikukutu, vakasateerera zvamakavarayira.

17 Vakaramba kuteerera uye vakasarangarira zvishamiso zvamakaita pakati pavo. Vakava nemitsipa mikukutu uye pakumukira kwavo vakagadza mutungamiri kuti vadzokere kuutapwa hwavo. Asi imi muri Mwari anokanganwira, ane nyasha nengoni, anononoka kutsamwa uye azere norudo. Naizvozvo hamuna kuvasiya,

18 kunyange zvavo vakazviitira chifananidzo chemhuru vachiti, ‘Uyu ndiye mwari wenyu, akakubudisai kubva muIjipiti, kana pavakamhura zvinonyangadza kwazvo.

19 “Nokuda kwengoni dzenyu huru hamuna kuvasiya mugwenga. Shongwe yegore haina kurega kuvatungamirira masikati panzira yavo, shongwe yomoto haina kurega kuvavhenekera usiku panzira yavaifanira kufamba nayo.

20 Makavapa Mweya wenyu wakanaka kuti uvarayire. Hamuna kuvanyima mana yenyu, uye panyota yavo makavapa mvura.

21 Makavararamisa kwamakore makumi mana mugwenga; havana chavakashayiwa, nguo dzavo hadzina kubvaruka uye makumbo avo haana kuzvimba.

22 “Makavapa ushe namarudzi, mukavapa nyika yose kusvika kumagumo ayo. Vakatora nyika yaSihoni mambo weHeshibhoni nenyika yaOgi mambo weBhashani.

23 Makaita kuti vana vavo vawande senyeredzi dziri mudenga, mukavauyisa kunyika yamakaudza madzibaba avo kuti vapinde vaitore.

24 Vanakomana vavo vakapinda vakatora nyika. Makakunda vaKenani pamberi pavo, vaigara munyika iyo; mukapa vaKenani kwavari, pamwe chete namadzimambo avo uye navanhu vomunyika, kuti vaite zvavanoda navo.

25 Vakapamba maguta akakombwa nenyika ine ivhu rakanaka, vakatora dzimba dzakanga dzakazara nemhando dzose dzezvinhu zvakanaka, matsime akacherwa kare, minda yemizambiringa, minda yemiorivhi nemiti yemichero yakawanda. Vakadya vakaguta vakava vakagwinya kwazvo; vakafara muukuru hwokunaka kwenyu.

26 “Asi havana kuteerera uye vakakumukirai; vakafuratira murayiro wenyu. Vakauraya vaprofita venyu, vaivarayira kuti vadzokere kwamuri; vakamhura zvainyadza kwazvo.

27 Naizvozvo makavaisa kuvavengi vavo, avo vakavadzvinyirira. Asi pavakanga vava kudzvinyirirwa vakachema kwamuri. Makavanzwa muri kudenga, uye nengoni dzenyu huru makavapa vadzikinuri, vakavarwira kubva mumaoko avavengi vavo.

28 “Asi pavakangowana zororo, vakaitazve zvakaipa pamberi penyu. Ipapo makavasiya mumaoko avavengi vavo kuti vave nesimba pamusoro pavo. Zvino vakati vachemazve kwamuri, makavanzwa muri kudenga, nengoni dzenyu mukavarwira nguva nenguva.

29 “Makavayambira kuti vadzokere kumurayiro wenyu, asi ivo vakazvikudza vakasateerera kurayira kwenyu. Vakatadza pane zvamakatonga, izvo zvinoraramisa munhu kana akazviteerera. Nokusindimara kwavo vakakufuratirai, vakaomesa mitsipa yavo uye vakaramba kuteerera.

30 Makava nomwoyo murefu navo kwamakore mazhinji. Makavayambira noMweya wenyu kubudikidza navaprofita venyu. Kunyange zvakadaro havana kuita hanya, saka makavapa kuvanhu vavakavakidzana navo.

31 Asi netsitsi dzenyu huru hamuna kuvaparadza kana kuvarasa, nokuti muri Mwari ane nyasha netsitsi.

32 “Naizvozvo zvino, Mwari wedu, mukuru, ane simba, uye Mwari anotyisa, anochengeta sungano yake yorudo, matambudziko aya ose ngaarege kuva madiki pamberi penyu, matambudziko akauya pamusoro pedu, napamusoro pamadzimambo edu navatungamiri, napamusoro pavaprista vedu navaprofita, pamusoro pamadzibaba edu navanhu vose, kubva pamazuva amadzimambo avaAsiria kusvikira nhasi.

33 Pane zvakaitika kwatiri, imi makanga makarurama; makanga makatendeka, asi isu takaita zvakaipa.

34 Madzimambo edu, vatungamiri vedu, vaprista vedu namadzibaba edu havana kutevera murayiro wenyu; havana kuita hanya nokurayira kwenyu kana yambiro dzamakavapa.

35 Kunyange pavakanga vachibata ushe hwavo, vachifarira kunaka kwenyu kukuru kwavari munyika yamakavapa, munyika yakakura uye ine ivhu rakanaka, havana kukushumirai kana kusiya nzira dzavo dzakaipa.

36 “Asi tarirai, tava nhapwa nhasi, nhapwa munyika yamakapa madzitateguru edu kuti vadye zvibereko zvayo uye nezvimwe zvakanaka zvainobereka.

37 Nokuda kwezvivi zvedu zvibereko zvayo zvizhinji zvava kuenda kumadzimambo amakaisa pamusoro pedu. Vane simba pamusoro pemiviri yedu uye vanoita zvavanoda nemombe dzedu. Tiri pakutambudzika kukuru.

Chitenderano chaVanhu

38 “Nokuda kwezvose izvi, tiri kuita chitenderano chakasimba, tichichinyora, vatungamiri vedu, uye vaRevhi vedu uye navaprista vedu vachaisa chisimbiso chavo pachiri.”

