2 Madzimambo 20

Kurwara kwaHezekia

1 Mumazuva iwayo Hezekia akarwara zvokuda kufa. Muprofita Isaya mwanakomana waAmozi akaenda kwaari akati, “Zvanzi naJehovha: Gadzira imba yako, nokuti uchafa, hausi kuzorarama.”

2 Hezekia akatendeukira kumadziro uye akanyengetera kuna Jehovha akati,

3 “Haiwa Jehovha, rangarirai kuti ndakafamba sei pamberi penyu nokutendeka uye nomwoyo wose uye ndikaita zvakanaka pamberi penyu.” Hezekia akachema zvikuru.

4 Isaya asati abva paruvanze rwapakati, shoko raJehovha rakauya kwaari richiti,

5 “Dzokera undoudza Hezekia, mutungamiri wavanhu vangu kuti, “Zvanzi naJehovha, Mwari wababa vako Dhavhidhi, ‘Ndanzwa munyengetero wako uye ndaona misodzi yako; ndichakuporesa. Nezuva retatu kubva zvino uchakwira kutemberi yaJehovha.

6 Ndichawedzera paupenyu hwako makore gumi namashanu. Uye ndichakurwira iwe neguta rino. Ndicharwira guta iri kubva muruoko rwamambo weAsiria nokuda kwangu uye nokuda kwomuranda wangu Dhavhidhi.’ ”

7 Ipapo Isaya akati, “Gadzirai bundu ramaonde.” Vakaita saizvozvo vakariisa pamota, uye akapora.

8 Hezekia akanga abvunza Isaya achiti, “Chiratidzo chichava chei chokuti Jehovha achandiporesa uye kuti ndichakwira kutemberi yaJehovha pazuva retatu kubva zvino?”

9 Isaya akapindura akati, “Ichi ndicho chiratidzo chaJehovha kwauri kuti Jehovha achaita zvaavimbisa: Ko, ungada kuti mumvuri uende nhambwe gumi mberi here kana kudzoka mushure nhambwe gumi?”

10 Hezekia akati, “Zvakareruka kuti mumvuri uende mberi nhambwe gumi. Saka ngaudzoke nhambwe gumi mushure.”

11 Ipapo muprofita Isaya akadana kuna Jehovha, Jehovha akadzorera mumvuri shure nhambwe gumi pamanera aAhazia.

Nhume dzakabva kuBhabhironi

12 Panguva iyo yaMerodhaki-Bharadhani mwanakomana waBharadhani mambo weBhabhironi akatumira tsamba nechipo kuna Hezekia, nokuti akanga anzwa nezvokurwara kwaHezekia.

13 Hezekia akagamuchira nhume akadziratidza zvose zvakanga zviri mumatura rake, sirivha negoridhe, nezvinonhuwira, namafuta anokosha, nedura rezvombo nezvose zvaiwanikwa pakati pepfuma yake. Hezekia haana chaasina kuvaratidza mumuzinda make kana muushe hwake hwose.

14 Ipapo muprofita Isaya akaenda kuna Mambo Hezekia akamubvunza akati, “Zvanzi kudini navarume avo, uye vabvepi?” Hezekia akapindura akati, “Vabva kunyika iri kure. Vabva kuBhabhironi.”

15 Muprofita akamubvunza akati, “Chii chavaona mumuzinda mako?” Hezekia akapindura akati, “Vaona zvose zviri mumuzinda mangu. Hapana chinhu chiri pakati pepfuma yangu chandisina kuvaratidza.”

16 Ipapo Isaya akati kuna Hezekia, “Chinzwa shoko raJehovha:

17 Zvirokwazvo nguva ichasvika yokuti zvose zviri mumuzinda mako, nezvose zvakaunganidzwa nababa vako kusvikira pazuva ranhasi, zvichatakurwa zvichiendeswa kuBhabhironi. Hapana chichasara, ndizvo zvinotaura Jehovha.

18 Uye vamwe vavanakomana vako, venyama yako chaivo neropa rako, vauchabereka, vachatorwa kubva kwauri, uye vachava varanda mumuzinda wamambo weBhabhironi.”

19 Hezekia akapindura akati, “Shoko raJehovha rawataura rakanaka.” Nokuti akafungawo akati, “Hakuchavi here norugare nokudzivirirwa munguva youpenyu hwangu?”

20 Kana zviri zvimwe zvakaitika panguva yokutonga kwaHezekia, nezvose zvaakaita uye namavakiro aakaita dziva nomugero waakauyisa nawo mvura muguta, hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo dzamadzimambo eJudha?

21 Hezekia akazorora namadzibaba ake. Manase mwanakomana wake akamutevera paumambo.

2 Madzimambo 21

Manase Mambo weJudha

1 Manase akanga ava namakore gumi namaviri paakava mambo, uye akatonga muJerusarema kwamakore makumi mashanu namashanu. Zita ramai vake rainzi Hefizibha.

2 Akaita zvakaipa pamberi paJehovha, achitevera zvinonyangadza zvendudzi dzakadzingwa pamberi pavaIsraeri naJehovha.

3 Akavakazve matunhu akakwirira akanga aparadzwa nababa vake Hezekia; uye akavaka aritari dzaBhaari akaita danda raAshera, sezvakanga zvaitwa naAhabhu mambo weIsraeri. Akapfugamira nyeredzi dzose dzedenga akadzinamata.

4 Akavaka aritari mutemberi yaJehovha, makanga manzi naJehovha, “Ndichaisa zita rangu muJerusarema.”

5 Muzvivanze zvose zviri zviviri zvetemberi yaJehovha, akavakira nyeredzi dzose dzokudenga aritari.

6 Akabayira mwanakomana wake mumoto, akaita uroyi nokuvuka, akabvunza masvikiro navavuki. Akaita zvakaipa zvakawanda pamberi paJehovha, akamutsa hasha dzake.

7 Akatora mufananidzo waAshera wakavezwa waakanga aita akauisa mutemberi, yakanga yanzi naJehovha kuna Dhavhidhi nokumwanakomana wake Soromoni, “Mutemberi iyi nomuJerusarema, mandakasarudza pakati pamarudzi ose aIsraeri, ndichaisamo Zita rangu nokusingaperi.

8 Handichaitizve kuti tsoka dzavaIsraeri dzidzungaire kubva munyika yandakapa madzitateguru avo, kana vakangochenjera chete kuita zvose zvandakavarayira uye vakachengeta Murayiro wose wavakapiwa nomuranda wangu Mozisi.”

9 Asi vanhu havana kuteerera. Manase akavatsausa, zvokuti vakanyanya kuita zvakaipa kupfuura dzimwe ndudzi dzakaparadzwa pamberi pavaIsraeri naJehovha.

10 Jehovha akataura kubudikidza navaranda vake ivo vaprofita akati,

11 “Manase mambo weJudha aita zvivi zvinonyangadza izvi. Aita zvakaipa zvakawanda kupfuura vaAmori vakamutangira uye atungamirira Judha muzvivi nezvifananidzo zvake.

12 Naizvozvo zvanzi naJehovha, Mwari waIsraeri: Ndichauyisa dambudziko pamusoro peJerusarema neJudha zvokuti nzeve dzomumwe nomumwe achanzwa nezvazvo dzichaunga.

13 Ndichatambanudzira kuJerusarema tambo yokuyeresa yandakayera nayo Samaria nerwodzi rwandakashandisa kuyera narwo imba yaAhabhu. Ndichapukuta Jerusarema somunhu anonopukuta ndiro, anoipukuta uye anogoitsindikira.

14 Ndichafuratira vakasara venhaka yangu uye ndichavapa kuvavengi vavo. Vachabirwa uye vachapambwa navavengi vavo,

15 nokuti vakaita zvakaipa pamberi pangu vakanditsamwisa kubva pazuva rakabuda madzitateguru avo kubva muIjipiti kusvikira zuva ranhasi.”

16 Pamusoro pezvo, Manase akateura ropa risina mhosva rakawanda zvokuti akazadza Jerusarema kubva kuno rumwe rutivi kusvika kuno rumwe, zvisiri izvozvo chete, asi nezvivi zvaakaita kuti Judha iite, zvokuti vakaita zvakaipa pamberi paJehovha.

17 Kana zviri zvimwe zvakaitika panguva yokutonga kwaManase, nezvose zvaakaita, pamwe chete nechivi chaakaita, hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo dzamadzimambo eJudha?

