Mapisarema 138

Pisarema raDhavhidhi.

1 Ndichakurumbidzai, imi Jehovha, nomwoyo wangu wose; ndichaimba nziyo dzokukurumbidzai pamberi pa“vamwari.”

2 Ndichakotamira pasi ndakatarisa kutemberi yenyu tsvene, uye ndicharumbidza zita renyu nokuda kworudo rwenyu nokutendeka kwenyu, nokuti makakudza zita renyu neshoko renyu pamusoro pezvinhu zvose.

3 Pandakadana, imi makandipindura; makandishingisa nomwoyo wakasimba.

4 Madzimambo ose enyika ngaakurumbidzei, imi Jehovha, pavanonzwa mashoko omuromo wenyu.

5 Ngavaimbe pamusoro penzira dzaJehovha, nokuti kubwinya kwaJehovha kukuru.

6 Kunyange Jehovha ari kumusoro, anoona vanozvininipisa, asi vanozvikudza anovaziva vari kure.

7 Kunyange ndikafamba pakati penhamo, munochengetedza upenyu hwangu; munotambanudza ruoko rwenyu pamusoro pehasha dzavavengi vangu, munondiponesa noruoko rwenyu rworudyi.

8 Jehovha achazadzisa zvirongwa zvake neni; rudo rwenyu, imi Jehovha, runogara nokusingaperi, musasiya mabasa amaoko enyu.

Leave a comment

Your email address will not be published. Required fields are marked *

five × three =