Mapisarema 1

1 Akaropafadzwa munhu asingafambi panorangana vakaipa, asingamiri panzira yavatadzi, asingagari pachigaro chavadadi.

2 Asi anofarira murayiro waJehovha, uye anofungisisa murayiro wake masikati nousiku.

3 Akafanana nomuti wakasimwa pahova dzemvura, unobereka michero yawo nenguva yawo, uye mashizha awo haasvavi. Chinhu chipi nechipi chaanoita chinoendeka.

4 Vakaipa havana kudaro! Vakafanana nehundi inopepereswa nemhepo.

5 Naizvozvo vakaipa havangamiri pakutongwa, kana vatadzi paungano yavakarurama.

6 Nokuti Jehovha anotarira nzira yavakarurama, asi nzira yavakaipa ichaparadzwa.

Leave a comment

Your email address will not be published. Required fields are marked *

11 + fourteen =