18 Manase akazorora namadzibaba ake akavigwa mubindu romumuzinda wake, bindu raUza. Uye Amoni mwanakomana wake akamutevera paumambo.

Amoni Mambo weJudha

19 Amoni akanga ava namakore makumi maviri namaviri paakava mambo, uye akatonga muJerusarema kwamakore maviri. Zita ramai vake rainzi Meshuremeti mwanasikana waHaruzi; akanga achibva kuJotibha.

20 Akaita zvakaipa pamberi paJehovha, sezvakanga zvaita Manase baba vake.

21 Akafamba munzira dzose dzababa vake; akanamata zvifananidzo zvakanga zvanamatwa nababa vake, akazvipfugamira.

22 Akafuratira Jehovha, Mwari wamadzibaba ake, haana kufamba munzira yaJehovha.

23 Vabati vaAmoni vakamumukira vakauraya mambo mumuzinda wake.

24 Ipapo vanhu venyika vakauraya vose vakanga vamukira Mambo Amoni, vakagadza mwanakomana wake Josia kuti ave mambo panzvimbo yake.

25 Kana zviri zvimwe zvakaitika panguva yokutonga kwaAmoni, nezvaakaita, hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo dzamadzimambo eJudha?

26 Akavigwa muguva rake mubindu raUza. Josia mwanakomana wake akamutevera paumambo.

2 Madzimambo 22

Bhuku roMurayiro Rinowanikwa

1 Josia akanga ava namakore masere paakava mambo, uye akatonga muJerusarema kwamakore makumi matatu nerimwe. Zita ramai vake rainzi Jedhidha mwanasikana waAdhaya; aibva kuBhozikati.

2 Akaita zvakanaka pamberi paJehovha uye akafamba munzira dzose dzababa vake Dhavhidhi, akasatsaukira kurudyi kana kuruboshwe.

3 Mugore regumi namasere rokutonga kwake, Mambo Josia akatuma munyori, Shafani mwanakomana waAzaria, mwanakomana waMeshurami, kutemberi yaJehovha. Akati kwaari,

4 “Enda kuna Hirikia muprista mukuru umuudze kuti averenge mari yakauyiswa mutemberi yaJehovha, iya yakaunganidzwa navarindi vomukova ichibva kuvanhu.

5 Uite kuti vaipe kuvarume vakagadzwa kuti vatarire basa rapatemberi. Uye varume ava vanofanira kuripa vabati vanogadzira temberi yaJehovha,

6 vavezi, navavaki navavezi vamatombo. Uyezve uite kuti vatenge matanda namatombo akavezwa kuti vagadzirise temberi.

7 Asi havafaniri kubvunzwa pamusoro pemari yakaiswa mumaoko avo, nokuti ivo vakatendeka pakubata kwavo.”

8 Hirikia muprista mukuru akati kuna Shafani munyori, “Ndawana Bhuku roMurayiro mutemberi yaJehovha.” Akaripa kuna Shafani, uyo akariverenga.

9 Ipapo Shafani munyori akaenda kuna mambo akandomuzivisa kuti: “Vabati venyu varipa mari iya yakanga iri mutemberi yaJehovha vakaipa kuvashandi navatariri vapatemberi.”

10 Ipapo Shafani munyori akazivisa mambo achiti, “Hirikia muprista andipa bhuku.” Uye Shafani akariverenga pamberi pamambo.

11 Mambo akati anzwa mashoko eBhuku roMurayiro, akabvarura nguo dzake.

12 Akarayira Hirikia muprista, naAhikami mwanakomana waShafani, naAkibhori mwanakomana waMikaya, naShafani munyori, naAsaya muranda wamambo achiti,

13 “Endai munondibvunzirawo Jehovha, ini navanhu ava, uye navanhu vose veJudha, pamusoro pezvakanyorwa mubhuku rakawanikwa iri. Nokuti kutsamwa kwaJehovha kwaakatitsamwira nako kukuru nokuda kwamadzibaba edu asina kuteerera mashoko ebhuku iri; havana kuita zvose zvakafanira zvakanyorwa pamusoro pedu.”

14 Hirikia muprista, naAhikami, naAkibhori, naShafani naAsaya vakaenda kundotaura naHuridha muprofitakadzi, akanga ari mukadzi waSharumi mwanakomana waTikivha, mwanakomana waHarihasi, muchengeti wenguo. Aigara muJerusarema, muDunhu reChipiri.

15 Akati kwavari, “Zvanzi naJehovha, Mwari weIsraeri: Udzai murume akutumai kwandiri kuti,

16 ‘Zvanzi naJehovha: Ndichauyisa dambudziko pamusoro penzvimbo ino navanhu vayo, zvichienderana nezvose zvakanyorwa mubhuku rakaverengwa namambo weJudha.

17 Nokuti vakandirasa, vakapisira zvinonhuwira kuna vamwe vamwari, vakanditsamwisa nokuda kwezvifananidzo zvose zvavakaita namaoko avo, kutsamwa kwangu kuchapfuta pamusoro penzvimbo ino uye hakungadzimwi.’

18 Udzai mambo weJudha, akutumai kuzobvunza Jehovha, kuti, ‘Zvanzi naJehovha, Mwari waIsraeri, pamusoro pamashoko amakanzwa:

19 Nokuti mwoyo wako wakanga uri munyoro uye ukazvininipisa pamberi paJehovha pawakanzwa zvandakataura pamusoro penzvimbo ino navanhu vayo, kuti vachatukwa uye kuti vachaitwa dongo, uye nokuti wakabvarura nguo dzako ukachema pamberi pangu, ndakunzwa, ndizvo zvinotaura Jehovha.

20 Naizvozvo ndichakurongedza kumadzibaba ako, uye uchavigwa murugare. Meso ako haachazooni matambudziko ose andichauyisa panzvimbo ino.” Naizvozvo vakaendesa mhinduro yake kuna mambo.

2 Madzimambo 23

Josia anovandudza Sungano

1 Ipapo mambo akaunganidza vakuru vose veJudha neJerusarema pamwe chete.

2 Akakwidza achienda kutemberi yaJehovha navarume veJudha, navanhu veJerusarema, vaprista navaprofita, navanhu vose kubva kuvaduku kusvikira kuvakuru. Akaverenga vachinzwa mashoko ose eBhuku reSungano, rakanga rawanikwa mutemberi yaJehovha.

3 Mambo akamira pambiru akavandudza sungano pamberi paJehovha, kuti atevere Jehovha uye achengete zvaakarayira, nezvaakatema nemitemo yake nomwoyo wake wose, nomweya wake wose nokudaro achisimbisa mashoko esungano akanyorwa mubhuku iri. Ipapo vanhu vose vakazvipira kusungano.

4 Zvino mambo akarayira Hirikia muprista mukuru, navaprista vaimutevera paukuru navarindi vemikova kuti vabvise mutemberi yaJehovha zvose zvakanga zvaitirwa Bhaari naAshera nenyeredzi dzose dzokudenga. Akazvipisira kunze kweJerusarema muminda yoMupata weKidhironi, akaendesa madota azvo kuBheteri.

5 Akabvisa vaprista vezvifananidzo vakanga vagadzwa namadzimambo eJudha kuti vapisire zvinonhuwira pamatunhu akakwirira amaguta eJudha napamusoro penzvimbo dzakapoteredza Jerusarema, vaya vaipisira zvinonhuwira kuna Bhaari, nokuzuva nomwedzi nokunyeredzi dzose dzokudenga.

6 Akabvisa danda raAshera mutemberi yaJehovha akariisa kuMupata weKidhironi kunze kweJerusarema akaripisirako. Akarikuya rikava madota, akaparadzira madota acho pamusoro pamarinda avanhuwo zvavo.

7 Akaputsawo dzimba dzezvifeve zvavarume zvapatemberi dzaiva mutemberi yaJehovha mairukira vakadzi machira aAshera.

8 Josia akabudisa vaprista vose vaibva mumaguta eJudha akashatisa matunhu akakwirira, kubva kuGebha kusvikira kuBheerishebha, kwaipisirwa zvinonhuwira navaprista. Akaputsa matunhu akakwirira apamasuo apamukova weSuo raJoshua, mutongi weguta, raiva kuruboshwe rwesuo reguta.

9 Kunyange zvazvo vaprista vamatunhu akakwirira vakanga vasingashumiri paaritari yaJehovha muJerusarema, vakadya zvingwa zvisina mbiriso pamwe chete nehama dzavo vaprista.