Nehemia 10

1 Zvino avo vakaisa chisimbiso ndeava: Nehemia mubati, mwanakomana waHakaria, Zedhekia,

2 Seraya, Azaria, Jeremia,

3 Pashuri, Amaria, Marikia,

4 Hakushi, Shebhania, Maruki,

5 Harimu, Meremoti, Obhadhia,

6 Dhanieri, Ginetoni, Bharuki,

7 Meshurami, Abhija, Mijamini,

8 Maazia, naBharigai, naShemaya. Ava ndivo vaiva vaprista.

9 VaRevhi vaiti: Jeshua mwanakomana waAzania, Bhinui wokuvanakomana vaHenadhadhi, Kadhimieri,

10 nehama dzavo: Shebhania, Hodhia, Kerita, Peraya, Hanani,

11 Mika, Rehobhi, Hashabhia,

12 Zakuri, naSherebhia, Shebhania,

13 Hodhia, Bhani Bheninu.

14 Vatungamiri vavanhu vaiva ava: Paroshi, Pahati-Moabhu, Eramu, Zatu, Bhani,

15 Bhuni, Azigadhi, Bhebhai,

16 Adhoniya, Bhigivai, Hadhini,

17 Ateri, Hozekia, Azuri,

18 Hodhia, Hashumi, Bhezai,

19 Harifi, Anatoti, Nebhai,

20 Magipiashi, Meshurami, Heziri,

21 Meshezabheri, Zadhoki, Jadhua,

22 Peratia, Kanani, Anaya

23 Hoshea, Hanania, Hashubhi,

24 Harosheshi, Piriha, Shobheki,

25 Rehumi, Hashabhina, Maaseya,

26 Ahia, Hanani, Anani,

27 Maruki, Harimi naBhaana.

28 “Uye vamwe vanhu vose, vaiti vaprista, vaRevhi, vachengeti vemikova, vaimbi, vashandi vomutemberi, navose vakazvitsaura kubva kuvanhu vakavakidzana navo, nokuda kwomurayiro waMwari, pamwe chete navakadzi vavo, navanakomana vavo vose navanasikana vavo vose vaigona kunzwisisa.

29 Zvino ava vose vakabatana pamwe chete nehama dzavo ivo vakuru, uye vakazvisunga nechituko nemhiko kuti vatevere Murayiro waMwari wakapiwa kubudikidza naMozisi muranda waMwari uye kuti vachenjerere kuteerera zvose zvakarayirwa, nezvakatemwa uye nemitemo yaJehovha Ishe wedu.

30 “Tinovimbisa kuti hatizopa vanasikana vedu kuti vawanikwe navanhu vakatipoteredza kana kutorera vanakomana vedu vanasikana vavo.

31 “Kana vanhu vatakavakidzana navo vakauya nezvokutengesa kana zviyo kuzotitengesera neSabata, hatizovatengeri nomusi weSabata kana pazuva ripi zvaro dzvene. Pagore rechinomwe roga roga ticharegedza kushanda muminda uye tichadzima zvikwereti zvose.

32 “Tinozvipira kuita zvakarayirwa kuti tipe chetatu cheshekeria gore negore kushumiro yeimba yaMwari wedu:

33 kuchingwa chakaiswa patafura, kuzvipiriso zvenguva nenguva zvezviyo, nezvipiriso zvinopiswa nomoto, kuzvipiriso zvinopiwa pamaSabata nokumitambo yoKugara kwoMwedzi uye nokumitambo yakatarwa, kuzvipiriso zvitsvene; kuzvipiriso zvechivi zvokuyananisira Israeri, nokumabasa ose omuimba yaMwari.

34 “Isu vaprista, navaRevhi uye navanhu, takanda mijenya kuti tione kuti mhuri imwe neimwe yedu inouya rini kuimba yaJehovha Mwari wedu, nechipo chehuni dzinopiswa paaritari yaJehovha Mwari wedu, panguva yakatarwa, gore negore, sezvazvakanyorwa mumurayiro.

35 “Tazvipirazve pabasa rokuuya kuimba yaJehovha nezvibereko zvokutanga zvezviyo nezvemiti yemichero yose gore negore.

36 “Tichauya namatangwe avanakomana vedu neemombe dzedu, neezvipfuwo zvedu neemakwai edu kuimba yaMwari wedu, nokuvaprista vanoshumira imomo, sezvazvakanyorwa muMurayiro.

37 “Pamusoro pezvo, tichauyisa kumatura eimba yaMwari wedu, nokuvaprista, zvibereko zvokutanga zvevhu, zvipiriso zvedu zvezviyo, nezvemiti yose yemichero nezvewaini yedu itsva uye namafuta. Uye tichauyisa chegumi chezviyo zvedu kuvaRevhi, nokuti vaRevhi ndivo vanounganidza zvegumi mumaguta ose atinoshanda.

38 Muprista worudzi rwaAroni anofanira kuenda navaRevhi pavanogamuchira zvegumi, uye vaRevhi vanofanira kuuya nechegumi chezvegumi kuimba yaMwari wedu, kumatura eimba yepfuma.

39 Vanhu vaIsraeri pamwe chete navaRevhi, vanofanira kuuya nezvipo zvavo zvezviyo, newaini itsva uye namafuta kumatura kunochengeterwa midziyo yose yenzvimbo tsvene, uye kunogara vaprista vanoshumira, navarindi vemikova navaimbi. “Hatizoshayi hanya neimba yaMwari wedu.”

Nehemia 11

Vagari veJerusarema Vatsva

1 Zvino vatungamiri vavanhu vakagara muJerusarema, uye vamwe vanhu vose vakakanda mijenya kuti vasarudze mumwe chete kubva mugumi roga roga kuti andogara muJerusarema, guta dzvene, kwozoti vapfumbamwe vanenge vasara vachizogara mumaguta avo pachavo.

2 Vanhu vakarumbidza varume vose vakanga vazvipira kugara muJerusarema.

3 Ava ndivo vakuru vamatunhu vakandogara muJerusarema (zvino vamwe vavaIsraeri, vaprista, vaRevhi, vashandi vomutemberi nezvizvarwa zvavaranda vaSoromoni vakagara mumaguta aJudha, mumwe nomumwe panzvimbo yake mumaguta akasiyana-siyana,

4 kwozoti vamwe vanhu vaiva vokwaJudha nokwaBhenjamini vakagara muJerusarema): Vaibva kuzvizvarwa zvaJudha vaiti: Ataya mwanakomana waUzia, mwanakomana waZakaria, mwanakomana waAmaria, mwanakomana waShefatia, mwanakomana waMaharareri, chizvarwa chaPerezi;

5 naMaaseya mwanakomana waBharuki, mwanakomana waKorihoze, mwanakomana waHazaya, mwanakomana waAdhaya, mwanakomana waJoyaribhi, mwanakomana waZekaria, chizvarwa chaShera.

6 Zvizvarwa zvaPerezi avo vaigara muJerusarema vaiva mazana mana namakumi matanhatu navasere vaiva varume voumhare.

7 Vaibva kuzvizvarwa zvaBhenjamini vaiti: Saru mwanakomana waMeshurami, mwanakomana waJoedhi, mwanakomana waPedhaya, mwanakomana waKoraya, mwanakomana waMaaseya, mwanakomana waItieri, mwanakomana waJeshaya,

8 nevaimutevera vaiti Gabhai naSarai, vaiva varume vanosvika mazana mapfumbamwe namakumi maviri navasere.

9 Joere mwanakomana waZikiri akanga ari mukuru wavo, uye Judha mwanakomana waHasenua, aiva pamusoro peDunhu reChipiri reguta.

