Mapisarema 137

1 Panzizi dzeBhabhironi takagarapo tikachema, patakarangarira Zioni.

2 Pamikonachando apo ndipo patakaturika mbira dzedu,

3 nokuti ipapo avo vakatitapa vakatikumbira nziyo, vatambudzi vedu vakatigombedzera kuti tiimbe nziyo dzomufaro, vakati, “Tiimbirei rumwe rwiyo rweZioni!”

4 Tingaimba seiko nziyo dzaJehovha tiri munyika yokumwe?

5 Kana ndikakukanganwa, iwe Jerusarema, ruoko rwangu rworudyi ngarukanganwe umhizha hwarwo.

6 Rurimi rwangu ngarunamatire kumusoro kwomuromo wangu, kana ndikasakurangarira iwe, kana ndisingafungi Jerusarema, iwo mufaro wangu wapamusoro-soro.

7 Haiwa Jehovha, rangarirai henyu zvakaitwa navaEdhomu, pazuva rakawa Jerusarema. Vakati, “Rikoromorei! Rikoromorei kusvikira panheyo dzaro!”

8 Haiwa Mwanasikana weBhabhironi, watongerwa kuparadzwa, achafara munhu uyo achatsiva kwauri zvawakaita kwatiri,

9 iye achatora pwere dzako agodzirovera pamatombo.

Leave a comment

Your email address will not be published. Required fields are marked *

3 × four =