10 Akashatisa Tofeti iri muMupata weBheni Hinomi, kuitira kuti pasava nomunhu angapashandisa kubayira mwanakomana wake kana mwanasikana wake mumoto kuna Moreki.

11 Akabvisa pasuo retemberi yaJehovha mabhiza akanga akumikidzwa kuzuva namadzimambo eJudha, akanga ari muchivanze pedyo nekamuri romubati ainzi Natani-Mereki. Ipapo Josia akapisa ngoro dzakanga dzakakumikidzwa kuzuva.

12 Akaputsira pasi aritari dzakanga dzavakwa namadzimambo eJudha pamusoro pedenga, pedyo nekamuri rapamusoro raAhazia, nearitari dzakanga dzavakwa naManase muzvivanze zviviri zvetemberi yaJehovha. Akadzibvisapo, akadziputsaputsa uye akakanda marara acho muMupata weKidhironi.

13 Mambo akashatisawo matunhu akakwirira akanga ari kumabvazuva kweJerusarema nechezasi kweChikomo choUori, izvo zvakanga zvavakwa naSoromoni mambo weIsraeri achivakira Ashitoreti mwari anonyangadza wavaSidhoni naKemoshi mwari anonyangadza wavaMoabhu, naMoreki mwari anonyangadza wavaAmoni.

14 Josia akaputsa-putsa shongwe dzamatombo vakatema matanda aAshera uye akafukidza nzvimbo dzacho namapfupa avanhu.

15 Pamusoro paizvozvo, akaparadza aritari paBheteri nenzvimbo yakakwirira yakaitwa naJerobhoamu mwanakomana waNebhati, uyo akaita kuti Israeri itadze, kunyange aritari iyoyo nenzvimbo yakakwirira akazviputsa. Akapisa nzvimbo yakakwirira akaikuya kuita upfu, uye akapisawo danda raAshera.

16 Ipapo Josia akatariratarira uye paakaona makuva akanga aripo pamusoro pechikomo, akarayira kuti mapfupa abviswe maari uye apiswe paaritari kuti aishatise aisvibise, maererano neshoko raJehovha rakaparidzwa nomunhu waMwari akaprofita zvinhu izvi.

17 Mambo akabvunza akati, “Ko, shongwe yeguva yandinoona iyo ndeyaani?” Varume vomuguta vakati, “Ndiyo inoratidza rinda romunhu waMwari akabva kuJudha akaprofita pamusoro pearitari yeBheteri nezvinhu izvi zvamaita kwairi.”

18 Iye akati, “Regai azorore. Ngakurege kuva nomunhu anokanganisa mapfupa ake.” Naizvozvo vakarega mapfupa ake pamwe nemuprofita akanga abva kuSamaria.

19 Josia akaita zvimwe chetezvo sezvaakanga aita paBheteri akabvisa uye akashatisa temberi dzose dzapamatunhu akakwirira dzakanga dzavakwa namadzimambo eIsraeri mumaguta eSamaria, akanga atsamwisa Jehovha,

20 Josia akauraya vaprista vose vokumatunhu akakwirira pamusoro pearitari uye akapisirapo mapfupa avanhu. Ipapo akabva adzokera kuJerusarema.

21 Mambo akarayira vanhu vose akati, “Itirai Jehovha Mwari wenyu Pasika sezvazvakanyorwa muBhuku iri reSungano.”

22 Hakuna kumbova nepasika yakadai kubvira pamazuva avatongi vakatungamirira Israeri kana pamazuva amadzimambo avaIsraeri, namadzimambo eJudha.

23 Asi mugore regumi namasere raMambo Josia, pasika iyi yakaitirwa Jehovha muJerusarema.

24 Pamusoro paizvozvo, Josia akabvisa masvikiro ose navavuki, navamwari vomudzimu, nezvifananidzo nezvimwe zvose zvinonyangadza zvaionekwa muJudha neJerusarema. Akaita izvi kuti azadzise zvaidikanwa nomurayiro wakanga wakanyorwa mubhuku rakanga rakawanikwa nomuprista Hirikia mutemberi yaJehovha.

25 Hapana kumbova namambo akaita saJosia kuna vakamutangira kana vakamutevera, akatendeukira kuna Jehovha nomwoyo wake wose, nomweya wake wose, uye nesimba rake rose, sezvaakaita achitevera Murayiro wose waMozisi.

26 Kunyange zvakadaro, Jehovha haana kushanduka pakupisa kwehasha dzake dzinotyisa, dzaipisira Judha nokuda kwezvose zvakaitwa naManase achimutsamwisa.

27 Naizvozvo Jehovha akati, “Ndichabvisawo Judha pamberi pangu sokubvisa kwandakaita Israeri, uye ndicharamba Jerusarema, guta randakasarudza, netemberi iyi, yandakataura pamusoro payo ndichiti, ‘Zita rangu richagarapo.’ ”

28 Kana zviri zvimwe, zvakaitika pakutonga kwaJosia, nezvose zvaakaita, hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo dzamadzimambo eJudha?

29 Josia paakanga ari mambo, Faro Neko mambo weIjipiti akaenda kuRwizi Yufuratesi kuti andobatsira mambo weAsiria. Mambo Josia akaenda kundorwisana naye, asi Neko akamuona akamuuraya paMegidho.

30 Varanda vaJosia vakatakura mutumbi wake mungoro kubva kuMegidho kusvika kuJerusarema vakamuviga muguva rake. Vanhu vomunyika imomo vakatora Jehoahazi mwanakomana waJosia vakamuzodza uye vakamuita mambo panzvimbo yababa vake.

Jehoahazi Mambo weJudha

31 Jehoahazi akanga ava namakore makumi maviri namatatu paakava mambo, akatonga mwedzi mitatu muJerusarema. Zita ramai vake rainzi Hamutari mwanasikana waJeremia, vaibva kuRibhina.

32 Akaita zvakaipa pamberi paJehovha, sezvakanga zvaitwa namadzibaba ake.

33 Faro Neko akamusunga nengetani paRibhira munyika yeHamati kuti asatonga muJerusarema, uye akaisa mutero pamusoro peJudha wamatarenda zanaa esirivha netarendab regoridhe.

34 Faro Neko akagadza Eriakimi mwanakomana waJosia kuti ave mambo panzvimbo yababa vake uye Josia akashandura zita raEriakimi kuti rive Jehoyakimi. Asi akatora Jehoahazi akaenda naye kuIjipiti, uye ndiko kwaakafira.

35 Jehoyakimi akapa Faro Neko sirivha negoridhe sezvaakanga areva. Kuti aite izvozvo, akaripisa vanhu vomunyika imomo mutero achitora sirivha negoridhe kubva kuvanhu venyika maererano nezvavakanga vatarirwa.

Jehoyakimi anova Mambo weJudha

36 Jehoyakimi akanga ava namakore makumi maviri namashanu paakava mambo, uye akatonga kwamakore gumi nerimwe muJerusarema. Zita ramai vake rainzi Zebhidha mwanasikana waPedhaya; vaibva kuRuma.

37 Akaita zvakaipa pamberi paJehovha, sezvakanga zvaitwa namadzibaba ake.

2 Madzimambo 24

1 Mumazuva okutonga kwaJehoyakimi Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi akakunda nyika, Jehoyakimi akava muranda wake kwamakore matatu. Asi akazoshandura pfungwa dzake akamukira Nebhukadhinezari.

2 Jehovha akatuma vaBhabhironi navaAramu navaMoabhu uye navaAmoni kuti vazorwisa. Akavatuma kunoparadza Judha, sezvakarehwa neshoko raJehovha rakataurwa navaranda vake navaprofita.

3 Zvirokwazvo zvinhu izvi zvakaitika kuna Judha sezvazvakarayirwa naJehovha, kuitira kuti avabvise pamberi pake nokuda kwezvivi zvaManase nezvose zvaakaita,

4 zvinosanganisira kuteura ropa risina mhosva. Nokuti akanga azadza Jerusarema neropa risina mhosva, uye Jehovha akanga asingadi kumukanganwira.

5 Kana zviri zvimwe zvakaitika pakutonga kwaJehoyakimi, nezvose zvaakaita, hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo dzamadzimambo eJudha?

6 Jehoyakimi akazorora namadzibaba ake. Uye Jehoyakini, mwanakomana wake akamutevera paumambo.

7 Mambo weIjipiti haana kuzobudazve kubva munyika yake nokuti mambo weBhabhironi akanga atora nyika yake yose, kubva kuRwizi rweIjipiti kusvikira kuRwizi Yufuratesi.