10 Vaibva kuvaprista ndeava: Jedhaya; mwanakomana waJoyaribhi; naJakini;

11 Seraya mwanakomana waHirikia, mwanakomana waMeshurami, mwanakomana waZadhoki, mwanakomana waMerayoti, mwanakomana waAhitubhi, mutariri weimba yaMwari,

12 nehama dzavo, avo vakaenderera mberi nebasa retemberi, vaiva varume vana mazana masere namakumi maviri navaviri; naAdhaya mwanakomana waJerohamu, mwanakomana waPeraria, mwanakomana waAmuzi, mwanakomana waZekaria, mwanakomana waPashuri, mwanakomana waMarikija,

13 nehama dzake vaiva vakuru vedzimba, varume mazana maviri namakumi mana navaviri; naAmashisai mwanakomana waImeri,

14 nehama dzake, vaiva varume voumhare, zana namakumi maviri navasere. Mutariri wavo mukuru aiva Zedhudhieri mwanakomana waHagedhorimi.

15 Vaibva kuvaRevhi ndeava: Shemaya mwanakomana waHashubhi, mwanakomana waAzirikami, mwanakomana waHashabhia, mwanakomana waBhuni;

16 Shabhetai naJozabhadhi, vari vaviri vaiva vakuru vavaRevhi, vari vatariri vamabasa okunze kweimba yaMwari;

17 Matania mwanakomana waMika, mwanakomana waZabhidhi, mwanakomana waAsafi, mukuru aitungamirira pakuvonga nokunyengetera; Bhakubhukia, aiva wechipiri paukuru pakati pehama dzake; naAbhudha mwanakomana waShamua, mwanakomana waGarari, mwanakomana waJedhutuni.

18 VaRevhi vaiva muguta dzvene vaisvika mazana maviri namakumi masere navana.

19 Vachengeti vamasuo: Akubhi, naTarimoni nehama dzavo, ndivo vaichengeta musuo, varume vaisvika zana namakumi manomwe navaviri.

20 Vamwe vaIsraeri vose, navaprista navaRevhi, vaiva mumaguta ose eJudha, mumwe nomumwe panhaka yake.

21 Vashandi vomutemberi vaigara pamusoro pegomo reOferi, uye Ziha naGishipa ndivo vaiva vatungamiri vavo.

22 Mutariri mukuru wavaRevhi muJerusarema aiva Uzi mwanakomana waBhani, mwanakomana waHashabhia, mwanakomana waMatania, mwanakomana waMika. Uzi aiva mumwe wezvizvarwa zvaAsafi, vaiva vaimbi vari vabati veshumiro yeimba yaMwari.

23 Vaimbi vaiva pasi pomutemo wamambo, waivataurira zvokuita zuva nezuva.

24 Petahia mwanakomana waMeshezabheri, mumwe wezvizvarwa zvaZera mwanakomana waJudha, aiva mubati waMambo panyaya dzose dzavanhu.

25 Kana iri misha neminda yavo, vanhu vokwaJudha vakagara muKiriati Abha namaruwa akaripoteredza, muDhibhoni namaruwa aro, muJekabhizeri nemisha yaro,

26 muJeshua, muMoradha, nomuBheti Pereti,

27 nomuHazari Shuari, nomuBheerishebha namaruwa aro,

28 nomuZikiragi, nomuMekona namaruwa aro,

29 muEni Rimoni, nomuZora, nomuJarimuti,

30 Zanoa, neAdhurami nemisha yawo, muRakishi neminda yaro, nomuAzeka namaruwa aro. Naizvozvo vakanga vagere munzvimbo yose kuBheerishebha kusvikira kuMupata weHinomi.

31 Zvizvarwa zvaBhenjamini zvaibva kuGebha zvakagara muMikinashi, neAija neBeteri namaruwa acho,

32 muAnatoti, neNobhi neAnania,

33 muHazori, neRama neGitaimi,

34 muHadhidhi, Zebhoimi neNebharati,

35 muRodhi neOno, nomuMupata weMhizha.

36 Mamwe mapoka avaRevhi vokwaJudha akandogara muBhenjamini.

Nehemia 12

Vaprista navaRevhi

1 Zvino ava ndivo vaprista navaRevhi vakadzokera naZorubhabheri, mwanakomana waShearitieri naJeshua: Seraya, Jeremia, naEzira,

2 Amaria, Maruki, Hatushi,

3 Shekania, Rehumi, Meremoti,

4 Idho, Ginetoni, Abhija,

5 Mijamini Moadhia, Bhiriga,

6 Shemia, Joirabhi, naJedhaya.

7 Saru, Amoki, Hirikia naJedhaya. Ava ndivo vaiva vatungamiri vavaprista pamwe chete nehama dzavo pamazuva aJeshua.

8 VaRevhi vaiti: Jeshua, Bhinui, Kadhimieri, Sherebhia, Judha, uyewo naMatania pamwe chete nehama dzake, aiva mukuru wenziyo dzokuvonga.

9 Bhakibhukia naUni, nehama dzavo, vakamira vakatarisana navo mushumiro.

10 Jeshua aiva baba vaJoyakimu, Joyakimu aiva baba vaEriashibhi, Eriashibhi ari baba vaJoyadha,

11 Joyadha baba vaJonatani, uye Jonatani baba vaJadhua.

12 Ava ndivo vaiva vakuru vedzimba dzavaprista, pamazuva aJoyakimu: wokwaSeraya, aiva Meraya; wokwaJeremia, aiva Hanania;

13 wokwaEzira, aiva Meshurami; wokwaAmaria, aiva Jehohanani;

14 wokwaMaruki, aiva Jonatani; wokwaShekania, aiva Josefa;

15 wokwaHarimu, aiva Adhina; wokwaMeremoti, aiva Herikai;

16 wokwaIdho, aiva Zakaria; wokwaGinetoni aiva Meshurami;

17 wokwaAbhina, aiva Zikiri; wokwaMiniamini, nowokwaMoadhia, aiva Piritai;

18 wokwaBhiriga aiva Shamia; wokwaShemaya, aiva Jehonatani;

19 wokwaJoyaribhi, aiva Matenai; wokwaJedhaya, aiva Uzi;

20 wokwaSaru, aiva Karai; wokwaAmoki, aiva Ebheri;

21 wokwaHirikia, aiva Hashabhia; wokwaJedhaya, aiva Netaneri.

22 Vakuru vedzimba dzavaRevhi mumazuva aEriashibhi, Joyadha, Johanani naJadhua, pamwe chete neavo vaiva vevaprista, vakanyorwa mazita avo pamazuva okutonga kwaDhariasi muPezhia.

