Mapisarema 2

1 Ndudzi dzinoitireiko bope? Uye vanhu vanorangarireiko zvisina maturo?

2 Madzimambo enyika azvigadzirira uye vabati vanoungana pamwe chete kuti vazorwa naJehovha, uye kuti vazorwisa Muzodziwa Wake.

3 Vanoti, “Ngatidamburei ngetani dzavo, tigorasha mabote avo.”

4 Iye agere pachigaro choushe chokudenga anoseka; Ishe anovadadira.

5 Ipapo anovatuka mukutsamwa kwake uye anovavhundutsa muhasha dzake, achiti,

6 “Ndakagadza Mambo wangu paZioni, gomo rangu dzvene.”

7 Ndichaparidza chirevo chaJehovha, ndichiti: Iye akati kwandiri, “Ndiwe Mwanakomana wangu; nhasi ndava Baba vako.

8 Kumbira kwandiri, uye ndichaita kuti ndudzi dzive nhaka yako, migumo yenyika ive yako.

9 Uchavatonga netsvimbo yesimbi; uchavaputsa kuita zvimedu zvimedu sehari.”

10 Naizvozvo, imi madzimambo, ngwarai; munyeverwe, imi vabati venyika.

11 Shumirai Jehovha nokutya, uye mufare nokudedera.

12 Tsvodai Mwanakomana, kuti arege kutsamwa mukazoparadzwa munzira yenyu, nokuti hasha dzake dzingakurumidza kumuka. Vakaropafadzwa vose vanovanda maari.

Leave a comment

Your email address will not be published. Required fields are marked *

seven − two =