Jehoyakini anova Mambo weJudha

8 Jehoyakini akanga ava namakore gumi namasere paakava mambo, uye akatonga kwemwedzi mitatu muJerusarema. Zita ramai vake rainzi Nehushita mwanasikana waErinatani; vaibva muJerusarema.

9 Akaita zvakaipa pamberi paJehovha, sezvakanga zvaitwa nababa vake.

10 Panguva iyoyo varanda vaNebhukadhinezari mambo weBhabhironi vakaenda kuJerusarema vakarikomba,

11 uye Nebhukadhinezari pachake akasvika kuguta, varanda vake pavakanga vakarikomba.

12 Jehoyakini mambo weJudha, namai vake, navaranda vake, namakurukota ake, navabati vake vakazvipira vose kwaari. Mugore regumi namasere rokutonga kwamambo weBhabhironi, akatora Jehoyakini akamuita musungwa.

13 Sezvakanga zvarehwa naJehovha, Nebhukadhinezari akabvisa pfuma yose mutemberi yaJehovha nomumuzinda wamambo, uye akatora midziyo yose yegoridhe yakanga yaitirwa temberi yaJehovha naSoromoni mambo weJudha.

14 Akatapa Jerusarema rose: vabati vose navarume vehondo vose, navarume voumhizha vose, navapfuri vesimbi—vaiva vanhu zviuru gumi. Varombo vokupedzisira ndivo vakasara chete munyika imomo.

15 Nebhukadhinezari akatora Jehoyakini akamuita nhapwa kuBhabhironi. Akatorawo mai vamambo, navakadzi vake, navabati vake navarume vaitungamirira nyika muJerusarema akavaendesa kuBhabhironi.

16 Mambo weBhabhironi akabudisawo hondo yose yavarume zviuru zvinomwe, vakasimba pakurwa, nechiuru chimwe chete chavarume voumhizha navapfuri vesimbi akavaendesa kuBhabhironi.

17 Akaita Matania babamunini vaJehoyakini, mambo panzvimbo yaJehoyakini uye akashandura zita rake akamutumidza kuti Zedhekia.

Zedhekia anova Mambo weJudha

18 Zedhekia akanga ana makore makumi maviri nerimwe chete paakava mambo, uye akatonga muJerusarema kwamakore gumi nerimwe. Zita ramai vake rainzi Hamutari mwanasikana waJeremia; vaibva kuRibhina.

19 Akaita zvakaipa pamberi paJehovha, sezvakanga zvaita Jehoyakini.

20 Izvi zvakaitika kuJerusarema neJudha nokuda kwehasha dzaJehovha, uye pakupedzisira akavabvisa pamberi pake. Zvino Zedhekia akamukira mambo weBhabhironi.

2 Madzimambo 25

Kuwa kweJerusarema

1 Naizvozvo mugore repfumbamwe rokutonga kwaZedhekia, pazuva regumi romwedzi wegumi, Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi akaenda kundorwisana neJerusarema nehondo yake yose. Akavaka misasa akakomberedza guta uye akavakawo nhare dzakanga dzakarikomberedza.

2 Guta rakaramba rakakombwa kusvikira pagore regumi nerimwe chete raMambo Zedhekia.

3 Pazuva repfumbamwe romwedzi wechina nzara yakanyanya muguta zvokuti makanga musisina zvokudya zvavanhu.

4 Ipapo rusvingo rweguta rwakapwanyiwa, hondo yose ikatiza usiku napasuo raiva pakati pamasvingo maviri pedyo nebindu ramambo, kunyange veBhabhironi vakanga vakakomba guta. Vakatiza vakananga kuArabha,

5 asi hondo yavaBhabhironi yakadzinganisa mambo ikamubatira mumapani eJeriko. Varwi vake vose vakaparadzaniswa naye uye vakapararira.

6 Iye akabatwa. akaendeswa kuna mambo weBhabhironi paRibhira, kwaakandotongwa.

7 Vakauraya vanakomana vaZedhekia pamberi pake achizviona. Ipapo vakamutushura meso ake, vakamusunga nezvisungo zvamatare vakamutora vakaenda naye kuBhabhironi.

8 Pazuva rechinomwe romwedzi wechishanu, mugore regumi nepfumbamwe raNebhukadhinezari mambo weBhabhironi, Nebhuzaradhani mukuru wehondo yavachengeti vamambo, muranda wamambo weBhabhironi, akauya kuJerusarema.

9 Akapisa temberi yaJehovha, nomuzinda wamambo nedzimba dzose dzeJerusarema. Akapisa, dzimba dzose dzaikosha.

10 Hondo yose yeBhabhironi yaiva pasi pomukuru wavarindi vamambo yakaputsa masvingo aipoteredza Jerusarema.

11 Nebhuzaradhani mukuru wavarindi akaendesa kuutapwa vanhu vakanga vasara muguta, pamwe chete navamwe vanhu vose zvavo navaya vakanga vaenda kuna mambo weBhabhironi.

12 Asi mukuru wavarindi akasiya vanhu vakanga vari varombo vokupedzisira munyika kuti vashande muminda yemizambiringa nemimwe minda.

13 Vanhu veBhabhironi vakaputsa mbiru dzendarira, nengoro neGungwa rendarira zvakanga zviri mutemberi yaJehovha vakatakura ndarira vakaenda nayo kuBhabhironi.

14 Vakatorawo hari, nefoshoro, nezvidzimiso zvemwenje, nemadhishi uye nemidziyo yose yendarira yaishandiswa mutemberi.

15 Mukuru wehondo yavarindi vamambo akatora zvaenga zvezvinonhuwira namadhishi okusasa nawo, nezvose zvakanga zvakagadzirwa negoridhe rakaisvonaka kana sirivha.

16 Ndarira yakabva pambiru mbiri, Gungwa nengoro, zvakanga zvagadzirirwa temberi yaJehovha naSoromoni, zvakanga zvakawanda zvokuti zvaisagona kuyerwa.

17 Mbiru imwe neimwe yaiva yakareba makubhiti gumi namaserea. Musoro wendarira waiva pamusoro pembiru wakanga wakareba makubhiti matatub uye wakanga wakashongedzwa nomumbure uye namatamba endarira akanga akaupoteredza. Imwe mbiru nomumbure wayo yakanga yakadarowo.

18 Mukuru wavarindi akatora Seraya muprista mukuru naZefania muprista aimutevera paukuru navachengeti vomukova vatatu akavaita vasungwa.

19 Pane avo vakanga vasara muguta, akatora mutariri wavarume vokurwa navapi vamazano vamambo vashanu. Akatorawo munyori akanga ari mubati mukuru ainyoresa vanhu venyika uye navamwe vanhu vake vaisvika makumi matanhatu vakawanikwa muguta.

20 Nebhuzaradhani mukuru wavarindi akavatora vose akavaendesa kuna mambo weBhabhironi paRibhura.

21 Ipapo paRibhura munyika yeHamati, mambo akarayira kuti vaurayiwe. Saka Judha yakaenda kuutapwa, kure nenyika yayo.

22 Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi akagadza Gedharia mwanakomana waAhikami, mwanakomana waShafani, kuti atonge vanhu vaakanga asiya muJudha.

23 Vakuru vose vehondo navanhu vavo pavakanzwa kuti mambo weBhabhironi akanga agadza Gedharia kuti ave mutongi, vakauya kuna Gedharia paMizipa, Ishumaeri mwanakomana waNetania, naJohanani mwanakomana waKarea, naSeraya mwanakomana waTanhumeti muNetofati, naJaazania mwanakomana womuMaakati, navanhu vavo.

24 Gedharia akaita mhiko kuti avasimbise, ivo navanhu vavo. Akati kwavari, “Musatya vabati vomuBhabhironi. Garai munyika mushandire mambo weBhabhironi zvigokunakirai.”

25 Kunyange zvakadaro, mumwedzi wechinomwe Ishumaeri mwanakomana waNetania, mwanakomana waErishama, akanga ari weropa roushe, akauya navarume gumi akauraya Gedharia navarume veJudha neveBhabhironi vaiva naye paMizipa.

26 Zvadai, vanhu vose kubva kuvadiki kusvika kuvakuru navakuru vehondo pamwe chete vakatizira kuIjipiti, vachitya vaBhabhironi.