23 Vakuru vedzimba pakati pezvizvarwa zvaRevhi kusvikira panguva yaJohanani mwanakomana waEriashibhi vakanyorwa mumabhuku enhoroondo.

24 Zvino vatungamiri vavaRevhi vaiva Hashabhia, Sherebhia naJeshua mwanakomana waKadhimieri, nehama dzavo aimira akatarisana navo vachipa rumbidzo nokuvonga, uye vachiita madzoro sezvazvakanga zvarayirwa naDhavhidhi munhu waMwari.

25 Matania Bhakibhukia, Dhadhia, Meshurami, Taramani, naAkubhi vakanga vari varindi vemikova namatura.

26 Vakashumira pamazuva aJehoyakimi mwanakomana waJeshua, mwanakomana waJozadhaki, nomumazuva aNehemia mubati naEzira muprista nomunyori.

Kukumikidzwa kwoRusvingo rweJerusarema

27 Zvino pakukumikidzwa kworusvingo rweJerusarema, vaRevhi vakatsvakwa kwavaigara akauyiswa kuJerusarema kuzopemberera kukumikidzwa uku nomufaro nenziyo dzokuvonga uye nokuimba vachiridza makandira, mitengeranwa nembira.

28 Vaimbi vakaunganidzwa pamwe chete kubva kumatunhu akapoteredza Jerusarema, nokumisha yavaNetofati;

29 nokuBheti Girigari uye kubva munzvimbo yeGebha neAzimavheti, nokuti vaimbi vakanga vazvivakira misha vakapoteredza Jerusarema.

30 Zvino vaprista navaRevhi vakati vazvinatsa, vakanatsawo vanhu, mikova norusvingo.

31 Ipapo ndakakwidza vatungamiri vavaJudha pamusoro porusvingo. Ndakarayirawo mapoka makuru maviri avaimbi kuti vavonge vachifamba mumudungwe. Rimwe boka rakafamba pamusoro porusvingo kurudyi, rakananga kuMukova waMarara.

32 Hoshaya nehafu yavatungamiri vaJudha vakavatevera,

33 pamwe chete naAzaria, Ezira, Mesharami,

34 Judha, Bhenjamini, Shemaya, naJeremia,

35 pamwe chete navamwe vaprista vaiva nehwamanda, uyewo naZekaria mwanakomana waJonatani, mwanakomana waShemaya, mwanakomana waMatania, mwanakomana waMikaya, mwanakomana waZakuri, mwanakomana waAsafi,

36 nehama dzake vanaShemaya, Azareri, Mirarai, Girarai, Maai, naNataneri, Judha naHanani nemidziyo yokuimbisa yakarayirwa naDhavhidhi munhu waMwari. Ezira munyori akavatungamirira ari pamberi.

37 Vakafamba napaSuo reTsime vakarurama kumatanho eGuta raDhavhidhi napamukwidza wokurusvingo uye vakapfuura napamusoro peimba yaDhavhidhi vakananga kuSuo reMvura kumabvazuva.

38 Rimwe boka ravaivonga rakaenda kuruboshwe. Ini ndakavatevera pamwe chete nehafu yavanhu ndiri pamusoro porusvingo, ndikapfuura napashongwe yechoto kusvikira kurusvingo rwakapamhama,

39 napamusoro peSuo raEfuremu, Suo reKare, Suo reHove, Shongwe yaHananeri napaShongwe yeZana, kusvikira paSuo raMakwai. Vakamira paSuo raVarindi.

40 Naizvozvo mapoka maviri avavongi akamira muimba yaMwari, neni ndikaita saizvozvo, pamwe chete nehafu yavabati,

41 navapristawo, vanaEriakimi, Maaseya, Miniamini, Mikaya, Erioenai, Zekaria naHanania, nehwamanda dzavo,

42 uyewo Maaseya, Shemaya, Ereazari, Uzi Jehonani, Marikija, Eramu naEzeri. Vaimbi vakaimba vachitungamirirwa naJezirahia.

43 Pazuva iro vakabayira zvibayiro zvikuru, vachifara nokuti Mwari akanga avapa mufaro mukuru. Vakadzi navana vakafarawo. Maungira omufaro waiva muJerusarema wakanzwika kure kwazvo.

44 Panguva iyoyo varume vakagadzwa kuva vatariri vamatura okuvigira zvaiunganidzwa, uye zvibereko zvokutanga nezvegumi. Vaifanira kuuya nezvaibva muminda yakapoteredza maguta kumatura okuvigira migove yakatarirwa vaprista navaRevhi nomurayiro, nokuti Judha yakafadzwa navaprista navaRevhi vaishumira.

45 Vakaita shumiro yaMwari wavo neshumiro yokunatswa, pamwe chete navaimbi navachengeti vamasuo, sezvazvakanga zvarayirwa naDhavhidhi nomwanakomana wake Soromoni.

46 Nokuti kare kare, mumazuva aDhavhidhi naAsafi, kwaiva navatungamiri vavaimbi nezvenziyo dzokurumbidza nokuvonga Mwari.

47 Saka mumazuva aZerubhabheri naNehemia, vaIsraeri vose vaipa migove yezuva nezuva kuvaimbi navachengeti vamasuo. Vakatsaurawo mugove wavamwe vaRevhi, uye vaRevhi vaitsaurawo mugove wezvizvarwa zvaAroni.

Nehemia 13

Zvakashandurwa naNehemia pakupedzisira

1 Pazuva iroro Bhuku raMozisi rakaverengwa nenzwi guru vanhu vachizvinzwa uye zvakawanikwa zvakanyorwa kuti muAmoni nomuMoabhu havabvumirwi kupinda muungano yaMwari,

2 nokuti havana kundosangana navaIsraeri nezvokudya nemvura asi vakaripira Bharamu kuti avatuke. Kunyange zvakadaro, Mwari wedu, akashandura kutuka kukava ropafadzo.

3 Vanhu vakati vanzwa murayiro uyu, vakabvisa vose vakanga vari vatorwa pakuberekwa.

4 Zvino zvisati zvaitika izvi, Eriashibhi muprista akanga agadzwa kuti ave mutariri wamatura okuvigira eimba yaMwari wedu. Akanga ane ukama hwepedyo naTobhia,

5 uye akanga amugadzirira kamuri guru raimbochengeterwa zvipiriso zvezviyo nezvinonhuwira uye midziyo yetemberi, nezvegumi zvezviyo, waini itsva namafuta akarayirwa kuti apiwe vaRevhi, vaimbi navachengeti vamasuo, uyewo nemigove yavaprista.

