Mapisarema 145

Pisarema rokurumbidza, raDhavhidhi.

1 Ndichakukudzai, Mwari wangu Mambo; ndicharumbidza zita renyu nokusingaperi-peri.

2 Ndichakurumbidzai mazuva ose, uye ndichakudza zita renyu nokusingaperiperi.

3 Jehovha mukuru uye akafanira kurumbidzwa; ukuru hwake hahunganzverwi nomunhu.

4 Rumwe rudzi rucharumbidza mabasa enyu kuno rumwe; vachareva zvamabasa enyu esimba.

5 Vachataura nezvokunaka kwokubwinya kwoumambo hwenyu, uye ndichafungisisa pamusoro pemabasa enyu anoshamisa.

6 Vanhu vachataura nezvesimba ramabasa enyu anotyisa, uye ndichaparidza mabasa enyu makuru.

7 Vachapemberera kuwanda kwokunaka kwenyu, uye vachaimba nomufaro pamusoro pokururama kwenyu.

8 Jehovha ane nyasha uye ane tsitsi, anononoka kutsamwa uye azere norudo.

9 Jehovha akanaka kuna vose; uye ane nyasha pamusoro pezvose zvaakaita.

10 Zvose zvamakaita zvichakurumbidzai, imi Jehovha; vatsvene venyu vachakukudzai.

11 Vachataura nezvokubwinya kwoumambo hwenyu, uye vachataura nezvesimba renyu,

12 kuitira kuti vanhu vose vazive nezvamabasa enyu makuru, nokunaka kwokubwinya kwoumambo hwenyu.

13 Umambo hwenyu umambo hwokusingaperi, uye ushe hwenyu hunogara kusvikira kumarudzi ose. Jehovha akatendeka pavimbiso dzake dzose, uye ane rudo kuzvinhu zvose zvaakaita.

14 Jehovha anotsigira vose vanowa, uye anosimudza vose vakakotamiswa pasi.

15 Meso avose anotarira kwamuri, uye munovapa zvokudya zvavo nenguva yakafanira.

16 Munozarura ruoko rwenyu, uye munogutsa zvisikwa zvipenyu zvose nezvazvinoda.

17 Jehovha akarurama panzira dzake dzose, uye ane rudo kuzvinhu zvose zvaakaita.

18 Jehovha ari pedyo navose vanodana kwaari, kuna vose vanodana kwaari muchokwadi.

19 Anozadzisa zvido zvaavo vanomutya; anonzwa kuchema kwavo uye anovaponesa.

20 Jehovha anochengeta vose vanomuda, asi achaparadza vakaipa vose.

21 Muromo wangu uchataura kurumbidzwa kwaJehovha. Zvisikwa zvose ngazvirumbidze zita rake dzvene nokusingaperi-peri.

Leave a comment

Your email address will not be published. Required fields are marked *

3 × 4 =