Jehoyakini anosunungurwa

27 Mugore ramakumi matatu namanomwe rokutapwa kwaJehoyakini mambo weJudha, mugore rakatanga Evhiri Merodhaki mambo weBhabhironi kutonga, akasunungura Jehoyakini kubva muusungwa pazuva ramakumi manomwe romwedzi wegumi nemiviri.

28 Akataura zvakanaka kwaari akamupa chigaro chokukudzwa chakapfuura chamamwe madzimambo akanga anaye muBhabhironi.

29 Naizvozvo Jehoyakini akabvisa nguo dzake dzousungwa uye akadya patafura yamambo nguva nenguva pamazuva ose oupenyu hwake.

30 Zuva nezuva mambo akapa Jehoyakini mugove wezuva rimwe nerimwe mazuva ose oupenyu hwake.

1 Madzimambo 1

Adhoniya anozvigadza Umambo

1 Mambo Dhavhidhi akanga akwegura, ava namakore mazhinji, asi akanga asingadziyirwi kunyange vaimufukidza namagumbeze.

2 Naizvozvo, varanda vake vakati kwaari, “Ngatitsvakirei mambo wedu mhandara kuti imushandire nokumuchengeta. Acharara padivi pake kuti ishe mambo wedu adziyirwe.”

3 Naizvozvo, vakatsvaka musikana akanaka munyika yose yeIsraeri, vakawana Abhishagi, muShunami, vakauya naye kuna mambo.

4 Musikana uyu akanga akanaka kwazvo; uye akachengeta mambo akamushandira, asi mambo haana kurara naye somukadzi wake.

5 Zvino Adhoniya, uyo aiva namai vainzi Hagiti, akazvisimudzira akati, “Ini ndichava mambo.” Naizvozvo, akazvigadzirira ngoro navatasvi vamabhiza navarume makumi mashanu kuti vamhanye pamberi pake.

6 Baba vake vakanga vasina kana kumbomutsiura paupenyu hwake hwose vachiti, “Ko, izvi nezvizvi wazviitirei?” Akanga ari murume akanaka pachiso chake uye ndiye aitevera Abhusaromu pakuberekwa.

7 Adhoniya akarangana naJoabhu, mwanakomana waZeruya, naAbhiatari muprista uye vakamutsigira.

8 Asi Zadhoki muprista, Bhenaya mwanakomana waJehoyadha, Natani muprofita, Shimei, naRei, namauto apamusoro aDhavhidhi, havana kutevera Adhoniya.

9 Adhoniya akabayira makwai, mombe nemhuru dzakakodzwa paDombo reZohereti, pedyo nepaEnirogeri. Akakoka vakoma navanun’una vake vose, vanakomana vamambo, navarume vose veJudha vaiva vakuru vakuru,

10 asi haana kukoka Natani muprofita, kana Bhenaya, kana mauto apamusoro, kana Soromoni munun’una wake.

11 Ipapo Natani akabvunza Bhatishebha, mai vaSoromoni akati, “Hauna kunzwa here kuti Adhoniya, mwanakomana waHagiti, atova mambo ishe wedu Dhavhidhi asingazvizivi?

12 Zvino chirega ndikubayire zanhi kuti uponese upenyu hwako noupenyu hwomwanakomana wako Soromoni.

13 Chitoenda izvozvi kuna mambo Dhavhidhi unoti kwaari, ‘Ishe wangu mambo, hamuna kupikira ini murandakadzi wenyu here muchiti, “Zvirokwazvo Soromoni mwanakomana wako ndiye achanditevera paumambo, uye ndiye achagara pachigaro changu choushe?” Zvino Adhoniya ava mambo sei?’

14 Zvino iwe paunenge uchiri kutaura namambo, ini ndichapindawo ndichisimbisa zvaunenge wataura.”

15 Naizvozvo, Bhatishebha akaenda kundoona mambo mumba make. Mambo akanga akwegura kwazvo, uye Abhishagi muShunami akanga achimushandira.

16 Bhatishebha akakotama, akapfugama pamberi pamambo. Mambo akati, “Unodeiko?”

17 Iye akati kwaari, “Ishe wangu, makapikira muranda wenyu naJehovha Mwari wenyu mukati, ‘Soromoni mwanakomana wako ndiye achatevera paumambo, ndiye achagara pachigaro changu choushe.’

18 Asi zvino Adhoniya ava mambo, kunyange imi musingazvizivi.

19 Abayira mombe dzakawanda, mhuru dzakakodzwa, namakwai, uye akoka vanakomana vose vamambo, Abhiatari muprista naJoabhu mutungamiri wamauto, asi haana kukoka Soromoni muranda wenyu.

20 Zvino ishe wangu mambo, meso eIsraeri yose akatarisa kwamuri, kuti muvaudze kuti ndiani achagara pachigaro choushe chaishe wangu mambo, mushure make.

21 Kana musina kudaro, kana ishe wangu mambo aradzikwa namadzibaba ake, ini nomwanakomana wangu Soromoni tichanzi tine mhosva.”

22 Achiri kutaura namambo, Natani muprofita akabva asvika.

23 Zvino vakaudza mambo kuti, “Natani muprofita ari pano.” Naizvozvo akaenda pamberi pamambo, akakotamisa uso hwake pasi.

24 Natani akati, “Ishe wangu, mambo wangu, mareva here kuti Adhoniya ndiye achava mambo mushure menyu, uye kuti ndiye achagara pachigaro chenyu choushe?

25 Nhasi aburuka akandobayira mombe dzakawanda, mhuru dzakakodzwa, namakwai. Akoka vanakomana vose vamambo, vatungamiri vamauto naAbhiatari muprista. Izvozvi vari kudya nokunwa naye vachiti, ‘Mambo Adhoniya ngaararame makore akawanda!’

26 Asi haana kukoka ini muranda wenyu naZadhoki muprista, naBhenaya mwanakomana waJehoyadha, nomuranda wenyu Soromoni.

27 Izvi ndizvo here zvaitwa naishe wangu mambo vasina kuudza varanda vavo kuti ndiani achagara pachigaro choushe chaishe mambo wangu mushure mavo.”

Dhavhidhi anogadza Soromoni Umambo

28 Ipapo Mambo Dhavhidhi akati, “Ndidanirei Bhatishebha.” Naizvozvo iye akauya kuna mambo akamira pamberi pake.

29 Zvino mambo akapika akati, “Kana Jehovha wangu ari mupenyu, uyo akandinunura pamatambudziko ose,

30 zvirokwazvo, nhasi ndichazadzisa zvandakakupikira naJehovha, Mwari waIsraeri kuti, ‘Mwanakomana wako Soromoni achanditevera paumambo, uye achagara pachigaro changu choushe panzvimbo pangu.’ ”

31 Ipapo Bhatishebha akakotama pasi nechiso chake akapfugamira mambo akati, “Ishe wangu, Mambo Dhavhidhi, ngaararame nokusingaperi!”

32 Mambo Dhavhidhi akati, “Ndidanirei Zadhoki muprista, Natani muprofita naBhenaya mwanakomana waJehoyadha.” Ivo vakati vauya pamberi pamambo,

33 iye akati kwavari, “Endai navaranda vaishe, mutasvise Soromoni mwanakomana wangu pahesera rangu chairo mugoenda naye zasi kuGihoni.

34 Ikoko, Zadhoki muprista naNatani muprofita ngavamuzodze kuti ave mambo weIsraeri. Muridze hwamanda mugodanidzira muchiti, ‘Mambo Soromoni ngaararame makore akawanda!’

35 Zvino imi muchauya muchimutevera, kuti iye auye azogara pachigaro changu choushe, nokuti achava mambo panzvimbo pangu, uye ndamugadza kuti ave mutongi weIsraeri neJudha.”

36 Bhenaya mwanakomana waJehoyadha akapindura akati, “Ameni! Jehovha, Mwari waishe mambo wangu, ngaadarowo!

37 Jehovha sezvaaiva naishe wangu mambo, saizvozvowo ngaave naSoromoni, aite kuti chigaro chake choushe chive chikuru kupfuura chigaro choushe chaishe wangu Mambo Dhavhidhi!”

38 Naizvozvo Zadhoki muprista, Natani muprofita, Bhenaya mwanakomana waJehoyadha, vaKereti navaPereti vakadzika, vakatasvisa Soromoni pahesera raMambo Dhavhidhi, vakamutungamirira kuenda kuGihoni.