6 Asi pazvaiitika zvose izvi, ndakanga ndisiri muJerusarema, nokuti mugore ramakumi matatu namaviri raAtazekisesi mambo weBhabhironi ndakanga ndadzokera kuna mambo. Mumashure menguva yakati ndakakumbira mvumo

7 ndokudzokera kuJerusarema. Ipapo ndakanzwa pamusoro pechinhu chakaipa chakanga chaitwa naEriashibhi chokuti akagadzirira Tobhia kamuri muruvazhe rweimba yaMwari.

8 Ndakashatirwa zvikuru ndokurasira kunze kwemba, midziyo yose yaTobhia.

9 Ndakarayira kuti makamuri acheneswe, ndokubva ndadzorera imomo midziyo yose yeimba yaMwari, pamwe chete nezvipiriso zvezviyo nezvinonhuwira.

10 Ndakaonawo kuti vaRevhi vakanga vasina kupiwa migove yavo, uye kuti vaRevhi vose navaimbi vaiva nebasa rokushumira vakanga vadzokera kuminda yavo.

11 Saka ndakatsiura vabati ndikavabvunza ndikati, “Imba yaMwari yashayirwa hanya neiko?” Ipapo ndakavaunganidza pamwe chete akavadzosera kunzvimbo dzavo.

12 VaJudha vose vakauya nezvegumi zvezviyo, newaini itsva namafuta vakazviisa mumatura.

13 Ndakaisa Sheremia muprista, Zadhoki munyori, nomuRevhi ainzi Pedhaya kuti vave vatariri vamatura uye ndikaita kuti Hanania, mwanakomana waZakuri, mwanakomana waMatania, ave mubatsiri wavo, nokuti varume ava vakaonekwa kuti vaiva vakavimbika. Vaiva nebasa rokugovera hama dzavo migove yavo.

14 Haiwa Mwari wangu, ndirangarireiwo nokuda kwaizvozvi, uye musadzima zvandakaita nokutendeka kuimba yaMwari wangu, neshumiro yayo.

15 Mumazuva iwayo ndakaona varume muJudha vachitsika zvisviniro zvewaini nomusi weSabata vachiuya nezviyo vachizvikwidza pambongoro, pamwe chete newaini, mazambiringa, maonde namarudzi ose emitoro. Vaiuya nezvinhu zvose izvi muJerusarema nomusi weSabata. Naizvozvo ndakavayambira kuti vasatengesa zvokudya pazuva iroro.

16 Varume vaibva kuTire vaigara muJerusarema vaiuya nehove nemhando dzose dzezvokutengesa vachizvitengesa muJerusarema kuvanhu veJudha nomusi weSabata.

17 Ndakatsiura vakuru veJudha ndikati kwavari, “Chiiko ichi chinhu chakaipa chamunoita muchizvidza zuva reSabata?

18 Ko, madzitateguru enyu haana kuita zvimwe chetezvo here, zvokuti Mwari wedu akazouyisa dambudziko iri pamusoro pedu napamusoro peguta rino? Zvino muri kumutsa hasha dzakawanda pamusoro paIsraeri nokuzvidza Sabata.”

19 Zvino mimvuri yezuva rovira yakati yafukidza masuo eJerusarema, Sabata risati rasvika, ndakarayira kuti mikova ipfigwe uye kuti isazarurwa kusvikira Sabata rapfuura. Ndakaisa vamwe vavaranda vangu pamasuo kuti kurege kuva nomutoro ungauyiswa mukati nomusi weSabata.

20 Naizvozvo kamwe chete kana kaviri, vashambadziri navatengesi vemhando dzose vakarara usiku hwose kunze kweJerusarema.

21 Asi ndakavayambira ndikati, “Seiko muchirara usiku hwose parusvingo? Kana mukazviitazve, ndichakusungai.” Kubva panguva iyoyo zvichienda mberi havana kuzouuyazve nomusi weSabata.

22 Ipapo ndakarayira vaRevhi kuti vazvinatse uye kuti vaende kundorinda masuo kuitira kuti zuva reSabata richengetwe riri dzvene. Haiwa Mwari wangu ndirangarireiwo pachinhu ichi, Mwari wangu, mugoratidza tsitsi kwandiri maererano norudo rwenyu rukuru.

23 Pamusoro pezvo, mumazuva iwayo, ndakaona varume vokwaJudha vakanga vawana vakadzi vaibva kuAshidhodhi, neAmoni neMoabhu.

24 Hafu yavana vavo vaitaura mutauro nechiAshidhodhi kana mutauro mumwewo wavamwe vanhu, uye vakanga vasingazivi mutauro wechiJudha.

25 Ndakavatsiura ndikavatuka. Ndakarova vamwe varume uye ndikadzura bvudzi ravo. Ndakaita kuti vapike nezita raMwari uye ndikati kwavari, “Hamufaniri kupa vanasikana venyu kuti vawanikwe navanakomana vavo, kana kuzvitorera imi.

26 Ko, Soromoni mambo weIsraeri haana kutadza here nokuda kwavakadzi vakadai? Pakati pendudzi zhinji hapana kumbova namambo akaita saye. Aidikanwa naMwari wake, uye Mwari akamuita mambo pamusoro pavaIsraeri vose, asi kunyange zvakadaro akapinzwa muchivi navakadzi vatorwa.

27 Ko, isu zvino tingazvinzwawo here kuti nemiwo zvakare muri kuita zvinhu zvakaipa kudai uye kuti hamuna kutendeka kuna Mwari wedu, muchiwana vakadzi vatorwa?”

28 Mumwe wavanakomana vaJoyadha mwanakomana waEriashibhi muprista mukuru akanga ari mukuwasha waSanibharati muHoroni. Zvino ndakamudzinga kure neni.

29 Haiwa Mwari wangu, varangarirei nokuti vakasvibisa basa rouprista uye nesungano youprista neyavaRevhi.

30 Saka ndakanatsa vaprista navaRevhi pazvinhu zvose zvavatorwa, ndikavapa madzoro avo, mumwe nomumwe pabasa rake.

31 Ndakapawo zvipo zvehuni panguva dzakatarwa nezvezvibereko zvokutanga. Mundirangarirewo, Mwari wangu, mundiitire zvakanaka.

Ezira 1

Sirasi anobatsira vakatapwa kuti vadzokere kunyika yavo

1 Mugore rokutanga raSirasi mambo wePezhia, shoko raJehovha rakataurwa nomuromo waJeremia kuti rizadziswe, Jehovha akamutsa mwoyo waSirasi mambo wePezhia, kuti aite chiziviso munyika yake yose uye akaita kuti chinyorwe chichiti:

2 “Zvanzi naSirasi mambo wePezhia, ‘Jehovha, Mwari wokudenga akandipa ushe hwose hwapanyika uye akandigadza kuti ndimuvakire temberi paJerusarema muJudha.