39 Zadhoki muprista akatora gonamombe ramafuta mutende akazodza Soromoni. Ipapo vakaridza hwamanda vanhu vose vakadanidzira vachiti, “Mambo Soromoni ngaararame makore akawanda!”

40 Zvino vanhu vose vakamutevera vachiridza mabhosvo vachipembera zvikuru zvokuti pasi pakatinhira noruzha rwavo.

41 Adhoniya navose vaakanga akoka, vaakanga anavo, vakazvinzwa pavakanga vopedza kudya, Joabhu akati achinzwa ruzha rwehwamanda, akabvunza, akati, “Mheremhere yose iyi muguta ndeyeiko?”

42 Achiri kutaura kudaro, Jonatani, mwanakomana waAbhiatari muprista, akasvika. Adhoniya akati, “Pinda! Murume akatendeka sewe anofanira kunge achiuya namashoko akanaka.”

43 Jonatani akapindura akati, “Kwete, kwete! Ishe wedu Mambo Dhavhidhi agadza Soromoni paumambo.

44 Mambo amutuma naZadhoki muprista, Natani muprofita, Bhenaya mwanakomana waJehoyadha, vaKereti navaPereti, uye vamutasvisa hesera ramambo,

45 uye Zadhoki muprista naNatani muprofita vamuzodza kuti ave mambo paGihoni. Vabva ikoko vachipembera, zvokuti guta rose rangova zhowezhowe. Ndiyo mheremhere yamuri kunzwa.

46 Pamusoro paizvozvo, Soromoni agara pachigaro choushe.

47 Uyezve, machinda amambo auya kuzokorokotedza ishe wedu Mambo Dhavhidhi achiti, ‘Mwari wenyu ngaaite kuti zita raSoromoni rive nomukurumbira kupfuura renyu, uye chigaro chake choushe ngachive chakakura kupfuura chenyu!’ Zvino mambo akotama pamubhedha pake akanamata,

48 akati, ‘Jehovha, Mwari waIsraeri, ngaarumbidzwe, iye anditendera kuti ndione mumwe wavana vangu achigara pachigaro changu choushe nhasi.’ ”

49 Zvino vose vakanga vakokwa naAdhoniya vakabatwa nokutya vakasimuka vakati uyu ananga kwake, uyu ananga kwake.

50 Asi Adhoniya akatya Soromoni, akasimuka akaenda kundobata nyanga dzearitari.

51 Soromoni akaudzwa kuti, “Tarirai, Adhoniya ari kutya Mambo; hoyo atobata nyanga dzearitari achiti, ‘Mambo Soromoni ngaandipikire nhasi kuti haasi kuzouraya muranda wake nomunondo.’ ”

52 Zvino Soromoni akati, “Kana akazova munhu kwaye, hakuna rubvudzi rwomusoro wake ruchawira pasi; asi zvakaipa zvikawanikwa maari, achafa.”

53 Ipapo Mambo Soromoni akatuma varume vakandouya naye kubva paaritari. Zvino Adhoniya akauya akakotamira Mambo Soromoni, Soromoni akati kwaari, “Enda kumba kwako.”

1 Madzimambo 2

Dhavhidhi anorayira Soromoni

1 Zvino nguva yokufa kwaDhavhidhi yakati yoswedera, akarayira Soromoni mwanakomana wake,

2 achiti,

“Ndava pedyo nokuenda nenzira yenyika yose. Naizvozvo iva munhu akasimba, uve murume,

3 ucherechedze zvose zvinodiwa naJehovha Mwari wako: Famba munzira dzake, chengeta zvaakatema, mirayiro yake, mitemo yake nezvaanoda, sezvazvakanyorwa muMurayiro waMozisi, kuti ugobudirira pazvose zvaunoita nakwose kwaunoenda.

4 Ipapo Jehovha achasimbisa shoko rake raakataura pamusoro pangu rokuti, ‘Kana vana vako vakachenjerera nzira yavo, vakafamba pamberi pangu nokutendeka, nomwoyo wavo wose, nomweya wavo wose, hapangatongoshayikwi munhu achakutevera pachigaro choushe chaIsraeri.’

5 “Zvino iwe pachako unoziva zvandakaitirwa naJoabhu, mwanakomana waZeruya, zvaakaita kuvatungamiri vaviri vehondo dzaIsraeri, Abhuna mwanakomana waNeri, naAmasa mwanakomana waJeteri. Akavauraya, akateura ropa ravo panguva yorugare sokunge vakanga vari muhondo, uye ropa iroro akarizora pabhanire raiva muchiuno chake napashangu dzetsoka dzake.

6 Ita zvaunogona naye nouchenjeri hwako, asi usatendera musoro wake wachena kuti upinde muguva norugare.

7 “Asi uitire unyoro vanakomana vaBharizira wokuGireadhi, uye ngavave pakati paavo vanodya patafura yako. Vakamira neni pandakatiza mukoma wako Abhusaromu.

8 “Rangarira kuti unayewo Shimei, mwanakomana waGera, muBhenjamini wokuBhahurimu, uyo akandituka zvakaipa kwazvo musi wandakaenda kuMahanaimu. Paakadzika kuzosangana neni paJorodhani, ndakapika kwaari naJehovha ndikati, ‘Handisi kuzokuuraya nomunondo.’

9 Asi zvino usamutora somunhu asina mhosva. Iwe uri murume ane uchenjeri, uchaziva zvokuita naye. Uburutsire musoro wake wachena, kuguva muropa.”

10 Ipapo Dhavhidhi akavata namadzibaba ake, akavigwa muGuta raDhavhidhi.

11 Akatonga Israeri kwamakore makumi mana, manomwe muHebhuroni namakumi matatu namatatu muJerusarema.

12 Naizvozvo Soromoni akagara pachigaro choushe chababa vake Dhavhidhi, ushe hwake hukasimbiswa.

Umambo hwaSoromoni hunosimbiswa

13 Zvino Adhoniya, mwanakomana waHagiti, akaenda kuna Bhatishebha, mai vaSoromoni.

Bhatishebha akamubvunza akati, “Ko, wauya norugare here?”

Iye akapindura akati, “Hongu, norugare.”

14 Ipapo akaenderera mberi akati, “Ndine zvimwe zvandinoda kutaura kwamuri.”

Iyewo akapindura akati, “Taura zvako.”

15 Iye akati, “Sezvamunoziva, umambo hwaiva hwangu. VaIsraeri vose vaitarisira kuti ndichatonga. Asi zvinhu zvakashanduka, umambo hukaenda kumunun’una wangu; nokuti hwakava hwake nokuda kwaJehovha.

16 Asi zvino ndinokumbira chinhu chimwe chete kwamuri, musandirambira.”

Iye akati kwaari, “Taura zvako.”

17 Saka akaenderera mberi akati, “Ndapota, kumbirai Mambo Soromoni, haambokurambirai, kuti andipe Abhishagi muShunami, ave mukadzi wangu.”

18 Bhatishebha akapindura akati, “Zvakanaka, ndichandosuma nyaya iyi kuna mambo.”

19 Naizvozvo Bhatishebha akaenda kuna Mambo Soromoni kundosuma nyaya yaAdhoniya. Mambo akasimuka akasangana naye, akakotamira mai vake, akagara pachigaro chake choushe. Akarayira kuti chigaro choushe chiunzirwe mai vamambo, ivo vakagara kurutivi rwake rworudyi.

20 Ipapo vakati, “Ndine chikumbiro chidiki kwauri. Usandirambira zvako.”

Mambo akapindura akati, “Kumbirai henyu, mai, handikurambiriyi.”

21 Ivo vakati, “Adhoniya mukoma wako, ngaapiwe Abhishagi muShunami, ave mukadzi wake.”

22 Mambo Soromoni akapindura mai vake akati, “Sei muchikumbirira Adhoniya, Abhishagi muShunami? Mungatomukumbirirawo umambo, zvaari mukoma wangu, mumukumbirire iye naAbhiatari muprista, naJoabhu mwanakomana waZeruya.”

23 Zvino Mambo Soromoni akapika naJehovha akati, “Mwari ngaandirange zvakaomarara kana Adhoniya akasaripa chikumbiro ichi noupenyu hwake!

24 Zvino kana Jehovha wangu ari mupenyu, uyo akandisimbisa zvakakwana pachigaro choushe chababa vangu Dhavhidhi, akandigadzirira umambo sezvaakavimbisa, Adhoniya achaurayiwa nhasi.”