3 Ani naani wavanhu vake ari pakati penyu, Mwari wake ngaave naye, uye regai aende zvake kuJerusarema kuJudha andovaka temberi yaJehovha, Mwari waIsraeri, iye Mwari anogara muJerusarema.

4 Zvino vanhu vagere panzvimbo ipi neipi zvayo pagere vakasara vanofanira kumupa sirivha negoridhe, nenhumbi nezvipfuwo, uye vagomupa zvipo zvavanozvidira zvetemberi yaMwari muJerusarema.’ ”

5 Ipapo vakuru vedzimba veJudha neveBhenjamini, navaprista uye navaRevhi, vose avo vakanga vamutswa mwoyo naMwari, vakagadzirira kuenda kundovaka imba yaJehovha muJerusarema.

6 Vavakidzani vavo vose vakavabatsira nemidziyo yesirivha negoridhe, nenhumbi nezvipfuwo, uye nezvipo zvinokosha, kuwedzera pamusoro pezvipo zvokuzvidira.

7 Pamusoro pezvo, Mambo Sirasi akaburitsa midziyo yomutemberi yaJehovha, iyo yakanga yatorwa kubva kuJerusarema naNebhukadhinezari uye akanga aiisa mutemberi yamwari wake.

8 Sirasi mambo wePezhia akarayira kuti ibudiswe naMitiredhati muchengeti wepfuma, uyo akaiverenga achiipa kuna Sheshibhazari muchinda weJudha.

9 Uku ndiko kuwanda kwayakanga yakaita: ndiro dzegoridhe dzaiva makumi matatu; ndiro dzesirivha dzaiva chiuru;

10 pani dzesirivha dzaiva makumi maviri namapfumbamwe; mbiya dzegoridhe dzaiva makumi matatu; mbiya dzesirivha dzakafanana-fanana dzaiva mazana mana negumi; uye mimwewo midziyo yaiva chiuru.

11 Yose pamwe chete, midziyo yegoridhe neyesirivha yaiva zviuru zvishanu namazana mana. Sheshibhazari akaendesa izvi zvose panguva iyo vatapwa vakabva kuBhabhironi vachienda kuJerusarema.

Ezira 2

Mazita avatapwa vakadzokera kunyika yavo

1 Zvino ava ndivo vanhu vomudunhu vakadzoka kubva kuutapwa hwavakanga vatapwa, avo vakanga vatapwa naNebhukadhinezari mambo weBhabhironi vakanga vaendeswa kuutapwa kuBhabhironi (vakadzokera kuJerusarema nokuJudha, mumwe nomumwe kuguta rake,

2 vakanga vari pamwe chete naZerubhabheri, naJeshua, naNehemia, naSeraya, naReeraya, naModhekai, naBhirishani, naMisipari, naBhigivhai, naRehumi uye naBhaana): Uwandu hwavarume pakati pavaIsraeri:

3 zvizvarwa zvaParoshi zvaiva zviuru zviviri nezana namakumi manomwe navaviri;

4 zvaShefatia zvaiva mazana matatu namakumi manomwe navaviri;

5 zvaAra zvaiva mazana manomwe namakumi manomwe navashanu;

6 ZvaPahati-Moabhu (vorudzi rwaJeshua naJoabhu) zvaiva zviuru zviviri namazana masere negumi navaviri;

7 zvaEramu zvaiva chiuru chimwe chete namazana maviri namakumi mashanu navana;

8 zvaZatu zvaiva mazana mapfumbamwe namakumi mana navashanu;

9 zvaZakai zvaiva mazana manomwe namakumi matanhatu;

10 zvaBhani zvaiva mazana matanhatu namakumi mana navaviri;

11 zvaBhebhai zvaiva mazana matanhatu namakumi maviri navatatu;

12 zvaAzigadhi zvaiva chiuru chimwe chete namazana maviri namakumi maviri namaviri;

13 zvaAdhorikami zvaiva mazana matanhatu namakumi matanhatu navatanhatu;

14 zvaBhigivhai zvaiva zviuru zviviri namakumi mashanu navatanhatu;

15 zvaAdhini zvaiva mazana mana namakumi mashanu navana;

16 zvaAteri (vorudzi rwaHezekia) zvaiva makumi mapfumbamwe navasere;

17 zvaBhezai zvaiva mazana matatu namakumi maviri navatatu;

18 zvaJora zvaiva zana negumi navaviri;

19 zvaHashumi zvaiva mazana maviri namakumi maviri navatatu;

20 zvaGibhari zvaiva makumi mapfumbamwe navashanu;

21 varume veBheterehema vaiva zana namakumi maviri navashanu;

22 veNetofa vaiva makumi mashanu navatanhatu;

23 veAnatoti vaiva zana namakumi maviri navasere;

24 veAzimavheti vaiva makumi mana navaviri;

25 veKiriati Jearimi, Kefira, neBheroti vaiva mazana manomwe namakumi mana navatatu;

26 veRama neGebha vaiva mazana matanhatu namakumi maviri nomumwe chete;

27 veMikimashi vaiva zana namakumi maviri navaviri;

28 veBheteri neAi vaiva mazana maviri namakumi maviri navatatu;

29 veNebho vaiva makumi mashanu navaviri;

30 veMagibhishi vaiva zana namakumi mashanu navatanhatu;

31 veEramu yechipiri vaiva chiuru chimwe chete namazana maviri namakumi mashanu navana;

32 veHarimi vaiva mazana matatu namakumi maviri;

33 veRodhi neHadhidhi neOno vaiva mazana manomwe namakumi maviri navashanu;

34 veJeriko vaiva mazana matatu namakumi mana navashanu;

35 veSena, vaiva zviuru zvitatu namazana matanhatu namakumi matatu.

36 Vaprista: zvizvarwa zvaJedhaya (veimba yaJeshua) vaiva mazana mapfumbamwe namakumi manomwe navatatu;

37 zvaImari zvaiva chiuru chimwe chete namakumi mashanu navaviri;

38 zvaPashuri zvaiva chiuru chimwe chete namazana maviri namakumi mana navanomwe;

39 zvaHarimi zvaiva chiuru chimwe chete negumi navanomwe.

40 VaRevhi: zvizvarwa zvaJeshua navaKadhimieri (vorudzi rwaHodhavhia) zvaiva makumi manomwe navana.

41 Vaimbi: zvizvarwa zvaAsafi zvaiva zana namakumi maviri navasere.

42 Varindi vapasuo reTemberi: zvizvarwa zvaSharumi, zvaAteri zvaTarimoni zvaAkubhi, nezvaHatita nezvaShobhai zvaiva zana namakumi matatu navapfumbamwe.