25 Naizvozvo Mambo Soromoni akatuma Bhenaya mwanakomana waJehoyadha, iye akamuuraya.

26 Mambo akati kuna Abhiatari muprista, “Dzokera kuAnatoti, kunyika yako. Unofanira kufa. Asi handisi kuzokuuraya iye zvino, nokuti wakatakura areka yaJehovha Mwari pamberi pababa vangu Dhavhidhi ukatambudzika navo pamatambudziko avo ose.”

27 Naizvozvo Soromoni akabvisa Abhiatari pauprista hwaJehovha, akazadzisa shoko rakanga rataurwa naJehovha paShiro pamusoro peimba yaEri.

28 Zvino shoko iri rakati rasvika kuna Joabhu, uyo akanga aita rangano naAdhoniya asi kwete naAbhusaromu, iye akatizira kutende raJehovha akandobata nyanga dzearitari.

29 Mambo Soromoni akaudzwa kuti Joabhu akanga atizira kutende raJehovha uye kuti akanga ari paaritari. Ipapo Soromoni akarayira Bhenaya mwanakomana waJehoyadha akati, “Enda undomuuraya!”

30 Saka Bhenaya akapinda mutende raJehovha akati kuna Joabhu, “Zvanzi namambo, ‘Buda.’ ”

Asi iye akapindura akati, “Kwete, ndichafira pano.”

Bhenaya akandoti kuna mambo, “Aya ndiwo mapindurirwo andaitwa naJoabhu.”

31 Ipapo mambo akarayira Bhenaya akati, “Ita sezvaareva. Muuraye ugomuviga, naizvozvo undichenese pamwe chete neimba yababa vangu pamhosva yeropa rakateurwa naJoabhu rakanga risina mhosva.

32 Jehovha achadzorera ropa rake pamusoro wake, nokuti akauraya varume vaviri vakanga vakarurama kupfuura iye, vakanga vari nani pana iye, akavauraya nomunondo, baba vangu Dhavhidhi vasingazvizivi, Abhuna mwanakomana waNeri, mutungamiri wehondo yaIsraeri naAmasa mwanakomana waJeteri, mutungamiri wehondo yeJudha.

33 Ropa ravo ngaridzokere pamusoro waJoabhu, napamusoro pemhuri yake nokusingaperi. Asi rugare runobva kuna Jehovha ngaruve pana Dhavhidhi, naparudzi rwake, napaimba yake, napachigaro chake choushe nokusingaperi.”

34 Naizvozvo Bhenaya mwanakomana waJehoyadha akaenda akandouraya Joabhu, akavigwa muguva rake murenje.

35 Zvino mambo akagadza Bhenaya mwanakomana waJehoyadha somukuru wehondo panzvimbo yaJoabhu, uye akagadza Zadhoki somuprista panzvimbo yaAbhiatari.

36 Ipapo mambo akatuma munhu kuti andodana Shimei akati kwaari, “Zvivakire imba muJerusarema uye ugogaramo, asi usaenda kumwe kunhu.

37 Musi waunobvamo uchiyambuka Rukova rweKidhironi, ziva kuti uchafa; ropa rako richava pamusoro pako.”

38 Shimei akapindura mambo akati, “Zvamataura zvakanaka. Muranda wenyu achaita sezvataurwa naishe wangu mambo.” Naizvozvo Shimei akagara muJerusarema kwenguva yakareba.

39 Asi mushure mamakore matatu, varanda vaShimei vaviri vakatiza vakaenda kuna Akishi mwanakomana waMaaka, mambo weGati, Shimei akaudzwa kuti, “Varanda vako vari kuGati.”

40 Ipapo akasungira chigaro pambongoro yake akaenda kuna Akishi kuGati kundotsvaga varanda vake. Naizvozvo Shimei akaenda akandotora varanda vake kubva kuGati.

41 Soromoni akati audzwa kuti Shimei akanga abuda muJerusarema akaenda kuGati uye kuti akanga adzoka,

42 Mambo akadana Shimei akati kwaari, “Handina here kukupikisa naJehovha ndikakuyambira ndichiti, ‘Nomusi wauchabva uchienda kumwe, ziva kuti uchafa.’ Panguva iyoyo wakati kwandiri, ‘Zvamataura zvakanaka. Ndichateerera.’

43 Zvino sei usina kuchengeta mhiko yako kuna Jehovha nokutevera mutemo wandakakupa?”

44 Mambo akatiwo kuna Shimei, “Mumwoyo mako unoziva zvose zvawakatadzira baba vangu Dhavhidhi. Zvino Jehovha achadzosera kuipa kwako pamusoro pako.

45 Asi Mambo Soromoni acharopafadzwa, uye chigaro choushe chaDhavhidhi chichasimbiswa pamberi paJehovha nokusingaperi.”

46 Ipapo mambo akarayira Bhenaya mwanakomana waJehoyadha, iye akaenda akandouraya Shimei.

Naizvozvo umambo hwakasimbiswa muruoko rwaSoromoni.

1 Madzimambo 3

Soromoni anokumbira Uchenjeri

1 Soromoni akaita ukama naFaro, mambo weIjipiti akawana mwanasikana wake. Akauya naye kuGuta raDhavhidhi kusvikira apedza kuvaka muzinda wake netemberi yaJehovha, norusvingo runopoteredza Jerusarema.

2 Asi, vanhu vakanga vachibayira zvibayiro panzvimbo dzakakwirira nokuti hapana temberi yakanga yati yavakirwa zita raJehovha.

3 Soromoni akada Jehovha akafamba nomumitemo yababa vake Dhavhidhi, asi akabayira nokupisa zvinonhuwira panzvimbo dzakakwirira.

4 Zvino mambo akaenda kuGibheoni kundobayira, nokuti ndiyo yaiva nzvimbo yakakwirira huru, Soromoni akabayira zvipiriso zvinopiswa zvinokwana chiuru paaritari.

5 PaGibheoni Jehovha akazviratidza kuna Soromoni usiku muchiroto, Mwari akati, “Kumbira chipi nechipi chaunoda kuti ndikupe.”

6 Soromoni akapindura akati, “Makaratidza muranda wenyu, baba vangu Dhavhidhi, tsitsi, huru nokuti akanga akavimbika kwamuri uye akarurama uye akachena mumwoyo. Muchiri kumuratidza unyoro hwenyu hukuru uye mamupa mwanakomana kuti agare pachigaro chake chokutonga iye nhasi.

7 “Zvino, Jehovha Mwari wangu, makaita muranda wenyu mambo panzvimbo yababa vangu Dhavhidhi. Asi ini ndinongova hangu mwana mudiki uye handizivi mashandiro andingaita mabasa angu.

8 Muranda wenyu ari pakati pavanhu venyu vamakasarudza, vanhu vazhinji kwazvo, vasingagoni kuverengwa nokuwanda kwavo.

9 Naizvozvo ipai muranda wenyu mwoyo unonzwisisa kuti atonge vanhu venyu, kuti ndikwanise kuziva zvakanaka nezvakaipa; nokuti ndiani angagone kutonga vanhu venyu vakawanda kudai?”

10 Jehovha akafara nokuti Soromoni akanga akumbira chinhu ichi.

11 Naizvozvo Jehovha akati kwaari, “Sezvo wakumbira chinhu ichi ukasazvikumbirira upenyu hurefu kana upfumi, ukasakumbira kuti vavengi vako vaurayiwe, asi wakumbira kunzwisisa pakutonga zvakarurama,

12 ndichaita zvawakumbira. Ndichakupa mwoyo wakachenjera unonzwisisa, zvokuti hakuna kumbova nomumwe akafanana newe uye hakuchazova nomumwe akafanana newe mushure mako.

13 Pamusoro pezvo, ndichakupawo zvausina kukumbira, zvose upfumi nokukudzwa, zvokuti muupenyu hwako hapana mumwe anozoenzana newe pakati pamadzimambo.

14 Kana ukafamba munzira dzangu nokuteerera mitemo yangu nemirayiro yangu sezvakaita Dhavhidhi baba vako, ndichakupa upenyu hurefu.”

15 Ipapo Soromoni akamuka, akabva aziva kuti kwakanga kuri kurota.

Akadzokera kuJerusarema, akamira pamberi peareka yesungano yaJehovha akabayira zvipiriso zvinopiswa, akabayirawo zvipiriso zvokuyananisa. Ipapo akaitira varanda vake vose mutambo.

Soromoni anotonga noUchenjeri

16 Zvino vakadzi vaviri vaiva zvifeve vakauya kuna mambo vakamira pamberi pake.

17 Mumwe wavo akati, “Ishe wangu, mukadzi uyu neni tinogara muimba imwe chete. Ini ndakapona mwana iye aripowo.

18 Zvino nezuva rechitatu mushure mokuberekwa kwomwana wangu, mukadzi uyu akaponawo mwana. Takanga tiri toga; hapana mumwe munhu akanga ari mumba kunze kwedu isu vaviri.

19 “Usiku ihwohwo mwana womukadzi uyu akafa, nokuti akavata pamusoro pake.

20 Saka akamuka pakati pousiku akatora mwanakomana wangu kubva parutivi pangu, ini muranda wenyu ndivete. Akamuisa pachipfuva chake akaisa mwanakomana wake akafa pachipfuva changu.

21 Pandakamuka mangwanani kuti ndiyamwise mwanakomana wangu ndakaona kuti akanga afa; asi pandakazotarisisa mangwanani, ndakaona zviri pachena kuti haasiriye mwanakomana wandakanga ndapona.”

22 Asi mukadzi mumwe uya akati, “Kwete, mwanakomana mupenyu ndowangu, mwanakomana akafa ndowako.”

Asi wokutanga akaramba akati, “Kwete, akafa ndowako; mupenyu ndiye wangu.” Naizvozvo vakaitirana nharo pamberi pamambo.

23 Ipapo mambo akati, “Mumwe anoti, ‘Mwanakomana wangu ndiye mupenyu, uye mwanakomana wako ndiye akafa,’ mumwewo achiti, ‘Kwete! Mwanakomana wako ndiye akafa, uye mwanakomana wangu ndiye mupenyu.’ ”

24 Ipapo mambo akati, “Nditorerei munondo.” Naizvozvo vakauya nomunondo kuna mambo.

25 Iye akati, “Chekai mwana mupenyu napakati mugopa hafu kuno mumwe uye imwe hafu kuno mumwe.”

26 Mukadzi aiva nomwana mupenyu akanzwira mwanakomana wake tsitsi akati kuna mambo, “Ndapota ishe wangu, mupei zvenyu mwana ari mupenyu! Musamuuraya!”

Asi mumwe wacho akati, “Iwe neni hapana ari kuzomuwana. Muchekei napakati!”

27 Ipapo mambo akapa mutongo wake akati, “Ipai mwana mupenyu kumukadzi wokutanga. Musamuuraya; ndiye mai vake.”

28 VaIsraeri vose vakati vanzwa matongero akanga aita mambo, vakatya mambo, nokuti vakaona kuti uchenjeri hwaibva kuna Mwari hwaiva maari, kuti atonge zvakarurama.

1 Madzimambo 4

Machinda aSoromoni

1 Saka Mambo Soromoni akanga ari mambo weIsraeri yose.

2 Ava ndivo vaiva machinda ake:

Azaria mwanakomana waZadhoki aiva muprista;

3 Erihorefi naAhija, vanakomana vaShisha vaiva vanyori; Jehoshafati mwanakomana waAhirudhi aiva munyori wenhoroondo dzenyika;

4 Bhenaya mwanakomana waJehoyadha aiva mutungamiri wamauto;

Zadhoki naAbhiatari vaiva vaprista;

5 Azaria mwanakomana waNatani aiva mukuru wavatariri;

Zabhudhi mwanakomana waNatani aiva muprista neshamwari yamambo;

6 Ahishari aiva mutariri womuzinda wamambo;

Adhoniramu, mwanakomana waAbhudha aiva mutariri wechibharo.

7 Soromoni aivawo namachinda gumi navaviri veIsraeri yose vaitsvakira mambo neimba yake zvokudya. Mumwe nomumwe aifanira kutsvaka zvokudya zvomwedzi mumwe chete pagore.

8 Mazita avo aiti:

Bhenihuri, munyika yamakomo yaEfuremu;

9 Bhenidhekeri munyika yeMakazi, Shaaribhimu, Bheti Shemeshi neEroni Bhetihanani;

10 Bhenihesedhi muArubhoti (Soko nenyika yose yeHeferi dzaiva dzake).

11 Bheniabhinadhabhi, munyika yeNafoti Dhori (aiva awana mwanasikana waSoromoni);

12 Bhaana, mwanakomana waAhirudhi munyika yeTaanaki, Megidho nenyika yose yeBhetisheani iyo iri parutivi peZaretani, zasi kweJezireeri, kubva kuBhetisheani kusvika kuAbherimehora mhiri kweJokomeami;

13 Bheni-gebheri munyika yeRamoti Gireadhi (misha yaJairi, mwanakomana waManase munyika yeGireadhi yaiva yake, pamwe chete nedunhu reArigobhi munyika yeBhashani namaguta aro makuru makumi matanhatu aiva namasvingo ane masuo endarira);

14 Ahinadhabhi mwanakomana waIdho, munyika yeMahanaimi;

15 Ahimaazi, munyika yaNafutari (akanga awana Bhasemati mwanasikana waSoromoni);

16 Bhaana mwanakomana waHushai, munyika yaAsheri neAroti;

17 Jehoshafati mwanakomana waParua, munyika yaIsakari;

18 Shimei mwanakomana waEra, munyika yaBhenjamini;

19 Geheri mwanakomana waUri, munyika yeGireadhi (nyika yaSihoni mambo wavaAmori nenyika yaOgi mambo weBhashani). Ndiye aiva mubati oga mudunhu iri.

Migove yezuva nezuva yaSoromoni

20 Vanhu veJudha neIsraeri vakanga vakawanda sejecha ramahombekombe egungwa; vakadya, vakanwa uye vakafara.

21 Soromoni akanga ari mambo munyika dzose dzaibva kuYufuratesi kusvikira kunyika yavaFiristia, nokumuganhuwo weIjipiti. Nyika idzi dzakauya nomutero uye vakashandira Soromoni mazuva ose oupenyu hwake.

22 Zvokudya zvomuzinda waSoromoni zvezuva nezuva zvaiva zviyero makumi matatua zvefurawa yakatsetseka nezviyero makumi matanhatub zvoupfu,

23 mombe gumi dzakakodzwa, nemombe makumi maviri dzokumafuro, makwai zana, pasingaverengerwi nondo, mhara, mhembwe nehuku dzakakodzwa.

24 Nokuti aitonga nyika dzose dziri kumadokero kwerwizi rweYufuratesi kubva kuTifisa kusvikira kuGaza, uye akava norugare kumativi ose.

25 Pamazuva oupenyu hwaSoromoni vaJudha navaIsraeri vaigara zvakanaka, kubvira kuDhani kusvikira kuBheerishebha, mumwe nomumwe pasi pomuti wake wamazambiringa nowamaonde.

26 Soromoni aivawo nezvidyiro zvamabhiza engoro dzake zviuru makumi mana navatasvi vamabhiza zviuru gumi nezviviri.

27 Vatariri vakatsvakira Mambo Soromoni navose vaiuya kuzodya naMambo Soromoni patafura yake zvokudya, mumwe nomumwe mumwedzi wake. Vakaona kuti hapana chaishayikwa.

28 Vakauyawo nebhari nouswa hwamabhiza engoro namamwewo mabhiza kunzvimbo dzezvaidiwa, mumwe nomumwe zvaakatarirwa.

Mukurumbira woUchenjeri hwaSoromoni

29 Mwari akapa Soromoni uchenjeri, nokunzwisisa kukuru sejecha rapamahombekombe egungwa.

30 Uchenjeri hwaSoromoni hwakanga hwakapfuura uchenjeri hwavanhu vose vokumabvazuva, nouchenjeri hwose hwokuIjipiti.

31 Akanga akachenjera kupfuura vamwe vose; akachenjera kupfuura Etani muEzirahi, Hemani, Karikori, naDharidha, vanakomana vaMahori. Mukurumbira wake wakapararira kunyika dzose dzakapoteredza.

32 Akataura zvirevo zviuru zvitatu, uye dzimbo dzake dzaikwana chiuru neshanu.

33 Akatsanangura makuriro emiti, kubvira kumusidhari weRebhanoni kusvikira kumihisopi inokura mumadziro. Akadzidzisawo pamusoro pemhuka, shiri, zvinokambaira nehove.

34 Vanhu vakauya vachibva kunyika dzose kuti vazonzwa uchenjeri hwaSoromoni; vakauya vachitumwa namadzimambo ose enyika akanga anzwa nezvouchenjeri hwake.