43 Vashandi vomutemberi:

44 zvizvarwa zvaZiha, zvaHasupa, zvaTabhaoti, zvaKerosi, zvaSiaha, zvaPadhoni,

45 zvaRebhana, zvaHagabha, zvaAkubhi,

46 zvaHagabhi, zvaSharimai, zvaHanani,

47 zvaGidheri, zvaGahari, zvaReaya,

48 zvaRezini, zvaNekodha, zvaGazami,

49 zvaUza, zvaPasea, zvaBhesai,

50 zvaAsina, zvaMeumini, zvaNefusimi,

51 zvaBhakubhiki, zvaHakufa, zvaHarihuri,

52 zvaBhaziruti, zvaMehidha, zvaHarisha,

53 zvaBharikosi, zvaSisera, zvaTema,

54 zvaNezia uye nezvaHatifa.

55 Zvizvarwa zvavaranda vaSoromoni: zvizvarwa zvaSotai, zvaHasofereti zvaPerudha,

56 zvaJaara, zvaDharikoni, zvaGidheri,

57 zvaShefatia, zvaHatiri, zvaPokereti-Hazebhaimi uye nezvaAmi.

58 Varanda vaishanda mutemberi nezvizvarwa zvavaranda vaSoromoni vaiva mazana matatu namakumi mapfumbamwe navaviri.

59 Ava ndivo vakauya vachibva kumaguta eTeri Mera, Teri Harisha, Kerubhi, Adhoni neImeri, asi vakanga vasingagoni kuratidza dzimba dzamadzi-baba avo kwavakanga vakaberekerwa muIsraeri:

60 Zvizvarwa zvaDheraya, zvaTobhia nezvaNekodha zvaiva mazana matanhatu namakumi mashanu navaviri.

61 Uye kubva pakati pavaprista: zvizvarwa zvaHobhaya, zvaHakozi uye nezvizvarwa zvaBhazirai (murume akanga awana mwanasikana waBhazirai muGireadhi uye akazotumidzwa zita iroro).

62 Ava vakatsvaka nhoroondo yamazita emhuri yavo, asi havana kuiwana saka nokudaro vakanzi vakasvibiswa vakabviswa pauprista.

63 Mubati akavaudza kuti varege kudya chipi zvacho chezvokudya zvitsvene kwazvo kusvikira kwazova nomuprista anoshumira neUrimi neTumimi.

64 Ungano yose pamwe chete yaisvika zviuru makumi mana nezviviri namazana matatu namakumi matanhatu,

65 tisingasanganisiri varanda vavo navarandakadzi vavo vakanga vari zviuru zvinomwe namazana matatu namakumi matatu navanomwe: uye vakanga vanewo varume navakadzi mazana maviri vakanga vari vaimbi.

66 Vakanga vane mabhiza mazana manomwe namakumi matatu namatanhatu, mahesera mazana maviri namakumi mana namashanu,

67 ngamera mazana mana namakumi matatu namashanu uye nembongoro zviuru zvitanhatu namazana manomwe namakumi maviri.

68 Pavakasvika paimba yaJehovha muJerusarema, vamwe vakuru vedzimba vakapa nokuzvidira kuti imba yaJehovha ivakwezve panzvimbo yayo.

69 Maererano napavaigona napo vakapa kuhomwe yemari yebasa iri, madhirakema zviuru makumi matanhatu nechimwea egoridhe, nemamina zviuru zvishanub esirivha uye nenguo dzavaprista zana.

70 Vaprista, vaRevhi, vaimbi, varindi vemikova uye navashandi vomutemberi vakagara mumaguta avo, pamwe chete navamwe vavanhu, uye vamwe vaIsraeri vose vakagara mumaguta avowo.

Ezira 3

Kuvakwazve kweAritari

1 Mwedzi wechinomwe wakati wasvika uye vana veIsraeri vakanga vagara mumaguta avo, vanhu vakaungana pamwe chete somunhu mumwe chete muJerusarema.

2 Ipapo Jeshua mwanakomana waJozadhaki navamwe vake vaprista naZerubhabheri mwanakomana waShearitieri neshamwari dzake vakatanga kuvaka aritari yaMwari weIsraeri kuti vabayirepo zvipiriso zvinopiswa, maererano nezvakanyorwa muMurayiro waMozisi, munhu waMwari.

3 Vakavakira aritari pahwaro uye vakabayirapo kuna Jehovha zvipiriso zvinopiswa, zvose zvipiriso zvinopiswa zvamangwanani nezvamadekwana, zvisinei kuti vaitya vanhu vakanga vakavapoteredza.

4 Ipapo vakapemberera Mutambo waMatumba sezvazvakanga zvakanyorwa, nouwandu hwaidikanwa hwezvipiriso zvinopiswa hwakanga hwakanyorwa, hwezuva rimwe nerimwe.

5 Mushure maizvozvo, vakapa chipiriso chinopiswa chenguva dzose, nezvibayiro zvapaKugara kwoMwedzi uye nezvibayiro zvemitambo yose mitsvene yaJehovha yakanga yakatarwa, pamwe chetewo neizvo zvakauuyiswa sezvipo zvokuzvidira kuna Jehovha.

6 Pazuva rokutanga romwedzi wechinomwe vakatanga kupa zvipiriso zvinopiswa kuna Jehovha, kunyange zvazvo nheyo dzetemberi yaJehovha dzakanga dzichigere kuteyiwa.

Kuvakwazve kweTemberi

7 Ipapo vakapa mari kuvavezi vamabwe navavezi vamatanda, uye vakapa zvokudya nezvokunwa namafuta kuvanhu veSidhoni neveTire, kuitira kuti vatore matanda emisidhari kubva kuRebhanoni vagoayeredza nemvura yegungwa kuti aende kuJopa, sezvakanga zvatenderwa naSirasi mambo wePezhia.

8 Mumwedzi wechipiri wegore rechipiri mushure mokunge vasvika paimba yaMwari muJerusarema, Zerubhabheri mwanakomana waShearitieri, naJeshua mwanakomana waJozadhaki nedzimwe hama dzavo dzose (vaprista navaRevhi uye navose vakanga vadzokera kuJerusarema) vachibva kuutapwa vakatanga kushanda vakagadza vaRevhi vana makore makumi maviri kana anopfuura kuti vave vatariri vokuvakwa kweimba yaJehovha.

9 Jeshua navanakomana vake nehama dzake naKadhimieri navanakomana vake (zvizvarwa zvaHodhavhia) navanakomana vaHenadhadhi navanakomana vavo nehama dzavo, navaRevhi vose vakabatana pamwe chete navo pakutarira vaishanda paimba yaMwari.

10 Zvino vavaki vakati vateya nheyo dzetemberi yaJehovha, vaprista vakapfeka nguo dzavo, uye vakabata hwamanda, navaRevhi (vanakomana vaAsafi) vakabata makandira, vakamira munzvimbo dzavo kuti varumbidze Jehovha, sezvakanga zvarayirwa naDhavhidhi mambo weIsraeri.

11 Vakaimba kuna Jehovha vachirumbidza nokutenda, vachiti: “Jehovha akanaka; rudo rwake kuna Israeri runogara nokusingaperi.” Uye vanhu vose vakadanidzira nenzwi guru rokurumbidza kuna Jehovha, nokuti nheyo dzeimba yaJehovha dzakanga dzateyiwa.

12 Asi vazhinji vavaprista navaRevhi vakanga vakwegura navakuru vedzimba dzavo, avo vakanga vaona temberi yokutanga, vakachema nenzwi guru apo vakaona nheyo dzetemberi iyi dzichiteyiwa, asi vamwe vazhinji vaipururudza nomufaro.

13 Hapana aigona kutsaura inzwi rokudanidzira kwomufaro kubva kuinzwi rokuchema kwavanhu, nokuti vanhu vakaita ruzha rukuru kwazvo. Uye ruzha urwu rwakanzwika kure kure.

Ezira 4

Vavengi vanodzivisa kuvakwa kweTemberi

1 Vavengi veJudha neBenjamini vakati vanzwa kuti vatapwa vakanga vachivaka temberi yaJehovha, Mwari weIsraeri,

2 vakauya kuna Zerubhabheri nokuvakuru vedzimba vakati, “Titenderei kuti tikubatsirei kuvaka nokuti tinotsvaka Mwari wenyu, sezvamunoitawo, uye tinomubayira kubva pamazuva aEsarihadhoni mambo waAsiria, akatisvitsa pano.”

3 Asi Zerubhabheri, Jeshua navamwe vose vakuru vedzimba dzeIsraeri vakapindura vakati, “Hamuna mugove nesu mukuvaka temberi yaMwari wedu. Isu pachedu ndisu tichaivakira Jehovha, Mwari waIsraeri, sezvatakarayirwa naMambo Sirasi, mambo wePezhia.”

4 Ipapo marudzi akanga akavakomberedza akauya kuzoodza mwoyo yavanhu veJudha uye nokuvaita kuti vatye kuramba vachivaka.

5 Vakaripira vapi vamazano kuti vavapikise nokuvakanganisa paurongwa hwavo panguva yose yokutonga kwaSirasi mambo wePezhia uye kusvikira pakutonga kwaDhariasi mambo wePezhia.

Kumwe kudziviswa kwakazotevera panguva yokutonga kwaZekisesi napanguva yokutonga kwaAtazekisesi

6 Pakutanga kwokubata ushe kwaZekisesi vakapomera mhosva kuvanhu veJudha neveJerusarema.

7 Uye napamazuva aAtazekisesi mambo wePezhia, Bhishirami, Mitiredhati, Tabheeri navamwe vake vose vakanyora tsamba kuna Atazekisesi. Tsamba Yacho yakanga yakanyorwa namavara echiAramu uye nomutauro wechiAramu.

8 Rehumi muchinda mukuru naShimishai munyori vakanyora tsamba kuna mambo Atazekisesi vachipomera Jerusarema vachiti:

9 Rehumi muchinda mukuru naShimishai munyori, pamwe chete navamwe vavo vose, vatongi namakurukota vanotungamirira vanhu veTiriporisi, nevePezhia, neveEreki neBhabhironi, navaEramu veSusa,

10 uye navamwe vanhu avo vakadzingwa naAshuribhanipari mukuru uye anokudzwa, uye vakandogara muguta reSamaria nokune dzimwe nzvimbo dziri mhiri kwaYufuratesi.

11 Aya ndiwo mashoko etsamba yavakatumira kwaari: Kuna Mambo Atazekisesi, Kubva kuvaranda venyu, varume vagere mhiri kwaYufuratesi:

12 Mambo ngaaziviswe kuti vaJudha vakabva kwenyu vakauya kwatiri kuno vakaenda kuJerusarema uye vava kuvakazve guta riya rokumukira uye rakaipa. Vari kuvakazve masvingo aro nokugadzira nheyo dzayo.

13 Pamusoro pezvo, mambo ngaazive kuti kana guta iri rikavakwa uye masvingo aro akavakwazve, hakuchazovi nemitero, kana zvipo kana miripo ichazoripirwa, uye mari inoripwa kuna mambo ichava shoma.

14 Zvino isu zvatinokudza imba yamambo, taona zvisina kufanira kuona mambo achininipiswa, naizvozvo tatumira mashoko aya kuti tizivise mambo,

15 kuitira kuti kutsvagisiswe mumabhuku enhoroondo avakakutangirai. Mumabhuku aya muchaona kuti guta iri iguta rinomukira, rinotambudza madzimambo namatunhu, inzvimbo inomukira kubva kare. Ndokusaka guta iri rakaparadzwa.

16 Tinozivisa mambo kuti kana guta iri rikavakwa uye masvingo aro akamiswazve, muchasara musina chinhu mhiri kwaYufuratesi.

17 Mambo akatumira mhinduro iyi: Kuna Rehumi muchinda mukuru, naShimishai munyori navamwe vavo vose vagere muSamaria uye navagere mune dzimwe nzvimbo mhiri kwaYufuratesi: Kwaziwai.

18 Tsamba yamakatitumira yakaverengwa uye ikadudzirwa pamberi pangu.

19 Ndakarayira uye zvikatsvakwa, zvikaonekwa kuti guta iri rine nhoroondo yokumukira madzimambo kubva kare uye raiva nzvimbo yokumukira madzimambo nokurangana zvakaipa.

20 Jerusarema rakanga rine madzimambo ane simba akanga achitonga nzvimbo yose iri mhiri kwaYufuratesi, uye mitero, nezvipo nemiripo yairipirwa kwavari.

21 Zvino rayirai vanhu ava kuti varege basa, kuti guta iri rirege kuvakwa, kusvikira ini ndazorayira kuti zviitwe.

22 Chenjererai kuti musarega nyaya iyi. Mungaregereiko chakaipa ichi chichikura, kuti chigokanganisa zvido zvamambo?

23 Pakangoverengwa tsamba yaMambo Atazekisesi kuna Rehumi naShimishai munyori navamwe vavo, vakabva vaenda pakarepo kuvaJudha vaiva muJerusarema vakavamanikidza nechisimba kuti varege kuvaka.

24 Nokudaro basa reimba yaMwari rakamira kuitwa muJerusarema kusvikira gore rechipiri rokutonga kwaDhariasi mambo wePezhia.